Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pakupedzisira Mhuri Yedu Yakabatana!

Pakupedzisira Mhuri Yedu Yakabatana!

Nyaya Youpenyu

Pakupedzisira Mhuri Yedu Yakabatana!

YAKATAURWA NASUMIKO HIRANO

Ndakanga ndawana nzira yakanakisisa youpenyu, uye ndaida kuti ini nomurume wangu tirarame saizvozvo. Makore 42 aizopfuura izvi zvisati zvaitika.

INI NOMURUME wangu takaroorana muna 1951, pandaiva nemakore 21. Mumakore mana, takanga tava nevanakomana vaviri, uye zvaiita sokuti upenyu hwangu hwakanga hwakakomborerwa mune zvose.

Rimwe zuva muna 1957, sisi vangu vakandiudza kuti vakanga vari kushanyirwa nomumwe mumishinari weZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvazvo vaiva muBhudha, sisi vangu vakatanga kudzidza Bhaibheri nomumishinari wacho uye vakandikurudzira kuti ndidzidzewo Bhaibheri. Ndakabvuma. Ndaipinda chechi yePurotesitendi, uye ndaifunga kuti ndaizogona kuratidza zvaikanganiswa neZvapupu zvaJehovha.

Munguva pfupi ndakazoona kuti hapana chandaiziva nezveBhaibheri. Ndaifanira kubvunza mumishinari wacho kuti, “Jehovha ndiani?” Ndakanga ndisati ndambonzwa zita iroro richishandiswa kuchechi kwedu. Mumishinari wacho, ainzi Daphne Cooke (akazonzi Daphne Pettitt), akati ndivhure Isaya 42:8, inoratidza pachena kuti Jehovha ndiro zita raMwari Wemasimbaose. Daphne akapindura mibvunzo yangu yose achishandisa Bhaibheri.

Ndakabvunza mufundisi wedu mibvunzo iyoyo. Akandiudza kuti: “Kubvunza mibvunzo chivi. Ingotenda zvaunenge waudzwa.” Kunyange zvazvo ndakanga ndisingaoni sokuti kubvunza mibvunzo kwakanga kwakaipa, kwemwedzi mitanhatu ndaienda kuchechi Svondo yoga yoga mangwanani ndozopinda misangano yeZvapupu zvaJehovha masikati.

Kukanganisa Kwazvakaita Mhuri Yangu

Zvandaidzidza muBhaibheri zvakandifadza, uye ndakaudzawo murume wangu, Kazuhiko. Pose pandaipedza kudzidza uye pandaibva kumisangano, ndaimuudza zvandainge ndadzidza. Takaguma tisingachafari sakare. Akanga asingadi kuti ndive mumwe weZvapupu zvaJehovha. Asi, kudzidza Bhaibheri kwaifadza chaizvo zvokuti ndakaramba ndichidzidza uye ndichiwadzana neZvapupu zvaJehovha.

Ndisati ndabva pamba manheru aiitwa misangano, ndaibikira Kazuhiko zvokudya zvaaifarira, asi akatanga kuenda kunodya kuresitorendi. Pandaidzoka kumba misangano yapera, aiva akati kwindi uye airamba kutaura neni. Kwapera mazuva maviri kana matatu, aitanga kufara, asi yainge yava nguva yokuti ndiende kumusangano waitevera.

Panenge panguva iyi, ndakarwara neTB, chirwere chakanga chatouraya vanhu vakawanda vomumhuri yomurume wangu. Kazuhiko akanetseka chaizvo uye akandiudza kuti kana ndapora, ndaigona kuita chero chipi zvacho chandaida. Chandakangokumbira ndechokuti asandirambidza kupinda misangano yevhiki nevhiki. Akabvuma.

