Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Itya Jehovha—Ufare!

Itya Jehovha—Ufare!

Itya Jehovha—Ufare!

“Anofara munhu anotya Jehovha.”—PISAREMA 112:1.

1, 2. Chii chingaunzwa nokutya Jehovha?

MUFARO hausi nyore kuwana. Mufaro chaiwo unobva pakuita zvisarudzo zvakarurama, kuita zvinhu zvakanaka, uye kurega zvakaipa. Jehovha, Muiti wedu, akatipa Shoko rake, Bhaibheri, kuti ritidzidzise kuti tingararama sei zvakanakisisa. Kana tikatsvaka uye tikatevera zvinotaurwa naJehovha, tichiratidza kuti tinotya Mwari, tinogona kugutsikana uye kufara zvechokwadi.—Pisarema 23:1; Zvirevo 14:26.

2 Munyaya ino, tichakurukura mienzaniso yomuBhaibheri uye yemazuva ano inoratidza kuti kutya Mwari zvechokwadi kunopa sei munhu simba rokuramba kufurirwa kuita zvakaipa uye ushingi hwokuita zvakarurama. Tichaona kuti kutya Mwari kungaita kuti tifare nokuita kuti tigadzirise nzira yakaipa, sezvaifanira kuitwa naMambo Dhavhidhi. Tichaonawo kuti kutya Jehovha zvechokwadi inhaka inokosha iyo vabereki vanogona kupawo vana vavo. Zvechokwadi, Shoko raMwari rinotivimbisa kuti: “Anofara munhu anotya Jehovha.”—Pisarema 112:1.

Kuwanazve Mufaro

3. Chii chakabatsira Dhavhidhi kuti apfidze zvivi zvake?

3 Sezvakakurukurwa munyaya yakapfuura, katatu Dhavhidhi akakundikana kuratidza kutya Mwari kwakakodzera uye akatadza. Zvisinei, zvaaiita paairangwa naJehovha zvairatidza kuti pasinei nokutadza kwake aiva munhu aitya Mwari. Kukudza kwake Mwari nokumuremekedza kwaaiita kwakaita kuti abvume mhosva yake, agadzirise nzira yake, uye atangezve kuva noukama hwakanaka naJehovha. Kunyange zvazvo kukanganisa kwake kwakaita kuti atambure iye nevamwe, kupfidza kwake kwomwoyo wose kwakaita kuti arambe achitsigirwa uye achikomborerwa naJehovha. Muenzaniso waDhavhidhi zvechokwadi ungaita kuti mazuva ano vaKristu vangave vakaita chivi chakakomba vave noushingi.

4. Kutya Mwari kungabatsira sei munhu kuti afarezve?

4 Funga nezvomuenzaniso waSonja. * Kunyange zvazvo aiva mushumiri wenguva yakazara, Sonja akashamwaridzana nevanhu vakaipa, akaita mufambiro usiri wechiKristu, uye aifanira kudzingwa muungano yechiKristu. Paakapengenuka, Sonja akaita zvose zvaidiwa kuti agadzirise ukama hwake naJehovha. Nokufamba kwenguva, akadzorerwa muungano. Paiitika zvose izvi, Sonja akaramba aine chido chokushumira Jehovha. Pakupedzisira, akatangazve ushumiri hwenguva yakazara hwoupiyona. Akazoroorwa nomumwe mukuru wechiKristu ane muenzaniso wakanaka, uye iye zvino vari kushumira muungano vachifara. Kunyange zvazvo Sonja achizvidemba kuti akambotsauka munzira yechiKristu, anofara kuti kutya kwake Mwari kwakamubatsira kuti adzoke kuna Jehovha.

Zviri Nani Kutambura Pane Kutadza

5, 6. Tsanangura kuti kaviri Dhavhidhi akaregera sei kuuraya Sauro uye kuti nei akadaro.

