Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Kukumbira Kwenyu Ngakuziviswe Mwari”

“Kukumbira Kwenyu Ngakuziviswe Mwari”

“Kukumbira Kwenyu Ngakuziviswe Mwari”

“Muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga.”—VAFIRIPI 4:6.

1. Tine ropafadzo yokutaura naani, uye nei izvozvo zvichishamisa kwazvo?

KUDAI waizokumbira kuonana nomutongi wenyika yako, waizonzi chii? Vashandi vake vangangokupindura nounyoro, asi pamwe waisazobvumirwa kutaura nomutongi wacho pachake. Zvisinei, mamiriro acho ezvinhu akasiyana noMutongi mukuru wezvose, Jehovha Mwari, Changamire wezvose zvakasikwa. Tinogona kutaura naye tiri panzvimbo chero ipi zvayo uye panguva chero ipi zvayo yatingasarudza. Minyengetero yaanogamuchira inosvika kwaari nguva dzose. (Zvirevo 15:29) Chokwadi izvozvo zvakanaka chaizvo! Kuonga izvi hakufaniri kuita kuti tigare tichinyengetera kune Uya akakodzera kunzi “Munzwi womunyengetero” here?—Pisarema 65:2.

2. Zvii zvinodiwa kuti minyengetero igamuchirwe naMwari?

2 Zvisinei, mumwe munhu angabvunza kuti, ‘Minyengetero ipi inogamuchirwa naMwari?’ Bhaibheri rinotsanangura chimwe chinhu chinodiwa kuti minyengetero igamuchirwe parinoti: “Pasina kutenda hazvibviri kunyatsomufadza, nokuti iye anosvika kuna Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.” (VaHebheru 11:6) Chokwadi, sezvakatsanangurwa munyaya yakapfuura, kutenda ndicho chinhu chinokosha kana tichida kutaura naMwari. Mwari anoda kugamuchira minyengetero yevaya vanotaura naye, asi vanofanira kuzviita nokutenda uye nemabasa akarurama vachiita nomwoyo wose uye vaine maonero akanaka.

3. (a) Sezvinoratidzwa neminyengetero yevashumiri vakatendeka vekare, mashoko api atingataura patinonyengetera? (b) Tinganyengetera minyengetero yorudzii?

3 Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu vomuzuva rake kuti: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga.” (VaFiripi 4:6, 7) Bhaibheri rine mienzaniso yakawanda yevanhu vakanyengetera kuna Mwari pamusoro pezvaivanetsa. Vamwe vavo ndivanaHana, Eriya, Hezekiya naDhanieri. (1 Samueri 2:1-10; 1 Madzimambo 18:36, 37; 2 Madzimambo 19:15-19; Dhanieri 9:3-21) Tinofanira kutevedzera muenzaniso wavo. Onawo kuti mashoko aPauro anoratidza kuti minyengetero yedu inogona kusiyana-siyana. Akataura nezvokuonga, kureva minyengetero yatinotenda Mwari nokuda kwezvaanotiitira. Iyi ingasanganisira kurumbidza. Kuteterera kunoreva kukumbira nomwoyo wose, nokuzvininipisa. Uye tinogona kukumbira chimwe chinhu chakananga. (Ruka 11:2, 3) Baba vedu vokudenga vanofara kugamuchira minyengetero yedu yatinotaura neimwe yenzira idzi.

4. Kunyange zvazvo Jehovha achiziva zvatinoda, nei tichifanira kumukumbira?

4 Vamwe vangabvunza kuti, ‘Handiti Jehovha anotoziva zvose zvatinoda here?’ Hungu, anoziva. (Mateu 6:8, 32) Saka, nei achida kuti titaure naye tichimukumbira? Funga nezvomuenzaniso uyu: Muzvinachitoro angataura kuti anoda kupa vamwe vatengi vake zvipo. Zvisinei, kuti vawane zvipo izvi, vatengi vacho vanofanira kuenda kunozvitora kwaari. Vaya vanenge vasingadi kuita izvozvo vangaratidza kuti havana shungu nechipo chacho. Saizvozvowo, kurega kukumbira patinenge tichinyengetera kungaratidza kuti hatina shungu nezvatinopiwa naJehovha. Jesu akati: “Kumbirai uye muchagamuchira.” (Johani 16:24) Nenzira iyi, tinoratidza kuti tinovimba naMwari.

