Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku reChishanu reMapisarema

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku reChishanu reMapisarema

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku reChishanu reMapisarema

VAPFUMI vangati: “Vanakomana vedu vakaita semiti miduku yatokura ivo vachiri vaduku, vanasikana vedu vakaita semabwe epakona akavezwa sezvinoitwa epamuzinda, matura edu akazara, . . . makwai edu ari kuwedzera nezviuru.” Uyezve, shoroma dzingati: “Vanofara vanhu vanoitirwa saizvozvo!” Asi kusiyana naizvozvo, munyori wepisarema anoti: “Vanofara vanhu avo Mwari wavo ari Jehovha!” (Pisarema 144:12-15) Ko zvingambosiyana here naizvozvo? Jehovha ndiMwari anofara, uye vaya vanomunamata vanofara. (1 Timoti 1:11) Chokwadi ichi chinobudiswa pachena mubhuku rokupedzisira renziyo dzakafuridzirwa naMwari, dzeMapisarema 107 kusvika ku150.

Bhuku Rechishanu reMapisarema rinobudisa pachena unhu hwakanaka chaizvo hwaJehovha, kusanganisira mutsa wake worudo, chokwadi, uye kunaka. Kana tikanzwisisa unhu hwaMwari, tichanzwawo tichimuda uye tichimutya. Izvi zvinozoita kuti tifare. Chokwadi, tinowana mashoko anokosha muBhuku Rechishanu reMapisarema!—VaHebheru 4:12.

KUFARA PAMUSANA POMUTSA WORUDO WAJEHOVHA

(Pisarema 107:1–119:176)

“Haiwa, vanhu ngavaonge Jehovha nokuda kwomutsa wake worudo uye nokuda kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu,” vakaimba kudaro vaJudha vakanga vava kudzokera vachibva kuBhabhironi kwavakanga vakatapwa. (Pisarema 107:8, 15, 21, 31) Achirumbidza Mwari, Dhavhidhi anoimba kuti: “Chokwadi chenyu [chinosvika] kumatenga.” (Pisarema 108:4) Murwiyo runotevera, anonyengetera achiti: “Ndibatsirei, haiwa Jehovha Mwari wangu; ndiponesei maererano nomutsa wenyu worudo.” (Pisarema 109:18, 19, 26) Pisarema 110 uprofita hunotaura nezvokutonga kwaMesiya. “Kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri,” rinodaro Pisarema 111:10. Maererano nepisarema rinotevera, “anofara munhu anotya Jehovha.”—Pisarema 112:1.

Mapisarema 113 kusvika ku118 anonzi Mapisarema eHareruya, nokuti anodzokorora mashoko okuti “Hareruya,” kana kuti “Rumbidzai Jah!” Maererano neMishnah—bhuku romuzana remakore rechitatu rakazonyorwa tsika dzepakutanga-tanga dzaingoitwa zvokutaurwanziyo idzi dzaiimbwa paPaseka uye pamitambo mitatu yaiitwa gore negore yevaJudha. Pisarema 119, iro rakareba kupfuura mamwe ose uye rakareba kupfuura zvitsauko zvose zviri muBhaibheri, rinokudza shoko raJehovha rakaziviswa.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

109:23—Dhavhidhi airevei paakati: “Ndinotofanira kuenda sezvinoita mumvuri paunopera”? Dhavhidhi aidetemba achiti ainzwa kuti akanga ava pedyo nokufa.—Pisarema 102:11.

110:1, 2—‘Ishe waDhavhidhi,’ Jesu Kristu, aiitei paakanga akagara kuruoko rworudyi rwaMwari? Amutswa, Jesu akakwira kudenga akanomirira ari kuruoko rworudyi rwaMwari kusvikira muna 1914 kuti atange kutonga saMambo. Munguva iyoyo, Jesu aitonga vateveri vake vakazodzwa, achivatungamirira mubasa ravo rokuparidza nerokuita kuti vanhu vave vadzidzi uye kuvabatsira kuti vagadzirire kuzotonga pamwe naye muUmambo hwake.—Mateu 24:14; 28:18-20; Ruka 22:28-30.

110:4—Jehovha ‘akapika asingazvidembi’ nezvechii? Mhiko iyi isungano iyo Jehovha akaita naJesu Kristu kuti ave Mambo uye Mupristi Mukuru.—Ruka 22:29.

