Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutya Mwari—“Kurangwa Kunounza Uchenjeri”

Kutya Mwari—“Kurangwa Kunounza Uchenjeri”

Kutya Mwari—“Kurangwa Kunounza Uchenjeri”

UCHENJERI hwechokwadi hwakaronga mutambo mukuru. Hwaka“tuma vashandikadzi vahwo, kuti hushevedzere huri pamusoro penzvimbo dzakakwirira dzetaundi huchiti: ‘Munhu wose asina zivo, ngaatsaukire pano.’ Kumunhu wose ane mwoyo usina njere—ihwo hwakati kwaari: ‘Uya, idya zvokudya zvangu uye unwewo waini yandavhenganisa. Siyana nevasina zivo urambe uchirarama, ufambe zvakarurama munzira yokunzwisisa.’”—Zvirevo 9:1-6.

Kudyira patafura youchenjeri hakumbogumi nezvakaipa kana kuti nezvinokuvadza. Kuteerera uchenjeri hwaMwari huri muzvirevo zvakafuridzirwa uye kubvuma kurangwa nahwo kunoguma nezvakanaka chete. Ndozvakaitawo mashoko ouchenjeri akanyorwa pana Zvirevo 15:16-33. * Kuteerera zano remashoko aya mapfupi kungatibatsira kugutsikana nezvishoma, kufambira mberi, uye kunakidzwa noupenyu. Kuita izvozvo kungatibatsirawo kuita zvisarudzo zvakanaka uye kungaita kuti tikwanise kuramba tiri panzira inoenda kuupenyu.

Pazvinenge Zviri Nani Kuva Nezvishoma

“Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha pane kuva nezvizhinji iwe uchivhiringidzwa nazvo,” anodaro Mambo Soromoni weIsraeri yekare. (Zvirevo 15:16) Kurega kuteerera Musiki toita kuti kutsvaka zvinhu zvokunyama kuve chinangwa chedu chikuru muupenyu upenzi. Upenyu hwakadaro hwakazara nokutsvaka kunonetesa uye kuzvidya mwoyo zvikuru. Zvaizonzwisa tsitsi chaizvo kuti munhu azoziva akwegura kuti upenyu hwake hwose hwanga husina chinangwa uye husina zvahunoreva! Kuunganidza zvinhu zvakawanda uchi“vhiringidzwa” nazvo zvechokwadi hakusi kuchenjera. Zviri nani zvikuru kuziva chinoita kuti munhu agutsikane orarama zvinoenderana nokugutsikana ikoko! Kugutsikana kwechokwadi kunobva pakutya Jehovha—ukama hwedu naye—kwete pazvinhu zvokunyama.—1 Timoti 6:6-8.

Achiratidza kuti ukama hwakanaka nevamwe hunokosha zvikuru kupinda kuva nezvakawanda zvokunyama, Soromoni anoti: “Zviri nani kuva nezvokudya zvomuriwo paine rudo pane kuva nenzombe yakakodzwa asi paine ruvengo.” (Zvirevo 15:17) Chokwadi, kudanana mumhuri kunodiwa zvikuru kupfuura zvokudya zvoumbozha zvakawanda. Mumhuri ine mubereki mumwe chete, vangasava nezvinhu zvakawanda. Mune dzimwe nyika zvokudya zvisingashamisiri ndizvo chete zvingave zviripo. Zvisinei, mhuri inofara kana ichidanana.

Kunyange mumhuri dzinowanzodanana, zvinhu zvingaoma. Mumwe womumhuri macho angataura kana kuita chimwe chinhu chingagumbura mumwe. Anenge agumburwa anofanira kuita sei? Zvirevo 15:18 inoti: “Murume akatsamwa anomutsa kukakavara, asi anononoka kutsamwa anonyaradza kupopota.” Mhinduro nyoro, kwete yehasha, inokurudzira rugare norunyararo. Zano rechirevo ichi rinoshanda zvakafanana mune zvimwe zvinhu muupenyu, kusanganisira mumabasa eungano uye muushumiri hwepachena.

