Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jobho—Murume Wokutsungirira uye Wokuvimbika

Jobho—Murume Wokutsungirira uye Wokuvimbika

Jobho—Murume Wokutsungirira uye Wokuvimbika

“Wanyatsocherechedza mushumiri wangu Jobho here, kuti hakuna akafanana naye panyika, murume asina chaanopomerwa, akarurama, anotya Mwari uye anonzvenga zvakaipa?”—JOBHO 1:8.

1, 2. (a) Jobho akasangana nenjodzi dzipi dzaisatarisirwa? (b) Rondedzera upenyu hwaJobho asati awirwa nenjodzi.

PAIVA nomumwe murume aiita seaiva nezvinhu zvose—pfuma, mukurumbira, utano hwakanaka, uye upenyu hwemhuri hunofadza. Zvadaro katatu akawirwa nenjodzi dzainge dzakatevedzana. Pakarepo, akarasikirwa nepfuma yake. Pashure pacho, dutu rakanga rakasimba zvikuru rakauraya vana vake vose. Pasina nguva, akava nechirwere chinopedza simba chakaita kuti muviri wake wose uzare nemamota airwadza chaizvo. Zvimwe unoziva kuti murume wacho aiva Jobho, munhu anonyanya kutaurwa nezvake mubhuku reBhaibheri rine zita rake.—Jobho, zvitsauko 1 ne2.

2 “Haiwa, kudai ndaiva mumwedzi yekare kare,” akataura kudaro achigomera. (Jobho 3:3; 29:2) Panoitika njodzi, ndiani asingashuvi mazuva ekare? Kana ari Jobho, akanga ararama upenyu hwakanaka, hwaiita sokunge kuti hwakanga husina njodzi. Vanhu vane mukurumbira vaimuremekedza uye vaitsvaka kupiwa mazano naye. (Jobho 29:5-11) Akanga akapfuma, asi aiona mari nenzira yakakodzera. (Jobho 31:24, 25, 28) Paaiona chirikadzi kana kuti nherera dzaishayiwa, aidzibatsira. (Jobho 29:12-16) Uye akaramba akatendeka kumudzimai wake.—Jobho 31:1, 9, 11.

3. Jehovha aiona sei Jobho?

3 Jobho airarama upenyu husina chahwaipomerwa nokuti ainamata Mwari. “Hakuna akafanana naye panyika,” Jehovha akadaro, “murume asina chaanopomerwa, akarurama, anotya Mwari uye anonzvenga zvakaipa.” (Jobho 1:1, 8) Asi pasinei nokuti Jobho akaramba aine tsika dzakanaka, njodzi dzakaparadza mararamiro ake oumbozha. Zvose zvaakanga ashandira zvakanyangarika, uye marwadzo, kushushikana, uye kuora mwoyo zvakaratidza unhu hwake chaihwo.

4. Nei zvichibatsira kufunga nezvomuedzo waJobho?

4 Chokwadi, Jobho haasiri iye oga mushumiri waMwari akawirwa nenjodzi. VaKristu vakawanda nhasi vangakurumidza kuona kufanana kwezvavanosangana nazvo nezvakasangana naJobho. Saka, zvakakodzera chaizvo kuti tifunge nezvemibvunzo miviri iyi: Kuongorora muedzo waJobho kungatibatsira sei patinowirwa nenjodzi? Uye muedzo wake ungatidzidzisa sei kuti tiwedzere kunzwira tsitsi vamwe vanotambura?

Nyaya Yokutendeseka uye Muedzo Wokuvimbika

5. Maererano naSatani, Jobho aishumira Mwari pamusana pei?

5 Zvakaitika kuna Jobho zvinoshamisa. Jobho asingatombozvizivi, Dhiyabhorosi akamutsa mubvunzo pamusoro pevavariro dzaJobho dzokushumira Mwari. Pakanga pakaungana zvisikwa zvokudenga, apo Jehovha akataura nezvounhu hwaJobho hwakanaka chaizvo, Satani akapindura kuti: “Imi hamuna kumupoteredza noruzhowa, iye neimba yake nezvinhu zvose zvaainazvo kumativi ose here?” Saka Satani aitaura kuti udyire ndihwo hwaikurudzira Jobho—uyewo vamwe vashumiri vaMwari vose. ‘Ndapota, tambanudzai ruoko rwenyu, mugunzve zvinhu zvose zvaainazvo muone kana asingazokutukii pamberi penyu chaipo,’ Satani akadaro kuna Jehovha.—Jobho 1:8-11.