113:3—Zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa “kubvira pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro” sei? Izvi hazvingorevi boka revanhu vanonamata Mwari zuva rimwe nerimwe. Kubvira pakubuda kwezuva kumabvazuva kusvikira pakuvira kwaro kumadokero, kupenya kwezuva kunovhenekera nyika yose. Saizvozvowo, Jehovha anofanira kurumbidzwa munyika yose. Izvi hazvingaitwi kana zvinhu zvisina kurongeka. SeZvapupu zvaJehovha, tine ropafadzo inokosha yokurumbidza Mwari uye yokushingaira kuita basa rokuzivisa Umambo.

116:15—‘Kuna Jehovha rufu rwevakavimbika vake runokosha’ zvakadini? Vanamati vaJehovha vanokosha zvikuru kwaari zvokuti haangatenderi kuti vafe vari boka kana kuti vose zvavo. Kudai Jehovha aizotendera kuti izvozvo zviitike, zvaizoita sokuti vavengi vake vane simba kumupfuura. Uyezve, hapana vaizosara vari pasi pano kuti vave vokutanga kuumba nyika itsva.

119:71—Kutambura kungabatsirei? Nhamo ingatidzidzisa kuvimba naJehovha zvizere, kunyengetera kwaari nomwoyo wose, uye kuwedzera kushingaira kudzidza Bhaibheri nokuita zvarinotaura. Uyezve, zvatinoita patinotambura zvingaratidza unhu husina kunaka hungada kugadziriswa. Kutambura hakuzotishatirisi kana tikakubvumira kuti kutibatsire kuva vanhu vari nani.

119:96—Mashoko okuti ‘kuguma kwokukwana kwose’ anorevei? Munyori wepisarema ari kutaura nezvokukwana maererano nemaonero evanhu. Angangodaro aifunga kuti maonero anoita vanhu kukwana ane paanogumira. Kusiyana naizvozvo, murayiro waMwari hauna paunogumira. Zano raunopa rinoshanda muzvinhu zvose zvoupenyu. “Ndakaona kuti zvinhu zvose zvine mugumo wazvo,” rinodaro Bhaibheri Rinoera, “asi murayiro wenyu hauna mugumo.”

119:164—Chii chinorehwa nokurumbidza Mwari “kanomwe pazuva”? Nhamba 7 inowanzoreva zvinhu zvakakwana. Saka, munyori wepisarema ari kutaura kuti Jehovha akakodzera kurumbidzwa iye oga.

Zvatinodzidza:

107:27-31. Uchenjeri hwenyika ‘huchavhiringidzika’ panouya Amagedhoni. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Hahuzogoni kununura chero ani zvake kuti arege kuparadzwa. Vaya vanotarira kuna Jehovha chete kuti vaponeswe ndivo vachararama kuti ‘vazomuonga nokuda kwomutsa wake worudo.’

109:30, 31; 110:5. Ruoko rworudyi rwomurwi runobata bakatwa kazhinji runenge rusina kudzivirirwa nenhoo yaibatwa noruoko rworuboshwe. Nenzira yokufananidzira, Jehovha ari “kuruoko rworudyi” rwevashumiri vake, kuti avarwire. Saka anovadzivirira uye anovabatsira—chinova chikonzero chakanaka chaizvo chokuti ‘timurumbidze kwazvo’!

113:4-9. Jehovha akakwirira zvikuru zvokuti anotofanira kuzvideredza kuti “atarire denga.” Kunyange zvakadaro, iye anonzwira tsitsi munhu akaderera, murombo, uye mukadzi asingabereki. Changamire Ishe Jehovha anozvininipisa uye anoda kuti vanamati vake vazvininipisewo.—Jakobho 4:6.

114:3-7. Kudzidza nezvemabasa anoshamisa aJehovha aakaitira vanhu vake paGungwa Dzvuku, paRwizi rwaJodhani, uye paGomo reSinai zvinofanira kutichinja chaizvo. Vanhu, vanomiririrwa ne“nyika,” vanofanira kutya Ishe—kuita sevari ‘kurwadziwa kwazvo’pamusana paShe.

119:97-101. Kuwana uchenjeri, njere, uye kunzwisisa kunobva muShoko raMwari kunotidzivirira kuti tisakanganiswa pakunamata.

