Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Makanzwa Nezvokutsungirira kwaJobho”

“Makanzwa Nezvokutsungirira kwaJobho”

“Makanzwa Nezvokutsungirira kwaJobho”

“Makanzwa nezvokutsungirira kwaJobho uye makaona zvaakaitirwa pakupedzisira naJehovha, kuti Jehovha ane rudo rukuru uye ane ngoni.”—JAKOBHO 5:11.

1, 2. Vamwe vakaroorana vakasangana nomuedzo upi kuPoland?

HARALD ABT akanga ava mumwe weZvapupu zvaJehovha kwerisingasviki gore mauto aHitler paakatora Danzig (yava kunzi Gdańsk) kuchamhembe kwePoland. Zvadaro zvinhu zvakaomera vaKristu vechokwadi vaiva ikoko, zvechokwadi vakava pangozi. Gestapo yakaedza kumanikidza Harald kuti asaine gwaro rokuramba kutenda kwake, asi iye haana kubvuma. Kwapera vhiki dzakati ari mujeri, Harald akatumirwa kumusasa wevasungwa wokuSachsenhausen, nguva nenguva kwaaityisidzirwa uye kurohwa. Mumwe mukuru mukuru akanongedza pachimbini yechivako chaipisirwa zvitunha ndokuudza Harald kuti, “Uchakwira ikoko kuna Jehovha wako mumazuva 14 kana ukaomerera pakutenda kwako.”

2 Pakasungwa Harald, mudzimai wake Elsa, akanga achiri kuyamwisa mwanasikana wavo aiva nemwedzi gumi. Asi Gestapo haina kusiya Elsa. Pasina nguva, akatorerwa mwana wake, uye akatumirwa kumusasa wokuurayira vanhu kuAuschwitz. Asi akakwanisa kurarama kwemakore akawanda, sezvakaita Harald. MuNharireyomurindi yeChirungu yaApril 15, 1980, unogona kuverenga zvakawanda nezvokutsungirira kwavo. Harald akanyora kuti: “Ndakapedza makore 14 ndiri mumisasa yevasungwa uye mumajeri pamusana pokutenda kwangu muna Mwari. Ndakabvunzwa kuti: ‘Mudzimai wako aikubatsira here kutsungirira zvose izvi?’ Hungu aindibatsira! Kubvira pakutanga ndaiziva kuti aisazombotsauka pakutenda kwake, uye kuziva izvi kwaindisimbisa. Ndaiziva kuti aizosarudza kundiona ndakafa pane kuziva kuti ndakanga ndasunungurwa pamusana pokuti ndakanga ndatsauka pakutenda. . . . Elsa akatsungirira nhamo dzakawanda mumakore aaiva mumisasa yevasungwa kuGermany.”

3, 4. (a) Mienzaniso yavanaani ingakurudzira vaKristu kutsungirira? (b) Nei Bhaibheri richitikurudzira kuongorora zvakaitika kuna Jobho?

3 Kutambura nezvinhu zvakaipa hakusi nyore, sezvingapupurirwa neZvapupu zvakawanda. Nokuda kweizvi, Bhaibheri rinopa zano vaKristu vose richiti: “Fungai nezvevaprofita vakataura vachishandisa zita raJehovha somuenzaniso wokutambura nezvinhu zvakaipa nokushivirira.” (Jakobho 5:10) Kwemazana emakore, vashumiri vaMwari vakawanda vakatambudzwa pasina chikonzero. Mienzaniso yakaratidzwa ‘negore iri guru rezvapupu’ ingatikurudzira kuti tirambe tichimhanya nokutsungirira nhangemutange yedu yechiKristu.—VaHebheru 11:32-38; 12:1.

4 Munhoroondo yeBhaibheri, Jobho muenzaniso unoshamisa wokutsungirira. “Tarirai! Tinoti vanofara vaya vakatsungirira,” akanyora kudaro Jakobho. “Makanzwa nezvokutsungirira kwaJobho uye makaona zvaakaitirwa pakupedzisira naJehovha, kuti Jehovha ane rudo rukuru uye ane ngoni.” (Jakobho 5:11) Zvakaitika kuna Jobho zvinotiratidza muchidimbu mubayiro wakamirira vanhu vakatendeka, vanokomborerwa naJehovha. Zvinotonyanya kukosha, zvinobudisa pachena chokwadi chichatibatsira munguva dzenhamo. Bhuku raJobho rinotibatsira kupindura mibvunzo iyi: Patinenge tichiedzwa, nei tichifanira kuedza kunzwisisa nyaya dzinokosha dzinobatanidzwa? Unhu nemafungiro api zvinotibatsira kutsungirira? Tingasimbisa sei vaKristu vatinonamata navo vanotambudzika?

