Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kana Munhu Waunoda Akasiya Jehovha

Kana Munhu Waunoda Akasiya Jehovha

Kana Munhu Waunoda Akasiya Jehovha

MARK naLouise Zvapupu zvaJehovha. * Vakadzidzisa vana vavo Magwaro vachiratidza kuti vane rudo uye vane hanya, sezvinorayirwa neBhaibheri kuti vabereki vechiKristu vanofanira kuita. (Zvirevo 22:6; 2 Timoti 3:15) Zvinosuruvarisa kuti vamwe vana vavo havana kuramba vachishumira Jehovha pavakayaruka. “Mwoyo wangu unorwadza kana ndikafunga vana vangu vakarega kushumira Jehovha,” anodaro Louise. “Ndinganyepedzera sei kuti handirwadziwi zuva nezuva? Vamwe pavanotaura nezvevanakomana vavo, ndinonzwa bundu pamwoyo uye ndinofanira kuzvidzora kuti ndisachema.”

Chokwadi, kana munhu akasarudza kusiya Jehovha nemararamiro anotaurwa muMagwaro, nhengo dzemhuri yacho dzakatendeka dzinotoshungurudzika chete. “Mukoma wangu ndinomuda chaizvo,” anodaro Irene. “Ndingaita chero chii zvacho kuti adzoke kuna Jehovha!” Maria, ane hanzvadzi yakasiya Jehovha kuti irarame upenyu hwounzenza, anoti: “Izvi zvave zvakandiomera kuti ndizvigamuchire nokuti pane zvimwe zvose, ave ari hanzvadzi yangu yakanaka chaizvo. Ndinonyanya kumusuwa patinomboungana semhuri takawanda.”

Nei Zvakaoma Kudaro?

Nei kusiya kunamata kunoita mwana kana kuti mumwe munhu anodiwa kungashungurudza voukama vari vaKristu zvakadaro? Nokuti vanoziva kuti Magwaro anovimbisa upenyu husingaperi muparadhiso pasi pano kune vaya vanoramba vakavimbika kuna Jehovha. (Pisarema 37:29; 2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:3-5) Vanotarisira kuzogamuchira zvikomborero izvi pamwe chete nevavakaroorana navo, vana, vabereki, vakoma nevanun’una, uye vazukuru. Zvinovarwadza chaizvo kufunga kuti vanhu vavanoda vakarega kushumira Jehovha vangarasikirwa nezvikomborero izvi! Kunyange nezvoupenyu hwavo hwaiye zvino, vaKristu vanonzwisisa kuti mitemo yaJehovha nezvaanotaura zvinovabatsira. Naizvozvo vaKristu vanorwadziwa chaizvo kuona vanhu vavanoda vachidyara nenzira yakadaro inoratidza kuti vachakohwa zvinorwadza.—Isaya 48:17, 18; VaGaratiya 6:7, 8.

Zvingaomera vamwe vasati vambova mumamiriro ezvinhu akadaro kuti vanzwisise kuti izvozvo zvinorwadza sei. Zvinenge zvinhu zvose muupenyu zvinovhiringidzika. “Zviri kuramba zvichindiomera kugara pamisangano yechiKristu ndichiona vabereki vachiseka uye vachitaura nevana vavo,” anodaro Louise. “Pazviitiko zvose zvinofadza ndinosuruvara nokuti vanhu vandinoda vanenge vasipo.” Mumwe mukuru wechiKristu anoyeuka makore mana ayo mwanasikana womudzimai wake akanga arega kuwadzana navo. Anoti: “Kazhinji, kunyange ‘nguva inofadza’ yakanga yakaoma. Ndaiti kana ndikapa mudzimai wangu chipo kana kuti kumuendesa kune imwe nzvimbo yakanaka pakupera kwevhiki, aingoerekana atanga kuchema, achiyeuka kuti mwanasikana wake akanga asiri kufara nesu.”