Ndakazopora kwapera mwedzi mitanhatu, uye munguva yose iyi ndakanga ndichidzidza Bhaibheri zvakanyanya. Ndaitsvaka zvainge zvisingapindirani pane zvaidzidziswa neZvapupu, ndichifunga kuti ndaizorega kudzidza kana ndikangowana chimwe chete. Hapana chandakawana. Asi zvakatobuda pachena zvaiva zvikanganiso zveChechi yePurotesitendi. Ndakasvika pakuziva rudo rwaJehovha nokururamisira kwake uye ndakaona kubatsira kwazvinoita kurarama maererano nemitemo yake.

Ndapora, murume wangu akaita zvaakanga avimbisa uye haana kushora kuenda kwandaiita kumisangano. Ndakaramba ndichiwedzera zivo yangu yezvokunamata, uye muna May 1958, ndakabhabhatidzwa kuti ndive mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndaida chaizvo kuti mhuri yangu inamatewo neni Mwari wechokwadi.

Kubatsira Vana Vangu Pane Zvokunamata

Ndaigara ndichienda nevanakomana vangu kumisangano uye mubasa rokuparidzira, asi pane zvakaitika zvakandiratidza kuti zivo yavo yeBhaibheri yakanga iri kuwedzera. Rimwe zuva Masahiko, mwanakomana wangu aiva nemakore matanhatu, akanga achitamba panze. Ndakanzwa ruzha rukuru uye mumwe munhu achiridza mhere. Muvakidzani wedu akangoti bherengende mumba mangu, achidanidzira kuti mwanakomana wangu akanga arohwa nemotokari. Akanga afa here? Ndakazvimanikidza kudzikama sezvandaimhanyira panze. Ndakadedera pandakaona bhasikoro rake rakanga rapetana-petana, asi ndakabva ndamuona achifamba achiuya kwandiri, angokuvara zvishoma. Sezvaakandimbundira, akati, “Amai, Jehovha andibatsira, handiti?” Kumuona ari mupenyu uye kunzwa mashoko iwayo akanaka kwakandichemedza.

Rimwe zuva pataiva muushumiri, takasangana nomumwe murume akanga akwegura uyo akapopota achiti: “Unofunga kuti uri kuitei uchimanikidza mwana muduku akadaro kuti akutevere? Ndinomunzwira tsitsi.” Ndisati ndapindura, Tomoyoshi aiva nemakore masere akati: “Sekuru, amai vangu havandimanikidzi kuparidza. Ndinoparidza nokuti ndinoda kushumira Jehovha.” Murume wacho akangoramba akati ndee uye akashaya chokutaura.

Pazvinhu zvokunamata, vanakomana vangu vakanga vasina baba. Zvaiva kwandiri kuti ndivadzidzise chokwadi cheBhaibheri, kunyange zvazvo ini wacho ndakanga ndichiri kufanira kudzidza zvakawanda. Ndakakudziridza rudo, kutenda uye kushingaira ndokuedza kuratidza muenzaniso wakanaka. Zuva nezuva ndainyengetera kuna Jehovha vana varipo. Ndaivaudza zvainge zvaitika kwandiri mubasa rokuparidzira. Izvi zvaivakurudzira. Pavakazobvunzwa kuti nei vakanga vava mapiyona, kana kuti vashumiri veZvapupu zvaJehovha venguva yakazara, vakapindura kuti, “Takaona kuti amai vedu vaifara nokuva piyona, uye taida kufarawo.”

Ndakaedza nepandaigona napo kusataura ndichishora baba vavo kana kuti chero munhu upi zvake womuungano. Ndaiziva kuti kutaura zvisina kunaka kwaigona kukanganisa vana vangu. Vaigona kuzotadza kuremekedza munhu wandaiva ndataura zvakaipa nezvake kunyange neniwo.

Kukurira Zvipingamupinyi Zvokufambira Mberi

Muna 1963 basa romurume wangu rakaita kuti mhuri yedu itamire kuTaiwan. Akandiudza kuti kana ndaizoparidzira vanhu vokuJapan vaiva ikoko, ndaizokonzera zvinetso. Taizodzorerwa kuJapan, uye izvi zvaizokonzera zvinetso kukambani yake. Aida kuti tisawadzane neZvapupu.