Kunzwisisa Zvinhu Zvose Zvizere

5. Inyaya ipi inokosha yatinofanira kuramba tichifunga patinenge tatarisana nemiedzo?

5 Kuti tirambe takatsiga mune zvokunamata kana tatarisana nenjodzi, tinofanira kunzwisisa zvinhu zvose zvizere. Tikasadaro, matambudziko edu pachedu angatidzikatidza kuona zvinhu zvokunamata. Nyaya yokuvimbika kuna Mwari ndiyo inonyanya kukosha. Baba vedu vokudenga vanoita chikumbiro chatinogona kuteerera somunhu mumwe nomumwe, chokuti: “Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu, kuti ndigone kupindura iye anondishora.” (Zvirevo 27:11) Iyoyo iropafadzo yakazokura! Pasinei nezvatisingakwanisi kuita uye kusakwana kwedu, tinogona kuita kuti Musiki wedu afare. Tinodaro patinoita kuti kuda kwedu Jehovha kuite kuti tigone kukurira miedzo. Rudo rwechokwadi rwechiKristu runotsungirira zvinhu zvose. Harumboperi.—1 VaKorinde 13:7, 8.

6. Satani anoshora sei Jehovha, uye anomushora kusvikira pamwero wakadini?

6 Bhuku raJobho rinonyatsoratidza kuti Satani ndiye anoshora Jehovha. Rinobudisawo pachena kuipa kwomuvengi uyu asingaoneki uye kuda kwaanoita kuparadza ukama hwedu naMwari. Sezvakaratidzwa mune zvakaitika kuna Jobho, chaizvoizvo Satani anopomera vashumiri vaJehovha vose kuti vane vavariro dzoudyire uye anoedza kuratidza kuti kuda kwavanoita Mwari kunogona kutonhora. Ave achishora Mwari kwezviuru zvemakore. Pakadzingwa Satani kudenga, inzwi rakabva kudenga rakamutsanangura se“anopomera hama dzedu” uye rakati anodzipomera “masikati nousiku pamberi paMwari wedu.” (Zvakazarurwa 12:10) Kana tikatsungirira takatendeka, tinogona kuratidza kuti kupomera kwake hakuna pakwakavakirwa.

7. Tingaita sei patinonzwa tisina simba?

7 Tinofanira kuyeuka kuti Dhiyabhorosi achashandisa kutambudzika chero kupi kwatingasangana nako kuitira kuti aedze kutitsausa pana Jehovha. Akaedza Jesu rini? Akamuedza paaiva nenzara pashure pokutsanya kwemazuva akawanda. (Ruka 4:1-3) Zvisinei, kusimba kwaJesu pakunamata kwakaita kuti akwanise kuramba zvakasimba miedzo yaDhiyabhorosi. Zvinokosha zvikuru kushandisa simba rezvokunamata kuti tikurire kusava nesimba kwose mumuviri—zvichida kunokonzerwa nechirwere kana kuti nokukwegura! Kunyange zvazvo “munhu watiri nechokunze ari kupera,” hatineti nokuti “munhu watiri nechomukati ari kuitwa mutsva zuva nezuva.”—2 VaKorinde 4:16.

8. (a) Kuora mwoyo kungava sei nomugumisiro unokuvadza? (b) Jesu aiva nemafungiro akadini?

8 Uyezve, kuora mwoyo kungatikanganisa mune zvokunamata. Mumwe angashamisika kuti, ‘Nei Jehovha achikubvumira?’ Pashure pokubatwa zvakaipa, mumwe angabvunza kuti, ‘Hama ingandidaro sei?’ Mafungiro akadaro angaita kuti tisaona nyaya huru tongoramba tichifunga mamiriro edu ezvinhu. Kugumburwa kwaJobho neshamwari dzake nhatu dzisina kuchenjera kunenge kwaimukuvadza zvikuru mupfungwa sokukuvadzwa kwaaiitwa mumuviri nourwere hwake. (Jobho 16:20; 19:2) Saizvozvowo, muapostora Pauro akaratidza kuti kutsamwa kwenguva refu kunogona ku“bvumira Dhiyabhorosi nzvimbo” kana kuti mukana. (VaEfeso 4:26, 27) Pane kugumbukira vanhu kana kuvatsamwira kana kuti kunyanya kuomerera pakusaruramisira kwemamwe mamiriro ezvinhu, vaKristu vanoita zvakanaka kutevedzera Jesu va“chizviisa kune uya anotonga zvakarurama,” Jehovha Mwari. (1 Petro 2:21-23) Kuva “nemafungiro” aJesu kungatidzivirira zvikuru pakurwisa kwaSatani.—1 Petro 4:1.

