Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuwedzera Kunokurudzira Pane Chimwe Chitsuwa Chakanaka Chaizvo

Kuwedzera Kunokurudzira Pane Chimwe Chitsuwa Chakanaka Chaizvo

Kuwedzera Kunokurudzira Pane Chimwe Chitsuwa Chakanaka Chaizvo

HAPANA mubvunzo kuti vanhu vanoshanya kuTaiwan vanofadzwa zvikuru nokusvibirira kwakaita zvinomera muchitsuwa chacho chose. Mupunga uchiri muduku wakasvibirira unozotsvuka panguva yokukohwa. Mujinga memakomo mune masango ane miti yakawanda, yakanaka chaizvo. Kusiyana nemaguta ane vanhu vakawandisa, zvinomera zvakasvibirira zviri muminda nomumakomo zvinozorodza chaizvo. Chokwadi, izvozvo ndizvo zvakaita kuti munhu wokutanga wokuMadokero uyo akaona chitsuwa chacho asarudze zita rokuti Ilha Formosa, kana kuti “Chitsuwa Chakanaka Chaizvo.”

Chokwadi, Taiwan chitsuwa chakanaka chaizvo asi chiduku—chakareba makiromita 390 chete uye chakafara anenge makiromita 160. Makomo marefu ndiwo akanyanya kuwanda pachitsuwa chacho. Yü Shan (Mount Morrison) rakareba kupfuura Mount Fuji rokuJapan kana kuti Mount Cook rokuNew Zealand. Kupoteredza makomo ari nechepakati kusvika zasi kugungwa pane bani romumhenderekedzo, rakazara vanhu vokuTaiwan vava kupfuura mamiriyoni 22.

Kumwe Kuwedzera

Zvisinei, kune kumwe kuwedzera kuri kuramba kuchiitika muTaiwan—kuwedzera mune zvokunamata. Izvi zvinoratidzwa nokushingaira kunoita vanhu, vaduku nevakuru, pavanongosvika pakuziva Mwari wechokwadi, Jehovha. Zvechokwadi zvinofadza zvikuru kuona vaya vari kushingaira kubatsira vamwe kudzidza nezvaJehovha nezvinangwa zvake vachiwedzera.

Kuwedzera kunoita kuti zvivako zviwedzerwewo. Muna December 1990, nzvimbo yakatengwa yokuvaka zvivako zvakakura zvehofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha. Zvivako zvaimbovapo, zvaiva muTaipei, zvakanga zvanyanya kuva zviduku pakutarisira mabasa evaparidzi voUmambo 1 777 vaiva muTaiwan panguva iyoyo. Pashure pemakore anoverengeka okubishaira kwevanhu vemazera ose vakazvipira vokune dzimwe nyika nevemo, zvivako zvitsva zvakanaka chaizvo zvokuHsinwu zvakanga zvava kukwanisa kushandiswa muna August 1994. Pakasvika nguva iyoyo vanhu vanokwana 2 515 vakanga vachiparadzira mashoko akanaka anobva muShoko raMwari, Bhaibheri. Iye zvino, pashure pemakore anopfuura gumi, nhamba iyi yapetwa kanopfuura kaviri, vava kupfuura 5 500, uye mwedzi woga woga chinenge chikamu chimwe muzvina chenhamba iyoyo chiri kuita basa rokuparidza renguva yakazara. Vanonyanya kuita basa iri majaya nemhandara vanoita se“madonhwe edova” emangwanani anotonhorera.—Pisarema 110:3.

Vechiduku Vari Kuwedzera Mune Zvokunamata

Vakawanda vevaparidzi vanoshingaira vemashoko akanaka vaduku zvikuru. Vamwe vachiri kupurayimari. Somuenzaniso, mune rimwe taundi riri kuchamhembe kweTaiwan, vamwe vaviri vakaroorana vakakokwa kokutanga kuti vapinde Chikoro chaMwari Choushumiri, uko Zvapupu zvaJehovha zvinodzidziswa kuti zvingadzidzisa sei vamwe chokwadi cheBhaibheri. Vaviri vacho vakashamiswa kuona kamwe kakomana, kanonzi Weijun, kachiverenga Bhaibheri zvakazonaka kari pachikuva kupfuura zvinogona kuitwa nevanhu vakuru vakawanda. Zvadaro pane mimwe misangano yavakapinda, vakashamiswa zvikuru kuona kuti kunyange vana vasati vava kuenda kuchikoro vaipa mhinduro dzairatidza kuti vanoziva zvakawanda. Vaviri ava vakataura nezvokuzvibata zvakazonaka kunoitwa nevana vaduku pavanenge vari paImba yoUmambo.

