Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chaizvoizvo Tiri Kurarama Mu“mazuva Okupedzisira” Here?

Chaizvoizvo Tiri Kurarama Mu“mazuva Okupedzisira” Here?

Chaizvoizvo Tiri Kurarama Mu“mazuva Okupedzisira” Here?

ZVINHU zviviri zvaizoitika zvinotibatsira kuziva anonzi neBhaibheri mazuva okupedzisira. Magwaro anofanotaura zviitiko zvaizoitika munguva yo“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mateu 24:3) Bhaibheri rinotaurawo nezvokuchinja kwemafungiro uye maitiro evanhu vanenge vachirarama mu“mazuva okupedzisira.”—2 Timoti 3:1.

Zviitiko zvenyika pamwe chete nemaitiro uye mufambiro wevanhu zvinoratidza kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira uye kuti nokukurumidza Umambo hwaMwari huchaunza zvikomborero zvisingaperi kune vaya vanoda Mwari. Tinotanga nokuongorora zvinhu zvitatu zvakanzi naJesu zvaizoratidza mazuva okupedzisira.

“Kutanga Kwemarwadzo Enhamo”

Jesu akati, “Rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo, uye kuchava nokushomeka kwezvokudya nokudengenyeka kwenyika munzvimbo nenzvimbo.” Akawedzera kuti: “Zvinhu zvose izvi zvichava kutanga kwemarwadzo enhamo.” (Mateu 24:7, 8) Ngationgororei chimwe nechimwe che‘zvinhu izvi.’

Vanhu vazhinji vakaurayiwa muhondo uye pairwisana madzinza muzana remakore rapfuura. “Vanhu vakawanda kanopetwa katatu vakaurayiwa muhondo muzana remakore [rechi20] kana vachienzaniswa nevakaurayiwa muhondo dzose kubvira muzana remakore rokutanga AD kusvikira muna 1899,” unodaro mushumo wenyanzvi weWorldwatch Institute. Mubhuku rake rinonzi Humanity—A Moral History of the Twentieth Century, Jonathan Glover anonyora kuti: “Zvinofungidzirwa kuti kubvira muna 1900 kusvikira muna 1989 hondo yakauraya vanhu mamiriyoni 86. . . . Vanhu vakafa muhondo yomuzana remakore rechi20 vakawanda zvokuti zvakaoma kufungidzira kuti vangani. Chero avhareji ipi zvayo inotaurwa yevanhu vakafa haisi yechokwadi, nokuti vanhu vanenge zvikamu zviviri muzvitatu (mamiriyoni 58) vakaurayiwa muhondo mbiri dzenyika. Asi, kudai nhamba yevanhu vaifa yakanga yakaenzana munguva yacho yose, hondo ingadai yakauraya vanhu vanenge 2 500 zuva nezuva, kureva kuti vanhu vanopfuura 100 paawa, pasina kumbomira, kwemakore makumi mapfumbamwe.” Ungafungidzira here kuti hondo idzi dzingave dzakakonzera nhamo nokurwadziwa zvakadini kumamiriyoni evoukama neshamwari dzevaya vakafa?

Pasinei nokuti nyika inobereka zvokudya zvakawanda, zvinhu zvinoratidza mazuva okupedzisira zvinosanganisira kushomeka kwezvokudya. Vanotsvakurudza vanoti mumakore 30 apfuura, kurimwa kwezvokudya kwaipfuura kuwedzera kwevanhu. Kunyange zvakadaro, nzvimbo huru dzenyika dzakawanda hadzina zvokudya zvakakwana nokuti vanhu vakawanda havana minda yakakwana yokuti varime zvokudya kana kuti mari inokwana kutenga zvokudya. Munyika dzichiri kubudirira, vanhu vanenge mabhiriyoni 1,2 vanorarama nedhora rimwe chete rokuAmerica pazuva kana kuti mari isingasviki dhora. Pane ava, vanenge mamiriyoni 780 vanotambura nenzara kwenguva refu. Maererano neWorld Health Organization, gore negore kushayikwa kwezvokudya zvinovaka muviri ndiko kuri kunyanya kukonzera kufa kwevana vanopfuura mamiriyoni mashanu.

