Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Pamusana Pomukomana Ane Makore Mapfumbamwe”

“Pamusana Pomukomana Ane Makore Mapfumbamwe”

“Pamusana Pomukomana Ane Makore Mapfumbamwe”

POSE paisvika Zvapupu zvaJehovha pasuo rake, Wiesława, anogara nechokumaodzanyemba kwePoland, aivaonga noruremekedzo obva ati vapfuure zvavo. Rimwe zuva, Samuel ane makore mapfumbamwe akasvika pasuo rake aina amai vake. Panguva iyi Wiesława akasarudza kuteerera uye akabvuma magazini yaitaura nezveparadhiso pasi pano.

Chirangaridzo chorufu rwaJesu Kristu zvachakanga chava pedyo, Samuel aida kukoka Wiesława kuchiitiko ichi chinokosha. Saka, achiperekedzwa naamai vake, mukomana wacho akashanyazve, panguva ino aine kasiripi kakadhindwa kokukoka. Achiona kuti mukomana wacho akanga akapfeka zvakanaka, Wiesława akavakumbira kuti vambomira zvishoma ndokubva adzokera kunopfeka zvakanaka. Paakadzoka, akateerera Samuel, akagamuchira kasiripi kacho kaimukoka, ndokubvunza kuti: “Ndinofanira kuuya ndoga here kana kuti nomurume wangu?” Akabva awedzera kuti: “Kunyange kana murume wangu akasauya, ini ndichauya. Ndichauya nokuda kwako, Samuel.” Samuel akafara chaizvo nokuti mukadzi wacho akaita zvaakavimbisa.

Paipiwa hurukuro yeChirangaridzo, Samuel akanga akagara pedyo naWiesława achimuratidza magwaro aikurukurwa. Izvi zvakabaya mwoyo waWiesława. Akanakidzwa neChirangaridzo uye akaonga kuti pfungwa dzakadzama dzakatsanangurwa zviri nyore. Akabayiwawo mwoyo nokugamuchirwa noushamwari kwaakaitwa uye mutsa waakaratidzwa neungano. Kubvira panguva iyoyo, Wiesława ave achingowedzera kuonga kwaanoita zvinhu zvine chokuita nokunamata uye akatanga kuwadzana neZvapupu zvaJehovha nguva dzose. Munguva pfupi yapfuura akati: “Ndinonyara kuti munguva yakapfuura ndaisakuteererai pamaiuya pasuo rangu. Uye ndinofanira kubvuma kuti ndakateerera zvamaitaura pamusana paSamuel, mukomana ane makore mapfumbamwe.”

Kufanana naSamuel wokuPoland, zvimwe Zvapupu zvaJehovha zvechiduku zvakawanda zvinorumbidza Mwari nomuromo uye netsika dzakanaka uye mufambiro wakanaka. Kana uri wechiduku, iwewo ungakwanisa kubatsira vanhu vakatendeseka kuti vafarire zvinhu zvakanaka zvine chokuita nokunamata.