Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Panyika, Sezvakunoitwa Kudenga”

“Panyika, Sezvakunoitwa Kudenga”

“Panyika, Sezvakunoitwa Kudenga”

“VaKaturike vanodavira Zvinhu Zvina Zvokupedzisira: Rufu, Kutongwa, Hero, Denga.”—Catholicism, rakapepetwa naGeorge Brantl.

ONA kuti pazvinhu izvi zvakarongwa zvingangoitika kuvanhu, hapana nyika. Izvozvo hazvimboshamisi nokuti Chechi yeKaturike, kufanana nezvimwe zvitendero zvinoverengeka, inoomerera papfungwa yokuti rimwe zuva nyika ichaparadzwa. Bhuku rinonzi Dictionnaire de Théologie Catholique rinojekesa izvi pasi pemashoko anoti “Kuguma Kwenyika” richiti: “Chechi yeKaturike inodavira uye inodzidzisa kuti nyika iyi yakasikwa naMwari uye iripo, haizorambi iripo.” Bhuku richangobuda rekatekisimo yeKaturike rinotaurawo pfungwa iyi: “Nyika yedu . . . inofanira kunyangarika.” Asi kana nyika yedu ichizonyangarika, zvakadini nezvipikirwa zveBhaibheri zvenyika inenge iri paradhiso?

Bhaibheri rinotaura zvakajeka nezveparadhiso yeramangwana panyika pano. Somuenzaniso, muprofita Isaya akarondedzera nyika nevanogara mairi achiti: “Vachavaka dzimba vogaramo; vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo. Havazovaki mumwe ogaramo; havazodyari mumwe odya. Nokuti mazuva evanhu vangu achaita semazuva omuti; uye vanhu vandakasarudza vachafarira basa remaoko avo zvizere.” (Isaya 65:21, 22) VaJudha, avo vakapiwa zvipikirwa izvi naMwari, vaiva nechokwadi chokuti nyika yavo—zvechokwadi, nyika yose—rimwe zuva yaizova paradhiso yokuti vanhu vararame nokusingaperi varimo.

Pisarema 37 rinosimbisa tariro iyi. “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika.” (Pisarema 37:11) Ndima iyi haisi kungotaura nezvokudzorerwa kworudzi rwaIsraeri kuNyika Yakapikirwa kwekanguva. Pisarema iroro rinoti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) * Ona kuti pisarema rino rinotaura kuti “vanyoro” vachapiwa mubayiro woupenyu husingaperi panyika pano. MuBhaibheri reFrench, tsanangudzo yendima iyi inoti shoko rokuti “vanyoro” “rine zvarinoreva zvakadzama zvikuru kupfuura zviri pachena mune dzimwe shanduro; rinosanganisira varombo, vaya vanotambura kana kuti vanotambudzirwa Yahweh, vane mwoyo inozvininipisa inozviisa pasi paMwari.”

Panyika Pano Here Kana Kuti Kudenga?

MuMharidzo yepaGomo, Jesu akapa vimbiso inotiyeuchidza nezvemagwaro ataurwa pamusoro apa, yokuti: “Vakaropafadzwa vanyoro; nokuti vachagara nhaka yenyika.” (Mateu 5:5, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Zvakare, nyika uchava mubayiro usingaperi wevanhu vakatendeka. Zvisinei, Jesu akajekesera vaapostora vake kuti akanga achivagadzirira nzvimbo “mumba maBaba” vake uye kuti vaizova naye kudenga. (Johani 14:1, 2; Ruka 12:32; 1 Petro 1:3, 4) Saka, tinofanira kunzwisisa sei zvipikirwa zvezvikomborero zvepanyika pano? Zvakakodzera here nhasi, uye zvinoshanda kuna vanaani?

Nyanzvi dzakasiyana-siyana dzeBhaibheri dzinoti “nyika” inotaurwa muMharidzo yaJesu yepaGomo uye kunyange pana Pisarema 37 inongova yokufananidzira. Mumashoko ake ari muBible de Glaire, F. Vigouroux akaona mundima idzi “chiratidzo chedenga necheChechi.” Maererano naM. Lagrange, mumwe mutsvakurudzi weBhaibheri wokuFrance, chikomborero ichi “hachisi vimbiso yokuti vanyoro vachagara panyika yavari kugara, mungava mumamiriro ezvinhu epanguva ino kana kuti mumamiriro ezvinhu akakwana, asi nzvimbo yacho, chero kwaingava, inova umambo hwokudenga.” Maererano nomumwe mutsvakurudzi, “kutaura nezvedenga kunoreva kushandisa pfuma yenyika nenzira yokufananidzira.” Maererano nevamwezve vatsvakurudzi, “nyika yakapikirwa, Kenani, inotaurwa nezvayo mupfungwa yezvokunamata uye inomiririra musha uri kumusoro, umambo hwaMwari, uchapiwa vanyoro. Ndizvo zvinorevawo mufananidzo uyu uri muPisarema 37 nomune dzimwewo ndima.” Asi tinofanira kukurumidza kutaura kuti Mwari haana kupikira nyika chaiyoiyo here?