6. Satani akamutsa nyaya ipi inokosha?

6 Nyaya yacho inokosha. Satani akamutsa mubvunzo pamusoro pemashandisiro aiita Jehovha simba rake. Chaizvoizvo zvinobvira here kuti Mwari atonge zvinhu zvose norudo? Kana kuti, sezvakataurwa naSatani, pakupedzisira udyire hucharamba huchikunda here? Jehovha akabvumira Dhiyabhorosi kuti aedze Jobho, aine chivimbo chokuti mushumiri Wake akatendeka uye akavimbika. Saka, Satani pachake akaunza matambudziko akawira Jobho achitevedzana. Satani paakakundikana pane zvaakaita pakutanga, akatambudza Jobho nechirwere chinorwadza zvikuru. “Ganda rinotsiviwa neganda, uye munhu achapa zvose zvaainazvo nokuda kwomweya wake,” akadaro Dhiyabhorosi.—Jobho 2:4.

7. Nhasi vanhu vaMwari vanoedzwa munzira dzipi kufanana naJobho?

7 Kunyange zvazvo vaKristu vakawanda nhasi vasingatamburi sezvakaita Jobho, vane matambudziko emarudzi akasiyana-siyana. Vakawanda vanotambudzwa kana kuti vanosangana nematambudziko emhuri. Nhamo yemari kana kuti utano husina kutsarukana zvingarwadza zvikuru. Vamwe vakafira kutenda kwavo. Chokwadi, hatifaniri kufungidzira kuti Satani ndiye anokonzera njodzi imwe neimwe inotiwira. Kutaura zvazviri, mamwe matambudziko angatokonzerwa nezvikanganiso zvedu kana kuti nezvatakagara nhaka patakaberekwa. (VaGaratiya 6:7) Tose zvedu tinorwadziwa nemigumisiro yokukwegura uye njodzi dzinoitika dzoga. Bhaibheri rinotsanangura zvakajeka kuti panguva ino, Jehovha haadziviriri vashumiri vake pamatambudziko aya nenzira inoshamisa.—Muparidzi 9:11.

8. Satani angaedza sei kushandisa matambudziko anotiwira?

8 Kunyange zvakadaro, Satani angashandisa matambudziko atinosangana nawo kuti anetese kutenda kwedu. Muapostora Pauro akataura nezvokutambudzwa no“munzwa munyama, ngirozi yaSatani,” yairamba ‘ichimurova.’ (2 VaKorinde 12:7) Kunyange kana uku kwaiva kurwara chaiko, kwakadai sokusaona zvakanaka, kana kuti chimwewo chirwere, Pauro ainzwisisa kuti Satani aigona kushandisa dambudziko racho uye aigona kushandisa kuora mwoyo kwaazoita kuita kuti Pauro asafara uye ave asina kuvimbika. (Zvirevo 24:10) Nhasi, Satani angaita kuti vomumhuri, vatinodzidza navo kuchikoro, kana kuti kunyange hurumende dzinodzvinyirira dzitambudze vashumiri vaMwari neimwe nzira.

9. Nei tisingafaniri kunyanya kushamiswa nenjodzi kana kuti kutambudzwa?

9 Tingabudirira sei pakutarisana nematambudziko aya? Nokuaona somukana wokuratidza kuti kuda kwatinoita Jehovha uye kuzviisa kwedu pasi pouchangamire hwake hazvichinji. (Jakobho 1:2-4) Pasinei nechingakonzera kurwadziwa kwedu, kana tikanzwisisa kuti kuvimbika kuna Mwari kunokosha zvichatibatsira kuti tirambe takatsiga mune zvokunamata. Muapostora Petro akanyorera vaKristu kuti: “Vadiwa, musashamiswa nomoto uri kubvira pakati penyu, zviri kuitika kwamuri kuti muedzwe, sokunge kuti chinhu chitsva chiri kukuwirai.” (1 Petro 4:12) Uye Pauro akatsanangura kuti: “Vose vaya vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Timoti 3:12) Satani achiri kupikisa kuvimbika kweZvapupu zvaJehovha, sezvaakaita kuna Jobho. Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinoratidza kuti Satani akawedzera kurwisa kwaanoita vanhu vaMwari mumazuva ano okupedzisira.—Zvakazarurwa 12:9, 17.

