Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iva Akachenjera—Itya Mwari!

Iva Akachenjera—Itya Mwari!

Iva Akachenjera—Itya Mwari!

“Kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri”—ZVIREVO 9:10.

1. Nei vakawanda vachiomerwa nokunzwisisa pfungwa yokutya Mwari?

PANE nguva pazvainzi chinhu chakanaka chaizvo kana munhu akanzi anotya Mwari. Mazuva ano, vakawanda vanoona pfungwa yokutya Mwari iri yechinyakare uye yakavaomera kunzwisisa. Vangabvunza kuti, ‘Kana Mwari ari rudo, nei ndichifanira kumutya?’ Kwavari, kutya manzwiro asina kunaka, anotopedza simba. Zvisinei, kutya Mwari zvechokwadi kunoreva zvakawanda, uye sezvatichaona, hakusi kunzwa kwokungomutyawo zvakwo.

2, 3. Kutya Mwari kwakanaka kunosanganisirei?

2 Painoshandiswa muBhaibheri, pfungwa yokutya Mwari ipfungwa yakanaka. (Isaya 11:3) Kukudza kwakasimba uye kuremekedza Mwari zvikuru, kusada kumugumbura kwakasimba chaizvo. (Pisarema 115:11) Inosanganisira kubvuma mitemo yaMwari yetsika uye kunyatsoomerera pairi uye chido chokurarama maererano nezvinonzi naMwari zvakarurama ndokurega zvaanoti zvakaipa. Rimwe bhuku rinotaura kuti kutya kwakanaka kwakadaro kunoratidza “maonero ayo munhu anofanira kuita Mwari zvichizoita kuti afambe zvakachenjera uye arege kuita zvose zvakaipa.” Saka, zvakakodzera kuti Shoko raMwari rinotiudza kuti: “Kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri.”—Zvirevo 9:10.

3 Zvechokwadi, kutya Mwari kunosanganisira zvakawanda zvinoitwa nevanhu. Hakuna kubatana nouchenjeri chete asiwo nomufaro, rugare, kubudirira, kurarama kwenguva refu, tariro, uye chivimbo. (Pisarema 2:11; Zvirevo 1:7; 10:27; 14:26; 22:4; 23:17, 18; Mabasa 9:31) Kwakabatana chaizvo nokutenda norudo. Kutaura zvazviri, kunosanganisira ukama hwedu hwose naMwari uye nevanhu. (Dheuteronomio 10:12; Jobho 6:14; VaHebheru 11:7) Kutya Mwari kunosanganisira chivimbo chakasimba chokuti Baba vedu vokudenga vane hanya nesu pachedu uye vanoda kukanganwira zvatinokanganisa. (Pisarema 130:4) Vakaipa vasingapfidzi ndivo chete vane chikonzero chokutya Mwari zvokutobvunda. *VaHebheru 10:26-31.

Kudzidza Kutya Jehovha

4. Chii chingatibatsira ‘kudzidza kutya Jehovha’?

4 Sezvo kutya Mwari kuchikosha kana tichizosarudza nokuchenjera uye kuti tiwane zvikomborero zvaMwari, ‘tingadzidza sei kutya Jehovha’ zvakakodzera? (Dheuteronomio 17:19) Mienzaniso yakawanda yevarume nevakadzi vaitya Mwari yakanyorwa muMagwaro “kuti tirayiridzwe.” (VaRoma 15:4) Kutibatsira kuti tinzwisise kuti zvinonyatsorevei kutya Mwari, ngatifungisisei nezvomumwe wevanhu vomumienzaniso iyoyo, Mambo Dhavhidhi weIsraeri yekare.

5. Kufudza makwai kwakabatsira sei kudzidzisa Dhavhidhi nezvokutya Jehovha?

5 Jehovha akaramba mambo wokutanga waIsraeri, Sauro, nokuti aitya vanhu asi asingatyi Mwari. (1 Samueri 15:24-26) Asi, mararamiro aDhavhidhi uye ukama hwake hwapedyo naJehovha zvakaratidza kuti aiva munhu aitya Mwari zvechokwadi. Kubvira achiri muduku, Dhavhidhi aiwanzoenda kunofudza makwai ababa vake. (1 Samueri 16:11) Usiku hwaaipedza achitarisa nyeredzi hunofanira kunge hwakabatsira Dhavhidhi kuti anzwisise kutya Jehovha. Kunyange zvazvo Dhavhidhi aigona kungonzwisisa chikamu chiduku chete chezvakasikwa zviri muchadenga, akagumisa zvakarurama—kuti tinofanira kuremekedza uye kunamata Mwari. “Pandinoona matenga enyu, iwo mabasa eminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakagadzira,” akazonyora kudaro, “munhuwo zvake chiiko zvamunomufunga, nomwanakomana womunhu wepanyika zvamunomutarisira?”—Pisarema 8:3, 4.

