Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Matauriro Aungaita no“Munzwi Womunyengetero”

Matauriro Aungaita no“Munzwi Womunyengetero”

Matauriro Aungaita no“Munzwi Womunyengetero”

“Haiwa imi Munzwi womunyengetero, vanhu vemarudzi ose vachauya kwamuri.”—PISAREMA 65:2.

1. Chii chinosiyanisa vanhu nezvimwe zvisikwa zviri panyika, uye izvi zvinotipa mukana wei?

PAZVIURU zvezvisikwa zvose zvipenyu zviri panyika, vanhu chete ndivo vanokwanisa kunamata Musiki. Vanhu chete ndivo vanoziva kuti vanofanira kunamata Mwari uye vane chido chacho. Izvi zvinotipa mukana wakanaka wokuti munhu mumwe nomumwe ave noukama naBaba vedu vokudenga.

2. Chivi chakakanganisa sei ukama hwomunhu noMusiki wake?

2 Mwari akasika munhu achikwanisa kutaura noMuiti wake. Adhamu naEvha vakasikwa vasina chivi. Saka vaigona kutaura naMwari vakasununguka sezvinoita mwana anotaura nababa vake. Zvisinei, vakarasikirwa neropafadzo inokosha iyoyo nemhaka yokutadza kwavakaita. Adhamu naEvha havana kuteerera Mwari uye vakarasikirwa noukama hwavo hwapedyo naye. (Genesisi 3:8-13, 17-24) Izvozvo zvinoreva here kuti vana vaAdhamu vasina kukwana havachagoni kukurukura naMwari? Aiwa, Jehovha achiri kuvabvumira kutaura naye asi ndokunge vaita zvaanoda. Ndezvipi izvozvo?

Zvinodiwa Kuti Utaure naMwari

3. Vanhu vanotadza vanofanira kutaura naMwari sei, uye muenzaniso upi unoratidza izvi?

3 Zvakaitika kuvanakomana vaviri vaAdhamu zvinotibatsira kuona zvinodiwa naMwari kumunhu asina kukwana anenge achida kutaura Naye. Kaini naAbheri vakaedza kutaura naMwari nokumupa zvibayiro. Chibayiro chaAbheri chakagamuchirwa, asi chaKaini hachina. (Genesisi 4:3-5) Chii chakaita kuti chimwe chigamuchirwe, chimwe chisagamuchirwa? VaHebheru 11:4 inoti: “Nokutenda Abheri akapa Mwari chibayiro chaikosha kupfuura chaKaini, kunova kutenda kwakaita kuti apupurirwe kuti akanga akarurama.” Saka zviri pachena kuti tinofanira kuva nokutenda kana Mwari achizobvuma kutaura nesu. Chimwe chinodiwa chinoonekwa mumashoko aJehovha aakaudza Kaini, okuti: “Kana ukaita zvakanaka, haungakwidziridzwi here?” Chokwadi, kuedza kutaura naMwari kwakaitwa naKaini kungadai kwakagamuchirwa kudai akanga aita zvakanaka. Zvisinei, Kaini akaramba zano raMwari, akauraya Abheri, uye akaguma adzingwa. (Genesisi 4:7-12) Saka kubvira pakutanga, zvakasimbiswa kuti zvaikosha kuti munhu ave nokutenda uye nemabasa akanaka kana achida kutaura naMwari.

4. Tinofanira kuziva chii kana tichida kutaura naMwari?

4 Kuziva kuti tinotadza kunokosha kana tichida kutaura naMwari. Vanhu vose vanotadza, uye chivi chipingamupinyi pakutaura naMwari. Muprofita Jeremiya akanyora nezvevaIsraeri kuti: “Takatadza . . . Makavharidzira negore gobvu kuti parege kuva neanosvika kwamuri, kuti munyengetero urege kupfuura.” (Mariro 3:42, 44) Kunyange zvakadaro, panguva yose yave ichirarama vanhu, Mwari akaratidza kuti anoda kugamuchira minyengetero yevaya vanotaura naye nokutenda uye nomwoyo wakarurama, vachiteerera mitemo yake. (Pisarema 119:145) Vamwe vevanhu ava vaiva vanaani, uye tingadzidzei muminyengetero yavo?