Kana “Nzira Yakagadzirwa”

Chirevo chinotevera chinoratidza kusiyana kwakaita munhu anoteerera uchenjeri nevaya vasingahuteereri. “Nzira yesimbe yakaita soruzhowa rwemakwenzi ane minzwa,” anodaro mambo akachenjera, “asi gwara revakarurama inzira yakagadzirwa.”Zvirevo 15:19.

Ruzhowa rwemakwenzi ane minzwa chipingamupinyi chinovhiringidza. Simbe inofungidzira kuti pane zvipingamupinyi zvemarudzi ose uye inoti ndizvo zvinoitadzisa kutanga kuita chimwe chinhu. Asiwo, vakarurama havanetseki nezvezvipingamupinyi zvingavavhiringidza. Vanoshingaira mubasa ravo uye vanonyatsoshanda basa rinenge richifanira kuitwa panguva iyoyo. Saka vanonzvenga zvinetso zvakawanda zvakaita seminzwa zvavangadai vaisangana nazvo kudai vairegeredza. Nzira yavo “yakagadzirwa,” kureva kuti, vanofambira mberi. Vanotanga basa ravo uye vanofara parinofambira mberi.

Somuenzaniso, funga nezvenyaya yokuwana zivo yakarurama yeShoko raMwari uye kuramba uchiwedzera zivo yako. Zvinoda kushanda nesimba. Zviri nyore kuti munhu ataure kuti kusadzidza, kutadza kuverenga zvakanaka, kana kuti kutadza kunyatsoyeuka ndiko kunoita kuti arege kushanda nesimba kuti ashingaire kudzidza Bhaibheri ari oga. Zviri nani zvikuru kusaona zvinhu zvakadaro sezvipingamupinyi zvingakutadzisa kuwana zivo! Kunyange tiine mano mashoma, tinogona kushanda nesimba kuti tivandudze mano edu okuverenga uye okunzwisisa zvatinoverenga, zvichida tichishandisa duramazwi pazvinenge zvakakodzera. Maonero akanaka anotibatsira kuwana zivo uye kufambira mberi pakunamata.

Apo ‘Baba Vanofara’

“Mwanakomana akachenjera ndiye anofadza baba,” anodaro mambo waIsraeri, “asi benzi rinozvidza amai varo.” (Zvirevo 15:20) Vabereki havafari here vana vavo pavanoita nokuchenjera? Chokwadi, kuti pave nemigumisiro yakanaka kudaro, vabereki vanofanira kurovedza uye kuranga vana vavo. (Zvirevo 22:6) Asi mwanakomana akachenjera anofadza vabereki vake chaizvo! Zvisinei, benzi rinoita kuti varambe vachingoshungurudzika.

Achishandisa shoko rokuti “kufara” mune mamwe mamiriro ezvinhu, mambo akachenjera anoti:“Munhu ane mwoyo usina njere anoti upenzi kufara, asi munhu ane ungwaru ndouya anoenda akananga mberi.” (Zvirevo 15:21) Vaya vasina njere vanofara vachiseka zvoupenzi uye vachifara zvisingavagutsi zvechokwadi kana kuti zvisingaiti kuti vawane mufaro. Zvisinei, munhu ane ungwaru anoona upenzi hwokuva “anoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari.” (2 Timoti 3:1, 4) Kuramba achiita zvinotaurwa naMwari kunomubatsira kuramba achiita zvakarurama uye kuita kuti nzira yake irambe yakatwasuka.

Kana “Pane Zvinobudirira”

Kurarama maererano nezvinotaurwa naMwari kunobatsira mune zvimwewo zvinhu zvoupenyu hwedu. Zvirevo 15:22 inoti: “Pasina kurangana, zvirongwa hazvibudiriri, asi pane vanhu vazhinji vanopa mazano pane zvinobudirira.”