VaKristu vakadaro vari kunyanyisa here? Kwete hazvo. Kutaura zvazviri, kusvika pamwero wakati, vangadaro vari kuratidza unhu hwaJehovha, uyo vanhu vakasikwa nomufananidzo wake. (Genesisi 1:26, 27) Izvi zvinorevei? Jehovha akanzwa sei vanhu vake vaIsraeri pavakamupandukira? MuPisarema 78:38-41, tinodzidza kuti Jehovha akarwadziwa uye akashungurudzika. Asi, akavanyevera uye akavaranga achishivirira, achiramba achivakanganwira pavairatidza kuti vainge vapfidza. Zviri pachena kuti Jehovha anoda zvisikwa zvake chaizvo, ‘basa remaoko ake,’ uye haakurumidzi kukanda mapfumo pasi nezvazvo. (Jobho 14:15; Jona 4:10, 11) Akaita kuti vanhu vakwanise kudanana nokuvimbika saizvozvowo, uye kubatana kwakaita nhengo dzemhuri kungatova kwakasimba chaizvo. Saka hazvishamisi kuti vanhu vangashungurudzika kana hama inodiwa ikasiya kunamata.

Zvechokwadi, kusiya kunamata kunoitwa nomunhu watinoda ndiwo mumwe wemiedzo yakaoma zvikuru yevanamati vechokwadi. (Mabasa 14:22) Jesu akati kugamuchira shoko rake kwaizoparadzanisa dzimwe mhuri. (Mateu 10:34-38) Hakusi kuti shoko reBhaibheri ndiro rinoparadzanisa mhuri. Asi nhengo dzemhuri dzisingatendi kana kuti dzisina kutendeka dzingaparadzanisa vanhu nokuramba, kusiya, kana kuti kunyange kushora nzira yechiKristu. Zvisinei, tinogona kuonga kuti Jehovha haaregi vakatendeka vake vasina zvinovabatsira pamiedzo inovawira. Kana panguva ino wakasuruvara nokuti munhu waunoda akasiya kunamata, zvinhu zvipi zvinotaurwa muBhaibheri zvingakubatsira kutsungirira kushungurudzika kwauri kuita uye kuwana mufaro wakati nokugutsikana?

Zvingakubatsira

“Muchizvivaka . . . , rambai muri murudo rwaMwari.” (Judha 20, 21) Zvichienderana nemamiriro akaita zvinhu zvako, panguva ino ungangodaro usina chaunokwanisa kuita kuti ubatsire nhengo yemhuri yakarega kushumira Jehovha. Kunyange zvakadaro, unogona uye unofanira kuzvivaka iwe nedzimwewo nhengo dzemhuri dzinoramba dzakatendeka. Veronica, uyo akaona vanakomana vake vaviri pavatatu vaainavo vachisiya chokwadi, anoti: “Ini nomurume wangu takayeuchidzwa kuti kana tikaramba takasimba pakunamata, taizokwanisa kugamuchira vanakomana vedu pavaizopengenuka. Mwanakomana akarasika angadai akaita sei kudai baba vake vakanga vasingakwanisi kumugamuchira?”

Kuti urambe wakasimba, ramba uchiita zvinhu zvine chokuita nokunamata. Izvi zvingasanganisira kuramba uine purogiramu yokudzidza Bhaibheri zvakadzama uye kupinda misangano yechiKristu. Edza kubatsira vamwe vari muungano nepaunogona napo. Zvechokwadi, pakutanga izvozvo zvingakuomera. Veronica anoyeuka kuti: “Pakutanga ndainzwa ndichida kuzviparadzanisa nevamwe sezvinoita mhuka yakuvara. Asi murume wangu akaramba achiti tirambe tiine purogiramu yakanaka yezvokunamata. Aiva nechokwadi chokuti taenda kumisangano. Payakanga yava nguva yokuti tipinde gungano reruwa, ndaitofanira kushinga chaizvo kuti ndiende ndinoonana nevanhu. Asi purogiramu yacho yakatiswededza pedyo naJehovha. Mwanakomana wedu akanga aramba akatendeka ndiye akanyanya kubatsirwa negungano iroro.”

Maria, ambotaurwa, anoona zvichinyanya kumubatsira kuti arambe aine zvakawanda zvokuita mubasa romumunda uye iye zvino ari kubatsira vanhu vana kudzidza Bhaibheri. Saizvozvowo, Laura anoti: “Kunyange zvazvo ndichiri kuchema mazuva ose, ndinoonga Jehovha kuti kunyange zvazvo ndisina kubudirira pakurera vana sezvakaita vamwe vabereki, ndinonyatsoziva zvinotaurwa muBhaibheri, izvo zvinobatsira mhuri mumazuva ano okupedzisira.” Ken naEleanor, vane vana vakura vakasiya ungano, vakaronga kutamira kunzvimbo inodiwa vaparidzi voUmambo vakawanda kuti vaite ushumiri hwenguva yakazara. Izvi zvakavabatsira kuti varambe vachiona zvinhu nenzira yakanaka uye varege kukurirwa nokusuruvara.