5, 6. Tingadzidzei pakutaura naMwari kwaiita Abrahamu?

5 Mumwe munhu akanga akadaro aiva Abrahamu. Paakataura naMwari munyengetero wake wakagamuchirwa, nokuti Mwari akadana Abrahamu kuti “shamwari yangu.” (Isaya 41:8) Tingadzidzei pakutaura naMwari kwaiita Abrahamu? Uyu musoro wemhuri akatendeka akabvunza Jehovha nezvomugari wenhaka, achiti: “Muchandipei, zvandisina mwana?” (Genesisi 15:2, 3; 17:18) Pane imwe nguva, akataura zvaimunetsa zvokuti ndiani aizoponeswa Mwari paaizotonga vakaipa muSodhoma neGomora. (Genesisi 18:23-33) Abrahamu akateterererawo vamwe. (Genesisi 20:7, 17) Uye sezvakaitwa naAbheri, dzimwe nguva Abrahamu aitaura naJehovha nokupa chinopiwa.—Genesisi 22:9-14.

6 Panguva dzose idzi, Abrahamu ainzwa akasununguka kutaura naJehovha. Zvisinei, rusununguko rwake rwokutaura rwakanga rwakabatana nokuzvininipisa kwaaiita kana achizvienzanisa noMusiki wake. Cherechedza mashoko ake okuremekedza, anowanikwa pana Genesisi 18:27, anoti: “Ndapota, tarirai ndatsunga kutaura naJehovha, nepo ndiri guruva nemadota.” Maonero akanaka chaizvo atinofanira kutevedzera!

7. Inyaya dzipi dzakanyengetererwa nemisoro yemhuri kuna Jehovha?

7 Misoro yemhuri yainyengeterera nyaya dzakasiyana-siyana, uye yakanzwiwa naJehovha. Jakobho akanyengetera munyengetero wakanga wakaita semhiko. Akumbira Mwari kuti amutsigire, akavimbisa zvakasimba kuti: “Zvinhu zvose zvamuchandipa ndichakupai chegumi chazvo.” (Genesisi 28:20-22) Pave paya, paakanga ava kunosangana nomukoma wake, Jakobho akateterera Jehovha kuti amudzivirire, achiti: “Ndinunurei, ndinokutetererai, paruoko rwomukoma wangu, paruoko rwaIsau, nokuti ndinomutya.” (Genesisi 32:9-12) Musoro wemhuri Jobho akataura naJehovha achimiririra mhuri yake, achipa zvinopiwa nokuda kwayo. Shamwari nhatu dzaJobho padzakatadza nokutaura kwadzo, Jobho akadzinyengeterera, uye “Jehovha akagamuchira munyengetero waJobho.” (Jobho 1:5; 42:7-9) Nhoroondo idzi dzinotibatsira kuziva nyaya dzatinganyengeterera kuna Jehovha. Tinoonawo kuti Jehovha anoda kugamuchira minyengetero yevaya vanotaura naye nenzira yakakodzera.

