Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ngatienzanisei Magwaro”

“Ngatienzanisei Magwaro”

“Ngatienzanisei Magwaro”

MUMWE murume akanonga turakiti muchitima chaienda kuNew York City. ‘Mweya womunhu unofa,’ rakadaro turakiti racho. Anakidzwa zvikuru, murume wacho, mufundisi, akatanga kuriverenga. Akashamiswa nokuti akanga asati ambopokana nedzidziso yokusafa kwomweya. Panguva iyi, akanga asingazivi kuti ndiani akanga anyora turakiti racho. Kunyange zvakadaro, akaona kuti mashoko acho akanga ari echokwadi, ari omuMagwaro uye akakodzera kudzidzwa zvakasimba.

Mufundisi wacho ainzi George Storrs. Izvi zvakaitika muna 1837, gore rakatanga Charles Darwin kunyora mukabhuku kake pfungwa dzakazova mudzidziso yake yokushanduka-shanduka kwezvinhu. Ruzhinji rwevanhu munyika rwakanga ruchakazvipira mune zvechitendero uye rwaitenda muna Mwari. Vakawanda vaiverenga Bhaibheri uye vaiona kuti rine simba.

Storrs akazoona kuti turakiti racho rakanga ranyorwa naHenry Grew wokuPhiladelphia, kuPennsylvania. Grew aiomerera zvakasimba papfungwa yokuti “rugwaro . . . runozvidudzira rwoga.” Grew neshamwari dzake vaidzidza Bhaibheri vaine chinangwa chokuchinja upenyu hwavo uye mabasa avo kuti zvienderane nezvinotaura Bhaibheri. Zvidzidzo zvavo zvairatidza chokwadi cheMagwaro chakanaka chaizvo.

Akurudzirwa nezvakanyorwa naGrew, Storrs akanyatsoongora zvaitaurwa neMagwaro nezvomweya ndokukurukura nyaya yacho nevamwe vafundisi. Pashure pemakore mashanu okuongorora zvakasimba, Storrs akazosarudza kubudisa bhuku rake idzva rechokwadi cheMagwaro. Pakutanga, akagadzirira mharidzo imwe chete yokuti ape pane mumwe musi weSvondo muna 1842. Zvisinei, akaona kuti aifanira kupa dzimwezve mharidzo shomanana kuti nyaya yacho inyatsojeka. Pakupedzisira, mharidzo dzake pamusoro pokufa kwomweya womunhu dzakasvika nhanhatu, dzaakabudisa mubhuku rinonzi Six Sermons. Storrs aienzanisa magwaro kuti abudise pachena chokwadi chakanaka chakanga chakadzikatidzwa nedzidziso dzechiKristudhomu dzinozvidza Mwari.

Bhaibheri Rinodzidzisa Kuti Mweya Haufi Here?

Bhaibheri rinotaura kuti vateveri vaJesu vakazodzwa vakapfeka kusafa somubayiro wokutendeka kwavo. (1 VaKorinde 15:50-56) Storrs akati, kana kusafa uri mubayiro unopiwa vakatendeka, mweya wevakaipa unofanira kufa. Pane kuita zvokufungidzira, akaongorora Magwaro. Akaverenga Mateu 10:28, muKing James Version, inoti: “Ityai iye anogona kuparadza mweya nomuviri muhero.” Saka mweya unogona kuparadzwa. Akaverengawo Ezekieri 18:4, iyo inoti: “Mweya unotadza, uchafa.” (Union Shona) Bhaibheri rose parakaongororwa, kunaka kwechokwadi kwakabudiswa pachena. “Kana maonero andinoita nyaya iyi akarurama,” akanyora kudaro Storrs, “saka zvikamu zvakawanda zveMagwaro zvave zvisina kujeka padzidziso yakakurumbira, zvinova zvakajeka, zvinofadza, zvine zvazvinoreva uye zvine simba.”

Asi zvakadini nemagwaro akaita saJudha 7? Inoti: “SeSodhoma neGomora, namaguta akapoteredza, akazvipa kwazvo saivo kuupombwe nokutevera imwe nyama, akaitwa chiratidzo, akarohwa nomoto usingaperi.” (Union Shona) Pavanoverenga rugwaro urwu, vamwe vangagumisa kuti mweya yevaya vakaurayiwa muSodhoma neGomora inopiswa nomoto nokusingaperi. “Ngatienzanisei Magwaro,” akanyora kudaro Storrs. Akabva atora mashoko a2 Petro 2:5, 6, anoti: “Akasaregawo nyika yekare, asi wakaponesa Noa . . . , akauyisa mvura zhinji panyika yavanhu vakanga vasingadi Mwari; akashandura maguta eSodhoma neGomora akaaita madota, akaatongera kuti aparadzwe, akaaita chive chiratidzo kuna ivo vachagara vasingadi Mwari.” (Union Shona) Chokwadi, maguta eSodhoma neGomora akaitwa madota, akaparadzwa zvachose pamwe chete nevaigaramo.