Tinofanira Kutaura naMwari Sei?

5. Nei tichifanira kunyengetera muzita raJesu?

5 Jehovha haatauri mitemo yakawanda-wanda yakaoma yemanyengeterero atinofanira kuita. Kunyange zvakadaro, tinofanira kuziva nzira yakarurama yokutaura naMwari, inotsanangurwa muBhaibheri. Somuenzaniso, Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti: “Kana mukakumbira Baba chimwe chinhu vachakupai muzita rangu.” (Johani 16:23) Saka, tinofanira kunyengetera muzita raJesu, tichibvuma kuti Jesu ndiye chete nzira iyo zvikomborero zvaMwari zvinopiwa nayo vanhu vose.

6. Patinenge tichinyengetera, tinofanira kunge takaita sei?

6 Patinenge tichinyengetera tinofanira kunge takaita sei? Bhaibheri haritauri kuti pane zvatinofanira kunge takaita kuti minyengetero yedu inzwiwe. (1 Madzimambo 8:22; Nehemiya 8:6; Mako 11:25; Ruka 22:41) Chinokosha kunyengetera kuna Mwari tiri pachokwadi uye nomwoyo wakarurama.—Joeri 2:12, 13.

7. (a) Shoko rokuti “ameni” rinorevei? (b) Rinoshandiswa sei zvakakodzera muminyengetero?

7 Zvakadini nokushandiswa kweshoko rokuti “ameni”? Magwaro anoratidza kuti kazhinji aya ndiwo mapedzisiro akakodzera atinoita minyengetero yedu, kunyanya patinenge tichinyengeterera vamwe. (Pisarema 72:19; 89:52) Shoko rechiHebheru rokuti ʼa·menʹ rinoreva kuti “zvechokwadi.” Bhuku rinonzi McClintock and Strong’s Cyclopedia rinoti, kuti “Ameni” panopera munyengetero zvinoreva “kubvumirana nezvataurwa, uye kutaura kuti ngazvizadzike.” Saka, paanopedzisa achiti “Ameni” nomwoyo wose, munhu anenge achinyengetera anoratidza manzwiro aanoita nomwoyo wose nezvezvaachangobva kutaura. MuKristu anenge achimiririra ungano pakunyengetera paanopedzisa neshoko iri, vaya vanenge vakateerera vangawedzerawo kuti “Ameni” mumwoyo yavo kana kuti zvinonzwika kuti varatidze kuti vanonyatsobvumirana nezvinenge zvichangotaurwa.—1 VaKorinde 14:16.

8. Mimwe minyengetero yedu ingafanana sei neminyengetero yaJakobho kana kuti Abrahamu, uye izvi zvingaratidzei nezvedu?

8 Pane nguva Mwari paangatibvumira kuratidza kuti tine hanya zvakadini nenyaya dzatinonyengeterera. Tingada kuita saJakobho wekare, akarwisana nengirozi usiku hwose kuti akomborerwe. (Genesisi 32:24-26) Kana kuti mune mamwe mamiriro ezvinhu tingada kuita saAbrahamu, akakumbira akumbirazve Jehovha achikumbirira Roti nevanhu vakarurama vangadaro vaiva muSodhoma. (Genesisi 18:22-33) Tingateterera saizvozvowo kuna Jehovha nezvezvinhu zvinokosha kwatiri, tichimukumbira nokuti anoruramisira, ane mutsa worudo, uye ane ngoni.

Tingakumbirei?

