Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunamata Kunokubatsira

Kunamata Kunokubatsira

Kunamata Kunokubatsira

“KUSWEDERA pedyo naMwari kwakandinakira,” akazivisa kudaro munyori wepisarema Asafi. Akanga ambofunga kutevedzera vaya vasina hanya naMwari kuitira kuti ararame upenyu huri nyore. Asi Asafi akazofunga zvakanakira kuswedera pedyo naMwari ndokugumisa kuti kwakanga kwakamunakira. (Pisarema 73:2, 3, 12, 28) Kunamata kwechokwadi kwakakunakira here mazuva ano? Kungakubatsira sei?

Kunamata Mwari wechokwadi kunokubatsira kuti usangozviraramira iwe pachako. Nemhaka yenzira yatakasikwa nayo na“Mwari worudo,” vaya vanongofunga nezvezvavanoda havambofari. (2 VaKorinde 13:11) Jesu akadzidzisa chokwadi chinokosha nezvevanhu paakati: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Ndokusaka tichinakidzwa nezvat inoitira shamwari dzedu nemhuri dzedu. Asi mufaro mukuru unobva pane zvatinoitira Mwari. Akakodzera kudiwa nesu kupfuura chero ani zvake. Mamiriyoni evanhu anobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana akaona kuti kunamata Mwari nokuita zvaanotaura kunogutsa zvechokwadi.—1 Johani 5:3.

Kuva Nechinangwa Muupenyu

Kunamata kwechokwadi kwakakunakirawo nokuti kunokupa chinangwa muupenyu. Wati wambocherechedza here kuti kazhinji mufaro une chokuita chaizvo nokuziva kuti uri kubudirira kuita chimwe chinhu chine musoro? Vanhu vakawanda vane chinangwa muupenyu, chingava nechokuita nemhuri dzavo, shamwari, bhizimisi, kana kuti kunakidzwa. Nemhaka yokuti upenyu hungachinja panguva chero ipi zvayo, zvinhu izvi kazhinji hazvivafadzi. (Muparidzi 9:11) Zvisinei, kunamata kwechokwadi kunokubatsira kuva nechinangwa chiri nani, chinoramba chichikugutsa kunyange kana zvimwe zvinhu muupenyu zvikakuodza mwoyo.

Kunamata kwechokwadi kunosanganisira kuziva Jehovha uye kumunamata takatendeka. Vaya vanonamata zvechokwadi vanoswedera pedyo naMwari zvikuru. (Muparidzi 12:13; Johani 4:23; Jakobho 4:8) Ungaona zvakaoma kufungidzira uchiziva Mwari zvokuti anova shamwari yako. Asi kana ukafungisisa nezvenhoroondo dzezvaaiitira vanhu vake uye ukafunga zvaakasika, zvechokwadi unogona kunzwisisa zvimwe zvinhu zvinoumba unhu hwake. (VaRoma 1:20) Uyezve, kana ukaverenga Shoko raMwari, unogona kunzwisisa kuti nei tiripo, nei Mwari achirega vanhu vachitambura, kuti achagumisa sei kutambura kwacho uye chingava chichinakidza pane zvose, kuti chii chaungaitawo pane zviri kuitwa naMwari. (Isaya 43:10; 1 VaKorinde 3:9) Kunzwisisa izvozvo kungakupa chikonzero chitsva chokurarama!

Kuva Munhu Ari Nani

Kunamata kwechokwadi kwakakunakira nokuti kunokubatsira kuva munhu ari nani. Kunamata kwechokwadi kunokubatsira kuva nounhu hunoita kuti uve noukama hunofadza nevamwe. Unodzidza kuna Mwari noMwanakomana wake kuti uite zvinhu wakatendeseka, kutaura nomutsa, uye kurarama wakavimbika. (VaEfeso 4:20–5:5) Paunoziva Mwari zvakanaka zvokuti unosvika pakumuda, unonzwa uchida kumutevedzera. Bhaibheri rinoti: “Ivai vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa, uye rambai muchifamba murudo.”—VaEfeso 5:1, 2.

Hazvingafadzi here kuva pakati pevanhu vanotevedzera rudo rwaMwari? Zvinofadza kuti kunamata Mwari wechokwadi hakusi chinhu chinoitwa uri woga. Kunoita kuti uonane nevamwe vanoda zvakarurama nezvakanaka. Chokwadi, ungava usina chokwadi nezvepfungwa yokuva nhengo yeimwe chechi. Zvisinei, sezvataona munyaya yapfuura, chinonetsa muzvitendero zvakawanda hakusi kuti hazvina kurongeka asi kuti kurongeka kwazvo hakuna kururama uye ndokwezvikonzero zvisina kururama. Machechi akawanda ane zvinangwa zvisiri zvechiKristu. Vanhu vaMwari vakarongwa naJehovha pachake nokuda kwechinangwa chakanaka. Bhaibheri rinoti: “Mwari haasi Mwari wenyonganyonga, asi worugare.” (1 VaKorinde 14:33) Sezvakaita mamiriyoni evamwe, ungawana kuti kuwadzana neboka revaKristu vakanyatsorongeka kungachinja maonero aunoita.

Tariro Yeramangwana

Magwaro Matsvene anoratidza kuti Mwari ari kuronga vanamati vechokwadi kuitira kuti vapukunyuke mugumo wemamiriro ezvinhu epanguva ino vogara nhaka nyika itsva ‘muchagara kururama.’ (2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 7:9-17) Saka kunamata kwakakunakira kunokupa tariro, iyo inokosha kuti ufare. Vamwe vanovakira zvavanotarisira nokuda kweramangwana pakusimba kwakaita hurumende, pabhizhimisi, kana kuti pautano hwakanaka uye pamudyandigere unogutsa. Asi hapana kana chimwe chaizvozvi chingaita kuti munhu atarisire ramangwana rakatsiga, rinofadza. Asiwo, muapostora Pauro akanyora kuti: “Takaisa tariro yedu pana Mwari mupenyu.”—1 Timoti 4:10.

Kana ukanyatsotsvaka, unogona kuwana vanamati vechokwadi. Munyika yanhasi isina kubatana, rudo uye kubatana zvinoita kuti Zvapupu zvaJehovha zvinyatsosiyana nevamwe. Zvinobva mumarudzi anenge ose uye mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana; asi zvinobatanidzwa nokudanana uye kuda Jehovha. (Johani 13:35) Zvinokukumbira kuti uuye kuzozvionera zvazvakawana. Asafi akanyora kuti: “Kuswedera pedyo naMwari kwakandinakira.”—Pisarema 73:28.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Unogona kuva shamwari yaMwari