Musungano yoMutemo

8. Musungano yoMutemo, nyaya dzine chokuita nevanhu dzaiudzwa Jehovha sei?

8 Jehovha anunura rudzi rwaIsraeri muIjipiti, akavapa sungano yoMutemo. Mutemo wacho waitaura nezvourongwa hwokutaura naMwari pachishandiswa vapristi vakanga vakagadzwa. Vamwe vaRevhi vakanzi vave vapristi vanomiririra vanhu. Nyaya dzaikosha kurudzi rwacho rwose padzaimuka, mumiririri wevanhu—dzimwe nguva mambo kana kuti muprofitaainyengeterera nyaya yacho kuna Mwari. (1 Samueri 8:21, 22; 14:36-41; Jeremiya 42:1-3) Somuenzaniso, pakatsaurirwa temberi, Mambo Soromoni akanyengetera kuna Jehovha nomwoyo wose. Jehovha akaratidzawo kuti akanga agamuchira munyengetero waSoromoni nokuzadza temberi nokubwinya Kwake uye nokutaura kuti: “Nzeve dzangu [dzichange] dzakateerera munyengetero unopiwa panzvimbo ino.”—2 Makoronike 6:12–7:3, 15.

9. Chii chaidiwa kuti munhu ataure naJehovha zvakakodzera ari panzvimbo tsvene?

9 MuMutemo wakapiwa Israeri, Jehovha akataurawo zvaidiwa kuti vataure naye vari panzvimbo tsvene nenzira yaaizogamuchira. Chaiva chii ichocho? Mangwanani oga oga nemanheru oga oga, kunze kwokupa zvibayiro zvemhuka, mupristi mukuru aifanira kupisa rusenzi inonhuhwirira pamberi paJehovha. Pave paya, vapristi vaduku vaiitawo basa iri, kunze kwoMusi Wokuyananisa chete. Kudai vapristi vaisaremekedza kunamata saizvozvo, Jehovha aisazofarira kushumira kwavo.—Eksodho 30:7, 8; 2 Makoronike 13:11.

10, 11. Uchapupu hupi hwatinahwo hwokuti Jehovha aigamuchira minyengetero yomunhu mumwe nomumwe?

10 MuIsraeri yekare, waingotaura naMwari uchishandisa vamiririri vakasarudzwa chete here? Aiwa, Magwaro anoratidza kuti Jehovha aifadzwa nokugamuchira minyengetero yomunhu mumwe nomumwe. Mumunyengetero waSoromoni wokutsaurira temberi, akateterera Jehovha achiti: “Chero munyengetero upi zvawo, chero kukumbira kunzwirwa nyasha kupi zvako kungaitwa nomunhu chero upi zvake kana kuti nevanhu venyu vose vaIsraeri, . . . paanotambanudzira zvanza zvake kuimba ino, inzwai muri kumatenga.” (2 Makoronike 6:29, 30) Nhoroondo yaRuka inotiudza kuti Zekariya, baba vaJohani Mubhabhatidzi, pavakanga vari kupisa rusenzi munzvimbo tsvene, vanamati vaJehovha vakanga vasiri vapristi vakanga “vachinyengetera vari panze.” Zviri pachena kuti yakanga yava tsika kuti vanhu vaungane vachinyengetera vari panze penzvimbo tsvene rusenzi payainge ichipisirwa kuna Jehovha paatari yendarama.—Ruka 1:8-10.

11 Saka, Jehovha paaitaurwa naye nenzira yakakodzera, aifara kugamuchira kuteterera kwevaya vaimiririra rudzi rwacho rwose uye kwomunhu mumwe nomumwe aida kutaura naye. Mazuva ano hatisisiri musungano yoMutemo. Kunyange zvakadaro, tinogona kudzidza zvimwe zvidzidzo zvinokosha nezvomunyengetero panzira iyo vaIsraeri vekare vaitaura nayo naMwari.

Muurongwa hwechiKristu

12. Urongwa hupi huripo hwokuti vaKristu vataure naJehovha?

12 Iye zvino tava kurarama muurongwa hwechiKristu. Hapasisina temberi chaiyo ine vapristi vanomiririra vanhu vaMwari vose kana kuti yatingaenda kwairi patinonyengetera kuna Mwari. Kunyange zvakadaro, Jehovha achine urongwa hwokuti titaure naye. Ndohupi? Muna 29 C.E., Kristu paakazodzwa uye paakagadzwa kuva Mupristi Mukuru, temberi yezvokunamata yakatanga kushanda. * Temberi yezvokunamata iyi hwaiva urongwa hutsva hwokutaura naJehovha tichinamata hwakaitwa kuti huvepo nechibayiro chokuyananisira chaJesu Kristu.—VaHebheru 9:11, 12.

