Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Haungagoni Kuichengeta Saka Ishandise Zvakanaka

Haungagoni Kuichengeta Saka Ishandise Zvakanaka

Haungagoni Kuichengeta Saka Ishandise Zvakanaka

NGUVA imari. Aya mashoko anotaurwa kakawanda. Kutaura zvazviri, nguva yakasiyana chaizvo nemari kana kuti nezvimwewo zvinhu. Haungachengeti nguva kuti uzoishandisa sezvaungaita mari, zvokudya, peturu, kana kuti zvimwewo zvinhu zvakawanda-wanda. Hazvibatsiri kuedza kuchengeta nguva nokurega kuishandisa. Chii chinoitika kana ukarara kwemaawa masere woedza kuchengeta mamwe maawa ose asara usina chauri kuita? Panopera zuva racho, maawa aunenge usina kushandisa anenge atonyangarika zvachose.

Nguva ingaenzaniswa nemapopoma orwizi rukuru. Anoramba achingodzika. Haugoni kuamisa, uyewo haugoni kushandisa donhwe roga roga rinenge richiyerera. Mazana emakore akapfuura, vanhu vakatanga kugadzira mavhiri aitenderedzwa nemvura pamahombekombe enzizi. Mavhiri aya aizotenderedzawo huyo dzavo, michina yokucheka mapuranga, pombi, uye sando. Saizvozvowo, unogona kushandisa nguva kuita basa rakanaka, asi haugoni kuichengeta. Zvisinei, kuti uite izvozvo, unofanira kurwisana nezvinhu zviviri zvinonyanya kutidyira nguva—kuverengera uye chimwe chinhu chakada kufanana nako, kuva nezvinhu zvakangoti bvururu. Ngatimbotangai takurukura nyaya yokuverengera.

Rega Kuverengera

Mashoko anowanzotaurwa anoti, Usamboverengera uchiti ndozoita mangwana chinhu chaunogona kuita nhasi. Kunyange zvakadaro, vamwe vanhu vanoda kuchinja mashoko aya vachiti, Usati ndozoita mangwana chinhu chaunogona kuzoita vhiki inouya. Pavanotarisana nebasa rakaoma, vanowana pokunzvenga napo nokuverengera. Maererano nerimwe duramazwi, “kana munhu achiverengera kuita chimwe chinhu, anenge achingoti achati ochiita kusvika nguva yapera.” Kumunhu anoverengera, anenge atojaira kuti ndichazoti ndoita. Zvinhu zvacho pazvinenge zvava kuda kuitwa, anozvifadza nokuverengera kuzviita onakidzwa nenguva yaanoona sokuti “inguva yakasununguka”—kusvikira zvinhu zviya zvava kuda kuitwazve.

Dzimwe nguva, miviri yedu nepfungwa dzedu zvingada kuti tiverengere rimwe basa redu kana kutoti rose zvaro. Kuwedzera pane izvozvo, munhu wose anoda kumbozororawo pane zvaanoita zuva nezuva. Kunyange Mwanakomana waMwari aidawo kuzorora. Jesu aishingaira chaizvo muushumiri hwake, asi iye nevadzidzi vake vaivawo nenguva yokuzorora. (Mako 6:31, 32) Kuzorora kwakadaro kunobatsira. Zvisinei, kuverengera inyaya yakasiyana; kazhinji kunokuvadza. Imbofunga nezvomumwe muenzaniso.

Mudzidzi wechiduku ane vhiki nhatu dzokuti agadzirire bvunzo yemasvomhu. Pane zvaakanyora zvakawanda uye mabhuku zvaanofanira kudzokorora. Anoziva kuti anofanira kuzviita. Anozvinyengera nokuverengera, uye anobatwa nomusungo wacho. Pane kuti averenge, anoona hake terevhizheni. Zuva nezuva, haaiti zvaanofanira kuita kuti apase bvunzo yacho. Zvadaro, manheru omusi waanoti achanonyora bvunzo mangwana, anotofanira kuverenga zvose panguva imwe chete. Anogara padhesiki pake, otanga kuverenga zvaakanyora uye mabhuku ake.