5 Chokwadi, zviri nani chaizvo kana kutya Mwari kuchizobatsira munhu kuti arege kutombotadza. Izvi ndozvakaitika kuna Dhavhidhi. Pane imwe nguva, Sauro paaitevera Dhavhidhi aine mauto zviuru zvitatu, akapinda mubako—iri ndiro bako rakanga rakavanda Dhavhidhi nevarume vake. Varume vaDhavhidhi vakamukurudzira kuti auraye Sauro. Jehovha akanga asiri kupa Dhavhidhi muvengi wake here? Chinyararire, Dhavhidhi akanyahwaira achienda kwaiva naSauro ndokucheka mupendero wenguo yake. Nokuti Dhavhidhi aitya Mwari, kunyange chiito ichocho chisingakuvadzi chakatambudza hana yake. Dhavhidhi akaita kuti varume vake vakanga vashatirwa vapararire, achiti: “Handingambofungi zvakadaro, mukuona kwaJehovha, kuti ndiitire ishe wangu, iye muzodziwa waJehovha, chinhu ichi.” *1 Samueri 24:1-7.

6 Kwapera nguva yakati, Sauro ainge adzika musasa kuti varare ipapo, uye iye nevarume vake vose vakabatwa “nehope huru dzakanga dzabva kuna Jehovha.” Dhavhidhi nomuzukuru wake aiva akashinga Abhishai vakaverevedza vakapinda pakati chaipo pomusasa wacho vakamira pakanga pakarara Sauro chaipo. Abhishai akanga achida kubva angomuuraya. Dhavhidhi akarambidza Abhishai, achibvunza kuti: “Ndiani akatambanudzira muzodziwa waJehovha ruoko rwake akaramba asina mhosva?”—1 Samueri 26:9, 12.

7. Chii chakaita kuti Dhavhidhi arege kutadza?

7 Nei Dhavhidhi asina kuuraya Sauro paakawana mikana miviri? Nokuti aitya Jehovha kupfuura kutya kwaaiita Sauro. Nemhaka yokutya Mwari kwakakodzera, Dhavhidhi akanga akagadzirira kutambura pane kutadza. (VaHebheru 11:25) Aiva nechivimbo chakazara chokuti Jehovha anotarisira vanhu Vake uye anomutarisira iye pachake. Dhavhidhi aiziva kuti kuteerera uye kuvimba naMwari kwaizomufadza uye kwaizomuunzira zvikomborero zvakawanda, asi kurega kuteerera Mwari kwaizoita kuti asafarirwa naMwari. (Pisarema 65:4) Aizivawo kuti Mwari aizozadzisa chipikirwa Chake chokuita kuti Dhavhidhi ave mambo uye aizobvisa Sauro panguva Yake uye nenzira Yake.—1 Samueri 26:10.

Kutya Mwari Kunounza Mufaro

8. Zvaiitwa naDhavhidhi paaiva nezvinetso muenzaniso pakudini?

8 SevaKristu, tinogona kutarisira kusekwa, kutambudzwa, uye mimwewo miedzo. (Mateu 24:9; 2 Petro 3:3) Dzimwe nguva, tingatova nezvinetso nevatinonamata navo. Zvisinei, tinoziva kuti Jehovha anoona zvinhu zvose, anonzwa minyengetero yedu, uye panguva yakakodzera, achagadzirisa zvinhu maererano nokuda kwake. (VaRoma 12:17-21; VaHebheru 4:16) Saka, pane kutya vanotishora, tinotya Mwari uye tinotarisira kuti atinunure. SaDhavhidhi, hatitsivi, uyewo hatiregi kuita zvakarurama tichiitira kuti tisatambura. Pakupedzisira, izvi zvinotifadza. Asi sei?

9. Ipa muenzaniso wokuti kutya Mwari kungaguma nomufaro sei pasinei nokutambudzwa.

9 Mumwe ava nenguva ari mumishinari muAfrica akarondedzera kuti, “Ndinofunga nezvevamwe amai nomwanasikana wavo akanga adarika makore 13 vakaramba kutenga makadhi emapato ezvematongerwo enyika nemhaka yokuti vakanga vasina kwavakarerekera. Vakarohwa zvine utsinye neboka revamwe varume ndokubva vanzi vaende kumba. Pavaifamba, amai vacho vakaedza kunyaradza mwanasikana wavo akanga achichema, uyo akanga ari kutadza kunzwisisa kuti nei izvi zvakanga zvaitika. Panguva iyoyo vakanga vasiri kufara, asi vaiva nehana yakachena. Gare gare, vakafara chaizvo kuti vakanga vateerera Mwari. Kudai vakanga vatenga makadhi acho, boka racho ringadai rakafara chaizvo. Varume vacho vangadai vakavapa zvinwiwa uye vakavaperekedza kumba vachipembera. Asi musikana wacho naamai vake, kudai vakanga vadaro vachiziva kuti vakanga vabvuma kuita zvisina kururama, vangadai vasina kutombofara zvachose.” Kutya Mwari kwavaiita kwakavadzivirira pane zvose izvozvo.