9. Chii chatinofanira kunyanya kukoshesa patinenge tichinyengetera?

9 Yeuka kuti Pauro akati: “Muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari.” (VaFiripi 4:6) Saka, minyengetero yedu pachedu ingasanganisira zvinhu zvose zvoupenyu. Zvisinei, patinonyengetera tinofanira kutanga kufunga zvinhu zvinodiwa naJehovha. Dhanieri akaratidza muenzaniso wakanaka chaizvo pane izvi. VaIsraeri pavakarangirwa zvivi zvavo, Dhanieri akateterera Jehovha kuti avanzwire ngoni, achiti: ‘Haiwa Mwari wangu, musanonoka nokuda kwenyu, nokuda kwezita renyu.’ (Dhanieri 9:15-19) Minyengetero yedu inoratidzawo kuti tinonyanya kukoshesa kutsveneswa kwezita raJehovha uye kuitwa kwokuda kwake here?

10. Tinoziva sei kuti zvakakodzera kunyengeterera nyaya dzedu pachedu?

10 Kunyange zvakadaro, zvakakodzerawo kukumbira zvine chokuita nesu pachedu. Somuenzaniso, kufanana nomunyori wepisarema, tinganyengeterera kuti tinzwisise zvinhu zvokunamata zvakadzama. Akanyengetera kuti: “Itai kuti ndinzwisise, kuti ndichengete mutemo wenyu uye kuti ndiuchengete nomwoyo wose.” (Pisarema 119:33, 34; VaKorose 1:9, 10) Jesu “aiteterera uyewo aikumbira Iye aikwanisa kumuponesa parufu.” (VaHebheru 5:7) Paaidaro, akaratidza kuti zvakakodzera kukumbira simba kana munhu atarisana nengozi kana kuti nemiedzo. Paaiudza vadzidzi vake munyengetero wokuenzanisira, Jesu akataurawo nyaya dzingataurwa nomunhu pachake, dzakadai sokukanganwirwa zvivi uye kuwana zvokudya zvezuva nezuva.

11. Munyengetero ungatibatsira sei kuti tisakurirwa nemiedzo?

11 Mumunyengetero iwoyo wokuenzanisira, Jesu akakumbirawo kuti: “Musatipinza mumuedzo, asi tinunurei pane akaipa.” (Mateu 6:9-13) Pave paya akazopa zano rokuti: “Rambai makarinda murambe muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.” (Mateu 26:41) Munyengetero unokosha patinotarisana nemiedzo. Tinganzwa tisingadi kuteerera zvinotaurwa neBhaibheri patinenge tiri kubasa kana kuti kuchikoro. Vanhu vasiri Zvapupu vangatikoka kuti tibatane navo muzvinhu zvingava zvisina kukodzera vaKristu. Tingakumbirwa kuti tiite chinhu chinokanganisa tsika dzakarurama. Panguva dzakadaro, tingaita zvakanaka kutevera zano raJesu rokunyengetera—tisati taedzwa kana kuti patinenge tiri kutoedzwatichikumbira Mwari kuti atibatsire kuti tirege kukurirwa.

12. Zvii zvinokonzera kuzvidya mwoyo zvingaita kuti tinyengetere, uye tingatarisirei kuna Jehovha?

12 Matambudziko akasiyana-siyana nokuzvidya mwoyo zvingatanga muupenyu hwevashumiri vaMwari mazuva ano. Kurwara uye kushushikana ndizvo zvinhu zvikuru zvinoita kuti vakawanda vazvidye mwoyo. Chisimba chinoitwa nevanhu vakatipota chinoita kuti upenyu hushungurudze. Matambudziko emari anoita kuti zvive zvakaoma kuwana chouviri. Zvinonyaradza zvikuru kuziva kuti Jehovha anoteerera vashumiri vake vanomuudza nyaya idzi! Pisarema 102:17 rinoti nezvaJehovha: “Achateerera munyengetero wevaya vakapfekenurwa zvinhu zvose, haazozvidzi munyengetero wavo.”

13. (a) Inyaya dzipi dzakakodzera kunyengetererwa nomunhu ari oga? (b) Rondedzera muenzaniso womunyengetero wakadaro.