KuTaiwan, uko kwaiitwa misangano yose nomutauro weChinese, Zvapupu zvakatigamuchira zvakanaka chaizvo. Ndakasarudza kudzidza mutauro weChinese kuitira kuti ndiparidzire vanhu vomunyika iyoyo pane kuparidzira vokuJapan. Kuita izvozvo kwaizotidzivirira pazvinetso zvakanga zvataurwa nomurume wangu.

Ushamwari hwedu neZvapupu zvomuTaiwan hwakatisimbisa. Mamwe mamishinari akaroorana, Harvey naKathy Logan, akatibatsira chaizvo. Hama Logan vakava baba vezvokunamata vevanakomana vangu. Vakavaratidza kuti upenyu hwokushumira Jehovha hahusi upenyu husinganakidzi, hwakaoma. Ndine chokwadi kuti vanakomana vangu vakasarudza kushumira Jehovha pataiva kuTaiwan.

Tomoyoshi naMasahiko vakaenda kuchikoro chevanhu vokuAmerica, kwavakadzidza Chirungu pamwe chete nomutauro weChinese. Dzidzo iyoyo yakavagadzirira basa ravaizoita sevashumiri vaMwari wechokwadi, Jehovha. Ndinoonga Jehovha chaizvo kuti akachinja nguva ingadai yakatiomera chaizvo kuti ive nguva yezvikomborero zvisingaperi. Tapedza makore matatu nehafu atisingakanganwi tiri muTaiwan, mhuri yedu yakadzokera kuJapan.

Vakomana zvino vakanga vayaruka uye vakatanga kuda kuzvimiririra. Ndaipedza maawa akawanda ndichitaura navo nezvezvinotaurwa muBhaibheri, uye Jehovha akavabatsira panguva iyoyo yakaoma. Paakapedza chikoro chesekondari, Tomoyoshi akatanga kupayona. Akakwanisa kubatsira vanhu vana kuti vazvitsaurire uye vabhabhatidzwe mumakore ake mashomanana aakatanga kupayona. Masahiko akatevedzera muenzaniso womukoma wake uye akatanga kupayona achangopedza chikoro chesekondari. Akabatsira vaduku vana kuti vave Zvapupu mumakore ake mana aakatanga kupayona.

Zvadaro Jehovha akatonyanya kukomborera vana vedu. Tomoyoshi akadzidza nomurume womumwe mukadzi wandakanga ndabatsira kuti adzidze chokwadi cheBhaibheri. Vanasikana vavo vaviri vakavawo Zvapupu. Gare gare, Tomoyoshi akaroora musikana mukuru wacho, Nobuko, uye Masahiko akaroora muduku wacho, Masako. Iye zvino Tomoyoshi naNobuko vari kushanda padzimbahwe reZvapupu zvaJehovha, kuBrooklyn, New York. Uye Masahiko naMasako mamishinari kuParaguay.

Murume Wangu Aichinja Zvishoma Nezvishoma

Murume wangu aiita seasingafariri zvataitenda kwemakore ose iwayo, asi pane zvatakaona zvairatidza kuti akanga ari kuchinja. Vamwe pavaindishora, iye aitsigira zvandaitenda uye aitonyatsotsigira chokwadi cheBhaibheri asingazvizivi. Aibatsira Zvapupu zvaishayiwa nezvinhu zvokunyama. Mumashoko mapfupi aakataura pamuchato womumwe wevanakomana vedu, akati: “Kudzidzisa vanhu mararamiro akanaka ndiro basa rakanakisisa uye rakaoma zvikuru. Vanakomana vangu nemadzimai avo vakasarudza kuita basa iri rakaoma kupfuura mamwe ose. Ndapota vabatsirei.” Zvose izvi zvaiita kuti ndifunge kuti chokwadi aizobatana nesu kushumira Jehovha.