9. Mwari anotipikira chii nezvematambudziko atinofanira kutsungirira kana kuti miedzo yatinosangana nayo?

9 Kupfuura zvose, hatimbofaniri kuona matambudziko edu sezviratidzo zvechokwadi zvokuti Mwari haatifariri. Kusanzwisisa kwakadaro kwakaita kuti Jobho aore mwoyo panguva yaakanga achitambudzwa zvikuru nemashoko anorwadza evaifanira kuva vanyaradzi vake. (Jobho 19:21, 22) Bhaibheri rinotikurudzira nemashoko aya anoti: “Hapana munhu angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa uyewo iye haaedzi munhu.” (Jakobho 1:13) Asi, Jehovha anopikira kutibatsira kukurira chero dambudziko rinenge ratiwira uye kutipukunyutsa pamuedzo chero upi unotinetsa. (Pisarema 55:22; 1 VaKorinde 10:13) Kana tikaswedera pedyo naMwari munguva yenhamo, tinogona kuramba tichiona zvinhu sezvazviri tobudirira kurwisa Dhiyabhorosi.—Jakobho 4:7, 8.

Zvinhu Zvinotibatsira Kutsungirira

10, 11. (a) Chii chakabatsira Jobho kuti atsungirire? (b) Kuva nehana yakanaka kwakabatsira sei Jobho?

10 Pasinei nokupererwa kwakanga kwaita Jobho—kusanganisira kutukwa ne“vanyaradzi” vake uye kuvhiringidzika kwaakaita pamusana pechinhu chaichoicho chaikonzera kutambura kwake—Jobho akangoramba akavimbika. Tingadzidzei pakutsungirira kwake? Pasina mubvunzo, chikonzero chikuru chakaita kuti abudirire kwaiva kutendeka kwake kuna Jehovha. ‘Aitya Mwari uye ainzvenga zvakaipa.’ (Jobho 1:1) Ndiwo mararamiro aaiita. Jobho akaramba kusiya Jehovha, kunyange paakanga asinganzwisisi kuti nei zvinhu zvakanga zvangoerekana zvaipa. Jobho aidavira kuti aifanira kushumira Mwari munguva yakanaka neyakaipa.—Jobho 1:21; 2:10.

11 Kuva nehana yakanaka kwakanyaradzawo Jobho. Panguva yaiita sokuti akanga ava kufa, akanyaradzwa nokuziva kuti akanga aedza nepaaigona napo kubatsira vamwe, kuomerera pane zvinodiwa naJehovha zvakarurama, uye kusambobatanidzwa mukunamata kwose kwenhema.—Jobho 31:4-11.

12. Jobho akaita sei nokubatsirwa kwaakaitwa naErihu?

12 Ichokwadi kuti Jobho aida kubatsirwa kuti agadzirise mafungiro ake mune zvimwe zvinhu. Uye akabvuma rubatsiro irworwo achizvininipisa—chimwe chinhu chaikosha pakutsungirira kwake zvinobudirira. Jobho akateerera nokuremekedza zano rokuchenjera raErihu, uye akanyatsobvuma kururamiswa naJehovha. Akati, “ndakataura, asi ndakanga ndisinganzwisisi.” “Ndiri kuzvidemba, ndapfidza ndiri muguruva nemadota.” (Jobho 42:3, 6) Pasinei nehosha yakanga ichiri kumurwadza, Jobho akafara kuti kugadziridza mafungiro ake uku kwakanga kwamuswededza pedyo naMwari. “Ndava kuziva kuti [imi Jehovha] munokwanisa kuita zvinhu zvose,” akadaro Jobho. (Jobho 42:2) Achibatsirwa nokutsanangura kwaJehovha ukuru Hwake, Jobho akanzwisisa zvakajeka zvikuru nzvimbo yake kana ichienzaniswa neyoMusiki.

