Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Akandibatsira Kukurira Matambudziko Oupenyu

Jehovha Akandibatsira Kukurira Matambudziko Oupenyu

Nyaya Youpenyu

Jehovha Akandibatsira Kukurira Matambudziko Oupenyu

YAKATAURWA NADALE IRWIN

“VANA VASERE VAKATOKWANA! DAMBUDZIKO RACHO RAKATONYANYA KANA 4 VACHO VAKABEREKWA PANGUVA IMWE CHETE.” Ndiwo waiva musoro wepepanhau raizivisa nezvevana vana vatakanga tava navo kuwedzera kune vasikana vana vatakanga titori navo. Pandaiva jaya, ndakanga ndisina pfungwa yokuroora, chida kuzova nevana. Asi hezvino ndiri pano—baba vevana vasere!

NDAKABEREKWA muna 1934 mutaundi reMareeba, kuAustralia. Ndini ndaiva gotwe pavana vatatu. Mhuri yedu yakazotamira kuBrisbane, kwaidzidzisa amai vangu Sandisikuru pachechi yeMethodist.

Mukutanga kwa1938, pepanhau romunzvimbo iyoyo rakazivisa kuti zvimwe Joseph F. Rutherford aibva kudzimbahwe reZvapupu zvaJehovha aizorambidzwa kupinda muAustralia. “Nei vachida kumurambidza?” Amai vakabvunza mumwe weZvapupu zvaJehovha uyo akanga ashanya pamusha pedu. Chapupu chacho chakapindura kuti: “Ko Jesu haana kutaura here kuti vanhu vaizotambudza vateveri vake?” Zvadaro, Amai vakagamuchira kabhuku kainzi Cure, ako kairatidza misiyano mizhinji yaiva pakati pechitendero chechokwadi nechenhema. * Vafadzwa nekabhuku kacho, Amai vakaenda nesu vana kumusangano weZvapupu zvaJehovha Svondo yakatevera yacho. Pakutanga baba vangu vakaramba zvakasimba, asi pano neapo vainyora mibvunzo yeBhaibheri yavaipa Amai kuti vanopa kune imwe yehama dzaivako. Hama yacho yainyorawo mhinduro dzaibva muMagwaro yopa Amai kuti vanopa Baba.

Imwe Svondo baba vangu vakaenda nesu kumusangano, vaine chinangwa chokutaura kuti vaisagutsikana neZvapupu. Zvisinei, pashure pokutaura nomutariri wedunhu akanga achishanyira ungano yedu panguva iyoyo, Baba vakachinja unhu hwavo vakatobvuma kuti musha wedu ushandiswe senzvimbo yaiungana vanhu vachidzidza Bhaibheri vhiki nevhiki, paiuya vanhu vaifarira vomunzvimbo yokwedu.

Muna September 1938, vabereki vangu vakabhabhatidzwa. Ini nevanin’ina vangu takabhabhatidzwa muna December 1941 pagungano remarudzi akawanda rakaitirwa muHargreave Park muSydney, New South Wales. Ndakanga ndine makore manomwe. Kubvira ipapo, ndaigaroendawo muushumiri hwomumunda nevabereki vangu. Mumazuva iwayo, Zvapupu zvaifamba paimba neimba nemagiramafoni aitakurika uye zvairidzira vanasaimba hurukuro dzeBhaibheri dzakarekodhwa.

Chimwe Chapupu chandinonyanyoyeuka ndiBert Horton. Aiva nemotokari yaiva negudzanzwi rine simba iine sipika hombe yaiva pamusoro. Kushanda naBert kwainakidza, zvikurukuru kumukomana wezera rangu. Somuenzaniso, pataitepfenyura hurukuro yeBhaibheri tiri pamusoro pechikomo, kakawanda taiona motokari yemapurisa ichiuya kwatainge tiri. Bert aibva akurumidza kudzima muchina wake, oenda kune chimwe chikomo chinenge chiri kure nemakiromita akati, oridza imwezve hurukuro. Ndakadzidza zvakawanda nezvokuvimba naJehovha uye kuva noushingi kubva kuna Bert nedzimwe hama dzakanga dzakavimbika saiye.—Mateu 10:16.

Ndava nemakore 12, ndaigara ndichiparidzira ndoga ndabva kuchikoro. Pane imwe nguva, ndakaona imwe mhuri yokwaAdshead. Pashure penguva yakati, vabereki, vana vavo vasere, uye vazukuru vavo vakawanda vakadzidza chokwadi. Ndinoonga Jehovha nokundibvumira ini, kakomanawo zvako, kuti ndizivise chokwadi cheBhaibheri kumhuri iyi yakanaka.—Mateu 21:16.