Ramba uine tariro. Rudo “rune tariro pazvinhu zvose.” (1 VaKorinde 13:7) Ken, ambotaurwa pamusoro apa, anoti: “Vana vedu pavakasiya nzira yechokwadi, ndakaona sokuti kwaiva kufa kwavo. Asi pakafa hanzvadzi yangu, maonero angu akachinja. Ndinoonga kuti vana vangu vapenyu uye kuti Jehovha anoramba akavhura nzira yokuti vadzoke kwaari.” Zvechokwadi, zvakaitika zvave zvichiratidza kuti vakawanda vakasiya chokwadi vanozopedzisira vadzoka.—Ruka 15:11-24.

Usazvipa mhaka. Kazhinji vabereki vanowanzofunga zvakaitika kare vozvidemba kuti pane zvavasina kunyatsoita. Zvisinei, pfungwa huru inotaurwa pana Ezekieri 18:20 ndeyokuti Jehovha anoti mutadzi, kwete vabereki vake, ndiye achazvidavirira nokuda kwokusarudza kwake zvakaipa. Zvinofadza kuti kunyange zvazvo bhuku raZvirevo richitaura zvakawanda nezvezvinofanira kuitwa nevabereki pakurera vana vavo nenzira yakarurama, rine zano rakapetwa kanopfuura kana rokuti vaduku vateerere vabereki vavo. Chokwadi, vana vanofanira kuteerera kurovedzwa kunobva muBhaibheri kwavanoitwa nevabereki vavo vasina kukwana. Zvingangodaro kuti panguva yacho wakaita zvinhu nepawaigona napo. Asi kunyange uchifunga kuti pane zvawakakanganisa uye kuti yaiva mhosva yako, izvozvo hazvirevi hazvo kuti ndizvo zvakaita kuti munhu waunoda asiye chokwadi. Zvisinei, “dai ndakaziva” haitungamiri. Dzidza pane zvawakakanganisa, tsunga kusazvidzokorora, uye nyengetera kuna Jehovha kuti akukanganwire. (Pisarema 103:8-14; Isaya 55:7) Zvadaro, tarira kune ramangwana, kwete kufunga zvakapfuura.

Shivirira vamwe. Zvingava zvakaomera vamwe kuti vazive kuti vangakukurudzira kana kuti kukunyaradza sei, kunyanya kana vasati vambova mumamiriro ezvinhu akadaro. Kunze kwaizvozvo, vanhu vanosiyana-siyana pane zvavanofunga kuti zvinokurudzira uye zvinonyaradza. Saka kana vamwe vakataura zvingakutsamwisa, shandisa zano romuapostora Pauro rinowanikwa pana VaKorose 3:13, rokuti: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe.”

Remekedza urongwa hwaJehovha hwokuranga. Kana hama yako yakarangwa neungano, yeuka kuti uhwu ndohumwe urongwa hwaJehovha uye kuti hwakatinakira tose, kusanganisira anenge akanganisa wacho. (VaHebheru 12:11) Naizvozvo, usashora vakuru vakatarisira nyaya yacho kana kuti zvavakasarudza. Yeuka kuti, migumisiro yakanakisisa inobva pakuita zvinhu nenzira yaJehovha, asi kushora urongwa hwaJehovha kunongoguma nokunyanya kushungurudzika.

VaIsraeri vanunurwa muIjipiti, Mosesi ndiye aigara achitonga mhosva dzavo. (Eksodho 18:13-16) Sezvo kutongera mumwe munhu zvakanaka kwaizoreva kutongera mumwe zvakaipa, zviri nyore kufungidzira kuti pane vamwe vakaodzwa mwoyo nematongero aiita Mosesi. Pamwe kushora matongero aMosesi ndiko kwakaita kuti vamwe vapandukire utungamiriri hwake. Zvisinei, Jehovha akanga ari kushandisa Mosesi kuti atungamirire vanhu Vake, uye haana kuranga Mosesi, asi vapanduki nemhuri dzavo dzaivatsigira. (Numeri 16:31-35) Tinogona kudzidza pane izvi nokuedza kuremekedza uye kushandira pamwe nezvinosarudzwa nevaya vanotungamirira pakunamata mazuva ano.

