Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Aifarira Mutemo waJehovha

Aifarira Mutemo waJehovha

Aifarira Mutemo waJehovha

ALBERT D. SCHROEDER, nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, akapedza upenyu hwake hwepasi pano musi weChitatu, March 8, 2006. Akanga ava nemakore 94 uye akanga apedzera makore anopfuura 73 muushumiri hwenguva yakazara.

Hama Schroeder vakaberekerwa muSaginaw, Michigan, kuUnited States of America, muna 1911. * Vachiri mwana, vakadzidza zvakawanda nezveBhaibheri kubva kuna amai vaamai vavo, avo vakaitawo kuti vave nechido chokuverenga Shoko raJehovha. Vakadzidza mutauro weLatin, weGerman uye zvemagetsi paUniversity of Michigan. Zvisinei, kuonga kwavaiita Magwaro pakwakawedzera, vakarega chikoro kuti vaite basa rokuparidza Umambo nguva yakazara. Muna 1932 vakava nhengo yemhuri yeBheteri kuBrooklyn, New York.

Muna 1937, vava nemakore 26, Hama Schroeder vakasarudzwa kuti vatarisire basa reZvapupu zvaJehovha kuBritain. Kushingairira kwavo basa rokuparidza kwakakurudzira vakawanda vaiva ikoko kuita basa renguva yakazara. Vaishamwaridzana nomumwe murume wechiduku, John E. Barr, paBheteri rokuLondon. Vakazoshanda vose kwemakore akawanda vari nhengo dzeDare Rinodzora.

Basa raHama Schroeder ravakaitira Zvapupu zvaJehovha rakaoneka mumakore ehondo. Muna August 1942 vakadzingwa kuBritain. Pashure pokufamba rwendo runonetsa munguva yehondo vachiyambuka Atlantic, vakadzokera kuBrooklyn muna September.

Panguva iyoyo, vashumiri vaJehovha vakanga vava kutotarisira kuti basa guru raizofanira kuitwa kana Hondo Yenyika II yapera. Hama Schroeder vakashamiswa uye vakafara kugamuchira basa ravo raitevera—rokubatsira kuronga zvaizodzidziswa paChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi. Kwemakore akawanda, vaiita basa iroro vari murayiridzi, vachibatsira kudzidzisa mamishinari. Vadzidzi vavakadzidzisa kuGiriyedhi uye gare gare kuChikoro choUshumiri hwoUmambo vachiri kuyeuka kudzidzisa kwavaiita. Vaifarira kuita kuti vadzidzi vade mitemo yaMwari uye vaisimbisa kukosha kwokusvika pakuziva Jehovha.

Muna 1956, Hama Schroeder vakaroora Charlotte Bowin, uye muna 1958 mwanakomana wavo, Judah Ben, akaberekwa. Hama Schroeder vaiva murume uye baba vechiKristu vakanaka chaizvo. Muna 1974, vakatanga kushumira senhengo yeDare Rinodzora, uye Dare racho raikoshesa chaizvo kunzwisisa kwavo. Vaiva murume aiva nomutsa uye aizvininipisa uyo, kupfuura zvose, aida kukudziridza zita guru raMwari. Tinovimba kuti Hama Schroeder vakagamuchira mubayiro wavo wokudenga somuKristu akazodzwa ainyatso“farira mutemo waJehovha.”—Pisarema 1:2.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Nyaya youpenyu hwaHama Schroeder yakabudiswa muNharireyomurindi yaMarch 1, 1988.