Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rinonyanyisa Here Pane Zvarinotirambidza?

Bhaibheri Rinonyanyisa Here Pane Zvarinotirambidza?

Bhaibheri Rinonyanyisa Here Pane Zvarinotirambidza?

“NDICHIRI mwana, handina kumbodzidziswa chero tsika ipi zvayo inodzidziswa neBhaibheri. Handina kumbobvira ndaudzwa nezvaMwari,” rinodaro rimwe jaya rokuFinland. Kukurira mumhuri yakadaro kwakajairika nhasi. Vakawanda, kunyanya vechiduku, vanoona Bhaibheri sechinhu chechinyakare chisingatombobatsiri uye vanoona zano raro serokutiomesera. Vaya vanoda kutevedzera zvinotaurwa muBhaibheri vanoonekwa nevamwe sevanhu vanodzvinyirirwa, vanorambidzwa zvinhu zvakawanda muupenyu uye vanopiwa mirayiro mizhinji. Saka vakawanda vanofunga kuti zvakanaka kuti vasaverenga zvavo Bhaibheri votsvaka mazano kumwewo.

Kuona Bhaibheri nenzira yakadaro kunobva zvikurukuru panhoroondo yokudzvinyirira kwezvitendero zvechiKristudhomu kwenguva yakareba. Somuenzaniso, munguva yakanzi Dark Ages nevamwe vanyori venhau dzakaitika, Chechi yeKaturike yomuEurope yaidzora vanhu panenge pazvinhu zvose muupenyu hwavo. Vose vakanga vasingabvumirani nechechi vaiva pangozi yokutambudzwa, kunyange kutourayiwa. Machechi echiPurotesitendi ayo akazotanga gare gare, aidzvinyirirawo vanhu. Nhasi, vamwe vanoziva nezvezvitendero zvechiPurotesitendi vanofunga nezvezvirango zvoutsinye zvaiitwa nezvitendero izvozvo. Naizvozvo, pamusana pokuti machechi aidzvinyirira, vanhu vanopedzisira vafunga zvisiri izvo kuti dzidziso dzeBhaibheri dzinofanira kuve dzichidzvinyirira.

Mune dzimwe nyika, mumazana emakore achangopfuura, machechi akarasikirwa nesimba rawo rakawanda rokudzora upenyu hwevanhu. Pashure pokunge vanhu varamba dzidziso dzechechi vakava nekodzero yokuzvisarudzira zvakanaka nezvakaipa. Zvakaguma nei? Ahti Laitinen, purofesa anoongorora kuparwa kwemhosva uye magariro evanhu zviri pamutemo, anotsanangura kuti: “Kuremekedza zviremera kunoitwa nevanhu kwaderera uye havachanyatsonzwisisi zvinogamuchirwa nezvisingagamuchirwi.” Zvinoshamisa kuti, kunyange vatungamiriri vemachechi vava kufungawo seizvi. Bishopi weLutheran akakurumbira akati: “Handiwanzobvumi pfungwa yokuti mibvunzo ine chokuita netsika inopindurwa nokuverenga Bhaibheri kana kuti nevatungamiriri vezvitendero.”

Kuita Madiro Kwakanaka Here?

Pfungwa yokuita madiro ingaita seyakanaka, zvikurukuru kune vechiduku. Hapana vanhu vanoda kuonekwa sevasingafungi kana kuti vanoda kurarama vachingoita zvokudonongodzerwa zvinhu zvokuita. Zvisinei, munhu wose anofanira kusununguka kuita chero zvaanoda here? Kuti tipindure mibvunzo uyu, chimbofunga nezvomuenzaniso uyu. Chimbofungidzira taundi risina mitemo yomumigwagwa. Hakudiwi rezinesi rokutyaira kana kuti bvunzo dzokuti munhu apiwe rezinesi racho. Vanhu vanogona kutyaira chero nenzira yavanenge vafunga, kunyange vakadhakwa, vasingafaniri havo kunetseka nezvesipidhi inobvumidzwa, masaini okuti vamire, marobhoti, migwagwa isina mota dzinopesana, kana kuti panopfuura nevanofamba netsoka. Kuita “madiro” kwakadaro kwakanaka here? Zvechokwadi, kwete! Zvinhu zvaizoita manyama amire nerongo, zvaizovhiringidzika, uye paizova nenjodzi. Kunyange zvazvo mitemo yomumigwagwa ichitadzisa vanhu kuita madiro, tinonzwisisa kuti mitemo iyi inodzivirira vatyairi uye vanofamba netsoka.

Saizvozvowo, Jehovha anotiudza mararamiro atinofanira kuita. Izvi zvinotibatsira. Dai aisatiudza, taizofanira kudzidza zvinhu tichiita zvokuedza, uye nokuita izvozvo, taizozvikuvadza isu nevamwe. Kuita madiro kwakadaro panyaya dzetsika kwaizova kusina kunaka uye kune ngozi sezvakangoitawo kutyaira mutaundi risina mitemo yomumigwagwa. Chokwadi ndechokuti, pane mimwe mitemo nemirau zvatinoda—chokwadi chinobvumwa nevanhu vakawanda.