“Petro anojekesa mashoko aJudha,” akatsanangura kudaro Storrs. “Kuenzanisa mabhuku acho ari maviri kunonyatsoratidza kusafarira vatadzi kunoita Mwari . . . Mashoko iwayo okutongwa akataurwa pamusoro penyika yekare, Sodhoma neGomora, inyevero yechigarire uye isingaperi, kana kuti ‘isingagumi,’ kana kuti ‘muenzaniso’ kuvanhu vose kusvika kumugumo wenyika.” Saka Judha akataura nezvomugumisiro wemoto wakaparadza Sodhoma neGomora kuti wakanga usingagumi. Izvozvo hazvimbochinji chokwadi chokuti mweya womunhu unofa.

Storrs akanga asingashandisi magwaro anotsigira pfungwa dzake asi achisiya mamwe. Aifunga mashoko akapoteredza rugwaro rumwe norumwe uyewo zvinonyatsorehwa neBhaibheri. Kana rugwaro rwaiita sorunopesana nemamwe magwaro, Storrs aitsvaka muBhaibheri rose kuti awane tsanangudzo ine musoro.

Bhuku raRussell Rinonzi Studies in the Scriptures

Pane vaya vakazoshamwaridzana naGeorge Storrs paiva nomumwe mukomana akanga achironga boka revaidzidza Bhaibheri kuPittsburgh, Pennsylvania. Ainzi Charles Taze Russell. Imwe yenyaya dzaakatanga kunyora dzomuMagwaro yakabudiswa muna 1876 mumagazini yainzi Bible Examiner, yakapepetwa naStorrs. Russell akabvuma kuti vadzidzi veBhaibheri vokutanga vakamubatsira. Gare gare, somupepeti weZion’s Watch Tower, akaonga kubatsirwa kwaaiitwa naStorrs, paaiita zvokutaura uye kunyora.

Paakanga ava nemakore 18, C. T. Russell akaronga kirasi yokudzidza Bhaibheri ndokuronga kuti Bhaibheri racho raizodzidzwa sei. A. H. Macmillan, mumwe mudzidzi weBhaibheri aishamwaridzana naRussell, akatsanangura nzira iyi achiti: “Mumwe munhu aibvunza mubvunzo. Vaiukurukura. Vaitarira magwaro ose aienderana nepfungwa yacho uye, pavainge vagutsikana nokupindirana kwemagwaro aya, vaibva vazotaura zvavainge vagumisa vobva vazvinyora pasi.”

Russell aiva nechokwadi chokuti Bhaibheri, kana rikaongororwa rose zvaro, rinofanira kubudisa pachena shoko rinopindirana uye rinoenderana naro uye unhu hwaMwari, Munyori waro. Pose apo chikamu chero chipi zvacho cheBhaibheri chaiita sechakaoma kunzwisisa, Russell aidavira kuti chaifanira kutsanangurwa uye kududzirwa nezvimwe zvikamu zveBhaibheri.

Tsika yomuMagwaro

Zvisinei, Russell, Storrs kana kuti Grew havasi ivo vokutanga kuita kuti Magwaro azvidudzire oga. Tsika yacho yakatanga noMuvambi wechiKristu, Jesu Kristu. Aishandisa magwaro anoverengeka kuti atsanangure zvainyatsorehwa nendima yacho. Somuenzaniso, vaFarisi pavakashora vadzidzi vake nokuti vakanga vatanha hura dzezviyo pazuva reSabata, Jesu akaratidza munhoroondo yakanyorwa pana 1 Samueri 21:6 kuti mutemo weSabata waifanira kushandiswa sei. Vatungamiriri vechitendero vaiziva nhoroondo iyoyo, apo Dhavhidhi nevarume vake vakadya zvingwa zvokuratidzira. Jesu akabva ataura nezvechikamu choMutemo chaiti vapristi vaAroni chete ndivo vaifanira kudya chingwa chokuratidzira. (Eksodho 29:32, 33; Revhitiko 24:9) Zvisinei, Dhavhidhi akaudzwa kuti adye chingwa chacho. Jesu akagumisa kutaura kwake kwokunyengetedza nokudzokorora mashoko ari mubhuku raHosiya anoti: “Kudai makanga manzwisisa zvinorehwa neizvi, zvokuti ‘Ndinoda ngoni, kwete chibayiro,’ mungadai musina kupa mhosva vasina mhosva.” (Mateu 12:1-8) Chokwadi uyu muenzaniso wakanaka chaizvo wokuenzanisa rugwaro nemamwe magwaro kuti usvike pakunzwisisa zvakarurama!