13 Kutaura zvazviri, chero nyaya ipi zvayo inokanganisa kushumira kwatinoita Jehovha kana kuti ukama hwedu naye ingava nyaya yakanaka kuti tinyengeterere. (1 Johani 5:14) Kana uchifanira kusarudza panyaya yokuroora kana kuroorwa kana kuti basa kana kuti nzira dzokuwedzera nadzo ushumiri hwako, inzwa wakasununguka kutaura naMwari nyaya idzi, uchimukumbira kuti akutungamirire. Somuenzaniso, mumwe mukadzi wechiduku wokuPhilippines aida kuita ushumiri hwenguva yakazara. Zvisinei, akanga asina basa raizoita kuti azvitsigire. Anoti: “Mumwe musi uri Mugovera, ndakanyengetera kuna Jehovha zvakananga nezvenyaya yokupayona. Gare gare zuva iroro, pandakaenda mubasa rokuparidza, ndakagovera bhuku kune mumwe wechiduku. Ndisingambozvitarisiri, musikana wacho akati: ‘Musi woMuvhuro mangwanani munofanira kutanga maenda kuchikoro kwandinodzidza.’ Ndakabvunza kuti, ‘Kunoitei?’ Akatsanangura kuti vakanga vari kutsvaga munhu webasa nokukurumidza sezvinobvira. Ndakaenda, uye ndakabva ndangoriwana. Zvakaitika nokukurumidza zvikuru.” Zvapupu zvakawanda munyika yose zvakava nezvakaitika zvakafanana. Saka usazeza kutaura zvikumbiro zvako zvomwoyo wose kuna Mwari uchinyengetera!

Zvakadini Kana Tatadza?

14, 15. (a) Nei munhu asingafaniri kurega kunyengetera kunyange kana atadza? (b) Kunze kwokunyengetera ari oga, chii chimwe chichabatsira munhu kuti arege kuita chivi?

14 Munyengetero ungabatsira sei kana munhu atadza? Nemhaka yenyadzi, vamwe vanenge vatadza vanorega kunyengetera. Zvisinei, iyoyo haisi nzira yokuchenjera. Somuenzaniso: Vatyairi vendege vanoziva kuti kana vakarasika, vanogona kutaura nevanotarisira kufamba kwendege kuti vabatsirwe. Zvisinei, zvakadini kana mutyairi wendege anenge arasika akazeza kutaura nevanotarisira kufamba kwendege nokuti anonyara kuti arasika? Angawirwa nenjodzi. Saizvozvowo, munhu anenge atadza onyara kunyengetera kuna Mwari angatowira mune imwe ngozi. Kunyara pamusana pechivi hakufaniri kuita kuti munhu arege kutaura naJehovha. Kutaura zvazviri, Mwari anokoka vaya vanenge vakanganisa zvakakomba kuti vanyengetere kwaari. Muprofita Isaya akakurudzira vatadzi vomuzuva rake kuti vadane kuna Jehovha, “nokuti achakanganwira zvikuru.” (Isaya 55:6, 7) Chokwadi, munhu angafanira “kutsvaka kunzwirwa nyasha naJehovha” nokutanga azvininipisa, orega chivi chacho, uye opfidza nomwoyo wose.—Pisarema 119:58; Dhanieri 9:13.

15 Kana waita chivi, munyengetero unova wakakosha nokuda kwechimwezve chikonzero. Mudzidzi Jakobho anoti nezvomunhu anenge achida kubatsirwa pakunamata: “Ngaashevedze varume vakuru veungano, uye ngavamunyengeterere, . . . uye Jehovha achamumutsa.” (Jakobho 5:14, 15) Chokwadi, munhu anofanira kureurura chivi chake ari oga kuna Jehovha paanenge achinyengetera, asi anogonawo kutaura nevarume vakuru kuti vamunyengeterere. Izvozvo zvichamubatsira kuti agadzirise ukama hwake naMwari.

Mhinduro Dzeminyengetero

16, 17. (a) Jehovha anopindura sei minyengetero? (b) Zviitiko zvipi zvinoratidza kuti munyengetero nebasa rokuparidza zvakabatana chaizvo?