“Mutoro Wangu Wakareruka”

Mitemo yomumigwagwa ingasanganisira murabaraba wemirau—mune dzimwe nzvimbo kuwanda kwemitemo yokupaka motokari chete kunotoshamisa. Kusiyana neizvi, Bhaibheri harina mitemo yakanyanya kuwanda. Asi rine mitemo yokuti tiwane pokutangira uye hairemi kana kudzvinyirira. Nenzira inoyemurika, Jesu Kristu akakoka vanhu vaairarama navo, achiti: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai. Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.” (Mateu 11:28, 30) Mutsamba yaakanyorera ungano yokuKorinde, Pauro akati: “Pane mudzimu waJehovha, pane rusununguko.”—2 VaKorinde 3:17.

Zvisinei, rusununguko irworwo rune parunogumira. Jesu akataura zvakajeka kuti mitemo yaJehovha inosanganisira mirayiro iri nyore. Somuenzaniso, Jesu akati kuvadzidzi vake: “Uyu ndiwo murayiro wangu, kuti mudanane sokuda kwandakakuitai.” (Johani 15:12) Chimbofungidzira kuti upenyu hwaizova hwakaita sei kudai munhu wose aizoteerera murayiro iwoyo! Saka, rusununguko rwevaKristu rune parunogumira. Muapostora Petro akanyora kuti: “Ivai sevanhu vakasununguka, asi muchiva norusununguko rwenyu kwete sechinhu chokufukidzisa zvakaipa, asi sevaranda vaMwari.”—1 Petro 2:16.

Saka, kunyange zvazvo vaKristu vasina ndandanda yemitemo inovadzora, havaiti zvinhu maererano nezvavanenge vangofunga kuti zvakarurama kana kuti zvakaipa. Vanhu vanoda kutungamirirwa naMwari bedzi. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jeremiya 10:23) Kana tikateerera kutungamirira kwaMwari, tichabatsirwa zvikuru.—Pisarema 19:11.

Chimwe chinhu chatinowana mufaro. Somuenzaniso, jaya rambotaurwa kwokutanga kwenyaya ino raimbova mbavha uye rainyepa. Raivawo nzenza. Parakadzidza tsika dzakanaka zvikuru dzeBhaibheri, rakachinja mararamiro aro kuti aenderane nadzo. “Kunyange zvazvo ndisina kukwanisa kubva ndangoita zvose zvinodiwa neBhaibheri,” rakadaro, “ndakanzwisisa kukosha kwazvo. Mararamiro andaimboita haana kundiunzira mufaro wandiinawo iye zvino. Kurarama maererano nezvinodiwa naMwari kunoita kuti upenyu huve nyore. Unoziva kwawakananga uye unoziva zvakanaka nezvakaipa.”

Zvinhu zvakadai izvi zvakaitikawo kumamiriyoni evanhu. Chimwe chezvinhu zvakavabatsira kutungamirirwa neBhaibheri, uko kwakavabatsira kuti vanzwanane nevamwe, vaone basa zvakanaka, varegere tsika dzakaipa, uye kuti vararame upenyu hunofadza zvikuru. Markus, * rimwe jaya rakamborarama richiita madiro, ndokuzorarama richidzorwa neBhaibheri, rinotaura nezvoupenyu hwaro richiti: “Nokurarama maererano nezvinotaurwa neBhaibheri, ndakakwanisa kunatsiridza unhu hwangu.” *

Unoda Zvipi?

Saka pane zvatinorambidzwa neBhaibheri here? Mhinduro ndeyokuti hungu—kuti tose tibatsirwe. Asi Bhaibheri rinonyanyisa here pane zvarinotirambidza? Mhinduro ndeyokuti kwete. Kuita madiro kunongoita kuti pave nezvinetso. Zvinodiwa neBhaibheri zvakakodzera, uye zvinoita kuti tive noutano hwakanaka uye mufaro. Markus anoti: “Nokufamba kwenguva ndakaona kuti kwaiva kuchenjera kuti ndishandise Shoko raMwari muupenyu. Kunyange zvazvo upenyu hwangu hwakasiyana nohwevamwe vanhu munzira dzakawanda, handimbofungi kuti pane chimwe chinhu chinokosha chandakarasikirwa nacho muupenyu.”

Paunotanga kuona kubatsira kwazvinoita kurarama maererano nezvinotaurwa neBhaibheri, kufarira kwaunoita Shoko raMwari kuchawedzera. Izvi zvichaita kuti uve nechimwezve chikomborero chikuru—uchasvika pakuda Jehovha Mwari, Munyori waro. “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake; uye mirayiro yake hairemi.”—1 Johani 5:3.

Jehovha Musiki wedu naBaba vedu vokudenga. Anoziva zvinhu zvakatinakira. Pane kuti atidzvinyirire, anotitungamirira norudo kuti tibatsirwe. Achitaura achidetemba, Jehovha anotikurudzira kuti: “Kudai waizoteerera mirayiro yangu! Rugare rwako rwaizoita sorwizi, nokururama kwako semafungu egungwa.”—Isaya 48:18.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 13 Zita rakachinjwa.

^ ndima 13 Kana uchida mamwe mashoko nezvoupenyu hunotaurwa nezvahwo muBhaibheri, ona chitsauko 12 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Jesu akati mirayiro yaMwari yaizozorodza

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kubvuma kutungamirirwa naMwari kunoita kuti tifare uye tizviremekedze