Vateveri vaJesu vakaitawo izvozvo zvokushandisa zvakanyorwa murugwaro kuti vajekese rumwe rugwaro. Muapostora Pauro paakadzidzisa vanhu muTesaronika, “akakurukurirana navo achishandisa Magwaro, achitsanangura uye achiratidza nezvakanyorwa kuti zvakanga zvakakodzera kuti Kristu atambure uye kuti amuke kubva kuvakafa.” (Mabasa 17:2, 3) Mutsamba yake yakafuridzirwa naMwari, Pauro akaitawo kuti Bhaibheri rizvidudzire roga. Somuenzaniso, paainyorera vaHebheru, akatora mashoko emagwaro akawanda kuti aratidze kuti Mutemo waiva mumvuri wezvinhu zvakanaka zvakanga zviri kuuya.—VaHebheru 10:1-18.

Chokwadi, vadzidzi veBhaibheri vomwoyo wose vomuzana remakore rechi19 uye kutanga kwerechi20 vakanga vari kungoita tsika iyi yechiKristu yaimboitwa kare. Tsika yokuenzanisa magwaro nemamwe magwaro inoramba ichiitwa mumagazini yeNharireyomurindi. (2 VaTesaronika 2:15) Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisa tsika iyi pazvinoongorora rumwe rugwaro.

Ongorora Mashoko Akapoteredza

Patinenge tichiverenga Bhaibheri, tingatevedzera sei muenzaniso wakanaka chaizvo waJesu nevateveri vake vakatendeka? Kutanga, tingafunga nezvemashoko akapoteredza rugwaro ruri kukurukurwa panguva iyoyo. Mashoko akapoteredza angatibatsira sei kunzwisisa zvarunoreva? Somuenzaniso, ngatifungei nezvemashoko aJesu akanyorwa pana Mateu 16:28 anoti: “Chokwadi ndinoti kwamuri pane vamwe vamire pano vasingazomboraviri rufu kusvikira vatanga vaona Mwanakomana womunhu achiuya muumambo hwake.” Vamwe vangafunga kuti mashoko aya haana kuzadzika nokuti vadzidzi vaJesu vose vaivapo paakataura mashoko iwayo vakafa Umambo hwaMwari husati hwagadzwa kumatenga. The Interpreter’s Bible rinototi nezvendima iyi: “Zvaifungidzirwa zvacho hazvina kuzadzika, uye pava paya vaKristu vakazoona zvakakodzera kuti vatsanangure kuti kwaiva kufananidzira.”

Zvisinei, mashoko akapoteredza ndima ino, uyewo aya enhoroondo dzakafanana dzakanyorwa naMako naRuka, anotibatsira kunzwisisa zvinonyatsorehwa norugwaro rwacho. Mateu akarondedzera chii pashure chaipo pemashoko ari pamusoro apa? Akanyora kuti: “Kwapera mazuva matanhatu, Jesu akaenda naPetro naJakobho naJohani munun’una wake, akakwira navo mugomo refu refu vari voga. Zvino akachinja chitarisiko pamberi pavo.” (Mateu 17:1, 2) Mako naRuka vakabatanidzawo mashoko aJesu pamusoro poUmambo nenhoroondo yokuchinja chitarisiko. (Mako 9:1-8; Ruka 9:27-36) Kuuya kwaJesu musimba roUmambo kwakaratidzwa nokuchinja chitarisiko kwaakaita, kuoneka kwake mukubwinya pamberi pevaapostora vatatu. Petro anoratidza kuti kunzwisisa uku kwakarurama nokutaura nezve“simba nokuvapo kwaShe wedu Jesu Kristu” maererano nokuona kwaakaita Jesu achichinja chitarisiko.—2 Petro 1:16-18.

Unorega Bhaibheri Richizvidudzira Roga Here?