13. Kuratidza ngoni kwakabatsira sei Jobho?

13 Pakupedzisira, Jobho anoratidza muenzaniso unoshamisa wengoni. Vanyaradzi vake venhema vakamurwadzisa zvikuru, asi Jehovha paakakumbira Jobho kuti avanyengeterere, akaita saizvozvo. Pashure pacho, Jehovha akaita kuti Jobho avezve noutano hwakanaka. (Jobho 42:8, 10) Zviri pachena kuti pfundepfunde haizotibatsiri kutsungirira, asi rudo nengoni zvichatibatsira. Kurega kutsamwa kunotizorodza mune zvokunamata, uye Jehovha anokomborera maonero akadaro.—Mako 11:25.

Vanachipangamazano Vakachenjera Vanotibatsira Kutsungirira

14, 15. (a) Unhu hupi hungaita kuti chipangamazano aporese vamwe? (b) Tsanangura kuti nei Erihu akabudirira kubatsira Jobho.

14 Chimwezve chatingadzidza munhoroondo yaJobho ndiko kukosha kwavanachipangamazano vakachenjera. Vakadaro ihama dzi“noberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.” (Zvirevo 17:17) Zvisinei, sezvinoratidzwa nezvakaitika kuna Jobho, vamwe vanachipangamazano vanogona kukuvadza pane kuporesa. Chipangamazano akanaka anofanira kunzwira urombo, kuremekedza, uye kuva nomutsa, sezvakaitwa naErihu. Vakuru nevamwe vaKristu vakasimba pakunamata vangafanira kugadzirisa mafungiro ehama dzakaremerwa nematambudziko, uye pavanenge vachiita izvi, vanachipangamazano vakadaro vangadzidza zvakawanda mubhuku raJobho.—VaGaratiya 6:1; VaHebheru 12:12, 13.

15 Pane zvidzidzo zvakanaka zvakawanda chaizvo pakubata kwakaita Erihu nyaya yacho. Akateerera kwenguva refu asati apindura mashoko asina kunaka eshamwari nhatu dzaJobho. (Jobho 32:11; Zvirevo 18:13) Erihu akashandisa zita raJobho uye akamuteterera seshamwari. (Jobho 33:1) Kusiyana nevanyaradzi vatatu venhema, Erihu haana kuzviona seaipfuura Jobho. “Neniwo ndakaumbwa nevhu,” akadaro. Akanga asingadi kuwedzera kurwadziwa kwaJobho nemashoko okusafunga. (Jobho 33:6, 7; Zvirevo 12:18) Pane kutsoropodza waimbova mufambiro waJobho, Erihu akamurumbidza pamusana pokururama kwake. (Jobho 33:32) Zvinotonyanya kukosha, Erihu aiona zvinhu sokuona kunoita Mwari, uye akabatsira Jobho kuti arambe achiona kuti Jehovha haazombofi akaita zvisina kururama. (Jobho 34:10-12) Akakurudzira Jobho kuti amirire Jehovha, pane kuti aedze kuratidza kururama kwake. (Jobho 35:2; 37:14, 23) Zvechokwadi vakuru vechiKristu nevamwe vangabatsirwa nezvidzidzo zvakadaro.

16. Vanyaradzi vaJobho vatatu venhema vakava sei zvishandiso zvaSatani?

16 Zano rokuchenjera raErihu rinosiyana nemashoko anorwadza aErifazi, Bhiridhadhi, naZofari. “Hamuna kutaura chokwadi pamusoro pangu,” Jehovha akavaudza kudaro. (Jobho 42:7) Kunyange kana vaitaura kuti vaiva nevavariro dzakanaka, vakaita sezvishandiso zvaSatani pane kuva shamwari dzakatendeka. Kubvira pakutanga vose vari vatatu vaifungidzira kuti Jobho pachake aiva akonzera matambudziko ake. (Jobho 4:7, 8; 8:6; 20:22, 29) Maererano naErifazi, Mwari haavimbi nevashumiri vake, uye haana hanya nokuti takarurama here kana kuti hatina kururama. (Jobho 15:15; 22:2, 3) Erifazi akatopomera Jobho zvikanganiso zvaakanga asina kuita. (Jobho 22:5, 9) Asi Erihu akabatsira Jobho mune zvokunamata, yagara iri iyo vavariro yachipangamazano ane rudo.