Ndakaronga kuti Zvapupu zvandainamata nazvo zvishamwaridzane nomurume wangu kumba kwedu. Ndaikoka Kazuhiko kumisangano yechiKristu nokumagungano pamwe chete nokuChirangaridzo chorufu rwaKristu. Pazvainge zvichiita kubasa kwake, aipinda misangano iyi, kunyange zvazvo aipinda achigunun’una. Kakawanda ndaifunga kuti angangobvuma kudzidza Bhaibheri, saka ndaikoka vakuru vechiKristu kuti vauye kumba. Asi airamba kudzidza. Ndainetseka kuti chii chakanga chisina kumira zvakanaka.

Ndakayeuka mashoko omuapostora Petro, okuti: “Imi madzimai, zviisei pasi pevarume venyu, kuti kana paine vasingateereri shoko, muvawane nomufambiro wenyu pasina shoko rinotaurwa, nokuva kwavo zvapupu zvakaona mufambiro wenyu wakachena pamwe chete noruremekedzo rukuru.” (1 Petro 3:1, 2) Ndakaziva kuti ndakanga ndisingagari ndichitevera zano iroro. Kuti ndiite zvinoenderana nezano iroro zvizere, ndaitofanira kuwedzera zivo yangu yezvokunamata.

Muna 1970, ndakatanga kupayona ndiine chinangwa chokuwedzera zivo yangu. Pakapfuura makore gumi, ndokuzopfuura 20. Kunyange zvakadaro, hapana chandakaona chakaratidza kuti murume wangu akanga achinja pane zvokunamata. Mumwe mudzidzi weBhaibheri akamboti: “Zvinofanira kunge zvakaoma kubatsira vamwe vanhu imi musingatombokwanisi kubatsira murume wenyu.” Mashoko iwayo akandiodza mwoyo, asi handina kukanda mapfumo pasi.

Nechokunopera kwema1980, vabereki vedu vakanga vava hari dzofanzirofa. Kuvatarisira uye kuita mamwe mabasa andaifanira kuita kwainetesa uye kwaishungurudza. Kwemakore, vose vaishora kutenda kwangu muna Jehovha, asi ndakaedza nepandaigona napo kuratidza kuti ndaivada. Nguva pfupi vasati vafa, amai vangu vaiva nemakore 96 vakanditi: “Sumiko, kana ndikamutswa, ndichapinda chechi yako.” Ndakaona kuti zvandaiedza kuita zvakanga zvashanda.

Murume wangu akaona zvose zvandakanga ndaitira vabereki vedu. Kuti aratidze kuti aizvionga, akatanga kupinda misangano nguva dzose. Kwemakore akawanda haana kunyatsofambira mberi pakunamata. Ndakaramba ndichiedza kumufadza. Ndaikoka shamwari dzake nevaaishanda navo vokune dzimwe nyika kumba kwedu kuti vazodya nesu. Ndaitandara naye. Maawa aidiwa kumapiyona paakadzikiswa kuva 70 pamwedzi, ndakanga ndava kupedza nguva yakawanda ndiinaye.

Kurega Basa Kunoita Kuti Achinje

Murume wangu akarega basa muna 1993. Ndakafunga kuti, iye zvino achange ave nenguva yokudzidza Bhaibheri. Asi akati kunamata Mwari nokuti aiva nenguva yacho kwaizova kuzvidza Mwari. Akati aizonamata Mwari kana mwoyo wake wamukurudzira kuti adaro uye kuti ndakanga ndisingafaniri kumumanikidza.