Chinangwa Chisingagumi Nokuda Kwenyika

Pakutanga, nyika yakanga yakabatana zvakananga nechinangwa chaMwari nokuda kwevanhu. “Kana ari matenga, matenga ndeaJehovha, asi nyika akaipa vanakomana vevanhu,” akanyora kudaro munyori wepisarema. (Pisarema 115:16) Saka chinangwa chaMwari chepakutanga nokuda kwevanhu chaiva nechokuita nenyika, kwete nedenga. Jehovha akapa vanhu vaviri vokutanga basa rokuwedzera munda weEdheni kuti uzadze nyika. (Genesisi 1:28) Chinangwa ichi chakanga chisiri chenguva pfupi. Jehovha akasimbisa muShoko rake kuti nyika ichagara nokusingaperi, achiti: “Chimwe chizvarwa chinoenda, uye chimwe chizvarwa chinouya; asi nyika inogara iripo nokusingagumi.”—Muparidzi 1:4; 1 Makoronike 16:30; Isaya 45:18.

Zvipikirwa zvaMwari hazvimboregi kuzadzika, nokuti iye ndiye Wokumusorosoro, uye ane chokwadi chokuti zvichazadzika. Richienzanisira nokutenderera kunoita mvura, Bhaibheri rinotsanangura kuti kuzadzika kwezvipikirwa zvaMwari kuchatoitika, richiti: “Mvura inonaya nechando zvazvinoburuka zvichibva kumatenga, zvisingadzokeri ikoko, zvonyorovesa nyika kwazvo, zvoita kuti ibereke nokuita kuti imere, . . . ndizvo zvichaita shoko rangu [shoko raMwari] rinobuda mumuromo mangu. Harizodzoki kwandiri risina zvaraita, asi richaita zvandinofarira, uye richabudirira pane zvandinoritumira.” (Isaya 55:10, 11) Mwari ane zvaanopikira vanhu. Nguva yakati ingapfuura zvipikirwa izvozvo zvisati zvazadzika, asi zvinotozadzika chete. ‘Zvinodzokera’ kwaari zvaita zvose zvinenge zvataurwa.

Zvechokwadi Jehovha ‘akafara’ kusikira vanhu nyika. Pamugumo wezuva rechitanhatu rokusika, akazivisa kuti zvinhu zvose zvakanga “zvakanaka kwazvo.” (Genesisi 1:31) Kushandurwa kwenyika kuti ive paradhiso isingagumi chimwe chezvinangwa zvaMwari zvisati zvazadziswa. Kunyange zvakadaro, zvipikirwa zvaMwari ‘hazvizodzoki kwaari zvisina zvazvaita.’ Zvipikirwa zvose zvoupenyu hwakakwana panyika pano, apo pachagara vanhu nokusingagumi murugare uye vakachengeteka, zvichazadziswa.—Pisarema 135:6; Isaya 46:10.

Chinangwa chaMwari Chichatozadziswa

Chivi chevabereki vedu vokutanga, Adhamu naEvha, chakamboti vhiringidzei chinangwa chaMwari chepakutanga chokuita kuti nyika ive paradhiso. Pashure pokusateerera kwavo, vakadzingwa mumunda wacho. Saka vakarasikirwa neropafadzo yokubatanidzwawo mukuzadzika chinangwa chaMwari chokuva nevanhu vakakwana vanogara muparadhiso panyika pano. Zvisinei, Mwari akaronga zvinhu kuti azadzise chinangwa chake. Sei?—Genesisi 3:17-19, 23.

Mamiriro ezvinhu muEdheni akanga akafanana neomurume anotanga kuvaka imba paivhu rakanaka chaizvo. Paanongoisa faundesheni, mumwe munhu anouya oparadza faundesheni yacho. Pane kuti asiye basa rake, murume wacho anotora matanho kuti ave nechokwadi chokuti anopedza imba yacho. Kunyange kana iri basa rokuwedzera richida imwe mari, hapana mubvunzo kuti basa rinenge ratangwa rinofanira kupera.