Kusanzwisisana uye Mazano Akaipa

10. Jobho aiva nedambudziko ripi?

10 Jobho aiva nedambudziko ratisina isu. Akanga asingazivi kuti nei njodzi idzi dzakanga dzamuwira. Jobho akazotaura zvisizvo kuti neimwe nzira ‘Jehovha akanga apa, uye Jehovha akanga atora.’ (Jobho 1:21) Zvichida Satani akaedza nemaune kuita kuti Jobho afunge kuti Mwari ndiye akanga akonzera kutambudzika kwake.

11. Tsanangura zvakaitwa naJobho paaitambura.

11 Jobho akaora mwoyo zvikuru, kunyange zvazvo akaramba kutuka Mwari sezvaakakurudzirwa kuita nomudzimai wake. (Jobho 2:9, 10) ‘Vakaipa vanoita sevanobudirira kudarika zvandinoita,’ akadaro. (Jobho 21:7-9) Anofanira kunge akashamisika kuti, ‘Mwari ari kundirangirei?’ Pane nguva dzaaikungura kufa. “Haiwa, kudai maizondivanza henyu muSheori, kudai maizondichengeta ndakavanzika kusvikira kutsamwa kwenyu kwapera!” akadaro.—Jobho 14:13.

12, 13. Zvakataurwa neshamwari nhatu dzaJobho zvakaita kuti anzwe sei?

12 Jobho aiva neshamwari nhatu dzakamushanyira, dzaiita sokunge dzakanga dzauya kuzo“chema naye nokumunyaradza.” (Jobho 2:11) Kunyange zvakadaro, dzaiva “vanyaradzi vanotambudza.” (Jobho 16:2) Jobho angadai akabatsirwa neshamwari dzake dzaaigona kuturira matambudziko ake, asi vatatu ava vakatowedzera kuvhiringidzika kwaJobho uye vakawedzera kushushikana kwake.—Jobho 19:2; 26:2.

13 Zvinonzwisisika kuti Jobho angadaro akazvibvunza kuti: ‘Nei zviri kuitika kwandiri? Chii chandakaita chinoita kuti ndikodzere njodzi dzose idzi?’ Shamwari dzake dzakatsanangura zvinhu zvakanga zvichitsausa zvachose. Dzaifungidzira kuti Jobho aitambura nokuti akanga aita chivi chakakomba. “Ndiani asina mhosva akamboparara?” akabvunza kudaro Erifazi. “Maererano nezvandakaona, vaya vanofunga zvinhu zvinokuvadza nevaya vanodyara zvinotambudza ndivo vachazvikohwa.”—Jobho 4:7, 8.

14. Nei tisingafaniri kukurumidza kubatanidza kutambura nomufambiro usina kururama?

14 Chokwadi, matambudziko angamuka kana tichidyara maererano nenyama pane kudyara maererano nomudzimu. (VaGaratiya 6:7, 8) Asi mumamiriro ezvinhu epanguva ino, dambudziko ringamuka pasinei nomufambiro wedu. Uyezve, hazvirevi hazvo kuti vanhu vasina mhosva havasangani nematambudziko. Jesu Kristu, akanga “asina kusvibiswa, akaparadzaniswa nevatadzi,” asi akafa rufu runorwadza padanda rokutambudzikira, uye muapostora Jakobho akatoita zvokuurayiwa. (VaHebheru 7:26; Mabasa 12:1, 2) Kutaura kusina kunaka kwaErifazi neshamwari dzake mbiri kwakaita kuti Jobho adzivirire zita rake rakanaka ndokuomerera pakuti akanga asina mhosva. Kunyange zvakadaro, kutaura kwavo kwokuomesa musoro vachiti Jobho aifanira kutambura kungadaro kwakakanganisa maonero aaiita kururama kwaMwari.—Jobho 34:5; 35:2.

