Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei Shanduro yeNyika Itsva pana Dheuteronomio 31:2 ichiti Mosesi akanga asinga“chabvumirwizve kubuda nokupinda” somutungamiriri waIsraeri, asi dzimwe shanduro dzichiratidza kuti akanga asingachakwanisi kuita kudaro?

Kunyange zvazvo shoko rechiHebheru ratiri kutaura nezvaro ringashandurwa nenzira dzacho dzose, kushandurwa kwarinoitwa nedzimwe shanduro dzeShona dzeBhaibheri kunoratidza kuti pedyo nokumugumo woupenyu hwake, Mosesi akanga ava ndonda, asingachakwanisi kuita mabasa ake okutungamirira. Somuenzaniso, Bhaibheri Mundimi yeUnion Shona rinotaura Mosesi seaiti: “Ndava namakore ane zana namakumi maviri nhasi, handichagoni kubuda nokupinda.” Saizvozvowo, Bhaibheri Rinoera rinoti: “Handichagoni kubuda kana kupinda.”

Zvisinei, Dheuteronomio 34:7 inoratidza kuti kunyange zvazvo Mosesi akanga akura, akanga asiri ndonda. Inoti: “Mosesi akanga ava nemakore zana nemakumi maviri paakafa. Maziso ake akanga achiri kuona, uye simba rake rakanga risati rapera.” Saka Mosesi akanga achiri kukwanisa kutungamirira rudzi rwacho, asi Jehovha akanga asingadi kuti arambe achidaro. Izvi zvinooneka pane zvakazotaurwa naMosesi kuti: “Jehovha zvaakati kwandiri, ‘Hauzoyambuki Jodhani urwu.’” Zviri pachena kuti Jehovha akanga ari kudzokorora zvaakanga arayira pamvura yeMeribha.—Numeri 20:9-12.

Mosesi akanga ararama upenyu hwakareba uye hwakanaka, hunogona kukamurwa kuita zvikamu zvitatu. Kwemakore 40 aigara kuIjipiti, kwa“akarayiridzwa muuchenjeri hwose hwevaIjipiti” uye “mashoko ake nemabasa ake zvaiva nesimba.” (Mabasa 7:20-22) Kwemamwe makore 40 aigara kuMidhiyani. Ari ikoko akava nounhu hune chokuita nokunamata hwaidiwa kuti atungamirire vanhu vaJehovha. Mumakore 40 okupedzisira, Mosesi aitungamirira uye aitonga vaIsraeri. Saka zvino Jehovha akanga asarudza kuti Joshua ndiye aizotungamirira rudzi rwacho pakuyambuka Rwizi rwaJodhani ruchipinda muNyika Yakapikirwa, kwete Mosesi.—Dheuteronomio 31:3.

Saka Shanduro yeNyika Itsva inobudisa zvakarurama zvinoreva Dheuteronomio 31:2. Mosesi aisazoramba ari mutungamiriri wevaIsraeri, kwete nokuti akanga asisina simba, asi nokuti Jehovha haana kumubvumira kuti adaro.