119:105. Shoko raMwari irambi retsoka dzedu pakuti rinogona kutibatsira kugadzirisa matambudziko atiri kusangana nawo. Nenzira yokufananidzira rinovhenekerawo nzira yedu, sezvo richifanotaura chinangwa chaMwari chenguva yemberi.

KUFARA PASINEI NENHAMO

(Pisarema 120:1–145:21)

Tingatarisana sei nemamiriro ezvinhu akaoma topukunyuka panhamo? Mapisarema 120 kusvika ku134 anopa mhinduro yakajeka yomubvunzo uyu. Hatizotamburi uye tinoramba tichifara kana tikatarira kuna Jehovha kuti atibatsire. Mapisarema aya, anonzi Nziyo Dzokukwira, angadaro aiimbwa vaIsraeri pavaikwira kuJerusarema kunoita mitambo yavo yegore negore.

Mapisarema 135 ne136 anoratidza kuti Jehovha Muiti wezvose zvinomufadza, kusiyana nezvidhori zvisingabatsiri. Pisarema rechi136 rakanyorwa richinzi pakuriimba vamwe vashaure vamwe vachidairira, chikamu chokupedzisira chendima imwe neimwe chinoimbwa chichidaira chikamu chokutanga. Pisarema rinotevera rine chokuita nokuora mwoyo kwevaJudha vaiva muBhabhironi vaida kunamata Jehovha muZiyoni. Mapisarema 138 kusvika ku145 ndeaDhavhidhi. Anoda ‘kurumbidza Jehovha nomwoyo wake wose.’ Nei? “Nokuti ndakaitwa nenzira inoshamisa, inotyisa,” anodaro. (Pisarema 138:1; 139:14) Mumapisarema mashanu anotevera, Dhavhidhi anonyengeterera kuti adzivirirwe pavanhu vakaipa, kuti atsiurwe nenzira yakarurama, kuti anunurwe pavanhu vanomutambudza, uye kuti atungamirirwe pane zvaanoita. Anotaura kuti vanhu vaJehovha vanofara. (Pisarema 144:15) Pashure pokuongorora ukuru hwaMwari nokunaka kwake, Dhavhidhi anozivisa kuti: “Muromo wangu uchataura nezvokurumbidzwa kwaJehovha; zvipenyu zvose zvenyama ngazvirumbidze zita rake dzvene nokusingagumi, kunyange nokusingaperi.”—Pisarema 145:21.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

122:3—Jerusarema rakanga riri guta “rakabatanidzwa pamwe chete kuva rimwe” sei? Sezvakanga zvakaita maguta akawanda ekare, dzimba dzomuJerusarema dzakanga dzakavakirwa pedyo nepedyo. Guta racho rakanga rakabatana, naizvozvo raiva nyore kudzivirira. Uyezve, kuve pedyo nepedyo kwedzimba dzacho kwaiita kuti zvive nyore kuti vaigara muguta racho vabatsirane uye vadzivirirane. Izvi zvinomiririra kubatana pakunamata kwemarudzi 12 aIsraeri paaiungana pamwe chete kuti anamate.

123:2—Mufananidzo une chokuita nemaziso evashumiri unorevei? Vashandi nevashandikadzi vanotarira ruoko rwatenzi kana kuti tenzikadzi wavo pamusana pezvikonzero zviviri: kuti vazive zvaanoda uye kuti vadzivirirwe nokuwana zvavanoda muupenyu. Saizvozvowo, tinotarira kuna Jehovha kuti tizive zvaanoda uye kuti atifarire.

131:1-3—Dhavhidhi ‘akazorodza uye akanyaradza mweya wake somwana achangobva kurumurwa ari pana amai vake’ sei? Mwana anenge achangorumurwa zvaanonyaradzwa uye kugutsikana paanenge ari mumaoko aamai vake, Dhavhidhi akadzidza kunyaradza uye kudzikamisa mweya wake “somwana achangobva kurumurwa ari pana amai vake.” Sei? Nokusava nomwoyo unozvikudza uye maziso ane manyawi uye nokusazvitsvakira zvinhu zvakanyanya kukura. Panzvimbo pokutsvaka mukurumbira, Dhavhidhi aiwanzoziva zvaakanga asingakwanisi kuita uye aizvininipisa. Tinoratidza kuti takachenjera kana tikatevedzera mafungiro ake, kunyanya patinenge tichivavarira kuwana ropafadzo muungano.