Panyaya iyi, Delores anoyeuka kuti zvakanga zvakamuomera chaizvo kuramba aine maonero ari pakati nepakati mwanasikana wake paakarangwa neungano. Anoti, “Ndakabatsirwa nokuramba ndichiverenga nyaya dzine chokuita nokuti urongwa hwaJehovha hunoratidza kunzwisisa. Ndaiva nekabhuku kandainyora pfungwa dzandaida dzaitaurwa muhurukuro uye munyaya dzacho dzaizondibatsira kutsungirira uye kuramba ndichishumira Jehovha.” Izvi zvinotisvitsa pane chimwe chinhu chinokosha chinobatsira kukunda.

Taura manzwiro aunoita. Zvingakubatsira kutaura neshamwari imwe kana mbiri dzaunovimba nadzo. Izvi zvinoda kuti usarudze shamwari dzichakubatsira kuramba uine maonero akanaka. Zvechokwadi zvichabatsira chaizvo ‘kudurura mwoyo wako’ kuna Jehovha uchinyengetera. * (Pisarema 62:7, 8) Nei? Nokuti anonyatsonzwisisa manzwiro auri kuita mumwoyo. Somuenzaniso, unganzwa kuti iwe waisafanira kuwirwa nezvinoshungurudza zvakadaro. Uyewo hausi iwe wakasiya Jehovha. Taurira Jehovha manzwiro aunoita, womukumbira kuti akubatsire kuti usanyanya kurwadziwa nemamiriro ako ezvinhu.—Pisarema 37:5.

Nokufamba kwenguva, ungazokwanisa kudzora manzwiro ako. Asi iye zvino, usakanda mapfumo pasi pakuedza kwauri kuita kuti ufadze Baba vako vokudenga, uye usambofa wakaona sokuti zvaunoita hazvikoshi. (VaGaratiya 6:9) Yeuka kuti, kudai taizosiya Jehovha, taizongoramba tiine zvinetso. Asiwo, kana tikaramba takavimbika kwaari, anotibatsira pamiedzo yatinotarisana nayo. Saka, iva nechokwadi chokuti Jehovha anonzwisisa mamiriro ako ezvinhu uye kuti acharamba achikupa simba raunoda panguva yakakodzera.—2 VaKorinde 4:7; VaFiripi 4:13; VaHebheru 4:16.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 19 Panyaya yokunyengeterera hama inenge yakadzingwa, ona Nharireyomurindi yaDecember 1, 2001, mapeji 30-1.

[Bhokisi riri papeji 19]

Zvingakubatsira

◆ “Muchizvivaka . . . , rambai muri murudo rwaMwari.”—Judha 20, 21.

◆ Ramba uine tariro.—1 VaKorinde 13:7.

◆ Usazvipa mhosva.—Ezekieri 18:20.

◆ Shivirira vamwe.—VaKorose 3:13.

◆ Remekedza urongwa hwaJehovha hwokuranga.—VaHebheru 12:11.

◆ Taura manzwiro aunoita.—Pisarema 62:7, 8.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 21]

Iwe Wakasiya Jehovha Here?

Kana zvakadaro, pasinei nechikonzero chacho, ukama hwako naJehovha uye kuwana kwako upenyu husingaperi kuri pangozi. Pamwe uri kuronga kuti uchazodzoka kuna Jehovha. Ndizvo zvauri kuedza kuita iye zvino here? Kana kuti uri kuverengera uchiti uchazodzoka “panguva yakakodzera” here? Yeuka kuti Amagedhoni yava pedyo. Uyezve, upenyu munyika ino hupfupi uye hahuna chokwadi. Hautombozivi kana uchizenge uri mupenyu mangwana. (Pisarema 102:3; Jakobho 4:13, 14) Mumwe murume aiva nechirwere chisingarapiki uye chinouraya akati: “Chirwere ichi chakandibata ndichishumira Jehovha, pasina chandaityira. Uye izvozvo ndizvo zvinondinyaradza.” Zvisinei, imbofungidzira kuti angadai akanzwa sei kudai chirwere chake chakanga chamubata achiti, “Rimwe zuva ndichadzokera kuna Jehovha!” Kana wakasiya Jehovha, iye zvino ndiyo nguva yakanakisisa yokudzoka.

[Mifananidzo iri papeji 18]

Kuita zvakawanda zvine chokuita nokunamata kungakubatsira kuramba uine maonero akanaka