13. Panyaya yomunyengetero, temberi yaiva muJerusarema netemberi yezvokunamata dzakafanana pakudini?

13 Zvinhu zvakawanda zvaiva mutemberi iri muJerusarema zvinoratidza zvakajeka urongwa hwetemberi yezvokunamata, kusanganisira huya hune chokuita nokunyengetera. (VaHebheru 9:1-10) Somuenzaniso, chii chaimiririrwa nerusenzi yaipiswa mangwanani nemanheru, paatari yerusenzi yaiva munzvimbo Tsvene yetemberi? Maererano nebhuku raZvakazarurwa, “rusenzi inomirira minyengetero yevatsvene.” (Zvakazarurwa 5:8; 8:3, 4) Dhavhidhi akafuridzirwa kunyora kuti: “Munyengetero wangu ngaugadzirirwe serusenzi pamberi penyu.” (Pisarema 141:2) Saka, muurongwa hwechiKristu, zvakakodzera kuti rusenzi inonhuhwirira imiririre minyengetero inogamuchirwa naJehovha uye kurumbidzwa kwaanoitwa.—1 VaTesaronika 3:10.

14, 15. Chii chingataurwa nezvokutaura naJehovha kunoitwa (a) nevaKristu vakazodzwa? (b) ne“mamwe makwai”?

14 Ndiani angataura naMwari ari patemberi iyi yezvokunamata? Patemberi chaiyo, vapristi nevaRevhi ndivo vaiva neropafadzo yokushumira muchivanze chomukati, asi vapristi chete ndivo vaikwanisa kupinda muNzvimbo Tsvene. VaKristu vakazodzwa vane tariro yokuenda kudenga ndivo vane ropafadzo iyoyo yezvokunamata yaifananidzirwa nechivanze chomukati uye neNzvimbo Tsvene, zvinoita kuti vakwanise kunyengetera kuna Mwari uye kumurumbidza.

15 Zvakadini nevaya vane tariro yokugara pasi pano, “mamwe makwai”? (Johani 10:16) Muprofita Isaya akaratidza kuti vanhu vemarudzi akawanda vaizouya kuzonamata Jehovha mu“mazuva okupedzisira.” (Isaya 2:2, 3) Akanyorawo kuti “vokune imwe nyika” vaizouya kuna Jehovha. Achiratidza kuti aida kugamuchira minyengetero yavo, Mwari akati: “Ndicha . . . ita kuti vafare muimba yangu yokunyengeterera.” (Isaya 56:6, 7) Zvakazarurwa 7:9-15 inotaura mamwe mashoko, ichirondedzera “boka guru” rinobva “kumarudzi ose” rinoungana kuti rinamate uye rinyengetere kuna Mwari “masikati nousiku” sezvarinomira muchivanze chokunze chetemberi yezvokunamata. Ipfungwa inonyaradza chaizvo kuti vashumiri vaMwari vose nhasi vanogona kutaura naMwari vakasununguka vaine chivimbo chakazara chokuti achavanzwa!

Minyengetero Ipi Inogamuchirwa?

16. Tingadzidzei nezvomunyengetero kune vaKristu vekare?

16 VaKristu vekare vaiva vanhu vaida kunyengetera. Vainyengeterera nyaya dzei? Vakuru vechiKristu vaikumbira kutungamirirwa pakusarudza varume vaizopiwa mabasa musangano. (Mabasa 1:24, 25; 6:5, 6) Epafrasi akanyengeterera vaaitenda navo. (VaKorose 4:12) Nhengo dzeungano yaiva muJerusarema dzakanyengeterera Petro paaiva akasungwa. (Mabasa 12:5) VaKristu vekare vakakumbira Mwari kuti avashingise pavaishorwa, vachiti: “Jehovha, inzwai kutyisidzira kwavo, mubvumire varanda venyu kuti varambe vachitaura shoko renyu noushingi.” (Mabasa 4:23-30) Mudzidzi Jakobho akakurudzira vaKristu kuti vanyengetere kuna Mwari nokuda kwouchenjeri pavainge vachiedzwa. (Jakobho 1:5) Paunoteterera Jehovha unosanganisirawo nyaya dzakadaro here?