Kurangana kunoreva kuti vanhu vanotaurirana vari voga vasingavanzirani. Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “kurangana” rakashandurwa kuti “boka revatsvene vanoshamwaridzana” pana Pisarema 89:7. Izvi zvinoreva kukurukurirana zvine ushamwari. Pane kungokurukurirana zvinhu zvisina basa, kurangana kutaurirana pfungwa dzechokwadi uye manzwiro atinoita. Varume nevadzimai uyewo vabereki nevana pavanokurukurirana vakasununguka nenzira iyi, vanova norugare uye vanobatana. Asi kusarangana kunoita kuti pave nokuvhiringidzana nezvinetso mumhuri.

Patinoita zvisarudzo zvinokosha, kuchenjera kuti titeerere zano rokuti: “Pane vanhu vazhinji vanopa mazano pane zvinobudirira.” Somuenzaniso, patinenge tichisarudza nzira yokurapwa nayo, hakusi kuchenjera here kuona chiremba wechipiri kana wechitatu, kunyanya kana paine zvinhu zvakakomba zvatinofanira kufunga nezvazvo kuti tizosarudza?

Kuva navanachipangamazano vakawanda kunokosha zvikuru pakutarisira zvinhu zvine chokuita nokunamata. Vakuru pavanobvunzana voshandisa uchenjeri hwavo vose, zvinhu “zvinobudirira.” Uyezve, vatariri vanenge vachangogadzwa havafaniri kuzeza kutsvaka zano kune vakuru vanenge vati kurei uye vava noruzivo, kunyanya kana vari kutarisira nyaya yakaoma.

Kana Achi“farira Mhinduro”

Mashoko anotaurwa nenjere anobatsirei? “Munhu anofarira mhinduro yomuromo wake,” anodaro mambo waIsraeri, “uye shoko rinotaurwa panguva yakakodzera, haiwa rakanaka sei!” (Zvirevo 15:23) Hatifari here mhinduro yedu kana kuti zano redu parinoteverwa, pova nemigumisiro yakanaka? Zvisinei, kuti zano redu ribudirire, rine zvinhu zviviri zvarinofanira kuita.

Kutanga, zano racho rinofanira kunge richibva muShoko raMwari, Bhaibheri. (Pisarema 119:105; 2 Timoti 3:16, 17) Zvadaro, rinofanira kutaurwa panguva yakarurama. Kunyange mashoko echokwadi kana akataurwa panguva isiri iyo angakuvadza. Somuenzaniso, kupa munhu zano usati wanzwa zvose zvaari kuda kutaura hakusi kuchenjera uye hakubatsiri. Zvinokosha zvikuru kuti ‘tikurumidze kunzwa, tononoka kutaura”!—Jakobho 1:19.

“Gwara Roupenyu Riri Kumusoro”

Zvirevo 15:24 inoti: “Kumunhu ane njere, gwara roupenyu riri kumusoro, kuitira kuti anzvenge Sheori iri pasi.” Munhu ane njere ari munzira inobvisa munhu kuSheori, guva revanhu vose. Anorega miitiro inokuvadza yakaita sounzenza, kushandisa zvinhu zvinoita kuti adhakwe, uye kudhakwa nedoro—nokudaro angasafa nokukurumidza. Nzira yake inoendesa kuupenyu.

Kusiyana neizvozvo, ona nzira yevaya vasina njere: “Jehovha achaputsa imba yevanozvikwidziridza, asi achasimbisa muganhu wechirikadzi. Mazano omunhu akaipa chinhu chinosemesa Jehovha, asi mashoko anofadza akachena. Munhu anowana mubereko usina kururama anounzira imba yake dambudziko, asi munhu anovenga pfumbamuromo ndiye acharamba achirarama.”Zvirevo 15:25-27.

Achiratidza kuti tinganzvenga sei chipingamupinyi chakajairika, mambo waIsraeri anoti: “Mwoyo womunhu akarurama unofungisisa kuti upindure, asi miromo yevakaipa inobudisa zvinhu zvakaipa.” (Zvirevo 15:28) Zano riri muchirevo ichi rinokosha chaizvo! Mhinduro dzoupenzi dzokungobvotomoka kazhinji hadzina zvadzinobatsira. Patinofunga nezvezvinhu zvakasiyana-siyana zvingava zvichikosha pane imwe nyaya, kusanganisira mamiriro ezvinhu evamwe nemanzwiro avanoita, zvingangoita kuti tisazotaura zvinhu zvatingazodemba.