Chii chingataurwa nezvokudengenyeka kwenyika kwakafanotaurwa? Maererano neU.S. Geological Survey, kudengenyeka kwenyika kune simba rokuparadza zvivako kunokwana 17 paavhareji pagore kubvira muna 1990 chete. Paavhareji, kudengenyeka kwenyika kwakasimba zvikuru zvokuparadza zvinenge zvivako zvose kwakaitika kamwe chete gore roga roga. “Kudengenyeka kwenyika kwakauraya mazana ezviuru zvevanhu mumakore 100 akapfuura,” dzinodaro dzimwe nhau. Chimwe chikonzero cheizvi ndechokuti kubvira muna 1914 nzvimbo zhinji dzine vanhu vakawanda dzava nzvimbo dzinodengenyeka.

Zvimwe Zvinhu Zvinokosha Zvave Zvichiitika

“Munzvimbo nenzvimbo muchava nematenda,” akadaro Jesu. (Ruka 21:11) Nhasi sayenzi yezvokurapa yafambira mberi zvisati zvakamboitika. Kunyange zvakadaro, zvirwere zvagara zviripo uye zvitsva zviri kuramba zvichitambudza vanhu. Rimwe gwaro rokuUnited States National Intelligence Council rinoti: “Zvirwere makumi maviri zvinonyatsozivikanwa—zvinosanganisira tibhii (TB), marariya, nekorera—zvakadzokazve kana kuti zvakatanga kubata vanhu vakawanda kubvira muna 1973, kazhinji munzira dzine ngozi zvikuru uye dzisingarapiki. Anenge marudzi 30 ezvirwere zvakanga zvisingazivikanwi akatanga kuzivikanwa kubvira muna 1973, zvinosanganisira HIV, Ebola, hepatitis C, uye utachiona hweNipah, izvo zvisingarapiki.” Maererano nomushumo weveRed Cross waJune 28, 2000, mugore rakapfuura racho, nhamba yakapetwa kanenge ka160 yevanhu vakafa nezvirwere zvinotapuriranwa yaipfuura nhamba yevanhu vakafa munjodzi dzaingoitika dzoga.

“Kuwedzera kwokusateerera mutemo” ndechimwe chinhu chinoratidza mazuva okupedzisira. (Mateu 24:12) Munzvimbo dzakawanda pasi pose nhasi, vanhu havasiyi dzimba dzavo dzisina kukiyiwa kana kunzwa vakachengeteka kufamba mumigwagwa usiku. Uye zvakadini nokushatiswa kwemhepo, mvura, uye nyika kwatinoona kuchiitika, kazhinji kunokonzerwa nokuita zvinhu zvisiri pamutemo? Izviwo zvinozadzisa zvakafanotaurwa neBhaibheri. Bhuku raZvakazarurwa rinotaura nezvenguva yaMwari yaakasarudza kuti a“paradze vaya vanoparadza nyika.”—Zvakazarurwa 11:18.

Zvakaita Vanhu Vemazuva Okupedzisira

Tapota vhura Bhaibheri rako pana 2 Timoti 3:1-5 wopaverenga. Muapostora Pauro anonyora kuti: “Mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika.” Anobva aenderera mberi achitaura zvinhu 20 zvaizoratidza vanhu vasingadi Mwari. Wakaona humwe hwounhu uhwu here mune vaya vanogara kwaunogara? Chimbofunga zvave zvichitaurwa munguva ichangopfuura nezvevanhu vemazuva ano.

“Vanozvida.” (2 Timoti 3:2) “[Vanhu vari] kuomerera pakuita zvavanoda zvavaisamboita kare. [Vari] kuva vanamwari, uye vanotarisira kubatwa savanamwari.”—Pepanhau rokuEngland rinonzi Financial Times.

“Vanoda mari.” (2 Timoti 3:2) “Munguva ichangopfuura pfungwa youdyire yokunyanya kuda zvinhu zvenyama yakakurira pfungwa yokuva nomwero. Kutoti zvichionekwa kuti wakapfuma kwaunogara, unenge usina kukodzera kurarama.”—Pepanhau rokuIndonesia rinonzi Jakarta Post.