Kubatsirwa Patinenge Tichitambura

15. Kufunga kworudzii kuchatibatsira patinotambura?

15 Pano pane zvatinodzidza here? Njodzi, urwere, kana kuti kutambudzwa zvingaita sezvisina kumbonaka. Vamwe vanhu vanoita sevasingambowirwi nematambudziko akadaro akawanda. (Pisarema 73:3-12) Dzimwe nguva, tingafanira kuzvibvunza mibvunzo iyi inokosha: ‘Kuda kwandinoita Mwari kunoita kuti ndimushumire chero zvodini here? Ndinoshuva kupa Jehovha ‘mhinduro kuna iye anomushora’ here?’ (Zvirevo 27:11; Mateu 22:37) Hatimbofaniri kubvumira kuti kutaura kwevamwe kwokusafunga kuite kuti tisava nechokwadi naBaba vedu vokudenga. Mumwe muKristu akatendeka airwara nechirwere chisingaperi kwemakore akawanda akamboti: “Ndinoziva kuti chero chinobvumirwa naJehovha, ndinokwanisa kuchitsungirira. Ndinoziva kuti achandipa simba randinoda. Agara achindipa.”

16. Shoko raMwari rinobatsira sei vaya vanosangana nematambudziko?

16 Nezvemazano aSatani, isu tinoanzwisisa kupfuura zvaiita Jobho. “Mazano ake tinoaziva,” kana kuti zvirongwa zvakaipa. (2 VaKorinde 2:11) Uyezve, tine uchenjeri hwakawanda chaizvo hunotibatsira. MuBhaibheri, tinowana nhoroondo dzevarume nevakadzi vakatendeka vakatsungirira matambudziko akasiyana-siyana. Muapostora Pauro, uyo akatambura kupfuura vaKristu vakawanda, akanyora kuti: “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro.” (VaRoma 15:4) Chimwe Chapupu chokuEurope chakanga chasungirwa kutenda kwacho muhondo yenyika yechipiri chakachinjana kudya kwemazuva matatu kuti chiwane Bhaibheri. “Kuchinjana ikoko kwaiva nomubayiro wakazokura!” chinodaro. “Pasinei nenzara yangu yezvokudya chaizvo, ndakawana zvokudya zvokunamata zvakanditsigira uyewo zvakabatsira vamwe mumiedzo yedu munguva idzodzo dzainetsa. Nanhasi ndichine Bhaibheri iroro.”

17. Urongwa hwaMwari hupi hungatibatsira kutsungirira?

17 Kunze kwokunyaradzwa neMagwaro, tine mabhuku akawanda anobatsira kudzidza Bhaibheri ayo anopa mazano akanaka pakukurira matambudziko. Kana ukatarira muWatch Tower Publications Index, ungangoona zvakaitika kune mumwe muKristu akasangana nomuedzo wakaita sowako. (1 Petro 5:9) Zvingabatsirawo kuti ukurukure mamiriro ako ezvinhu nevakuru vanonzwisisa kana kuti vamwe vaKristu vakasimba pakunamata. Zvinotonyanya kukosha, kana ukanyengetera, unogona kuvimba norubatsiro runobva kuna Jehovha uye mudzimu wake mutsvene. Pauro akatsungirira sei ‘kurova’ kwaSatani? Nokudzidza kuvimba nesimba raMwari. (2 VaKorinde 12:9, 10) Akanyora kuti, “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anondipa simba.”—VaFiripi 4:13.