Ropafadzo Dzebasa Ndichiri Muduku

Ndava nemakore 18, ndakava piyona wenguva yakazara uye ndakaenda kunoshanda kuMaitland, New South Wales. Muna 1956, ndakadaidzwa kuti ndishande pahofisi yebazi yokuSydney. Pavanhu 20 vaishanda ipapo, vanenge 6 vavo vaiva vari vakazodzwa, vaine tariro yokutonga pamwe chete naKristu muUmambo hwake hwokudenga. Yaiva ropafadzo yakakura kushanda pamwe chete navo!—Ruka 12:32; Zvakazarurwa 1:6; 5:10.

Kutsunga kwangu kuramba ndisina kuroora kwakanyangarika pandakaona Judy Helberg, imwe hanzvadzi piyona yaiva tsvarakadenga, akanga adaidzwa kuzoshanda pahofisi yebazi kwenguva pfupi achindibatsira pane rimwe basa guru. Ini naJudy takadanana, uye takaroorana makore maviri gare gare. Kubvira ipapo, takatanga basa redunhu rokushanyira ungano imwe chete yeZvapupu zvaJehovha vhiki nevhiki tichikurudzira hama.

Muna 1960, Judy akabatsirwa nomwanasikana wedu wokutanga, Kim. Nhasi, kuva nomwana kungareva kusiya basa redunhu kwava kugara panzvimbo imwe chete. Asi takashamiswa zvikuru patakanzi tirambe tichishanyira ungano. Mushure mokunyengetera zvikuru, takabvuma kuenda, uye kwemwedzi minomwe yakatevera, Kim akafamba nesu kweanenge makiromita 13 000 nebhazi, ndege uye chitima sezvataishanyira ungano dziri kure nokure zvikuru dzomuQueensland uye kuNorthern Territory. Takanga tisina motokari panguva iyoyo.

Nguva dzose taigara mumisha yehama nehanzvadzi. Nemhaka yokupisa, mumazuva iwayo dzimba dzokurara dzaiwanzova nemaketeni panzvimbo pemadhoo, izvo zvaiita kuti tinetseke zvikuru Kim paaichema usiku. Zvakapedzisira zvatiomera chaizvo kutarisira mwana uye kuita basa rokufambira. Saka takagara muBrisbane, uye ndakatanga kuita basa rokunyora zvikwangwani raindiwanisa mari. Kwapera makore maviri Kim aberekwa, takava nomumwe mwanasikana, Petina.

Kushungurudzwa Nenhamo

Muna 1972, vasikana pavakanga vava nemakore 12 uye 10, Judy akafa nechirwere chinonzi Hodgkin’s Disease, rudzi rwekenza yelymphoma. Zvaiita sokuti mhuri yedu yaizotadza kutsungirira kurasikirwa uku. Kunyange zvakadaro, Judy paakanga achirwara uye afa, Jehovha akatinyaradza neShoko rake, mudzimu mutsvene wake uye hama dzedu. Takasimbiswawo nemagazini yeNharireyomurindi yatakawana pashure chaipo penhamo yacho. Yaiva nenyaya yaitaura nezvokutarisana nemiedzo, kusanganisira kufirwa, uye yakaratidza kuti miedzo ingatibatsira sei kuti tive nounhu hunotibatsira kuti tirambe tiine ukama hwakanaka naMwari, hwakaita sokutsungirira, kutenda, uye kuvimbika. *Jakobho 1:2-4.

Judy afa, ini nevanasikana vangu takatanga kuwirirana zvikuru. Asi ndinofanira kubvuma kuti zvakanga zvakaoma kuedza kuva zvose, baba naamai. Zvisinei, vanasikana vangu vakaita kuti basa racho rive nyore.

Kuroorazve uye Kuva Nemhuri Yakakura

Nokufamba kwenguva, ndakaroorazve. Ini nomudzimai wangu mutsva Mary, takanga tiine zvakawanda zvakafanana. Naiyewo akanga afirwa nomumwe wake pamusana peHodgkin’s Disease. Aivawo nevanasikana vaviri—Colleen naJennifer. Colleen akanga ari muduku kuna Petina neanenge makore matatu. Saka iye zvino takanga tava nevanasikana vana mumhuri yedu, vaine makore 14, 12, 9, ne7.

Pakutanga ini naMary takanga tasarudza kuti mumwe nomumwe aizoranga vana vake kusvikira zvava kuita kuti vamwe vana vabvume kurayirwa nomumwe mubereki. Somurume nomudzimai, ini naMary takanga tiine mitemo miviri yaikosha. Wokutanga, takanga tisingambotauri kusawirirana kwedu vana varipo, uye wechipiri, maererano nomutemo weBhaibheri uri pana VaEfeso 4:26, taitaura kusvikira tapedza kugadzirisa zvinhu zvainetsa—kunyange izvozvo zvaizotora maawa!