10, 11. Migumisiro ipi yakanaka yakabva pakutya Mwari kwaiitwa nomumwe mukadzi?

10 Kutya Mwari kunogumawo nomufaro pakutarisana nemiedzo ine chokuita nokuremekedza utsvene hweropa. Mary paaiva nepamuviri pechitatu, chiremba akamukurudzira kuti apabvise. “Pamuviri pako pane ngozi,” akadaro. “Unogona kuva panjodzi chero nguva ipi zvayo wofa mumaawa 24. Zvadaro mwana wacho anozofawo. Uyewo hatina chokwadi kuti mwana wacho achange asina kuremara.” Mary akanga achidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha asi akanga asati abhabhatidzwa. “Kunyange zvakadaro,” anodaro Mary, “ndakanga ndasarudza kushumira Jehovha, uye ndakatsunga kuramba ndichimuteerera, chero zvodini.”—Eksodho 21:22, 23.

11 Paaiva nepamuviri pacho, Mary akaramba achidzidza Bhaibheri uye achitarisira mhuri yake. Pakupedzisira mwana wacho akazvarwa. “Kusununguka kwacho kwakanga kwakati omei kupfuura dzimwe nhumbu mbiri dzokutanga, asi hakuna kunyanya kunetsa,” anorondedzera kudaro Mary. Kutya Mwari kwakabatsira Mary kuti arambe aine hana yakanaka, uye munguva pfupi akabhabhatidzwa. Mwana iyeye zvaaikura, akadzidzawo kutya Jehovha, uye iye zvino ari kushanda pane imwe hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha.

‘Zvisimbise naJehovha’

12. Kutya Mwari kwakasimbisa sei Dhavhidhi?

12 Kutya Jehovha kwaiita Dhavhidhi hakuna kungomudzivirira pakuita zvakaipa. Kwakamusimbisa kuti aite nokuchenjera mumamiriro ezvinhu akaoma. Kwegore nemwedzi mina, Dhavhidhi nevarume vake vakatiza Sauro vakanogara kuZikragi muruwa rweFiristiya. (1 Samueri 27:5-7) Pane imwe nguva varume vacho pavaiva vasipo, vaAmareki vaipamba vakapisa guta racho ndokupamba vadzimai vose vevarume vacho, vana nezvipfuwo. Pavakadzoka vachiona zvakanga zvaitika, Dhavhidhi nevarume vake vakasvimha misodzi. Kushungurudzika kwakakurumidza kuchinja kuva kushatirwa, uye varume vaDhavhidhi vakati vaizomutema nematombo. Kunyange zvazvo akanga achishungurudzika, Dhavhidhi haana kuora mwoyo. (Zvirevo 24:10) Kutya kwaaiita Mwari kwakaita kuti anyengetere kuna Jehovha, uye “akazvisimbisa naJehovha.” Vachibatsirwa naMwari, Dhavhidhi nevarume vake vakatevera vakabata vaAmareki vakawana zvinhu zvavo zvose.—1 Samueri 30:1-20.

13, 14. Kutya Mwari kwakabatsira sei mumwe muKristu kuti asarudze kuita zvakanaka?

