Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chitendero—Chinobatsirei?

Chitendero—Chinobatsirei?

Chitendero—Chinobatsirei?

“NDINOGONA kuva munhu akanaka asi ndisina chitendero chandinopinda!” Iwayo ndiwo manzwiro anoita vanhu vakawanda. Vanhu vakawanda vakatendeseka, vane tsitsi, vakavimbika havafariri zvechitendero. Somuenzaniso, vanhu vokuMabvazuva kweEurope vanoenda kuchechi vashomanana, kunyange zvazvo vakawanda vavo vachiti vanodavira kuti Mwari ariko. * Kunyange kuLatin America, 15 kusvika ku20 muzana chete yevaKaturike ndivo vanoenda kuchechi nguva dzose.

Kufanana nevamwe vakawanda, zvichida unoona sokuti chitendero hachibatsiri munhu kuti ararame upenyu hwakanaka. Pamwe ungangodaro uchizivawo kuti makumi emakore akapfuura, panguva yakararama vanasekuru vako, vanhu vakawanda vaifarira zvechitendero kupfuura zvavava kuita mazuva ano. Chii chakaitika kuti chitendero chisanyanya kufarirwa nevakawanda? Zvinoita here kuti munhu ave akanaka iye asina chitendero chaanopinda? Pane chitendero chingakubatsira here?

Zvakaita Kuti Vakawanda Vasiye Chitendero

Kwemazana emakore, vanhu vakawanda vari muchiKristudhomu vaidavira kuti Mwari anoda kuti vamuteerere. Vaienda kuchechi kuti vanzwirwe nyasha naMwari, zvimwe vainoita minamato yechitendero vachitungamirirwa nomupristi kana kuti nomufundisi. Chokwadi, vakawanda vaiziva nezvounyengeri hwaiitwa nechitendero. Zvaiitwa nechitendero muhondo zvainyatsozivikanwa, sokuzivikanwa kwaiita unzenza hwevamwe vafundisi. Asi vanhu vakawanda vaiona sokuti chitendero pachacho chinobatsira. Vamwe vaifarira kusanyatsonzwisisika kwacho, tsika dzacho, nemimhanzi yacho; vamwe vaitoona sezvinobatsira kuti vatyisidzirwe vachinzi vaizotsva muhero nokusingaperi, dzidziso isingawanikwi muMagwaro. Pave paya, zvinhu zvinoverengeka zvakaitika zvakachinja maonero aiita vanhu machechi.

Dzidziso yokuti zvinhu zvakavapo nokushanduka-shanduka yakatanga kukurumbira. Vamwe vakabvuma kuti upenyu hwakangoerekana hwavapo—pasina Mwari. Machechi akawanda akakundikana kupa uchapupu hunogutsa hwokuti Mwari ndiye Tsime roupenyu. (Pisarema 36:9) Uyezve, ruzivo rwokugadzira zvinhu parwakaramba ruchifambira mberi, kubudirira munyaya dzezvokurapa, dzezvokufambisa, uye dzezvokukurukurirana kwakapa vanhu pfungwa yokuti zvinetso zvose zvinogona kugadziriswa nesayenzi. Uyezve, zvakanga zvava kuita sokuti masayendisiti anoongorora magariro evanhu nenyanzvi dzokushanda kwepfungwa aitaura zviri nani kupfuura zvaitaurwa nemachechi. Machechi akakundikana kuratidza zvakajeka kuti kurarama maererano nomutemo waMwari ndiyo nzira yakanakisisa youpenyu.—Jakobho 1:25.

Nemhaka yeizvi, machechi akawanda akachinja zvaaiparidza. Vapristi nevaparidzi vakarega kudzidzisa kuti Mwari anoda kuti vanhu vamuteerere. Pane kudaro, vakawanda vakadzidzisa kuti munhu mumwe nomumwe anofanira kuzvisarudzira zvakanaka nezvakaipa. Vachiedza kuwana mukurumbira, vamwe vatungamiriri vezvitendero vakataura kuti Mwari anokugamuchira pasinei nemararamiro aunoita. Dzidziso dzakadaro dzinotiyeuchidza zvakafanotaurwa neBhaibheri, kuti: “Pachava nenguva yavasingazoshiviriri kudzidzisa kunopa utano, asi, maererano nezvavanoda, vachazviunganidzira vadzidzisi kuti vafadze nzeve dzavo.”—2 Timoti 4:3.

Pane kukwezva vanhu, dzidziso dzakadaro dzakavadzinga. Vakashamisika sezvinongoitawo vanhu vose kuti: ‘Kana machechi asina chokwadi nezvesimba raMwari rokusika uye uchenjeri hwaMwari hwokuita mitemo, zvinondibatsirei kuenda kuchechi? Ndingazvinetserei nokudzidzisa vana vangu zvechitendero?’ Vanhu vaiedza kurarama upenyu hwakanaka vakatanga kuona chitendero sechisingabatsiri. Vakarega kuenda kuchechi, uye kwavari chitendero chakanga chisingachakoshi. Chii chakaitika chakaita kuti chinhu chinofanira kunge chichibatsira chisabatsira? Bhaibheri rinopa tsananguro inogutsa.

Chitendero Chinoshandiswa Kuita Zvakaipa

Muapostora Pauro akanyevera vaKristu vekare kuti vamwe vaizoshandisa chiKristu kuti vaite zvakaipa. Akati: “Mhumhi dzinodzvinyirira dzichapinda pakati penyu uye hadzizobati boka nounyoro, uye pakati penyu pachamuka varume vachataura zvinhu zvisina kururama kuti vatsause vadzidzi vavatevere.” (Mabasa 20:29, 30) Augustine ndomumwe muzivi wechiKaturike akataura “zvinhu zvisina kururama.” Jesu akanga adzidzisa vateveri vake kuti vanyengetedze vamwe vachishandisa Magwaro. Zvisinei, Augustine akachinja zvinorehwa nemashoko aJesu akanyorwa pana Ruka 14:23, okuti, “Uvagombedzere kuti vapinde,” achiti anoreva kuti zvakanaka kuita zvokumanikidza mubasa rokutendeutsa vanhu. (Mateu 28:19, 20; Mabasa 28:23, 24) Augustine akashandisa chitendero kuti adzore vanhu.