Nei vechiduku ava vachinyanya kubatikana nokudzidza Bhaibheri munyika iyi yakadzika midzi mudzidziso dzechiBuddha nedzechiTao? Imhaka yokuti vabereki vavo vechiKristu vakashandisa zvinodzidziswa neBhaibheri uye vakaita kuti ukama hwakanaka naJehovha huve chinhu chinonyanya kufadza muupenyu hwavo hwemhuri. Nokuti vabereki vaWeijun vanoedza kuita kuti kudzidza Bhaibheri semhuri uye kuita ushumiri kunakidze, mukoma nasisi vekakomana aka vatova Zvapupu zvakabhabhatidzwa. Munguva pfupi yapfuura pakakumbira Weijun kuti aitewo basa rokuparidza pachena, amai vake vakati mukomana wacho akanga atogovera magazini akawanda mwedzi iwoyo kupfuura akanga agoverwa nevamwe vose vomumhuri kana abatanidzwa pamwe chete. Zviri pachena kuti anofarira kutaurira vamwe chokwadi, kupindura pamisangano, uye kuudza vamwe zvaanenge adzidza.

Pavanokura

Vechiduku vakadaro vanoita sei pavanokura? Vakawanda vanoramba vachiratidza kuti vanonyatsoda Jehovha uye ushumiri. Somuenzaniso, Huiping anoenda kuchikoro. Rimwe zuva mudzidzisi wake akati pane nhengo dzechimwe chitendero dzaisazobvuma kuwedzerwa ropa asi kuti akanga asingazivi kuti vaiva vechitendero chipi. Kirasi yacho yabuda, muKristu uyu wechiduku akatsanangurira mudzidzisi wake kuti vaiva Zvapupu zvaJehovha uye kuti nei vairamba kuwedzerwa ropa.

Mumwe murayiridzi akaratidza vhidhiyo yezvirwere zvinotapuriranwa pabonde. Vhidhiyo yacho yakataura rugwaro rwa1 VaKorinde 6:9, asi murayiridzi wacho akati Bhaibheri harishori ungochani. Huiping akakwanisazve kuudza murayiridzi wacho maonero anoita Mwari nyaya yacho.

Shuxia waanodzidza naye paakanga achigadzirira rondedzero pamusoro pechisimba chomumhuri, Huiping akamupa Mukai! yaNovember 8, 2001 ine musoro wepabutiro unoti, “Kubatsira Vakadzi Vanorohwa Nevarume” achibva atsanangura kuti ine mashoko akawanda omuBhaibheri panyaya yacho. Nokufamba kwenguva, Shuxia akava muparidzi asina kubhabhatidzwa. Iye naHuiping parizvino vari kuudza vamwe mashoko akanaka.

VaKristu vakawanda vari kuenda kuchikoro vanoona kuti hazvisi nyore kuti vazivikanwe sevanhu vanorarama maererano nezvinodiwa neBhaibheri. Izvi zvinonyanya kuitika mumataundi maduku okumaruwa. Zhihao aifanira kukurira kuda kufanana nevezera rake pamusana pezvaaitenda uye basa rokuparidza. Anoti: “Ndainetseka zvikuru zvokuti ndaizeza kusangana nevandinodzidza navo pandaiita ushumiri. Dzimwe nguva, vanosvika gumi vaindishora!” Rimwe zuva, mudzidzisi akati Zhihao ataurire kirasi nezvechitendero chake. “Ndakasarudza kutanga hurukuro yangu nechitsauko 1 chaGenesisi ndichibva ndazokurukura mibvunzo yakadai seyokuti: Ndiani akasika nyika nezvinhu zvose zviri mairi? Uye munhu akavapo sei? Pandakangoverenga Magwaro, vamwe vakatanga kundiseka, vachiti ndaitenda mashura. Zvisinei, ndakaramba ndichitaura kusvikira ndapedza. Pashure pacho, ndakava nomukana wokutaura nevamwe vandinodzidza navo mumwe chete panguva nezvebasa redu uye zvatinotenda. Iye zvino pavanondiona muushumiri, havachandiseki!”