13 Nhasi vashumiri vaMwari vanotarisanawo nemamiriro ezvinhu anoda kuti vavimbe naJehovha uye vave noushingi hwokusarudza pavamire. Funga nezvomuenzaniso waKristina. Paaiva pwere, Kristina akadzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Asi aida kuridza piyano pamakonzati, uye akafambira mberi chaizvo muna izvozvo. Uyezve, ainyara kuparidzira saka aitya kugamuchira mabasa anoenderana nokuva muKristu akabhabhatidzwa. Kristina zvaakaramba achidzidza Shoko raMwari, akatanga kuona simba raro. Akanga achidzidza kutya Jehovha, uye akaziva kuti Jehovha anotarisira kuti vashumiri vake vamude nemwoyo yavo yose, pfungwa, mweya, nesimba. (Mako 12:30) Izvi zvakaita kuti azvitsaurire kuna Jehovha uye abhabhatidzwe.

14 Kristina akakumbira Jehovha kuti amubatsire kuti afambire mberi pakunamata. “Ndaiziva kuti nyanzvi yokuridza piyano pamakonzati yaifanira kugara ichingofamba uye kuita zvibvumirano zvokuita makonzati angangosvika 400 pagore,” anotsanangura kudaro Kristina. “Saka ndakasarudza kuva mudzidzisi kuitira kuti ndizvitsigire ndoshanda somuparidzi wenguva yakazara.” Panguva iyoyo, Kristina akanga atosarudzwa kuti aridze piyano kokutanga pamberi pevanhu muimba yemakonzati yakakurumbira zvikuru munyika yake. “Ndiyo yakava konzati yangu yokutanga neyokupedzisira,” anorondedzera achidaro. Kristina akazoroorwa nomukuru wechiKristu. Iye zvino, vose vari kushanda pane imwe hofisi yemapazi eZvapupu zvaJehovha. Anofara kuti Jehovha akamupa simba rokusarudza zvakarurama uye kuti iye zvino ava kukwanisa kushandisa nguva yake nesimba kuti amushumire.

Nhaka Inokosha

15. Dhavhidhi aida kusiyira vana vake chii, uye akazviita sei?

15 “Uyai, imi vanakomana, nditeererei,” akanyora kudaro Dhavhidhi. “Ndichakudzidzisai kutya Jehovha.” (Pisarema 34:11) Sababa, Dhavhidhi akanga akatsunga kusiyira vana vake nhaka inokosha—kutya Jehovha kwechokwadi, kuri pakati nepakati, uye kwakanaka. Nezvaaitaura uye zvaaiita, Dhavhidhi akaratidza kuti Jehovha aisava Mwari anotyisa neanoda zvakawanda, anongomirira kutsvaka mhosva kana munhu atyora mitemo Yake, asi kuti ndiBaba vane rudo, vane hanya, uye vanokanganwira vana Vavo vari pasi pano. “Kana kuri kutsauka, ndiani anokuona?” akabvunza kudaro Dhavhidhi. Zvadaro, achiratidza kuti aiva nechivimbo chokuti Jehovha haangogari achitsvaka zvatinokanganisa akawedzera kuti: “Ndipembedzei pakutsauka kwakavanzika.” Dhavhidhi aiva nechokwadi chokuti kana akaita zvose zvaaigona, mashoko ake nepfungwa dzake zvaigona kugamuchirwa naJehovha.—Pisarema 19:12, 14, Bhaibheri Rinoera.

16, 17. Vabereki vangadzidzisa sei vana kuti vatye Jehovha?

16 Dhavhidhi muenzaniso kuvabereki nhasi. “Vabereki vedu vakatirera nenzira yaiita kuti kuva muchokwadi kunakidze,” anodaro Ralph, uyo anoshanda pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha pamwe chete nomunun’una wake. “Pataiva vaduku, vaitaurawo nesu pavaikurukurirana zvinhu zvomuungano, uye takatanga kufarira chokwadi chaizvo sezvavaiita. Pavaitirera vakatibatsira kudavira kuti taigona kuita zvinhu zvakanaka mubasa raJehovha. Kutaura zvazviri, kwemakore anoverengeka mhuri yedu yaigara munyika inodiwa vaparidzi voUmambo vakawanda, uye yakabatsira kutanga ungano itsva.

