Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinokwanisika Kuti Vanhu Vose Varemekedzwe

Zvinokwanisika Kuti Vanhu Vose Varemekedzwe

Zvinokwanisika Kuti Vanhu Vose Varemekedzwe

“Tinofanira kuvaka nyika itsva—nyika iri nani zvikuru—ichange ichiremekedza kodzero dzevanhu nokusingaperi.”—PUREZIDHENDI WEUNITED STATES HARRY TRUMAN, SAN FRANCISCO, CALIFORNIA, U.S.A., APRIL 25, 1945.

KUFANANA nevakawanda vakararama Hondo Yenyika II yapera, Purezidheni Truman aidavira kuti munhu aigona kudzidza pane zvakaitika kare ovaka “nyika itsva,” umo vanhu vose vanenge vachiremekedzwa. Zvinosuruvarisa kuti zviri kuitika zvakasiyana chaizvo nezvaaifunga. “Kuremekedza kodzero dzevanhu nokusingaperi” kunoramba kuchivhiringidzwa nokuti chinetso chacho hachikonzerwi nevanhu, asi nomuvengi mukuru wevanhu.

Anokonzera Chinetso Chacho

Bhaibheri rinoti muvengi uyu ndiSatani Dhiyabhorosi, chisikwa chomudzimu chakaipa, chave chichidenha kodzero yaMwari yokutonga kubvira vanhu vachangotanga kuvapo. Kubvira pakakurukura Satani naEvha mumunda weEdheni, chinangwa chake chave chiri chokubvisa vanhu pakushumira Musiki wavo. (Genesisi 3:1-5) Funga nezvezvinhu zvinosuruvarisa zvakazoitika kuna Adhamu naEvha pavakabvuma kufurirwa naDhiyabhorosi! Mugumisiro wokusateerera kwavo mutemo waMwari nezvomuchero wakarambidzwa waiva wokuti vari vaviri “vakanovanda Jehovha Mwari.” Nei? Adhamu akareurura achiti: “Ndatya nokuti ndanga ndisina kupfeka saka ndavanda.” (Genesisi 3:8-10) Ukama hwaAdhamu naBaba vake vokudenga uye maonero aaizviita akanga achinja. Akanga ava kunyara uye asingachanzwi akasununguka paaitaura naJehovha.

Nei Dhiyabhorosi aizoda kuti kuzviremekedza kwaAdhamu kudzikire? Nokuti munhu akasikwa nomufananidzo waMwari, uye Satani anofara kumuona achiita zvinhu zvinokanganisa kuratidza kwaanoita kubwinya kwaMwari. (Genesisi 1:27; VaRoma 3:23) Izvi zvinotibatsira kunzwisisa kuti nei vanhu vagara vachingotarisirana pasi. Zvaari iye “mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino,” Satani ave achitsigira maonero aya “panguva iyo munhu akatonga mumwe munhu achimukuvadza.” (2 VaKorinde 4:4; Muparidzi 8:9; 1 Johani 5:19) Izvi zvinoreva here kuti vanhu havachakwanisi kuremekedzana zvachose?

Jehovha Anoremekedza Zvinhu Zvaakasika

Fungazve nezvemamiriro aiva akaita zvinhu mumunda weEdheni, Adhamu naEvha vasati vatadza. Vaiva nezvokudya zvakawanda chaizvo, basa rinogutsa, uye tarisiro yokurarama nokusingagumi vaine utano hwakanaka, ivo nevana vavo. (Genesisi 1:28) Upenyu hwavo hwose hwairatidza chinangwa chaMwari chorudo, chinoremekedzwa nokuda kwevanhu.

Maonero aiita Jehovha kuremekedzwa kwevanhu akachinja here pakatadza Adhamu naEvha? Aiwa. Akaratidza kuti aiva nehanya nokunyara kwavakanga vava kuita nokuti vakanga vasina kupfeka. Norudo, Mwari akavapa “nguo refu dzematehwe” kuti vatsive mashizha omuonde aifukidza chiuno avakanga vasonanidza. (Genesisi 3:7, 21) Pane kuvarega vachinyara, Mwari akavaremekedza.