Rimwe zuva Kazuhiko akandibvunza kana iye zvino ndaizopedza upenyu hwangu hwose ndichimuitira zvaanoda. Izvi zvakandirwadza, nokuti ndakanga ndave ndichimuitira zvose zvandaigona kubvira patakaroorana. Ndakanga ndaedza chaizvo kumufadza, asi iye aiona sokuti ndakanga ndichinyanya kuita zvaidiwa naJehovha kupfuura zvaaida. Pashure pokufunga kwekanguva, ndakamuudza kuti ndakanga ndisisina zvimwezve zvandaigona kumuitira zvinopfuura zvandakanga ndiri kutoita. Asi kudai aizobatana neni pane zvandaiita, taigona kutanga upenyu patsva uhwo hwaisazongogara kwemamwe makore mashomanana, asi nokusingagumi. Kwemazuva, murume wangu akanga asina mhinduro. Pakupedzisira akabvunza kuti, “Saka uchandidzidzisa Bhaibheri here?” Pose pandinofunga nezvemashoko iwayo, mwoyo wangu unofara kwazvo.

Pakutanga ndakaronga kuti mumwe mukuru wechiKristu adzidze nomurume wangu, asi akandiudza kuti, “Hapana mumwe wandinoda kudzidza naye kunze kwako.” Saka takatanga kudzidza Bhaibheri zuva nezuva. Sezvo ndiri muungano yomutauro weChinese, uye murume wangu achinyatsogona mutauro iwoyo, taidzidza nomutauro weChinese. Takaverengawo Bhaibheri rose munguva isingasviki gore.

Panguva iyi, mumwe mukuru womuungano yomutauro weChinese, pamwe chete nomudzimai wake, vakatanga kutifarira. Kunyange zvazvo vaiva vaduku kuvana vedu, vakava shamwari dzedu dzechokwadi. Zvimwe Zvapupu zvakawanda zvakafarirawo murume wangu chaizvo. Vaitiratidza mutsa uye vaikurukura naKazuhiko sokuti aiva baba vavo. Izvozvo zvaimufadza chaizvo.

Rimwe zuva pamba pakauya tsamba yaitikoka kumuchato womuungano, uye yakanga yakanyorerwa murume wangu. Kuzivikanwa kuti ndiye aiva musoro wemhuri ikoko kwakamubaya mwoyo chaizvo, uye akasarudza kuenda kumuchato wacho. Nenguva isipi akatanga kusununguka kuZvapupu uye akatanga kudzidza Bhaibheri nomumwe mukuru wechiKristu. Kudzidza kwaaiita Bhaibheri, kupinda kwaaiita misangano, uye rudo rweungano zvakamubatsira kuti afambire mberi zvakanaka pakunamata.

Mhuri Yakabatana Pakupedzisira

Muna December 2000, murume wangu akabhabhatidzwa achiratidza kuzvitsaurira kwake kuna Jehovha. Vanakomana vangu nevadzimai vavo vakauya kubva kure kuzoona ichi “chishamiso” chemazuva ano. Zvakatora makore 42, asi pakupedzisira tabatana semhuri.

Iye zvino mangwanani mamwe nemamwe, tiri vaviri tinokurukura rugwaro rwezuva uye tinoverenga Bhaibheri pamwe chete. Zuva nezuva, tinonakidzwa nokukurukura zvine chokuita nokunamata uye kuita mabasa echiKristu. Iye zvino murume wangu ava mushumiri anoshumira muungano uye munguva pfupi yapfuura akapa hurukuro yavose yeBhaibheri nomutauro weChinese. Ndinotenda Jehovha kuti akatibatanidza. Pamwe chete nemhuri yangu neshamwari dzangu, ndinotarisira kusimudzira zita rake uye kutsigira uchangamire hwake nokusingagumi.

[Mepu iri papeji 13]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

CHINA

DEMOCRATIC PEOPLE’S REPUBLIC OF KOREA

REPUBLIC OF KOREA

Sea of Japan

JAPAN

Tokyo

East China Sea

TAIWAN

Taipei

[Mufananidzo uri papeji 12]

Ndiine mhuri yangu muna 1958, gore randakabhabhatidzwa

[Mifananidzo iri papeji 13]

Takasimbiswa pakunamata neshamwari dzakaita saHarvey naKathy Logan patakatama kubva kuTokyo tichienda kuTaipei

[Mufananidzo uri papeji 15]

Iye zvino mhuri yangu yakabatana pakunamata kwechokwadi