Anopedza maawa akawanda achiverenga. Vamwe vomumhuri pavanenge vakarara, anozvimanikidza kuti amhanye-mhanye kuitira kuti abate nomusoro maequation, macosine uye masquare root. Ava kuchikoro zuva rinotevera racho, anotambura nemibvunzo iyo pfungwa dzake dzakaneta dzisina kugadzirira kupindura. Anowana mamakisi mashoma, uye anofoira bvunzo yacho. Anofanira kuverengazve uye angasabvumirwa kuenda kugiredhi rinotevera.

Kuverengera kwakakanganisa mudzidzi uyu chaizvo. Asi pane pfungwa iri muBhaibheri inogona kubatsira vanhu kuti vasapinde mumamiriro ezvinhu akaita seomudzidzi uyu. “Rambai muchinyatsochenjerera kuti kufamba kwamunoita kurege kuita sezvinoita vanhu vasina kuchenjera asi sezvinoita vakachenjera, muchizvitengera nguva yakakodzera,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (VaEfeso 5:15, 16) Pauro akanga ari kurayira vaKristu kuti vashandise nguva yavo nokuchenjera pakutarisira zvinhu zvokunamata, asi pfungwa yacho inogona kubatsira muzvinhu zvakawanda zvinokosha muupenyu. Sezvo kazhinji tichigona kusarudza kuti toita basa panguva ipi, tichawana migumisiro iri nani uye tichakurumidza kuita basa racho kana tikasarudza kutanga panguva “yakakodzera” zvikuru. Izvi ndizvo zvinoitwa ne“vakachenjera,” sezvinoratidzwa norugwaro urwu.

Ndeipi yaizova “nguva yakakodzera” yokuti mudzidzi uya averenge nokuda kwebvunzo yake yemasvomhu? Zvichida manheru oga oga kwemaminitsi anenge 15 kana kupfuura, aigona kudzokorora mashoko acho zvishoma nezvishoma. Nenzira iyoyo, aisazofanira kuverenga zvakawandisa manheru acho, panguva yaaifanira kunge akarara. Pazuva rebvunzo yacho, aizenge akazorora uye akanyatsogadzirira, uye aizokwanisa kuwana mamakisi akanaka.

Naizvozvo paunonzi uite chimwe chinhu, sarudza “nguva yakakodzera” yokuchiita, uye chiite. Ukadaro hauzobatwi nomusungo wokuverengera nemigumisiro yawo. Uchagutsikanawo nebasa rinenge rakaitwa nomazvo. Izvi zvinonyanya kukosha kana basa racho riine chokuita nevamwe vanhu, sezvinowanzoita mabasa omuungano yechiKristu.

Rongedza Zvinhu Zvakangoti Bvururu

Sezvambotaurwa, chinhu chechipiri pakushandisa nguva yedu inokosha ndechokusangosiya zvinhu zvakati bvururu. Tinoziva kuti zvinoda nguva kugadzirisa zvinhu, kuzvirongedza, kuzvishandisa, kuzvichenesa, kuzvichengeta, kuzvitarisira. Kana zvinhu zvakawanda zvinodawo nguva yakawanda. Kushanda mukamuri kana kuti imba yakazarisa kunodya nguva uye kunogumbura kupfuura kushanda muimba isina kuzara zvinhu uye yakarongedzeka. Uyezve, kana ukaramba uchingounganidza zvinhu, nguva inodiwa kuti uwane chinhu chaunoda inowedzerawo.