Saka, zvinobatsirei kutya Mwari uye kubvuma kurangwa naye? Murume akachenjera anopindura kuti: “Jehovha ari kure nevakaipa, asi anonzwa minyengetero yevakarurama.” (Zvirevo 15:29) Mwari wechokwadi haasi pedyo nevakaipa. “Munhu anoita kuti nzeve yake irege kunzwa mutemo” rinodaro Bhaibheri, “kunyange munyengetero wake chinhu chinosemesa.” (Zvirevo 28:9) Vaya vanotya Mwari vovavarira kuita zvakarurama mumaziso ake vanogona kutaura naye vakasununguka, vaine chivimbo chakazara chokuti achavanzwa.

Chi“nofadza Mwoyo”

Achishandisa enzaniso inotokonya pfungwa, Soromoni anoti: “Kupenya kwemaziso kunofadza mwoyo; mashoko akanaka anokodza mapfupa.” (Zvirevo 15:30) Mapfupa ‘anokodzwa’ kana akazara nemwongo. Izvi zvinoita kuti muviri wose uve nesimba uye zvinofadza mwoyo. Uye mufaro womumwoyo unoratidzwa nokupenya kwemaziso. Ndizvo zvinoita shoko rakanaka!

Mashoko ebasa romunyika yose rokuwedzera kuri kuita kunamatwa kwaJehovha haakurudziri zvechokwadi here? Kuziva zvose zviri kuitwa mubasa rokuparidza Umambo uye rokuita vadzidzi zvechokwadi kunotipa simba rokuita zvakawanda muushumiri. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Zvakaitika kune vaya vanoita kuti Jehovha ave Mwari wavo uye vanonamata zvechokwadi zvinozadza mwoyo yedu nomufaro. Sezvo “mashoko akanaka anobva kunyika iri kure” achikurudzira zvakadaro, zvinokosha zvikuru kuti tinyore zvakarurama uye nokungwarira zvatinoita muushumiri!—Zvirevo 25:25.

“Kuzvininipisa Kunotangira Kukudzwa”

Achisimbisa kukosha kwokubvuma kurangwa kwakasiyana-siyana, mambo akachenjera anoti: “Nzeve inoteerera kutsiura kunopa upenyu inogara pakati chaipo pevanhu vakachenjera. Munhu anoramba kurangwa ari kuramba mweya wake, asi munhu anoteerera kutsiurwa ari kuwana mwoyo une njere.” (Zvirevo 15:31, 32) Kutsiurwa, kana kurangwa, kunobaya mwoyo womunhu uye kunougadzirisa, kuchiita kuti ave nepfungwa dzakanaka. Ndokusaka “shamhu yokuranga” ichibvisa “upenzi hwakasungirirwa pamwoyo womukomana”! (Zvirevo 22:15) Munhu anoteerera kurangwa anowanawo njere, kureva kuti anova nevavariro yakanaka. Asiwo, kuramba kurangwa kuramba upenyu.

Zvechokwadi, kubvuma kurangwa nouchenjeri uye kukubvuma nokuzvininipisa kunobatsira. Kuita izvozvo hakungoiti kuti tigutsikane, tifambire mberi, tifare, uye tibudirire, asiwo kunoita kuti tikudzwe uye tiwane upenyu. Zvirevo 15:33 inogumisa ichiti: “Kutya Jehovha ndiko kurangwa kunounza uchenjeri, uye kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.”

[Mashoko Omuzasi]

[Mufananidzo uri papeji 17]

Kudanana mumhuri kunodiwa kupfuura zvokudya zvoumbozha zvakawanda

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kunyange zvedu tiine patinogumira, maonero akanaka anotibatsira kuwana zivo

[Mufananidzo uri papeji 19]

Kurangana kutaurirana pfungwa nemanzwiro amunoita zvechokwadi

[Mufananidzo uri papeji 20]

Unoziva here kuti “mashoko akanaka anokodza mapfupa” sei?