Zvakadini kana usinganzwisisi rumwe rugwaro kunyange pashure pokunge waona mashoko akarupoteredza? Ungabatsirwa nokuruenzanisa nemamwe magwaro, uchifunga zvinonyatsorehwa neBhaibheri rose. Chimwe chinhu chinobatsira zvikuru kuita izvi chingawanikwa muShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene, yava kuwanika yakazara kana kuti chikamu chayo mumitauro 57. Shanduro iyi ine zviratidzo zvinotiendesa kune mamwe magwaro, zviri pakati pechikamu chepeji imwe neimwe mumaBhaibheri ayo akawanda. Unogona kuwana zvinodarika 125 000 muNew World Translation of the Holy Scriptures—With References. “Sumo” yeBhaibheri racho inoti: “Kunyatsoenzanisa zviratidzo zvinotiendesa kune mamwe magwaro uye kuongorora mashoko omuzasi arimo kuchabudisa pachena kupindirana kwemabhuku 66 eBhaibheri, kuchiratidza kuti anoumba bhuku rimwe chete, rakafuridzirwa naMwari.”

Ngationei kuti kushandisa magwaro anotiendesa kune mamwe magwaro kungatibatsira sei kunzwisisa rugwaro. Somuenzaniso, funga nezvenhoroondo yaAbramu, kana kuti Abrahamu. Funga nezvomubvunzo uyu: Ndiani aitungamirira pakabuda Abramu nemhuri yake muUri? Genesisi 11:31 inoti: ‘Tera akatora Abramu mwanakomana wake naRoti, naSarai muroora wake, vakabuda naye muUri yevaKadheya kuti vaende kunyika yeKenani. Kwapera nguva yakati, vakasvika kuHarani vakagara ikoko.’ Angoverenga ndima iyi, mumwe angagumisa kuti baba vaAbramu, Tera, ndivo vaitungamirira. Zvisinei, muShanduro Yenyika Itsva, tinowana magwaro 11 anotiendesa kune mamwe magwaro pandima iyi. Rwokupedzisira runotiendesa pana Mabasa 7:2, patinoverenga mashoko aStefani achirayira vaJudha vomuzana remakore rokutanga, kuti: “Mwari wokubwinya akazviratidza kuna tateguru wedu Abrahamu paakanga ari kuMesopotamiya, asati agara kuHarani, uye akati kwaari, ‘Buda munyika yako uye ubve kuhama dzako, uende kunyika yandichakuratidza.’” (Mabasa 7:2, 3) Stefani akanga achivhiringidza izvi nokutama kwaAbramu muHarani here? Aiwa, nokuti ichi chikamu cheShoko raMwari rakafuridzirwa.—Genesisi 12:1-3.

Saka, nei Genesisi 11:31 ichiti ‘Tera akatora Abramu mwanakomana wake’ nevamwe vomumhuri yake ndokubuda muUri? Tera akanga achiri musoro wemhuri. Akabvuma kuenda naAbramu saka ndiye akatamisa mhuri yacho kuenda kuHarani. Tikaenzanisa uye tikanzwananisa magwaro maviri aya, tinogona kunzwisisa zvakanyatsoitika. Abramu nokuremekedza akanyengetedza baba vake kuti vabude muUri maererano nomurayiro waMwari.

Patinoverenga Magwaro, tinofanira kufungawo nezvemashoko akapoteredza uye zvinonyatsorehwa neBhaibheri rose. VaKristu vanorayirwa kuti: “Takagamuchira, kwete mudzimu wenyika, asi mudzimu unobva kuna Mwari, kuti tizive zvinhu zvatakapiwa nomutsa naMwari. Tinotaurawo zvinhu izvi, kwete nemashoko anodzidziswa nouchenjeri hwevanhu, asi neaya anodzidziswa nomudzimu, patinotsanangura zvinhu zvomudzimu tichishandisa mashoko omudzimu.” (1 VaKorinde 2:11-13) Zvechokwadi, tinofanira kukumbira Jehovha kuti atibatsire kunzwisisa Shoko rake toedza ku“tsanangura zvinhu zvomudzimu tichishandisa mashoko omudzimu” nokuongorora mashoko akapoteredza rugwaro ruri kukurukurwa uye nokutsvaka magwaro anoenderana narwo. Ngatirambei tichitsvaka chokwadi chinokosha kuburikidza nokudzidza Shoko raMwari.

[Mifananidzo iri papeji 12]

Vadzidzi veBhaibheri vomuzana remakore rechi19 avo vaiita kuti Rugwaro rutsanangure rumwe rugwaro, vaiva: George Storrs, Henry Grew, Charles Taze Russell, A. H. Macmillan

[Kwazvakatorwa]

Kumusoro: SIX SERMONS, rakanyorwa naGeorge Storrs (1855); pechipiri kubva kumusoro: Collection of The New-York Historical Society/69288

[Mufananidzo uri papeji 15]

Muapostora Pauro akajekesa pfungwa yake nokutaura zviri mumagwaro