17 “Chakaita kuti tirambe tiri mugwara rakarurama haisi mitemo yakawanda yokutiomesera asi kuti kuvabereki vedu, Jehovha aiva munhu chaiye, uye aiva nomutsa chaizvo uye akanaka. Vaiedza kuziva Jehovha zviri nani uye kumufadza, uye pane zvavaiita takadzidza kutya Mwari zvechokwadi uye kumuda. Kunyange pataikanganisa, vabereki vedu vakanga vasingaiti kuti tifunge kuti Jehovha akanga asingachatidi; uye ivowo vaisatitsamwira vobva vatiisira tumitemo twakawanda-wanda twokutiomesera. Kakawanda kacho, vaingogara nesu pasi votaura nesu, dzimwe nguva Amai vaitaura nesu vachisvimha misodzi, vachiedza kubaya mwoyo yedu. Uye zvakashanda. Takadzidza pane zvaitaurwa nezvaiitwa nevabereki vedu kuti kutya Jehovha chinhu chakanaka uye kuti kuva mumwe weZvapupu zvake kunofadza, harisi basa rinorema.”—1 Johani 5:3.

18. Tichawanei nokutya Mwari wechokwadi?

18 Mamwe e“mashoko okupedzisira” aDhavhidhi, anoti: “Munhu anotonga vanhu paanenge akarurama, achitonga achitya Mwari, zvinobva zvaita sechiedza chemangwanani, panopenya zuva.” (2 Samueri 23:1, 3, 4) Zviri pachena kuti Soromoni, mwanakomana waDhavhidhi uyo akamutsiva samambo akanzwisisa pfungwa yacho, nokuti akakumbira Jehovha kuti amupe “mwoyo unoteerera” uye kuti “azive chakanaka nechakaipa.” (1 Madzimambo 3:9) Soromoni aiziva kuti kutya Jehovha ndiyo nzira yokuchenjera uye inounza mufaro. Gare gare, akapfupikisa bhuku raMuparidzi nemashoko okuti: “Pashure pokunge zvinhu zvose zvanzwiwa, mhedziso yenyaya yacho ndeiyi: Itya Mwari wechokwadi uchengete mirayiro yake. Nokuti izvi ndizvo zvose zvinosungirwa kuti munhu aite. Nokuti Mwari wechokwadi achatonga mabasa emarudzi ose ane chokuita nezvinhu zvose zvakavanzika, zvingave zvakanaka kana kuti zvakaipa.” (Muparidzi 12:13, 14) Kana tikateerera zano iroro, zvechokwadi tichaona kuti “mugumisiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha” hausi uchenjeri nomufaro chete asiwo “ipfuma nokukudzwa noupenyu.”—Zvirevo 22:4.

19. Chii chichaita kuti tinzwisise “kutya Jehovha”?

19 Kubva mumienzaniso yomuBhaibheri uye zviri kuitika mazuva ano, tinoona kuti kutya Mwari kwakakodzera kunokosha chaizvo muupenyu hwevashumiri vaJehovha vechokwadi. Kutya kwakadaro hakungoiti kuti tirege kuita zvinogumbura Baba vedu vokudenga asiwo kunogona kutipa ushingi hwokutarisana nevavengi vedu uye simba rokutsungirira miedzo nezvinetso zvatinosangana nazvo. Naizvozvo, tose zvedu, vaduku nevakuru, ngatirambei tichishanda nesimba kudzidza Shoko raMwari, kufungisisa zvatinodzidza, uye tichiswedera pedyo naJehovha nokugara tichinyengetera nomwoyo wose. Kana tikadaro, hatizongowani “zivo pamusoro paMwari” chete, asiwo tichanzwisisa “kutya Jehovha.”—Zvirevo 2:1-5.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Mazita akachinjwa.

^ ndima 5 Ichi chingadaro chiri chimwe chezviitiko zvakaita kuti Dhavhidhi anyore Mapisarema 57 ne142.

Ungatsanangura Here?

Kutya Mwari

• kungabatsira sei munhu kuti apfidze chivi chakakomba?

• kungaunza sei mufaro mumiedzo nomukutambudzwa?

• kungatisimbisa sei kuti tiite zvinodiwa naMwari?

• kungava sei nhaka inokosha yevana vedu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kutya Jehovha kwakaita kuti Dhavhidhi arege kuuraya Mambo Sauro

[Mifananidzo iri papeji 29]

Kutya Mwari inhaka inokosha iyo vabereki vanogona kusiyira vana vavo