6. Kunzwisisa ukuru hwaJehovha kwakaita kuti Dhavhidhi anzwe sei ?

6 Zvakakodzera kuti Dhavhidhi aishamiswa paaienzanisa uduku hwake noukuru hwakaita matenga ane nyeredzi dzakawanda. Pane kumuita kuti atye, kuziva izvi kwakaita kuti arumbidze Jehovha uye ati: “Matenga anozivisa kubwinya kwaMwari; nzvimbo huru yokudenga inozivisa basa remaoko ake.” (Pisarema 19:1) Uku kukudza Mwari kwakaita kuti Dhavhidhi ave pedyo naJehovha uye kwakaita kuti Dhavhidhi ade kudzidza uye kutevera nzira Dzake dzakakwana. Fungidzira kuti Dhavhidhi ainzwa sei paaiimbira Jehovha kuti: “Nokuti muri mukuru uye munoita zvinhu zvinoshamisa; ndimi Mwari, imi moga. Haiwa Jehovha, ndirayiridzei pamusoro penzira yenyu. Ndichafamba muchokwadi chenyu. Batanidzai mwoyo wangu kuti utye zita renyu.”—Pisarema 86:10, 11.

7. Kutya Mwari kwakabatsira sei Dhavhidhi kuti arwise Goriyati?

7 VaFiristiya pavakapinda munyika yeIsraeri nechisimba, Goriyati, mhare yavo yaiva yakareba mamita anenge matatu, yaitsvinyira vaIsraeri, ichiti: ‘Sarudzai murume angarwa neni! Kana akandikunda, tichava vashandi venyu.’ (1 Samueri 17:4-10) Sauro neuto rake rose vaitya zvikuru—asi Dhavhidhi akanga asingatyi. Aiziva kuti Jehovha ndiye aifanira kutyiwa, kwete mumwe munhu, pasinei nokuti aiva nesimba rakadini. “Ndiri kuuya kwauri ndichishandisa zita raJehovha wemauto,” Dhavhidhi akaudza Goriyati kudaro, “ungano yose iyi ichaziva kuti Jehovha haaponesi nebakatwa kana kuti nepfumo, nokuti kurwa ndokwaJehovha.” Nechipfuramabwe chake nedombo rimwe chete—achibatsirwa naJehovha—Dhavhidhi akauraya hofori yacho.—1 Samueri 17:45-47.

8. Mienzaniso iri muBhaibheri yevanhu vaitya Mwari inotidzidzisei?

8 Tingave tichitarisana nezvipingamupinyi kana kuti nevavengi vanongotyisa sezvaiita vaya vakarwa naDhavhidhi. Ndezvipi zvatingaita? Tingavaitira zvakaita Dhavhidhi uye vamwe vekare vakatendeka—tichitya Mwari. Kutya Mwari kunogona kukurira kutya munhu. Mushumiri waMwari akatendeka Nehemiya akakurudzira vaIsraeri vaainamata navo, vaidzvinyirirwa nevashori, kuti: “Musavatya. Yeukai Jehovha Iye mukuru neanotyisa.” (Nehemiya 4:14) Vachitsigirwa naJehovha, Dhavhidhi, Nehemiya, nevamwe vashumiri vaMwari vakatendeka vakabudirira kuita mabasa avakanga vapiwa naMwari. Kana tichitya Mwari, tinogonawo kubudirira.