Satani, ngirozi yakapanduka, ndiye anokonzera kuti chitendero chishandiswe zvisina kukodzera uye nouori. Akatsamwisa varume vaida zvechitendero muzana remakore rokutanga kuti aedze kushatisa ungano dzechiKristu. Bhaibheri rinoti nezvevarume ivavo: “Varume vakadaro vaapostora venhema, vashandi vanonyengera, vanozvichinja kuva vaapostora vaKristu. Naizvozvo hazvishamisi, nokuti Satani anoramba achizvichinja kuva ngirozi yechiedza. Saka hachisi chinhu chikuru kana vashumiri vake vachiramba vachizvichinjawo kuva vashumiri vokururama.”—2 VaKorinde 11:13-15.

Satani achiri kushandisa chitendero chinonyepedzera kuva chechiKristu, chine tsika, uye chinobatsira kuitira kuti vanhu vararame maererano nemitemo yake, kwete yaMwari. (Ruka 4:5-7) Ungave wakacherechedza kuti vafundisi vakawanda mazuva ano vanoshandisa chitendero kuti vazvikwidziridze nemazita okuremekedza uye kuti vawane mari kumapoka avo. Hurumende dzave dzichishandisawo chitendero kuti chikurudzire vagari vomunyika kuti vazvipire muhondo.

Dhiyabhorosi anoshandisa chitendero zvakanyanya kupfuura zvinofungwa nevakawanda. Ungafungidzira kuti vanhu vashomanana vanonyanya kutsigira chitendero ndivo vari kushandiswa naSatani. Asi maererano neBhaibheri, “Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa nyika yose inogarwa.” Bhaibheri rinotiwo: “Nyika yose iri musimba reakaipa.” (Zvakazarurwa 12:9; 1 Johani 5:19) Mwari anoona sei chitendero chinoshandiswa nevatungamiriri vanongoda kuti vanhu vavatevere ivo?

“Zvinei Neni?”

Kana uchishamiswa nezvinoitwa nemamwe machechi echiKristudhomu, ziva kuti Mwari Wemasimbaose haatombofadzwi nawo zvachose. ChiKristudhomu chinotaura kuti chakaita chibvumirano naMwari; ndizvo zvaitaurawo Israeri wekare. Vose vakaratidza kuti havana kutendeka. Naizvozvo Jehovha acharambawo chiKristudhomu semarambiro aakaita Israeri. Jehovha akati: “Havana kuteerera mashoko angu; uye mutemo wangu—vakarambawo vachiuramba. Izvi zvinei neni zvamunouya nezvinonhuhwirira zvichena zvinobva kuShebha . . . zvibayiro zvenyu zvave zvisingandigutsi.” (Jeremiya 6:19, 20) Mwari akanga asingafariri kunamata kwaiitwa nevanyengeri. Akanga asina hanya netsika dzavo neminyengetero yavo. Akaudza Israeri kuti: “Mweya wangu unovenga kugara kwenyu kwemwedzi nemwaka yenyu yemitambo. Zvava mutoro kwandiri; ndaneta nokuzvitakura. Pamunotambanudza zvanza zvenyu, ndinokuvanzirai maziso angu. Kunyange mukaita minyengetero mizhinji, handizoteereri.”—Isaya 1:14, 15.

Jehovha anofarira here mitambo inoitwa nemachechi ichinzi ndeyechiKristu asi payakatanga yaikudza vanamwari venhema? Anoteerera minyengetero yevafundisi vanoshatisa dzidziso dzaKristu here? Mwari anogamuchira chitendero chero chipi zvacho chinoramba mutemo wake here? Unogona kuva nechokwadi kuti mazuva ano anoona tsika dzemachechi semaonero aaingoita zvibayiro zvevaIsraeri vekare, zvaakati nezvazvo: “Zvinei neni?”

Kunyange zvakadaro, Jehovha ane hanya chaizvo nokunamata kunoitwa muchokwadi nevanhu vanonamata nomwoyo wose. Mwari anofara vanhu pavanoonga zvose zvavanogamuchira kwaari. (Maraki 3:16, 17) Saka ungava munhu akanaka iwe usinganamati Mwari here? Munhu asina chaanoitira vabereki vake vane rudo haangambozvipembedzi achizviti munhu akanaka, angadaro here? Munhu asina chaanoitira Mwari anganzi akanaka here? Zvine musoro kuti tinofanira kufarira chaizvo Mwari wechokwadi, uyo ari tsime roupenyu. Munyaya inotevera, tichaona kuti kunamata kwechokwadi hakungokudzi Mwari chete asiwo kunotibatsira.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 “Kuma1960 . . . munyika dzakawanda ndipo pakatanga kuderera vanhu vaifarira zvechitendero.”—The Decline of Christendom in Western Europe, 1750-2000.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Machechi akaratidza uchapupu hwokuti Mwari ndiye akasika zvinhu zvose here?

[Mufananidzo uri papeji 4, 5]

Mumiririri waMwari angabatanidzwa mumamiriro ezvinhu akadai here?

[Mufananidzo uri papeji 5]

Mwari anoona sei mutambo worudzi urwu?

[Kwazvakatorwa]

AP Photo/Georgy Abdaladze