Pave paya, paaibata norudzi rwaIsraeri, Jehovha akanzwira tsitsi nherera, chirikadzi nevatorwa—vanhu vanowanzobatwa zvisina kufanira munzanga. (Pisarema 72:13) Somuenzaniso, pavaikohwa zviyo zvavo, miti yemiorivhi, uye mizambiringa, vaIsraeri vakaudzwa kuti vaisafanira kudzokera kunonhonga zvaisaririra. Pane kudaro, Mwari akarayira kuti zvaisaririra izvozvo ‘zvaifanira kusarira mutorwa, nherera nechirikadzi.’ (Dheuteronomio 24:19-21) Mitemo iyi payaitevedzerwa, yaiita kuti vanhu vasakumbira uye yaiita kuti kunyange varombo zvikuru vave nebasa rinoremekedzwa.

Jesu Airemekedza Vamwe

Paaiva pasi pano, Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, akaratidza kuti aifarira kuremekedza vamwe. Somuenzaniso, paaiva muGarireya, munhu aiva nemaperembudzi akanga azara muviri wose akauya kwaari. Maererano noMutemo waMosesi, kuti asatapurira vamwe, munhu aiva nemaperembudzi aifanira kushevedzera kuti: “Handina kuchena, handina kuchena!” (Revhitiko 13:45) Zvisinei, murume uyu paakaenda kuna Jesu haana kushevedzera kuti amunyevere. Pane kudaro, akawira pasi nechiso chake akateterera Jesu kuti:“Ishe, kana muchida henyu, munogona kundichenesa.” (Ruka 5:12) Jesu akaita sei? Jesu haana kutuka murume wacho kuti akanga atyora Mutemo, uyewo Haana kubva angosiyana naye kana kuti kumunyenyeredza. Pane kudaro, akaremekedza munhu uyu aiva nemaperembudzi nokumubata achiti: “Ndinoda. Cheneswa.”—Ruka 5:13.

Pane dzimwe nguva, Jesu akaratidza kuti aikwanisa kuporesa asina kumbobata munhu wacho—dzimwe nguva aitoporesa ari kure. Zvisinei, apa akasarudza kubata murume wacho. (Mateu 15:21-28; Mako 10:51, 52; Ruka 7:1-10) Nemhaka yokuti murume wacho akanga “akazara maperembudzi,” hapana mubvunzo kuti pakanga pava nenguva yakareba asati ambobatwa nomumwe munhu. Anofanira kunge akanyaradzwa chaizvo paakabatwazve! Zvechokwadi chaingodiwa nomurume uyu kurapwa maperembudzi ake. Asi hapana mubvunzo kuti nzira iyo Jesu akamurapa nayo yakabatsira kuti avezve nechimwe chinhu—kuzviremekedza. Zvine musoro here kudavira kuti kuva nehanya nokuremekedza vamwe zvakadaro kungaitika mazuva ano? Kana zvakadaro, kungaratidzwa sei?

Mutemo Unoremekedza

Jesu akataura unonzi nevakawanda murayiridzo wakakurumbira zvikuru wakanga usati wambopiwa une chokuita noukama hwevanhu: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.” (Mateu 7:12) Mutemo uyu unokurudzira munhu kuti aremekedze vamwe vake, achitarisira kuti ivo vamurekedzewo.

Sezvinoratidzwa nezvave zvichiitika, munhu haangoerekani ashandisa mutemo uyu—kazhinji anotoita zvinopesana nawo. “Kutaura zvazviri ndaitonakidzwa nokunyadzisa vamwe,” anodaro mumwe murume watichadana kuti Harold. “Nemashoko mashomanana chete, ndaivasiya vatovhiringidzika, vava kunyara, uye dzimwe nguva vachisvimha misodzi.” Asi pane chakaitika kuna Harold chakaita kuti achinje zvaaiitira vamwe. “Zvapupu zvaJehovha zvinoverengeka zvakatanga kundishanyira. Kana ndikafunga zvandaiita, ndinonyara kufunga nezvezvimwe zvinhu zvandaivataurira uye dzimwe nguva zvandaivaita. Asi havana kumbokanda mapfumo pasi, uye zvishoma nezvishoma, chokwadi cheBhaibheri chakandibaya mwoyo ndokuita kuti ndichinje.” Iye zvino Harold mukuru muungano yechiKristu.