Kutarisana Nematambudziko Tichiratidza Kuti Tinotya Mwari

9. Dhavhidhi akaratidza kuti aitya Mwari mumamiriro api ezvinhu?

9 Dhavhidhi auraya Goriyati, Jehovha akaita kuti arambe achikunda. Zvisinei, Sauro aiva negodo akaedza kuuraya Dhavhidhi—kutanga akangoerekana ada kumuuraya, zvadaro nenzira younyengeri, uye pakupedzisira aine uto. Kunyange zvazvo Jehovha akanga avimbisa Dhavhidhi kuti aizova mambo, kwemakore Dhavhidhi aifanira kutiza, kurwa, uye kumirira nguva yaJehovha yokuti amuite mambo. Pane zvose izvi, Dhavhidhi akaratidza kuti aitya Mwari wechokwadi.—1 Samueri 18:9, 11, 17; 24:2.

10. Dhavhidhi akaratidza sei kuti aitya Mwari paaitarisana nengozi?

10 Pane imwe nguva, Dhavhidhi akatizira kuna Akishi, mambo wevaFiristiya weguta rainzi Gati, kumusha kwaGoriyati. (1 Samueri 21:10-15) Vashumiri vamambo wacho vakamhan’arira Dhavhidhi vachiti aiva muvengi worudzi rwavo. Dhavhidhi akaita sei mumamiriro ezvinhu ane ngozi akadaro? Akanyengetera kuna Jehovha nomwoyo wose. (Pisarema 56:1-4, 11-13) Kunyange zvazvo aifanira kunyepedzera kupenga kuti apukunyuke, Dhavhidhi aiziva kuti zvechokwadi Jehovha ndiye akanga amununura nokukomborera zvaakaita. Kuvimba kwaiita Dhavhidhi naJehovha nomwoyo wose, kwakaratidza kuti Dhavhidhi aitya Mwari zvechokwadi.—Pisarema 34:4-6, 9-11.

11. Tingaratidza sei kuti tinotya Mwari sezvaiita Dhavhidhi, patinenge tichiedzwa?

11 Sezvaiita Dhavhidhi, isuwo tinogona kuratidza kuti tinotya Mwari nokuvimba nemashoko ake okuti achatibatsira kukunda matambudziko edu. “Isa nzira yako pana Jehovha, uvimbe naye, uye iye achazviita,” akadaro Dhavhidhi. (Pisarema 37:5) Izvi hazvirevi kuti tinongoudza Jehovha zvinetso zvedu torega kuita zvatinogona nezvazvo tichitarisira kuti Jehovha atigadzirisire zvinetso zvedu. Dhavhidhi haana kunyengeterera kuti Jehovha amubatsire ndokubva angosiya zvakadaro. Akaita zvaaigona uye akashandisa njere dzaakapiwa naJehovha ndokugadzirisa chinetso chaainge anacho panguva iyoyo. Asi, Dhavhidhi aiziva kuti aisagona kuvimba nezvaaiita iye oga pachake. Ndizvo zvatinofanirawo kuita. Taita zvose zvatinogona, tinofanira kusiyira zvimwe zvose kuna Jehovha. Kutaura zvazviri, kazhinji hapana zvatinogona kuita kunze kwokuvimba naJehovha. Ndipo patinoratidza kuti tinotya Mwari isu pachedu. Tinonyaradzwa nokutaura kwaDhavhidhi kwomwoyo wose kwokuti: “Kuva shamwari yepedyo yaJehovha ndokwevaya vanomutya.”—Pisarema 25:14.

12. Nei tichifanira kukoshesa minyengetero yedu, uye maonero api atisingambofaniri kuva nawo?

12 Naizvozvo tinofanira kukoshesa minyengetero yedu uye ukama hwedu naMwari. Patinonyengetera kuna Jehovha, tinofanira “kutenda kuti ariko uye kuti anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.” (VaHebheru 11:6; Jakobho 1:5-8) Uye paanotibatsira, tinofanira ‘kuratidza kuti tinoonga,’ sezvatakarayirwa nomuapostora Pauro. (VaKorose 3:15, 17) Hatimbofaniri kuita sevaya vanorondedzerwa nomumwe muKristu akazodzwa ane ruzivo, achiti: “Vanoona Mwari sahweta wokudenga. Pavanenge vaine chavanoda, vanomushevedza nokumuridzira mimwe yavo. Uye pavanenge vawana zvavanenge vachida, vanobva vati achienda zvake.” Maonero akadaro anoratidza kusatya Mwari.

