Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Muedzo wokupedzisira wapera pamugumo weMakore Ane Chiuru, zvichaita here kuti vanhu vatadze uye vafe?

Magwaro maviri ari muna Zvakazarurwa anoti nezvomubvunzo uyu: “Rufu neHadhesi zvakakandwa mugungwa romoto. Iri gungwa romoto rinomirira rufu rwechipiri.” (Zvakazarurwa 20:14) “Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.

Ona nguva iri kutaurwa pano. Kukandwa kwo“rufu neHadhesi” mugungwa romoto kunoitika pashure pokunge vapukunyuki veAmagedhoni nevanomutswa kuvakafa, uye vose vanoberekwa pashure peAmagedhoni vatongwa ne“zvinhu . . . zvakanyorwa mumipumburu,” kana kuti nezvinhu zvose izvo Jehovha anoda kuti vanhu vaite mumakore ane chiuru. (Zvakazarurwa 20:12, 13) Muapostora Johani anonyora zvimwe zvaakaratidzwa, zvinowanika muchitsauko 21 chaZvakazarurwa, zvichazadzika panguva Yokutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaKristu Jesu. Zvisinei, kuzadzika kwakakwana kwezvakaratidzwa izvozvo kuchaitika pamugumo weZuva Rokutonga kwemakore ane chiuru. Zvadaro Jehovha achagara nevanhu mupfungwa yakazara pasina kana varevereri, Jesu paanenge adzorera Umambo kuna Baba vake. Jehovha achagara ne“vanhu vake” zvechigarire uye zvakananga nenzira yokufananidzira. “Rufu haruchazovipo” mupfungwa yakazara vanhu pavanenge vakwana nemhaka yechibayiro chorudzikinuro chaKristu chinenge chashandiswa zvakazara.—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Saka, rufu runotaurwa mumagwaro ari pamusoro apa rufu rwaAdhamu, urwo ruchabviswa norudzikinuro rwaKristu. (VaRoma 5:12-21) Kana rufu rwakagarwa nhaka nevanhu kumunhu wokutanga rwabviswa, vanhu vachangoita sezvakanga zvakaita Adhamu paakasikwa. Adhamu akanga akakwana, asi izvozvo zvakanga zvisingarevi kuti akanga asingakwanisi kufa. Jehovha akaudza Adhamu kuti asadya “muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa” uye akati: “Nezuva raunoudya chokwadi uchafa.” (Genesisi 2:17) Uku kwaiva kufa nechivi chemaune. Pashure pomuedzo wokupedzisira pamugumo woKutonga kweMakore Ane Chiuru, vanhu vanenge vachine rusununguko rwokusarudza. (Zvakazarurwa 20:7-10) Vachange vachiri kukwanisa kuzvisarudzira kuti voramba vachishumira Jehovha here kana kuti kwete. Hatigoni kutaura kuti hapana munhu acharamba Mwari, sezvakaita Adhamu.

Chii chichazoitika kumunhu anosarudza kupanduka pashure pomuedzo wokupedzisira pakunenge kusisina rufu kana Hadhesi? Panguva iyoyo, panenge pasisina rufu rwaAdhamu. Uye Hadhesi, guva revanhu vose vane tariro yokumuka, inenge isisipo. Zvisinei, Jehovha anogona kutsakatisa vapanduki vose mugungwa romoto, pasina tariro yokumuka. Rufu irworwo ruchange rwakaita sorufu rwakafa Adhamu naEvha, kwete rufu rwakagarwa nhaka nevanhu kuna Adhamu.

Zvisinei, hatina chikonzero chokuti titarisire kuti zvakadaro zvichaitika. Vaya vanokunda muedzo wokupedzisira vachasiyana naAdhamu mupfungwa imwe inokosha. Vachange vaedzwa zvakakwana. Tinogona kuva nechivimbo chokuti muedzo wokupedzisira uchange wakakomba nokuti Jehovha anogona kuongorora vanhu mukati nokunze. Tingava nechokwadi chokuti muedzo wokupedzisira uchabvisa vose vangashandisa zvisiri izvo rusununguko rwavo rwokusarudza. Saka, kunyange zvazvo zvichiita kuti vaya vanokunda muedzo wokupedzisira vapandukire Mwari vobva vaparadzwa, hatitarisiri kuti zvakadaro zviitike.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Pashure pomuedzo wokupedzisira, vanhu vachafanana naAdhamu mupfungwa ipi?