17. Tinofanira kuyeukei patinenge tichiedzwa?

17 Pane chimwe chidzidzo pamusoro pokutsungirira chatingawana mubhuku raJobho. Mwari wedu ane rudo anocherechedza mamiriro edu ezvinhu, anoda uye anokwanisa kutibatsira munzira dzakasiyana-siyana. Tamboverenga zvakaitika kuna Elsa Abt. Funga zvaakaguma ataura: “Ndisati ndasungwa, ndakanga ndaverenga tsamba yeimwe hanzvadzi yaitaura kuti paunenge uchiedzwa zvakasimba zvikuru mudzimu waJehovha unoita kuti ugadzikane. Ndakaona sokuti inofanira kunge yaiti wedzeredzei. Asi pandakaedzwa, ndakaziva kuti zvayakanga yataura chaiva chokwadi. Zvinonyatsoitika saizvozvo. Zvakaoma kuzvifungidzira kana zvisina kumboitika kwauri. Asi zvakanyatsoitika kwandiri. Jehovha anobatsira.” Elsa akanga asiri kutaura zvaigona kuitwa naJehovha kana kuti zvaakaita zviuru zvemakore zvakapfuura muzuva raJobho. Akanga achitaura nezvenguva yedu. Chokwadi, “Jehovha anobatsira!”

Anofara Munhu Anotsungirira

18. Jobho akabatsirwa sei nokutsungirira?

18 Vashomanana vedu vachasangana nematambudziko akasimba seaJobho. Asi pasinei nemiedzo yatingaunzirwa nemamiriro ezvinhu epanguva ino, tine zvikonzero zvakanaka zvokuti tirambe takavimbika, sezvakaitwa naJobho. Chokwadi, kutsungirira kwakawedzera kunaka kwoupenyu hwaJobho. Kwakamuita akakwana. (Jakobho 1:2-4) Kwakasimbisa ukama hwake naMwari. “Ndakanzwa nezvenyu norunyerekupe, asi zvino ziso rangu rinokuonai,” akadaro Jobho. (Jobho 42:5) Satani akaratidza kuti murevi wenhema pakuti akatadza kuparadza kuvimbika kwaJobho. Mazana emakore akazotevera, Jehovha akanga achiri kutaura nezvomushumiri wake Jobho kuti muenzaniso wokururama. (Ezekieri 14:14) Nhoroondo yake yokuvimbika uye yokutsungirira inokurudzira vanhu vaMwari kunyange nhasi.

19. Nei uchifunga kuti kutsungirira kunokosha?

19 Jakobho paakanyorera vaKristu vomuzana remakore rokutanga nezvokutsungirira, akataura nezvokugutsikana kunounzwa nokutsungirira kwacho. Uye akashandisa muenzaniso waJobho kuvayeuchidza kuti Jehovha anokomborera zvikuru vashumiri vake vakatendeka. (Jakobho 5:11) Tinoverenga pana Jobho 42:12 kuti: “Jehovha akazokomborera makore okupedzisira aJobho kupfuura okutanga.” Mwari akapa Jobho zvakapetwa kaviri zvaakanga arasikirwa nazvo, uye akaita kuti ararame upenyu hurefu, hwaifadza. (Jobho 42:16, 17) Saizvozvowo, kurwadziwa chero kupi, kutambura, kana kuti kuora mwoyo zvatingatsungirira pamugumo wemamiriro ezvinhu epanguva ino zvichabviswa uye zvichakanganwika munyika itsva yaMwari. (Isaya 65:17; Zvakazarurwa 21:4) Takanzwa nezvokutsungirira kwaJobho, uye tichibatsirwa naJehovha, takatsunga kutevedzera muenzaniso waJobho. Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Anofara munhu anoramba achitsungirira muedzo, nokuti paanotenderwa achagamuchira korona youpenyu, yakapikirwa naJehovha kune vaya vanoramba vachimuda.”—Jakobho 1:12.

Ungapindura Sei?

• Tingaita sei kuti mwoyo waJehovha ufare?

• Nei tisingafaniri kugumisa kuti matambudziko edu anoratidza kuti Mwari haatifariri?

• Zvinhu zvipi zvakabatsira Jobho kutsungirira?

• Tingatevedzera sei Erihu pakusimbisa vatinonamata navo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 28]

Chipangamazano akanaka anonzwira urombo, anoremekedza uye anoratidza mutsa

[Mifananidzo iri papeji 29]

Elsa naHarald Abt