18. VaKristu vatinonamata navo vangatikurudzira sei zvinobatsira?

18 Saka rubatsiro ruripo, uye haumbofaniri kuzeza kurutsvaka. “Wakaora mwoyo pazuva rokutambudzika here? Simba rako richava shoma,” chirevo chacho chinodaro. (Zvirevo 24:10) Sezvo majuru achigona kudonhedza imba yemapuranga, kuora mwoyo kungakanganisa kuvimbika kwomuKristu. Kuti adzivise ngozi iyi, Jehovha anotitsigira achishandisa vashumiri vatinonamata navo Mwari. Ngirozi yakauya kuna Jesu ikamusimbisa usiku hwaakasungwa. (Ruka 22:43) Paaienda kuRoma ari musungwa, Pauro “akaonga Mwari, akashinga” paakasangana nehama paMusika weApiyo neHotera Nhatu. (Mabasa 28:15) Chimwe Chapupu chokuGermany chichiri kuyeuka kubatsirwa kwachakaitwa pachakasvika kumusasa wevasungwa weRavensbrück pachakanga chichiri pwere yaitya. “Imwe hanzvadzi yechiKristu yakandiona pakarepo ndokundigamuchira noushamwari,” anoyeuka kudaro. “Imwezve hanzvadzi yakatendeka yakandichengeta, uye yakava amai vangu mune zvokunamata.”

“Iva Akatendeka”

19. Chii chakabatsira Jobho kuti arambe zvaiedza kuitwa naSatani?

19 Jehovha akarondedzera Jobho somurume akanga “akabata zvakasimba kuvimbika kwake.” (Jobho 2:3) Pasinei nokuora mwoyo uye kusanzwisisa kuti nei aitambura, Jobho haana kumbozununguka panyaya inokosha yokuvimbika. Jobho akaramba akaomerera kuzvinhu zvose zvaairaramira. Akaomerera pakuti: “Handizorasi kuvimbika kwangu kusvikira ndafa!”—Jobho 27:5.

20. Nei kutsungirira kuchikosha?

20 Kutsunga kwakadaro kuchatibatsira kuti tirambe takavimbika mumamiriro ose ezvinhu—mumiedzo, kushorwa, kana kuti munjodzi. “Usatya zvinhu zvawava kuda kutambura,” Jesu akaudza ungano yeSimina kudaro. “Tarira! Dhiyabhorosi acharamba achikanda vamwe venyu mujeri kuti muedzwe kwazvo, uye kuti mutambudzike [kutambura, nhamo, kana kuti kushorwa] kwemazuva gumi. Iva akatendeka kunyange kusvikira kurufu, uye ndichakupa korona youpenyu.”—Zvakazarurwa 2:10.

21, 22. Patinenge tichitsungirira kutambudzika, tinganyaradzwa nokuziva chii?

21 Mumamiriro ano ezvinhu anotongwa naSatani, kutsungirira uye kuvimbika kwedu kuchaedzwa. Kunyange zvakadaro, Jesu anotivimbisa kuti sezvatinotarisira remangwana, hatina chikonzero chokutya. Chinhu chinokosha ndechokuti tive vakatendeka. ‘Kutambudzika ndokwenguva duku,’ akadaro Pauro, asi “kubwinya,” kana kuti mubayiro watakapikirwa naJehovha, ‘wakatokura kwazvo uye hauperi.’ (2 VaKorinde 4:17, 18) Kunyange kutambudzika kwaJobho kwaiva kwenguva duku pakunoenzaniswa nemakore akawanda aaifara asati aedzwa uye azoedzwa.—Jobho 42:16.

22 Kunyange zvakadaro, dzimwe nguva muupenyu hwedu tingava nemiedzo inoita seisingaperi uye kutambura kwedu kungaita sokusingatsungiririki. Munyaya inotevera, tichakurukura kuti zvakaitika kuna Jobho zvingatidzidzisa sei zvimwe zvidzidzo pakutsungirira. Tichakurukurawo nzira dzatingasimbisa nadzo vamwe vanowirwa nenjodzi.

Ungapindura Sei?

• Satani akamutsa nyaya ipi inokosha ine chokuita nokuvimbika kwaJobho?

• Nei njodzi isingafaniri kuita kuti tishamisike zvakanyanya?

• Jehovha anotibatsira sei kutsungirira?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 23]

Kutsvakurudza, kutaura nevaKristu vakasimba pakunamata, uye kudurura mwoyo wedu mumunyengetero zvingatibatsira kutsungirira