“Vasingateereri vabereki.” (2 Timoti 3:2) “Vabereki vanovhiringidzika zvikuru pavanoona mwana wavo ane makore mana achiita saMambo uye achivaudza zvokuita kana kuti ane makore masere achishevedzera kuti, ‘Handina basa nemi ini!’”—Magazini yokuUnited States inonzi American Educator.

“Vasina kuvimbika.” (2 Timoti 3:2) “Kuwedzera kukuru kwevarume vanoda kusiya vakadzi vavo nevana zvichida chinhu chikuru chinoratidza kuchinja kwakaita tsika [mumakore 40 akapfuura].”—Magazini yokuUnited States inonzi Wilson Quarterly.

“Vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo.” (2 Timoti 3:3) “Chisimba mumhuri ndicho chinhu chikuru muupenyu hwezuva nezuva hwevanhu pasi pose.”—Magazini yokuUnited States inonzi Journal of the American Medical Association.

“Vasingazvidzori.” (2 Timoti 3:3) “Nyaya dzakawanda dzinenge dziri papeji yokutanga mupepanhau mangwanani oga oga dzinoratidza kusazvidzora, kushayikwa kwetsika nokusanzwira tsitsi vamwe vanhu uye ivo pachavo havazvinzwiri tsitsi. . . . Kana nzanga yedu ikaramba ichida kumukira sezvairi kuita iye zvino, nokukurumidza ingave isisina tsika zvachose.”—Pepanhau rokuThailand rinonzi Bangkok Post.

“Vanotyisa.” (2 Timoti 3:3) “Kutsamwirana uye kuitirana hasha dzisingadzorwi kunoonekwa pavatyairi vemotokari, pakushungurudzwa kunoitwa mhuri, . . . uye pachisimba chisingapembedzwi uye chisina musoro chinowanzoguma nokupara mhosva. Chisimba chinongoitwa pose pose, usingazvifungiri uye vanhu vanonzwa vasingadiwi uye vasisina kudzivirirwa zvakakwana.”—Pepanhau rokuSouth Africa rinonzi Business Day.

“Vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari.” (2 Timoti 3:4) “Rusununguko pakusarudza waunoda kurara naye rwava simba retsika, uye iri simba rinovengana netsika dzechiKristu.”—Magazini yeIndaneti inonzi Boundless.

“Vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari, asi vachikundikana kurarama maererano nesimba rakwo.” (2 Timoti 3:5) “[Mumwe aimbova pfambi muNetherlands] akabvuma kuti mapoka ezvitendero ndiwo anonyanya kushora kunyoreswa zviri pamutemo [kwechipfambi]. Akambomira, achibva azotaura achinyemwerera kuti paaiva pfambi, vashumiri vanoverengeka [vezvitendero] ndivo vaainyanya kuhura navo. ‘Pfambi dzinogara dzichitaura kuti dzinonyanya kuhura nevanhu vechitendero,’ akabva aseka.”—Pepanhau rokuUnited States rinonzi National Catholic Reporter.

Chii Chichaitika?

Nhasi nyika yakazara nematambudziko, sezvakangofanotaura Bhaibheri. Zvisinei, uprofita pamusoro pe“chiratidzo chokuvapo [kwaKristu] nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho” hune chimwe chinhu chakanaka. “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose,” akadaro Jesu. (Mateu 24:3, 14) Mashoko akanaka oUmambo hwaMwari ari kuparidzwa munyika dzinopfuura 230. Vanhu vanopfuura mamiriyoni matanhatu vanobva “kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi” vari kushingaira mubasa rokuzivisa Umambo. (Zvakazarurwa 7:9) Basa ravo rokushingaira rakaitei? Rakaita izvi: Zvinoreva Umambo, zvahuchaita, uye kuti zvikomborero zvahwo zvichawanika sei neanenge munhu wose ari pasi pano. Kutaura zvazviri, ‘zivo yechokwadi yawanda munguva yomugumo.’—Dhanieri 12:4.