Mumwe nomumwe wedu akachinja nenzira inoshamisa kuti apindirane noupenyu hutsva, asi hatina kukurumidza kukanganwa kufirwa kwatakanga taita. Somuenzaniso, Muvhuro manheru raiva zuva raMary “rokuchema.” Tapedza kudzidza semhuri, vasikana vaenda kunorara, Mary aingoerekana ava kubudisa shungu dzake nokusvimha misodzi.

Mary akanga achida kuti tive nomwana wedu pachedu. Zvinosuruvarisa kuti pamuviri pake pakabva. Mary akazobatazve pamuviri, uye panguva ino, pane chishamiso chikuru chakanga chakatimirira. Ultrasound yakaratidza kuti akanga akatakura kwete mwana mumwe chete, asi vana! Ndakapererwa! Ndakanga ndava nemakore 47 uye munguva pfupi ndaizova baba vevana vasere! Mary akaita zvokuvhiyiwa musi waFebruary 14, 1982, vana vacho vaine vhiki 32. Vakaberekwa vachitevedzana seizvi: Clint, aive ne1,6kg; Cindy, aiva ne1,9kg; Jeremy, aiva ne1,4kg; naDanette, aiva ne1,7kg. Hapana akanga akafanana nomumwe.

Mary achangobva kubatsirwa, chiremba wake akauya akagara padivi pangu.

“Uri kunetseka kuti uchatarisira sei vana here?” akabvunza kudaro.

“Izvi hazvisati zvamboitika kwandiri.”

Mashoko ake akatevera akandishamisa zvikuru uye akandikurudzira.

“Ungano yenyu haimbokurasi,” akadaro. “Mwana asingachemi anofira mumbereko!”

Nemhaka yokugona basa kwachiremba uyu anobatsira vakadzi kusununguka nevaaishanda navo, mumwedzi miviri chete vana vana vakagwinya vakabuda muchipatara.

Dambudziko Rokurera Vana Vana

Kuti zvinhu zvive zvakarongeka, ini naMary takagadzira purogiramu yemaawa 24. Vanasikana vana vakura vaibatsira zvikuru pakurera vana. Zvakataurwa nachiremba uya chainge chiri chokwadi—“pandaichemera” kubatsirwa, ungano yaibva yabatsirana kutiyamura. Izvi zvisati zvaitika, shamwari yangu yenguva refu John MacArthur, akanga aronga kuti Zvapupu zvaiziva basa rokuvaka zviwedzere imba yedu. Vana pavakaberekwa, boka rehanzvadzi rakabatsira kuvatarisira. Mutsa wose iwoyu wakaratidza rudo rwechiKristu.—1 Johani 3:18.

Neimwe nzira, vana vana vacho vakanga vari “vana veungano.” Nanhasi, vanoona hama nehanzvadzi dzakawanda dzakatibatsira dziri muungano semhuri yedu. Kana ari Mary, akaratidza kuva mudzimai naamai vakanaka zvikuru vakazvipira kutarisira vana vavo nomwoyo wose. Akanyatsoshandisa zvaakadzidza muShoko raMwari uye musangano rake. Hakuna rimwe zano rakanaka rinopfuura irori!—Pisarema 1:2, 3; Mateu 24:45.

Misangano yechiKristu uye basa rokuparidza zvakaramba zviri zvinhu zvinokosha zvataigara tichiita vhiki nevhiki, kunyange zvazvo zvakanga zvakaoma tichitarisira vana vana. Chikomborero chatakava nacho panguva iyoyo dzaiva mhuri mbiri dzataidzidza nadzo Bhaibheri, idzo dzaiuya kumba kwedu kuti tizodzidza. Kunyange zvazvo izvi zvakaita kuti zvinhu zvitiitire nyore, pane dzimwe nguva Mary ainge akaneta zvokuti aitsimwaira panguva yechidzidzo, aine mwana anenge akakotsirawo mumaoko ake. Pashure penguva yakati, mhuri idzi dzakazova hama nehanzvadzi dzedu dzatinonamata nadzo.

