Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Tinoziva sei kuti rondedzero youchenjeri iri pana Zvirevo 8:22-31 inoreva Jesu Kristu asati ava munhu?

Rondedzero youchenjeri yakafuridzirwa inowanikwa mubhuku raZvirevo inoti, “Jehovha akandisika kuti ndivepo sokutanga kwenzira yake, wokutanga-tanga pamabasa ake ekare kare. . . . Makomo asati adzikwa, zvikomo zvisati zvavapo, ini ndakaitwa kuti ndivepo sokunge nemarwadzo okusununguka . . . Paakagadzira matenga ndaivapo; . . . ndaiva padivi pake ndiri mhizha, uye ndakava munhu waaida kwazvo zuva nezuva, ini ndichifara pamberi pake nguva dzose, . . . uye ndaifarira kwazvo zvinhu zvaiva nechokuita nevanakomana vevanhu.”

Ndima idzi hadzingambovi dzichitaura nezvouchenjeri hwaMwari chete kana kuti uchenjeri chaihwoihwo. Nemhaka yei? Nokuti uchenjeri hunorondedzerwa pano ‘hwakasikwa’ sokutanga kwenzira yaJehovha. Jehovha Mwari agara achingovapo uye agara akangochenjera. (Pisarema 90:1, 2) Uchenjeri hwake hahuna mavambo; hahuna kuita zvokusikwa kana kuberekwa. Hahuna kuberekwa “sokunge nemarwadzo okusununguka.” Uyezve, uchenjeri uhwu hunonzi hunotaura uye hunotoita zvinhu, huchimiririra munhu.—Zvirevo 8:1.

Bhuku raZvirevo rinoti kare kare uchenjeri hwaiva padivi paJehovha, Musiki, huri “mhizha.” Chokwadi mashoko iwayo anoreva Jesu. Kare kare asati auya pasi pano, Jesu akashanda pedyo zvikuru naJehovha zvokuti Shoko raMwari rinoti: “Akatangira zvimwe zvinhu zvose uye zvimwe zvinhu zvose zvakaitwa kuti zvivepo pachishandiswa iye.”—VaKorose 1:17; Zvakazarurwa 3:14.

Kutaura kuti Mwanakomana waMwari uchenjeri kwakakodzera, zvaari Iye akazivisa zvinangwa uye mirayiro yaJehovha youchenjeri. Asati ava munhu, Jesu aiva Shoko raMwari, kana kuti Anotaura achimumiririra. (Johani 1:1) Anorondedzerwa achinzi “isimba raMwari nouchenjeri hwaMwari.” (1 VaKorinde 1:24, 30) Irondedzero yakanaka kwazvo yoMwanakomana waMwari, uyo akada vanhu zvakazomuita kuti ape upenyu hwake sorudzikinuro nokuda kwavo!—Johani 3:16.

[Mufananidzo uri papeji 31]

“Makomo asati adzikwa . . . ndakaitwa kuti ndivepo”