Kumbovarairwa Pakutya Mwari

13. Dhavhidhi akakundikana kuratidza kuti airemekedza Mutemo waMwari papi?

13 Kubatsirwa kwakaitwa Dhavhidhi naJehovha paaishungurudzika kwakadzamisa kutya kwaaiita Mwari uye kwakasimbisa kuvimba kwaaiita naye. (Pisarema 31:22-24) Zvisinei, pazviitiko zvitatu zvinozivikanwa, Dhavhidhi akambovarairwa pakutya Mwari, izvo zvakava nemigumisiro yakaipa. Chiitiko chokutanga chinosanganisira kuronga kwaakaita kuti areka yesungano yaJehovha iendeswe kuJerusarema yakatakurwa mungoro pane kuti itakurwe pamapfudzi evaRevhi, sezvaitaurwa noMutemo waMwari. Uza, aitungamirira ngoro yacho, paakabata Areka kuti aitsigise, akafira ipapo nokuda “kwokusaremekedza kwacho.” Chokwadi, Uza akatadza chaizvo, asi chaizvoizvo, kukundikana kuremekedza zvakakodzera Mutemo waMwari kwakaitwa naDhavhidhi ndiko kwakaita kuti zvigume nenjodzi yakadaro. Kutya Mwari kunoreva kuita zvinhu maererano nourongwa hwake.—2 Samueri 6:2-9; Numeri 4:15; 7:9.

14. Kuverenga kwakaita Dhavhidhi vaIsraeri kwakaguma nei?

14 Gare gare, achikurudzirwa naSatani, Dhavhidhi akaverenga vaIsraeri vaiva varwi. (1 Makoronike 21:1) Paakaita izvozvo, Dhavhidhi akaratidza kuti akanga ambovarairwa pakutya Mwari, zvikaguma nokufa kwevaIsraeri 70 000. Kunyange zvazvo Dhavhidhi akapfidza pamberi paJehovha, iye nevamwe vanhu vakatambura chaizvo.—2 Samueri 24:1-16.

15. Chii chakaita kuti Dhavhidhi aite chivi choupombwe?

15 Pane imwe nguva kumbovarairwa pakutya Mwari kwakaita kuti Dhavhidhi aite upombwe naBhati-shebha, mudzimai waUriya. Dhavhidhi aiziva kuti upombwe kunyange kuchiva mudzimai womumwe zvakanga zvakaipa. (Eksodho 20:14, 17) Dambudziko racho rakatanga Dhavhidhi paakaona Bhati-shebha achigeza. Kutya Mwari kwakakodzera kwaifanira kunge kwakaita kuti Dhavhidhi abve angorega kumutarisa uye pfungwa dzake dzifunge zvimwewo zvinhu. Pane kudaro, zviri pachena kuti Dhavhidhi ‘akaramba akamutarira’ kusvikira kuchiva kwake kwakurira kutya kwaaiita Mwari. (Mateu 5:28; 2 Samueri 11:1-4) Dhavhidhi akakanganwa kuti Jehovha aiva naye muupenyu hwake hwose.—Pisarema 139:1-7.

16. Dhavhidhi akatambura migumisiro ipi nokuda kwokukanganisa kwaakaita?

16 Upombwe hwakaitwa naDhavhidhi naBhati-shebha hwakaguma nokuberekwa kwomwanakomana. Gare gare, Jehovha akatuma muprofita wake Natani kuti afumure chivi chaDhadhivhi. Apengenutswa, Dhavhidhi akatangazve kutya Mwari uye akapfidza. Akateterera Jehovha kuti asamurasa uye arege kumubvisira mudzimu Wake mutsvene. (Pisarema 51:7, 11) Jehovha akakanganwira Dhavhidhi uye akarerutsa chirango chacho, asi Haana kudzivirira Dhavhidhi pamigumisiro yose yakaipa yezvaakanga aita. Mwanakomana waDhavhidhi akafa, uye kubvira panguva iyoyo mumhuri make makava nemarwadzo nenjodzi. Zvechokwadi mubhadharo wokumbovarairwa pakutya Mwari waiva wakakura!—2 Samueri 12:10-14; 13:10-14; 15:14.