16 Minyengetero inopindurwa sei? Mimwe ingakurumidza kupindurwa uye mhinduro dzacho dzinenge dziri pachena. (2 Madzimambo 20:1-6) Mimwe ingatora nguva, uye mhinduro dzacho dzingasava nyore kunzwisisa. Sezvakaratidzwa mumuenzaniso waJesu wechirikadzi yakaramba ichidzokera kumutongi, tingafanira kuramba tichinyengetera kuna Mwari. (Ruka 18:1-8) Zvisinei, tinogona kuva nechokwadi chokuti patinonyengeterera zvinoenderana nokuda kwaMwari, Jehovha haazombofi akatiudza kuti: “Rega kundinetsa.”—Ruka 11:5-9.

17 Kakawanda vanhu vaJehovha vakaona minyengetero yavo ichipindurwa. Kazhinji izvi zvave zviri pachena muushumiri hwedu. Somuenzaniso, hanzvadzi mbiri dzechiKristu dzokuPhilippines dzakanga dzichigovera mabhuku eBhaibheri kune mamwe maruwa enyika yacho. Pavakapa mumwe mukadzi turakiti, misodzi yakayangarara mumaziso ake. Akati: “Zuro manheru ndakanyengetera kuna Mwari kuti anditumire mumwe munhu kuti azondidzidzisa Bhaibheri, uye ndinofunga kuti iyi ndiyo mhinduro yomunyengetero wangu.” Nenguva isipi, mukadzi wacho akatanga kupinda misangano paImba yoUmambo. Mune imwe nharaunda yokuSoutheast Asia, imwe hama yechiKristu yaitya kuparidzira imwe nzvimbo inogara vanhu yaichengetedzwa zvikuru. Zvisinei, yakanyengetera kuna Jehovha, ikashinga, uye ikapinda muchivako chacho. Yakagogodza rimwe suo, uye pakabuda mumwe mukadzi wechiduku. Hama yacho payakatsanangura chikonzero chokushanya kwayo, mukadzi wacho wechiduku akatanga kuchema. Akati akanga achitsvaka Zvapupu zvaJehovha uye akanga anyengeterera kuti abatsirwe kuzviwana. Hama yacho yakafara kumubatsira kuti azive kwaiva neungano yeikoko yeZvapupu zvaJehovha.

18. (a) Minyengetero yedu painopindurwa, tinofanira kuita sei? (b) Kana tikanyengetera pamikana yose yatinowana, tingava nechokwadi chei?

18 Zvechokwadi munyengetero urongwa hwakanaka chaizvo. Jehovha akagadzirira kuteerera uye kupindura minyengetero. (Isaya 30:18, 19) Asi tinofanira kunyatsocherechedza kuti Jehovha anopindura sei minyengetero yedu. Angasaipindura sezvatinenge tichitarisira nguva dzose. Kunyange zvakadaro, kana tikanzwisisa kuti ari kutitungamirira, hatimbofaniri kukanganwa kumutenda nokumurumbidza. (1 VaTesaronika 5:18) Uyezve, nguva dzose yeuka zano romuapostora Pauro, rokuti: “Muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga.” Chokwadi, shandisa mikana yose kuti utaure naMwari. Ukadaro, ucharamba uchiona kuti zvakataurwa naPauro nezvevaya vanopindurwa minyengetero yavo ndezvechokwadi, zvokuti: “Rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga.”—VaFiripi 4:6, 7.

Ungapindura Here?

• Tinganyengetera minyengetero yorudzii?

• Tinofanira kunyengetera sei?

• Tingataura nyaya dzipi patinenge tichinyengetera?

• Munyengetero unobatsirei kana munhu achinge atadza?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 29]

Minyengetero inobva pamwoyo inotibatsira kuti tisakurirwa nemiedzo

[Mifananidzo iri papeji 31]

Patinonyengetera, tinoudza Mwari zvatinoonga, zvinotinetsa uye zvatinokumbira