Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ndinoda Mutemo Wenyu Sei!”

“Ndinoda Mutemo Wenyu Sei!”

“Ndinoda Mutemo Wenyu Sei!”

PISAREMA 119 rwiyo runotaura nezvemanzwiro omunyori warwo pamusoro peshoko raMwari rakafuridzirwa. Munyori wepisarema anoimba kuti: “Ndakachengeta shoko renyu mumwoyo mangu.” “Ndichada kwazvo mirau yenyu.” “Mweya wangu wapera simba nokusuwa zvamakatonga nguva dzose.” “Ndinoda kwazvo zviyeuchidzo zvenyu.” “Ndakasuwa mirayiro yenyu.” “Ndichada kwazvo mirayiro yenyu yandinoda.” “Ndichafungisisa mirau yenyu.” “Ndinoda mutemo wenyu sei!” Ndinoufungisisa zuva rose.”—Pisarema 119:11, 16, 20, 24, 40, 47, 48, 97.

Chokwadi munyori wepisarema anoonga nomwoyo wose shoko raMwari rakaziviswa! Ndiwo manzwiro aunoita here nezveShoko raMwari, Bhaibheri? Ungada kukudziridza chido chakadaro here nezvaro? Kana uchida, unofanira kutanga tsika yokuverenga Bhaibheri nguva dzose, kana zvichibvira zuva nezuva. Jesu Kristu akati: “Munhu haangararami nechingwa chete, asi nemashoko ose anobuda mumuromo maJehovha.” (Mateu 4:4) Chechipiri, unofanira kufungisisa zvaunoverenga. Kufunga chokwadi nezvaMwari, unhu hwake, zvaanoda, uye chinangwa chake kuchawedzera kuonga kwaunoita Bhaibheri. (Pisarema 143:5) Uye zvinotonyanya kukosha, shandisa zano raro rakanaka mukurarama kwezuva nezuva.—Ruka 11:28; Johani 13:17.

Kukudziridza chido chezvinotaura Bhaibheri kuchakubatsira sei? “Vanofara vaya vanochengeta zviyeuchidzo” zvaMwari, rinodaro Pisarema 119:2. Zviyeuchidzo zvinowanikwa muBhaibheri zvichakubatsira kukurira matambudziko muupenyu. (Pisarema 1:1-3) Uchawana uchenjeri, njere, uye kunzwisisa, izvo zvichakubatsira kuti ‘udzivise tsoka dzako kufamba mumakwara ose akaipa.’ (Pisarema 119:98-101) Kuziva chokwadi pamusoro paMwari nechinangwa chake nokuda kwenyika kuchaita kuti upenyu hwako huve nezvahunoreva zvikuru uye kuchaita kuti tariro yako yeramangwana ive yakajeka.—Isaya 45:18; Johani 17:3; Zvakazarurwa 21:3, 4.

Zvapupu zvaJehovha zvinoda zvikuru kubatsira vamwe kuti vazive Bhaibheri zviri nani vofarira shoko raro. Tinokukumbira nomwoyo wose kuti ubvume chikumbiro chinotevera.