Zhihao anoenderera mberi achiti: “Nokuti vabereki vangu Zvapupu, tinokurukura rugwaro rwezuva mangwanani oga oga. Tinodzidzawo Bhaibheri uye tinopinda misangano nguva dzose. Ndokusaka ndichigona kubata navose vangave vachiri kuda kundishora pandinenge ndichiedza kuudza vamwe chokwadi chomuBhaibheri chinokurudzira.”

Tingmei anodzidza pane chimwe chikoro chinodzidzisa vasikana unyanzvi hwokugadzira zvinhu. Pane imwe nguva akakokwa kuti aende kupikiniki nevamwe vasikana vaanodzidza navo uye vaizoenda pamwe chete nevakomana vokune chimwe chikoro chevakomana. Akaona ngozi youshamwari hwakadaro achibva aramba kuenda. Akakokwa kanoverengeka, kunyange zvazvo aigara achikurukura nevaanodzidza navo mashoko akanaka omubhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda. * Vasikana vacho vakamuseka, vachiti aiva wechinyakare. Zvisinei, uchenjeri hwokutevera mirayiridzo iri muBhaibheri hwakakurumidza kubuda pachena apo mumwe wevasikana vaya akava nepamuviri ndokupabvisa. Tingmei anoti: “Kuita zvinotaurwa naJehovha kwakaita kuti ndive nehana yakachena. Saka, nechomumwoyo ndinofara uye ndinogutsikana zvikuru.”

Kukurira Zvipingamupinyi Zvokuwedzera

Imwe yeshamwari dzaTingmei dzepedyo ndiRuiwen. Paakanga achiri muduku, Ruiwen aifunga kuti kuenda kumisangano yechiKristu uye kuita ushumiri hwomumunda raiva basa rinonetesa. Zvisinei, achiona kusiyana kwakaita rudo rwechokwadi rwevaya vari muungano yake noushamwariwo zvahwo hwevaaidzidza navo, akava nechokwadi chokuti aifanira kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwake. Ruiwen akatanga kuparidzira vaaidzidza navo kuchikoro uye pasina nguva akanyatsoona zvaaifanira kuita. Akatanga kushumira sapiyona webetsero, achipedzera maawa anopfuura 50 muushumiri pamwedzi. Zvadaro akatanga upiyona hwenguva dzose, achipedzera maawa anopfuura 70 mubasa pamwedzi. Ruiwen anoti: “Zvakandiomera kuti nditaure kuonga kwandinoita Jehovha. Haana kumbokanda mapfumo pasi pamusoro pangu. Kunyange zvazvo ndaiita zvinhu zvaisamufadza, aingoramba achindida. Amai vangu nevamwe vomuungano vakaratidza rudo rwakadaro. Sezvo iye zvino ndiri kudzidza Bhaibheri nevanhu vashanu, ndinonzwa kuti ndiri kuitawo basa rinogutsa kupfuura ose.”

Pane chimwe chikoro chesekondari chokumaruwa, vamwe vana vaviri vari Zvapupu vakanzi vamiririre chikoro pamakwikwi ematambiro anoitwa munyika yacho. Pavakaziva nezvokuti makwikwi acho akadini, vechiduku ava vari Zvapupu vakafunga kuti kubatanidzwa maari kwaizokanganisa hana dzavo dzechiKristu. Pavakaedza kutsanangura maonero avo ndokukumbira kuti vasabatanidzwa mumakwikwi acho, chikumbiro chavo chakarambwa. Asi, mudzidzisi wacho akavaudza kuti nokuti vakanga vanzi vaite makwikwi aya, vaitofanira kuenda. Vasingadi kutsauswa, vechiduku ava vari Zvapupu vakavhura paIndaneti padhipatimendi rezvedzidzo ndokutumira tsamba yaitsanangura dambudziko ravo. Kunyange zvazvo vechiduku vacho vasina kupindurwa ivo pachavo, pasina nguva chikoro chakagamuchira murayiridzo wokuti chaisafanira kumanikidzira chero ani zvake kuti aite makwikwi akadaro. Vechiduku vaviri ava vakafara chaizvo kuona kuti kudzidziswa kwavakanga vaitwa Bhaibheri hakuna kungoumba hana dzavo asiwo kwakavapa simba rokutsigira zvinhu zvakarurama!

