Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuwana Nzira Yokufamba Nayo Munyanza Yakakura

Kuwana Nzira Yokufamba Nayo Munyanza Yakakura

Kuwana Nzira Yokufamba Nayo Munyanza Yakakura

MARSHALL Islands ine zvitsuwa zvikuru nezviduku zvinopfuura 1 200, zvakawanda zvacho hazvimbopfuuri mamita 6 kubva pamwero wegungwa. Zvinonyangarika usati watombosvika kure mugungwa. Asi vanhu vekare vomuzvitsuwa izvi vaifamba mugungwa vaikwanisa kufamba vachibva pane zvitsuwa zviduku vachienda kune zvimwe zviduku nemagwa avo, vachiziva mokufamba namo muPacific Ocean yakakura masikweyakiromita anenge 2 000 000. Vaizviita sei? Vaitungamirirwa ne“mepu” dzakanga dziri nyore kushandisa, uye dzakanga dzisingarasi dzainzi stick charts.

Vafambi vomugungwa vokuMarshall vakapedzisira vava noruzivo rwokuti kana paine nyika yakaoma, kwairi kunogona kuzivikanwa nokuona zvinoita masaisai kunyange iri kure nemakiromita anenge 30. Paiva nezvakawanda zvavaifanira kudzidza zvinoita masaisai, uye mepu dziya dzinonzi stick charts dzaibatsira kuyeuchidza. Mepu idzi dzaiva dzakaita sei? Sezvaunogona kuona pamufananidzo, tumiti twakagadzirwa nemidzi yomupandanus inenge yatsemurwa kana kuti twakagadzirwa nemisana yemashizha omukokonati yaisungwa pamwe chete sezviri pamufananidzo zvichiratidza zvinenge zvakaita masaisai. Zvidemhe zvehozhwa dzomugungwa zvaisungirirwapo kuratidza kune zvitsuwa.

Kwemakore akawanda, kufamba mugungwa pachishandiswa mepu dzestick chart kwakaramba kusingazivikanwi nevoruzhinji, kwaingoziviswa vaya vainge vasarudzwa chete. Mufambi wechiduku womugungwa aidzidza sei kushandisa mepu idzi? Aitofanira kudzidziswa uyewo ozodzidzira kushandisa zvaanenge adzidza. Mufambi womugungwa ane ruzivo aidzidzisa mufambi muduku, zvimwe nokuenda naye kuzvitsuva zvaiva pedyo vari voga. Mudzidzi wacho paaidzidzira kuziva zvinoreva marudzi emasaisai akasiyana-siyana, aibva awedzera chivimbo chokushandisa mepu yake. Pakupedzisira, aizogona kufamba munyanza ari oga.

Nenzira yakafanana, Shoko raMwari, Bhaibheri, rinogona kutitungamirira parwendo rwoupenyu. Pakutanga, mumwe munhu angatibatsira kuti tinzwisise Magwaro. Zvadaro, sezvatinoramba tichidzidza Shoko raMwari uye tichishandisa zvatinodzidza, tinova nechivimbo nezvarinotaura. Joshua, mutungamiriri wevaIsraeri, akaudzwa kuti arambe achiverenga Shoko raMwari kuitira kuti a“chenjerere kuita maererano nezvose zvakanyorwa mariri.” Mwari akaudza Joshua kuti, “Ukadaro uchaita kuti nzira yako ibudirire, wobva waita nokuchenjera.” (Joshua 1:8) Chokwadi, Bhaibheri rinogona kushanda semepu pakutiratidza nzira yechokwadi yokubudirira muupenyu.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

© Greg Vaughn