Saizvozvowo, Mwari akaita urongwa hwokuti ave nechokwadi chokuita chinangwa chake. Pashure chaipo pokunge vabereki vedu vokutanga vaita chivi, akazivisa tariro nokuda kwevazukuru vavo—“mwana” aizobvisa zvakanga zvakanganiswa. Mukuzadzika uprofita uhwu, mukuru pavana vacho ndiJesu Mwanakomana waMwari, uyo akauya pasi pano ndokupa upenyu hwake sechibayiro kuti atengezve vanhu. (VaGaratiya 3:16; Mateu 20:28) Paakangomutsirwa kudenga, Jesu akava Mambo woUmambo. Chokwadi, iye ndiye munhu munyoro anogara nhaka yenyika pamwe chete nevashomanana vakasarudzwa vakatendeka vanomutsirwa kudenga kuti vatonge pamwe chete naye muUmambo uhwu. (Pisarema 2:6-9) Nokufamba kwenguva, hurumende iyi ichatonga pasi pano kuitira kuzadzika chinangwa chaMwari chepakutanga uye kushandura pasi kuti rive paradhiso. Mamiriyoni asingaverengeki evanhu vanyoro “anogara nhaka yenyika” mupfungwa yokuti anobatsirwa nokutonga kwoUmambo uhwu hunotongwa naJesu Kristu nevaanotonga navo.—Genesisi 3:15; Dhanieri 2:44; Mabasa 2:32, 33; Zvakazarurwa 20:5, 6.

“Panyika, Sezvakunoitwa Kudenga”

Kuponeswa uku kuri paviri, kudenga kana kuti pasi pano, kunotaurwa mune zvakaratidzwa muapostora Johani. Akaona madzimambo akagara pazvigaro zvoumambo zvokudenga akanga asarudzwa pakati pevadzidzi vaKristu vakatendeka. Bhaibheri rinotaura zvakananga nezveshamwari dzaKristu idzi kuti “vachatonga semadzimambo pamusoro penyika.” (Zvakazarurwa 5:9, 10) Ona zvinhu zviviri mukuitwa kwechinangwa chaMwari—nyika yakadzorerwa pasi pokutungamirira kwoUmambo hwokudenga hunotongwa naJesu Kristu nevagari venhaka pamwe chete naye. Urongwa hwaMwari hwose uhwu hunoita kuti Paradhiso izodzorerwa pasi pano maererano nechinangwa chaMwari chepakutanga.

Mumunyengetero wake wokuenzanisira, Jesu akakumbira vadzidzi vake kuti vanyengeterere kuti kuda kwaMwari kuitwe “panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mateu 6:9, 10) Mashoko aya aizova nomusoro here kudai nyika yaizonyangarika kana kuti yaingova chiratidzo chedenga? Aizovawo nomusoro here kudai vanhu vose vakarurama vaienda kudenga? Kuda kwaMwari nokuda kwenyika kunonyatsooneka muMagwaro, munhoroondo yokusika kusvikira kune zvakaratidzwa zviri mubhuku raZvakazarurwa. Nyika inofanira kuti iite sezvakarongwa naMwari—paradhiso. Izvi ndizvo zvinopikirwa naMwari kuti achaita. Vakatendeka vari panyika vanonyengeterera kuzadzika kwaizvozvo.

Kubvira pakutanga, Musiki, Mwari ‘asina kuchinja,’ akaronga kuti pave noupenyu husingaperi pasi pano. (Maraki 3:6; Johani 17:3; Jakobho 1:17) Kwerinopfuura zana remakore, magazini ino yeNharireyomurindi yave ichitsanangura zvinhu zviviri izvi pakuitwa kwechinangwa chaMwari. Izvi zvinoita kuti tinzwisise zvipikirwa zvokudzorerwa kwenyika zvinowanika muMagwaro. Tinokukumbira kuti uongororezve nyaya yacho, ungaita izvozvo nokukurukura neZvapupu zvaJehovha kana kuti kunyorera vabudisi vemagazini ino.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Kunyange zvazvo shanduro dzakawanda dzeBhaibheri dzichishandura shoko rechiHebheru rokuti ‘eʹrets kuti “nyika” pane kuti “pasi,” hapana chikonzero chokuti shoko rokuti’eʹrets riri pana Pisarema 37:11, 29 ringonzi rinoreva nyika yakapiwa rudzi rwaIsraeri. Old Testament Word Studies rakanyorwa naWilliam Wilson rinorondedzera ‘eʹrets se“pasi mupfungwa yakakura zvikuru, nzvimbo dzinogarwa nedzisingagarwi; parinoshandiswa riine zvishoma zvarinoreva, rinofananidzira zvimwe zvikamu zvepasi, nzvimbo kana kuti nyika.” Saka zvinorehwa neshoko rechiHebheru zvakananga uye zvinonyanya kukosha ipasi redu, kana kuti nyika yose.—Ona Nharireyomurindi, yeChirungu yaJanuary 1, 1986, peji 31.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti Paradhiso ichava pasi pano mune ramangwana

[Mufananidzo uri papeji 7]

Munyengetero waJesu wokuenzanisira waizova nomusoro here kudai nyika yaizonyangarika?