Hembe Yakagadzirwa Nemvere Dzakaomarara Dzemhuka Uye Zvinhu Zvokunamata
Hembe Yakagadzirwa Nemvere Dzakaomarara Dzemhuka Uye Zvinhu Zvokunamata
MAMBO LOUIS IX wokuFrance aipfeka hembe yakagadzirwa nemvere dzakaomarara dzemhuka. Paaidzidzira zvomutemo achiri muduku, Sir Thomas More aisarara kwemaawa 19 kana 20 pazuva kwemwedzi inoverengeka achibatsirwa nehembe yake. Zvechokwadi, More aizivikanwa nokupfeka hembe iyoyo kwohunenge upenyu hwake hwose. Uye Thomas Becket, Bhishopu Mukuru weCanterbury, paakapondwa muCathedral yeCanterbury, pane imwe hembe yakawanikwa pasi pembatya dzake zvisingatarisirwi. Zvii zvakafanana zvaiitwa nevanhu ava vekare? Vairwadzisa nyama yavo nokupfeka hembe yacho.
Hembe iyi yaiva hembe yakaomarara yaigadzirwa nemvere dzembudzi yaipfekwa pamuviri kuitira kuti irwadzise ganda uye kuswinya ganda, zvichiita kuti munhu asambogadzikana. Zvaiva nyore kuti inda dzigare mairi. Thomas Becket anonzi aipfeka hembe yake, pamwe chete nebhurukwa romukati raigadzirwawo nemvere kusvikira “zvazara nenda.” Pashure pezana remakore rechi16, dzimwe nguva mvere dzembudzi dzaitsiviwa newaya yakapfava yaiva neminzwa yakapinza yaibaya muviri. Kugadzira hembe nenzira iyi kwaiita kuti ainge akaipfeka atorwadziwa zvakanyanya.
Maererano nerimwe duramazwi, chinangwa chehembe dzakadai, sezvakangoita mamwe maitiro okuzvirwadzisa, chaiva “chokudzora zvishuvo zvenyama zvokutadza uye kukurudzira kuva nemaonero okufarira zvokunamata uye mararamiro anofadza Mwari.” Hembe idzi dzaisangopfekwa nevanhu vaizviomesera chete; asi vanhuwo zvavo, kusanganisira vaya vaiva nezvinzvimbo zvepamusoro, vaizivikanwa kuti vaipfekawo hembe dzakadaro. Nanhasi zvimwe zvitendero zvichiri kuomerera patsika yokupfeka hembe dzakadaro.
Kupfeka hembe yakagadzirwa nemvere kana kuti kutsungirira kuzvinyima zvinhu zvenyama kunoita kuti munhu asimbe pakunamata here? Aiwa, kuva munhu akasimba pakunamata hakubvi patsika dzakadaro. Kutaura zvazviri, muapostora Pauro akashora “kutambudza muviri kwazvo.” (VaKorose 2:23) * Asi kunamata kwechokwadi kunobva pakutsvaka zivo yaMwari kuburikidza nokushingaira kudzidza Shoko rake uye kushandisa zivo iyoyo muupenyu hwako.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 5 Kana uchida mamwe mashoko enyaya iyi, ona Mukai! yaOctober 8, 1997 inoti, “Murangariro weBhaibheri: Kuzvinyima Ndiyo Kiyi Youchenjeri Here?”
[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 32]
King Louis IX, pamusoro: Kubva mubhuku rinonzi Great Men and Famous Women; Thomas Becket, pakati: Kubva mubhuku rinonzi Ridpath’s History of the World (Vol. IV); Thomas More, pazasi: Kubva mubhuku rinonzi Heroes of the Reformation, 1904