Zvakaitika kuna Harold zvinoratidza kuti “shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rakapinza kupfuura bakatwa chero ripi zvaro rinocheka nekwose uye rinobaya kusvikira panoparadzana mweya nomudzimu, uye mapfundo nemwongo yawo, uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro zvomwoyo.” (VaHebheru 4:12) Shoko raMwari rine simba rokubaya mwoyo womunhu uye kuchinja mafungiro ake nomufambiro wake. Ichi ndicho chinhu chinonyanya kukosha chinoita kuti uremekedze vamwe—kunzwa uchida kubatsira nomwoyo wose pane kukuvadza, kukudza pane kunyadzisa.—Mabasa 20:35; VaRoma 12:10.

Kuremekedzwazve Nenzira Yakakodzera

Chido ichi ndicho chinokurudzira Zvapupu zvaJehovha kuti zvitaure nevamwe nezvetariro inoshamisa iri muBhaibheri. (Mabasa 5:42) Hapana nzira iri nani yokuratidza kuremekedza vamwe inopfuura kuvaudzawo “mashoko akanaka echimwe chinhu chiri nani.” (Isaya 52:7) “Chimwe chinhu chiri nani” chinosanganisira kupfeka “unhu hutsva,” uhwo huchauraya ‘chido chinokuvadza’ chokunyadzisa vamwe. (VaKorose 3:5-10) Chinosanganisirawo chinangwa chaJehovha chokuti munguva pfupi iri kuuya achabvisa mamiriro ezvinhu nounhu hunoita kuti vanhu vasaremekedzwa, pamwe chete neakazvitanga wacho, Satani Dhiyabhorosi. (Dhanieri 2:44; Mateu 6:9, 10; Zvakazarurwa 20:1, 2, 10) Vanhu vose vachazoremekedzwa panguva iyoyo bedzi, kana nyika ya“zara nokuziva Jehovha.”—Isaya 11:9.

Tinokukumbira kuti udzidze nezvetariro iyi inoshamisa. Kana ukawadzana neZvapupu zvaJehovha, uchaona kuti kuita zvinotaurwa neBhaibheri kunoita kuti uremekedze vamwe. Uye uchakwanisa kuziva kuti nokukurumidza Umambo hwaMwari huchaunza sei ‘nyika itsva iri nani chaizvo’ munguva pfupi iri kuuya, nyika ichange “ichiremekedza kodzero dzevanhu nokusingaperi,” uye kodzero yevanhu yokuremekedzwa haizombotyorwi.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]

Kuramba Vakatendeseka Kwakaita Kuti Varambe Vachiremekedzwa

Paiitika Hondo Yenyika II, Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura 2 000 zvakaendeswa kumisasa yevasungwa yeNazi nemhaka yezvazvaitenda. Achitaura nezvenzira inoshamisa yavakaratidza nayo kuti vakatendeseka, Gemma La Guardia Gluck, aimbova musungwa kuRavensbrück anorondedzera mubhuku rake rinonzi My Story kuti: “Pane imwe nguva Gestapo yakanga yazivisa kuti Mudzidzi weBhaibheri aizoramba zvaaitenda osayina gwaro rairatidza izvozvo aizosunungurwa orega kutambudzwa.” Achinyora nezvevaya vakaramba kusayina gwaro racho, anoti: “Vakasarudza kuramba vachitambura uye kushivirira vakamirira zuva ravaizosunungurwa.” Nei vakasarudza izvozvo? Magdalena, ava mumakore ake okuma80, ataurwa panotangira nyaya yapfuura, anotsanangura kuti: “Kuramba wakatendeka kuna Jehovha kwainyanya kukosha kupfuura kuita zvose zvaunogona kuti urambe uri mupenyu. Taifanira kuramba takatendeseka kuti tiremekedzwe.” *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 23 Kana uchida nhoroondo ine mashoko akawanda nezvemhuri yokwaKusserow, ona Nharireyomurindi yaFebruary 15, 1986, peji 10-15.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Jesu airemekedza vaya vaaiporesa

[Mufananidzo uri papeji 7]

Zvapupu zvaJehovha zvinoremekedza vamwe nokuvaudzawo “mashoko akanaka echimwe chinhu chiri nani”