Kuvadzidzisa Zvine Chokuita Nokunamata Vachiri Vaduku

Kunyange vana pavakanga vasati vava kugona kufamba, ini, Mary nevasikana vakuru taienda navo muushumiri hwomumunda. Pavakanga vava kudzidzira kufamba, ini ndaienda nevaviri, Mary oendawo nevaviri, uye vakanga vasinganetsi. Chokwadi, kakawanda taitotaura nezvavo navanasaimba vainge vakasununguka. Rimwe zuva ndakasangana nomumwe murume aiti kana vanhu vakaberekwa chero musiwo zvawo paine chiratidzo chenyeredzi, unhu hwavo hwaizofanana maererano nezvainge zvakarongwa. Handina kumuitisa nharo, asi ndakamukumbira kana zvaiita kuti ndizodzoka gare gare mangwanani iwayo. Akabvuma, saka ndakadzokera ndiine vana vaya vana. Paakanga akavatarisa achishamisika, ndakaita kuti vamire zvaienderana nokuberekwa kwavo. Takazokurukurirana zvinofadza, kwete chete nezvokuti vakanga vasina kufanana asiwo nezvounhu hwavo hwainge hwakasiyana zvikuru, izvo zvakavhiringidza zvaaidavira. “Zvinosetsa kuti ndakakuudza nezvedzidziso iyi,” akadaro. “Ndichafanira kuzotsvakurudzazve, handiti?”

Vava ndumure, vakanga vasingadi kurangwa vari pamwe chete pavainge vaita misikanzwa, saka taivaruramisa mumwe nomumwe ari oga. Kunyange zvakadaro, vakadzidza kuti vose vaishandisirwa mitemo yakafanana. Pavaitarisana nenhau dzaiva nechokuita nehana kuchikoro, vairamba vachitsigira mirayiro yeBhaibheri uye vaitsigirana, Cindy ari mumiririri wavo. Vanhu vakapedzisira vava kuziva kuti vana ava vaiita chirwirangwe.

Ini naMary takava nematambudziko anosanganawo nevanhu vose pakubatsira vana kuti varambe vakavimbika kuna Jehovha pavaiva mumakore avo okuyaruka. Tinongogona kutaura kuti basa racho ringadai rakatiomera zvikuru kudai takanga tisina kutsigirwa neungano ine rudo uye zvokudya zvakawanda zvine chokuita nokunamata zvaibva kusangano raJehovha rinooneka. Taiedza kuva nechidzidzo cheBhaibheri chemhuri nguva dzose uye kukurukurirana takasununguka, kunyange zvazvo zvakanga zvisiri nyore nguva dzose. Izvi zvakashanda nokuti vana vedu vose vasere vakasarudza kushumira Jehovha.

Matambudziko Okukwegura

Mumakore ose aya, ndakafarawo kuva nezvikomborero zvakawanda zvine chokuita nokunamata seizvi: kuva mukuru muungano, mutariri weguta, uye kumbotsiva mutariri wedunhu. Ndakamboshandawo senhengo yeDare Rokukurukura Nezvipatara rokwedu, rinobatsira vanachiremba kuti vabvume kubatsira Zvapupu pazvinenge zvatarisana nenhau yeropa. Ndave ndiine ropafadzo yokuva muchatisi kwemakore 34. Ndakaitisa michato 350, kusanganisira yevanasikana vangu vatanhatu.

Nguva dzose ndinoonga Jehovha kuti pakutanga Judy, uye iye zvino Mary, vakanditsigira vakavimbika. (Zvirevo 31:10, 30) Pavainditsigira mubasa rangu somukuru weungano, vakaratidzawo muenzaniso wakanaka zvikuru muushumiri uye vakabatsira kuroverera zvinhu zvine chokuita nokunamata muvana.

Muna 1996, ndakanzi ndine chirwere chepfungwa chinoita kuti ndive nenhetemwa uye kuti ndisatsiga. Saka, ndakanga ndisingachakwanisi kuita basa rokunyora zvikwangwani. Zvisinei, ndichiri kufara zvikuru kushumira Jehovha, kunyange zvazvo ndava kuita zvishoma. Zvinokurudzirawo ndezvokuti, ndava kunyanya kunzwira tsitsi vamwe vakura.

Sezvandinofungisisa nezvoupenyu hwangu, ndinoonga Jehovha nokundibatsira nguva dzose kuti ini nemhuri yangu titarisane nezvinonetsa zvakawanda asi tichifara. (Isaya 41:10) Ini naMary, pamwe chete nevana vedu vasere, tinoonga mhuri inotsigira yehama nehanzvadzi dzatinonamata nadzo. Vose vakaratidza rudo munzira dzakawanda zvokuti hatigoni kudzitsanangura.—Johani 13:34, 35.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi iye zvino harichadhindwi.

^ ndima 17 Ona Nharireyomurindi yaSeptember 15, 1972, pamapeji 417-22.

[Mufananidzo uri papeji 12]

Ndiina Amai, mukoma wangu mukuru Garth nehanzvadzi yangu Dawn, tagadzirira kuenda kugungano reruwa muna 1941 kuSydney

[Mufananidzo uri papeji 13]

Ndiina Judy nomwana wedu Kim pandakanga ndiri mubasa redunhu kuQueensland

[Mufananidzo uri papeji 15]

Vana vana pavakanga vaberekwa, vanasikana vedu vana vakuru uye ungano vakabatsirana kutiyamura