Nyanzvi dzokuchenesa dzimba dzinoti panguva inodiwa kuchenesa dzimba, inenge hafu inopedzerwa pa“kurongedza, kutsvaka pokupinda napo, uye kubvisa marara nezvinhu zvinenge zviri pose pose.” Zvakada kufanana nezvinoitika mune zvimwewo zvinhu muupenyu. Saka kana uchida kushandisa zvakanaka nguva yako, tarisisa zvaunazvo. Zvinhu zvinenge zviri pose pose zviri kukudyira nzvimbo here, zviri kukutadzisa kufamba wakasununguka here, uye kupfuura zvose, zviri kukupedzera nguva here? Kana zvakadaro, zvirongedze.

Kurongedza zvinhu kungasava nyore. Kurasa zvinhu zvatinoda asi zvatisingachashandisi kungave kuchirwadza—zvakada kuita sokurasikirwa neshamwari yakanaka. Saka ungasarudza sei kuti wochengeta here kana kurasa chimwe chinhu? Vamwe vanoti: Kana usina kushandisa chinhu kwegore rose, chirase. Zvakadini kana usingadi kuchirasa panopera gore? Chichengetere pane imwe nzvimbo kwemimwe mwedzi mitanhatu. Paunochionazve woziva kuti kwapera gore nehafu usati wachishandisa, zvingava nyore kurasa chinhu ichocho. Chero zvazviri, chinangwa chacho ndechokuita kuti uve nezvinhu zvishoma—ushandise nguva yako zvakanaka.

Mudzimba kana kuti kumabasa hakusi iko chete kwatinowana zvinhu zviri pose pose. Jesu akataura nezvo“kuzvidya mwoyo nezvinhu zvomumamiriro ezvinhu epanguva ino nesimba rinonyengera repfuma,” izvo zvinga“vhunga shoko” raMwari zvoita kuti munhu ‘asabereke zvibereko’ zvine chokuita nemashoko akanaka. (Mateu 13:22) Upenyu hwomunhu hungazara nezvinhu zvakawanda chaizvo nezvaanovavarira kuita zvokuti anoona zvakaoma kuwana nguva inodiwa yokuramba aine muitiro wakanaka pakunamata uye ari pakati nepakati. Zvinoguma zvaitika ndezvokuti zvingakanganisa kunamata kwake opedzisira atadza zvachose kupinda munyika itsva yaMwari yakapikirwa, muchava nenguva isingaperi yokuita zvinhu zvinogutsa uye zvinofadza.—Isaya 65:17-24; 2 Petro 3:13.

Unogara uchingochinja-chinja purogiramu yako kuti uwane nguva yokuita zvinhu zvaunofunga kuti unofanira kuita here—zvingava nechokuita nebasa rako, musha, motokari, zvaunofarira, nzendo, kurovedza muviri, zvinhu zvinovaraidza, kana kuti zvimwe zvinhu zvakawanda zvaunofarira? Kana zvakadaro, zvichida inguva yokuti ufunge kuti ungasiyana sei nezvimwe zvinhu zvisina basa, kuti uwane nguva yokuita zvokunamata.

Chimwe chirevo chakajairika ndechokuti, Nguva nemhepo hazvimiriri munhu. Zvechokwadi, nguva inofamba sezvinoita rukova runoyerera zvinyoro-nyoro. Haigoni kudzoswa kana kuti kuchengetwa; kana yaenda, yaenda zvachose. Zvisinei, kana tikaita zvinhu zviri nyore zvinotaurwa muBhaibheri uye tikaita nhanho shomanana dzinobatsira, tinogona kubata nguva yatinoda kuti titarisire “zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe” zvichatibatsira nokusingagumi uye “kuti Mwari akudzwe uye arumbidzwe.”—VaFiripi 1:10, 11.

[Mufananidzo uri papeji 8, 9]

Nguva, sezvinoita mapopoma, inogona kushandiswa kuita basa rakanaka

[Mufananidzo uri papeji 9]

Ndeipi “nguva yakakodzera” kuti averenge nokuda kwebvunzo yake?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kushandira munzvimbo ine zvinhu zvakangoti bvururu kunodya nguva uye kunogumbura