17. Jehovha anogamuchira minyengetero yavanaani?

17 Mwari haagamuchiri minyengetero yose yose. Saka, tinganyengetera sei tiine chivimbo chokuti minyengetero yedu ichanzwiwa? Vanhu vakatendeka vakateererwa naMwari munguva yakapfuura vaitaura naye nokutendeseka uye nomwoyo wakarurama. Vakaratidza kutenda uye vakatsigira kutenda kwavo nemabasa akanaka. Tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achateerera vaya vanotaura naye nenzira yakafanana nhasi.

18. Kuti minyengetero yavo inzwike, vaKristu vanofanira kuitei?

18 Pane chimwezve chinodiwa. Muapostora Pauro akachitsanangura achiti: “Naye isu . . . tinosvika kuna Baba nomudzimu mumwe.” Pauro akanga achireva ani paakanyora kuti “naye”? Aireva Jesu Kristu. (VaEfeso 2:13, 18) Chokwadi, tinogona kutaura naBaba takasununguka nokuna Jesu bedzi.—Johani 14:6; 15:16; 16:23, 24.

19. (a) Kupiswa kwerusenzi kwakatsamwisa Jehovha rini muna Israeri? (b) Tingava sei nechokwadi chokuti minyengetero yedu inoita serusenzi inonhuhwirira kuna Jehovha?

19 Sezvatotaurwa, rusenzi yaipiwa nevapristi vechiIsraeri inomiririra minyengetero inogamuchirwa yevashumiri vaMwari vakatendeka. Zvisinei, pane dzimwe nguva, rusenzi yaipiwa nevaIsraeri yaisemesa Jehovha. Yaimusemesa vaIsraeri pavaipisa rusenzi mutemberi asi panguva imwe chete vachikotamira zvidhori. (Ezekieri 8:10, 11) Saizvozvowo nhasi, minyengetero yevaya vanoti vanoshumira Jehovha asi panguva imwe chete vachiita zvinopesana nemitemo yake inova hwema hunosemesa kwaari. (Zvirevo 15:8) Saka, ngatirambei tichiita kuti zvose zvatinoita muupenyu hwedu zvirambe zvakachena kuitira kuti minyengetero yedu ive rusenzi inonhuhwirira kuna Mwari. Jehovha anofarira minyengetero yevaya vanotevera nzira dzake dzakarurama. (Johani 9:31) Zvisinei, pachine mimwe mibvunzo. Tinofanira kunyengetera sei? Tinganyengeterera chii? Uye Mwari anopindura sei minyengetero yedu? Nyaya yedu inotevera ichakurukura mibvunzo iyi nemimwewo.

[Mashoko Omuzasi]

Ungatsanangura Here?

• Vanhu vasina kukwana vangataura sei naMwari nenzira yaanogamuchira?

• Muminyengetero yedu, tingatevedzera sei misoro yemhuri yekare?

• Tinodzidzei muminyengetero yevaKristu vekare?

• Minyengetero yedu inoita serusenzi inonhuhwirira kuna Mwari kana zvaita sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Nei Mwari akagamuchira chinopiwa chaAbheri asi asina kugamuchira chaKaini?

[Mufananidzo uri papeji 24]

“Ndiri guruva nemadota”

[Mufananidzo uri papeji 25]

“Ndichakupai chegumi chazvo”

[Mufananidzo uri papeji 26]

Minyengetero yako yakaita serusenzi inonhuhwirira kuna Jehovha here?