Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakabatsirwa here nokuverenga magazini achangobva kubuda eNharireyomurindi? Ona kana ungakwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

• Jesu acha“nunura murombo” sei, sezvakafanotaurwa pana Pisarema 72:12?

Panguva yokutonga kwake, vanhu vose vacharuramisirwa, uye panenge pasina uori. Hondo inowanzokonzera urombo, asi Kristu achaunza rugare rwakakwana. Anonzwira vanhu tsitsi uye achavabatanidza vose, uye achaona kuti vane zvokudya zvakakwana. (Pisarema 72:4-16)—5/1, peji 7.

• Isu sevaKristu tingaratidza sei kuti tine “rusununguko rwokutaura”? (1 Timoti 3:13; Firimoni 8; VaHebheru 4:16)

Tingaita izvozvo nokushingaira kuparidzira vamwe noushingi, nokudzidzisa, nokupa zano panguva yakakodzera uye zvinobudirira, nokudurura mwoyo yedu kuna Mwari mumunyengetero, tichivimba kuti achatinzwa otipindura.—5/15, mapeji 14-16.

• MuMutemo, nei zvimwe zvinhu zvaiva nechokuita nenyaya dzepabonde zvaionekwa sokuti zvaiita kuti munhu ave “asina kuchena”?

Mitemo ine chokuita nokusachena kwaikonzerwa nokubuda urume, kuenda kumwedzi, uye kusununguka mwana yaikurudzira utsanana uye kuva nemararamiro ane utano, yaisimbisa utsvene hweropa uye yairatidza kudiwa kwokuyananisira zvivi.—6/1, peji 31.

• Kana munhu achida kufara, nei zvingava zvakanaka kuti averenge bhuku reMapisarema?

Vanyori veMapisarema vaiziva kuti mufaro unobva pakuva noukama hwakanaka naMwari. (Pisarema 112:1) Vakasimbisa kuti hakuna ukama hwevanhu, pfuma, kana kuti zvinoitwa nevanhu zvingaunza mufaro unobva pakuva “vanhu avo Mwari wavo ari Jehovha.” (Pisarema 144:15)—6/15, peji 12.

• VaIsraeri vekare vaiva noukama hwei hunokosha naJehovha?

Muna 1513 B.C.E., Jehovha akatanga ukama hutsva nevaIsraeri, achiita sungano navo. (Eksodho 19:5, 6; 24:7) Pashure pacho, vaIsraeri vakaberekwa senhengo dzorudzi rwaMwari rwakasarudzwa rwakazvitsaurira kwaari. Kunyange zvakadaro, munhu mumwe nomumwe aifanira kuzvisarudzira kushumira Mwari.—7/1, mapeji 21-2.

• Nei tichifanira kuita zvinhu zvose ti“singagunun’uni”? (VaFiripi 2:14)

Mienzaniso yakawanda yomuMagwaro inoratidza kuti kugunun’una kwakakanganisa vanhu vaMwari. Tinofanira kufungisisa nezvokuti kungatikanganisa zvakadini nhasi. Vanhu vasina kukwana vanowanzonyunyuta, uye tinofanira kungwaririra kuti ticherechedze chero chiratidzo chipi zvacho chokunyunyuta tokudzivisa.—7/15, mapeji 16-17.

• Tinoziva sei kuti uchenjeri hunorondedzerwa pana Zvirevo 8:22-31 hahusi uchenjeriwo zvahwo?

Uchenjeri ihwohwo ‘hwakasikwa’ sokutanga kwenzira yaJehovha. Mwari agara aripo uye akachenjera; kuchenjera kwake hakuna kusikwa. Uchenjeri hunotaurwa pana Zvirevo 8:22-31 hwaiva padivi paMwari se“mhizha,” hunoreva chisikwa chomudzimu chakazova Jesu uyo akashanda pamwe chete naMwari pakusika. (VaKorose 1:17; Zvakazarurwa 3:14)—8/1, peji 31.