Kunyange vaya vakaremara vanofara zvikuru kuudza vamwe tariro yavo yomuBhaibheri. Minyu ave akaoma rutivi rwomuviri kubvira paakaberekwa. Zvaasingakwanisi kushandisa maoko ake, anovhura mapeji eBhaibheri norurimi rwake owana rugwaro rwaanoda kuverenga. Paanenge achipa hurukuro paChikoro chaMwari Choushumiri paImba yoUmambo, anozvambarara pakamubhedha kanenge kakadzikira, uye mubatsiri wake anenge akagara pachigaro chakadzikira akamubatira maikorofoni. Zvinokurudzira zvikuru kuona zvinoitwa naMinyu kuti ape hurukuro idzi!

Minyu paaida kuva muparidzi woUmambo, dzimwe hanzvadzi dzomuungano dzakadzidza kupupurira norunhare kuitira kuti dzimubatsire. Anobaya mabhatani norurimi rwake uku hanzvadzi dzacho dzichimubatsira kunyora vaanenge ataura navo. Anonakidzwa nebasa racho zvikuru zvokuti ava piyona webetsero, achitaura nevamwe nezvoUmambo hwaMwari kwemaawa 50 kusvika ku60 mwedzi mumwe nomumwe achishandisa runhare. Akawana vamwe vanogamuchira mabhuku eBhaibheri uye vanomubvumira kuti ataurezve navo. Iye zvino ari kudzidza nevanhu vatatu vaakawana nenzira iyi.

Chokwadi, kufanana nemadonhwe edova anotonhorera, majaya—nemhandara—vari muungano 78 dzeZvapupu zvaJehovha muTaiwan vanoda nomwoyo wose uye vanoshingairira kuendesa mashoko akanaka oUmambo anoponesa upenyu kumamiriyoni evanhu ari pachitsuwa ichi chine vanhu vakawanda chaizvo. Uku kunongova kuzadzika kuduku kwomunyika yose kwouprofita hweBhaibheri hunotevera, hwokuti: “Vanhu vako vachazvipa nomwoyo unoda pazuva raunoenda neuto rako rehondo kunorwa. Mukubwinya kwoutsvene, kubva muchibereko chemambakwedza, une boka rako remajaya akaita semadonhwe edova.” (Pisarema 110:3) Chokwadi vechiduku ava vanokurudzira zvikuru vanhu vakuru vavanoparidzira navo, uye kupfuura zvose, vanoita kuti Baba vavo vokudenga, Jehovha Mwari vafare!—Zvirevo 27:11.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 16 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 10]

DZIMBA DZOUMAMBO DZAKAWANDA DZINODIWA

Sezvo vaparidzi vari kuwedzera muTaiwan, zvave zvakaoma zvikuru kuwana Dzimba dzoUmambo dzinokwana. Nei? Nokuti kunze kwemamwe maruwa, nzvimbo yakakodzera kuvaka Dzimba dzoUmambo hainyanyi kuwanika. Uyewo, nzvimbo dzacho dzinodhura zvakanyanyisa, uye mitemo yomunzvimbo dzacho yakaoma. Mumataundi makuru nomumaguta, zvingangoitwa ndezvokutotenga zvivako zvemahofisi kwava kuzviita Dzimba dzoUmambo. Kunyange zvakadaro, mahofisi akawanda ane sirin’i dzakaderera zvikuru, anobhadharwa mari yakawanda yokugadzirisa zvinhu, anochengetedzwa zvikuru, kana kuti ane zvimwe zvinhu zvinoita kuti asakodzera kushandiswa seDzimba dzoUmambo.

Zvisinei, mumakore achangopfuura, Zvapupu zvaJehovha muTaiwan zvakakwanisa kuva neDzimba dzoUmambo itsva dzinoverengeka. Kutsvaka nzvimbo itsva kuchiri kuenderera mberi sezvo Zvapupu zvichiratidza kuti zvinoda nomwoyo wose kubhadhara mari yacho uyewo kuva nounyanzvi hunodiwa pakuvaka.