Unofanira kuzvibatsira nezivo iyi. Chimbofunga zvichaitika kana mashoko akanaka aparidzwa kusvikira Jehovha agutsikana. Jesu akati: “Zvadaro kuguma kuchasvika.” (Mateu 24:14) Ichava nguva yaMwari yokuti abvise uipi hwose panyika. Zvirevo 2:22 inoti: “Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; uye vanyengeri, vachabviswa pairi.” Ko Satani nemadhimoni ake? Vachakandwa mugomba rakadzikadzika, mavasingazombokwanisi kutsausa marudzi. (Zvakazarurwa 20:1-3) Zvadaro “vakarurama . . . uye vasina chavanopomerwa ndivo vachasara vari” panyika. Uye vachava nezvikomborero zvinoshamisa zvoUmambo.—Zvirevo 2:21; Zvakazarurwa 21:3-5.

Ungaitei?

Hapana mubvunzo nezvazvo. Kuguma kwemamiriro ezvinhu aSatani kwava pedyo. Vaya vanoisa zvimiti munzeve kuuchapupu hwokuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira vachawanikwa vasina kugadzirira panouya mugumo. (Mateu 24:37-39; 1 VaTesaronika 5:2) Saka, Jesu akati kuvateereri vake: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu irege kumboremerwa nokudyisa nokunwisa nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu, uye zuva iroro rikangoerekana rakusvikirai pakarepo seriva. Nokuti richauya pane vaya vose vanogara pamusoro penyika yose. Saka rambai makamuka, muchigara muchiteterera kuti mugone kupukunyuka zvinhu zvose izvi zvinofanira kuitika, uye kumira pamberi poMwanakomana womunhu.”—Ruka 21:34-36.

Vaya bedzi vari mumamiriro ezvinhu anotenderwa noMwanakomana womunhu, Jesu, ndivo vachava netariro yokupona pamugumo wemamiriro ezvinhu aya. Zvinokosha kuti tishandise nguva yasara kuedza kuti tifarirwe naJehovha Mwari naJesu Kristu! Paainyengetera kuna Mwari, Jesu akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Saka, kuchenjera kuti udzidze zvakawanda nezvaJehovha Mwari uye zvaanoda. Zvapupu zvaJehovha zviri kwaunogara zvichafara kukuyamura kunzwisisa zvinodzidziswa neBhaibheri. Tinokukoka noushamwari kuti utaure nazvo kana kuti unyorere vabudisi vemagazini ino.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 7]

ZVIRATIDZO ZVEMAZUVA OKUPEDZISIRA

ZVINHU ZVIKURU ZVAIZOITIKA:

▪ Hondo.—Mateu 24:6, 7.

▪ Kushomeka kwezvokudya.—Mateu 24:7.

▪ Kudengenyeka kwenyika.—Mateu 24:7.

▪ Matenda.—Ruka 21:11.

▪ Kuwedzera kwokusateerera mutemo.—Mateu 24:12.

▪ Kuparadzwa kwenyika.—Zvakazarurwa 11:18.

VANHU:

▪ Vanozvida.—2 Timoti 3:2.

▪ Vanoda mari.—2 Timoti 3:2.

▪ Vanozvikudza.—2 Timoti 3:2.

▪ Vasingateereri vabereki.—2 Timoti 3:2.

▪ Vasingaongi.—2 Timoti 3:2.

▪ Vasina kuvimbika.—2 Timoti 3:2.

▪ Vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo.—2 Timoti 3:3.

▪ Vasingazvidzori.—2 Timoti 3:3.

▪ Vanotyisa.—2 Timoti 3:3.

▪ Vanoda mafaro.—2 Timoti 3:4.

▪ Vanyengeri vechitendero.—2 Timoti 3:5.

VANAMATI VECHOKWADI:

▪ Vane zivo yakawanda.—Dhanieri 12:4.

▪ Vanoparidza mashoko akanaka munyika yose.—Mateu 24:14.

[Kwazvakatorwa]

UNITED NATIONS/Photo by F. GRIFFING