17. Ipa muenzaniso wokurwadziwa kunokonzerwa nokuita chivi.

17 Mazuva ano, kukundikana kutya Mwari panyaya dzetsika kungavawo nemigumisiro yakaipa uye inogara kwenguva refu. Fungidzira kurwadziwa kwakaita mumwe mudzimai wechiduku paakaziva kuti murume wake uyowo ari muKristu akanga asina kutendeseka kwaari paaishandira mhiri kwemakungwa. Apera simba nokuvhunduka neshungu, akavhara kumeso kwake nemaoko ake akatanga kusvimha misodzi. Zvichatora nguva yakareba zvakadini kuti azovimbazve murume wake? Migumisiro inosuruvarisa yakadaro inogona kudziviswa kana munhu achitya Mwari zvechokwadi.—1 VaKorinde 6:18.

Kutya Mwari Kunoita Kuti Tisatadza

18. Chinangwa chaSatani ndechei uye anoshandisa nzira ipi?

18 Satani ari kukurumidza kuparadza tsika dzenyika, uye anonyanya kuda kuodza tsika dzevaKristu vechokwadi. Kuti aite izvozvo, anoshandisa nzira yakananga inoenda mumwoyo yedu nomupfungwa dzedu—kunyanya maziso edu nenzeve dzedu. (VaEfeso 4:17-19) Uchaita sei kana ukangoerekana waona mifananidzo, kunzwa mashoko kana kuti kuona vanhu vari kuita unzenza?

19. Kutya Mwari kwakabatsira sei mumwe muKristu kuti akunde muedzo?

19 Funga nezvaAndré, * mumwe mukuru wechiKristu, baba uye chiremba ari kuEurope. André paaishanda usiku pane chimwe chipatara, vakadzi vaaishanda navo vaigara vachimuisira tupepa papiro yake—twakanga twakadhirowewa mwoyo—vachimukumbira kuti arare navo. André haana kutombosekerera zvavaiita. Uyezve, kuti abve mumamiriro ezvinhu aya akaipa, akatsvaka basa kumwe. Zvakazova pachena kuti kutya Mwari kwakanga kuri kuchenjera zvikuru uye kwakaita kuti akomborerwe, nokuti iye zvino André anombopota achinoshanda pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha munyika yake.

20, 21. (a) Kutya Mwari kungatibatsira sei kuti tisatadza? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

20 Kugara achifunga zvakaipa kungaita kuti munhu azosvika pakuda kurasa ukama hwake hunokosha naJehovha achida chinhu chaasina kodzero yokuwana. (Jakobho 1:14, 15) Asiwo, kana tichitya Jehovha, tichatambira kure—kunyange kutobva—pane vanhu, panzvimbo, pamabasa, uye pavaraidzo ingakanganisa tsika dzedu. (Zvirevo 22:3) Kunyara kwatinganzwa kana kuti zvimwe zvinhu zvatingasiya zviduku zvikuru kana tichizvienzanisa nokurasikirwa nenyasha dzaMwari kwatingazoita. (Mateu 5:29, 30) Kutya Mwari zvechokwadi kunosanganisira kusamboona nemaune zvinhu zvounzenza, kana zvinonyadzisira zvemarudzi ose, pane kudaro, kuchaita “kuti maziso [edu] arege kutarira zvinhu zvisina zvazvinobatsira.” Kana tikadaro, tinogona kuvimba naJehovha kuti ‘achatichengetedza’ uye achatipa zvose zvatinoda chaizvo.—Pisarema 84:11; 119:37.

21 Chokwadi, kuita zvinhu tichitya Mwari zvechokwadi kwagara kuchiratidza kuti kuchenjera. Ndiko kunounzawo mufaro wechokwadi. (Pisarema 34:9) Izvi zvichajekeswa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Ona nyaya inoti “Murangariro weBhaibheri: Unogona Sei Kutya Mwari Worudo?” iri muMukai! yaJanuary 8, 1998, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 19 Zita rakachinjwa.

Ungatsanangura Here?

• Kutya Mwari kunosanganisira unhu hupi hwechiKristu?

• Kutya Mwari kunokunda sei kutya munhu?

• Tingaratidza sei kuti tinoona munyengetero zvakakodzera?

• Kutya Mwari kungatidzivirira sei kuti tisatadza?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Dhavhidhi akadzidza kutya Mwari paaiona zvinhu zvakasikwa naJehovha

[Mifananidzo iri papeji 24]

Uchaita sei kana ukaerekana watarisana nemamiriro ezvinhu anoedza usingafungiri?