Zvatinodzidza:

120:1, 2, 6, 7. Kuchera uye kutsvinya kungashungurudza vamwe chaizvo. Kudzora rurimi rwedu ndeimwe nzira yokuratidza kuti ti“nomiririra rugare.”

120:3, 4. Kana tichifanira kushivirira munhu ane “rurimi runonyengera,” tinogona kunyaradzwa nokuziva kuti Jehovha acharuramisa zvinhu panguva yake yakakodzera. Vanhu vanochera vamwe vachawirwa nedambudziko rinobva ku“murume ane simba.” Zvechokwadi vachapiwa naJehovha mutongo unofananidzirwa ne“marasha anobvira emiti yemitsvairo.”

127:1, 2. Pane zvose zvatinoita, tinofanira kutarira kuna Jehovha kuti atitungamirire.

133:1-3. Kubatana kwevanhu vaJehovha kunozorodza, uye kwakanaka. Hatifaniri kukuvhiringidza nokutsvakira vamwe mhosva, kupopotedzana, kana kuti kunyunyuta.

137:1, 5, 6. Vanamati vaJehovha vakanga vatapwa vaida Ziyoni chaizvo—chikamu chepasi pano chesangano raMwari panguva iyoyo. Zvakadini nesu? Tinoda chaizvo sangano iro Jehovha ari kushandisa mazuva ano here?

138:2. Jehovha ‘anokudza zvaanotaura kutopfuura zita rake rose’ pakuti kuzadzika kwezvinhu zvose zvaakapikira muzita rake kuchapfuura chero zvinhu zvipi zvazvo zvatingave tichitarisira. Chokwadi, pamberi apa pane zvinhu zvinoshamisa zvatinotarisira.

139:1-6, 15, 16. Jehovha anoziva zvatinoita, zvatinofunga, uye mashoko edu kunyange tisati taataura. Anotiziva kubvira patakanambwa, nhengo yomuviri imwe neimwe isati yavapo. Kutiziva kunoita Mwari somunhu oga ‘kunotishamisa kwazvo’ zvokuti hatikunzwisisi. Zvinonyaradza zvikuru kuziva kuti Jehovha haangooni chete mamiriro ezvinhu akaoma atingave tichitarisana nawo asi anonzwisisawo kutikanganisa kwaanoita!

139:7-12. Hapana nzvimbo yatingaenda iri kure zvokuti Mwari angatadza kutisimbisa.

139:17, 18. Kuziva Jehovha kunotifadza here? (Zvirevo 2:10) Kana zvakadaro, takawana mufaro usingaperi. Pfungwa dzaJehovha “dzinopfuura kunyange jecha.” Pachagara pachingova nezvakawanda zvokudzidza nezvake.

139:23, 24. Tinofanira kuda kuti Jehovha aongorore zvatiri nechomukati achitsvaka ‘nzira dzakaipa’—pfungwa, zvido, uye mafungiro asina kururamaotibatsira kuzvidzura.

143:4-7. Tingatsungirira sei kunyange zvinetso zvakaoma? Munyori wepisarema anotiudza chingatibatsira: Kufungisisa nezvemabasa aJehovha, kuramba tiine hanya nezvaanoita, uye kunyengeterera kuti atibatsire.

“Rumbidzai Jah!”

Chikamu chimwe nechimwe pamabhuku mana okutanga emapisarema chinoguma nemashoko okurumbidza Jehovha. (Pisarema 41:13; 72:19, 20; 89:52; 106:48) Chikamu chokupedzisira chinogumawo nemashoko okurumbidza Jehovha. Pisarema 150:6 rinoti: “Chinhu chose chinofema—ngachirumbidze Jah. Rumbidzai Jah!” Zvechokwadi izvozvo zvichazadzika munyika itsva yaMwari.

Sezvatinotarira mberi kunguva iyoyo inofadza, tine zvikonzero zvakawanda zvokuti tirumbidze Mwari wechokwadi uye zvokuti tirumbidze zita rake. Patinofunga nezvomufaro watinawo nokuti tinoziva Jehovha uye nokuti tine ukama hwakanaka naye, hatinzwi tichida kumurumbidza nomwoyo unoonga here?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Mabasa aJehovha anoshamisa anoomesa mate mukanwa

[Mufananidzo uri papeji 16]

Pfungwa dzaJehovha “dzinopfuura kunyange jecha”