Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shingiswa Nokutenda uye Nokutya Mwari

Shingiswa Nokutenda uye Nokutya Mwari

Shingiswa Nokutenda uye Nokutya Mwari

“Shinga, usimbe . . . Jehovha Mwari wako anewe.”—JOSHUA 1:9.

1, 2. (a) Maererano nemaonero anoita vanhu, paiva nomukana wokuti vaIsraeri vakunde vaKenani here? (b) Joshua akavimbiswazve kutii?

MUNA 1473 B.C.E., rudzi rwaIsraeri rwakanga rwagadzirira kupinda muNyika Yakapikirwa. Mosesi akayeuchidza vanhu nezvematambudziko avaizotarisana nawo, achiti: “Nhasi uri kuyambuka Jodhani kuti upinde imomo, udzinge marudzi makuru neane simba kukupfuura, maguta makuru uye akavakirirwa kusvika kumatenga, vanhu vahombe uye varefu, vanakomana vevaAnaki, . . . vawakanzwa nezvavo zvichinzi, ‘Ndiani angamirisana nevanakomana vevaAnaki?’” (Dheuteronomio 9:1, 2) Chokwadi, varwi ava vakanga vari hofori vaiva nomukurumbira! Uyezve, vamwe vaKenani vaiva nemauto aiva nezvombo zvakakwana, nemabhiza nengoro dzaiva nemajeko esimbi pamavhiri acho.—Vatongi 4:13.

2 Asiwo vaIsraeri vakambenge vari varanda uye kwemakore 40 akanga achangopfuura vakanga vari murenje. Saka, maererano nemaonero anoita vanhu zvinoita sokuti zvaisazoita kuti vakunde. Asi Mosesi aiva nokutenda; aigona ‘kuona’ Jehovha achivatungamirira. (VaHebheru 11:27) Mosesi akaudza vanhu kuti, “Jehovha Mwari wako ari kuyambuka ari pamberi pako . . Achavatsakatisa, uye achavakunda pamberi pako.” (Dheuteronomio 9:3; Pisarema 33:16, 17) Mosesi afa, Jehovha akavimbisazve Joshua kuti aizomutsigira, achiti: “Simuka, yambuka rwizi rwaJodhani urwu, iwe nevanhu ava vose, mupinde munyika yandiri kuvapa, ivo vanakomana vaIsraeri. Hapana munhu achamira zvakasimba pamberi pako mazuva ose oupenyu hwako. Ini zvandakava naMosesi ndichavawo newe.”—Joshua 1:2, 5.

3. Chii chakabatsira Joshua kuti ave nokutenda uye ashinge?

3 Kuti atsigirwe uye atungamirirwe naJehovha, Joshua aifanira kuverenga uye kufungisisa Mutemo waMwari uye kuita zvawaitaura. “Kana ukadaro uchaita kuti nzira yako ibudirire, wobva waita nokuchenjera,” akadaro Jehovha. “Handina kukurayira here? Shinga, usimbe. Usavhunduka kana kutya, nokuti Jehovha Mwari wako anewe kwose kwaunoenda.” (Joshua 1:8, 9) Nokuti Joshua akateerera Mwari, akaratidza kuti aiva akashinga, akasimba, uye akabudirira. Zvisinei, vakawanda vezera rake havana kuteerera. Saka havana kubudirira, uye vakafira murenje.

Vanhu Vasina Kutenda uye Vasina Ushingi

4, 5. (a) Maonero evasori gumi akanga akasiyana sei neaJoshua naKarebhi? (b) Jehovha akatii nezvokusava nokutenda kwevanhu?

4 Makore makumi mana izvi zvisati zvaitika, vaIsraeri pavakasvika kuKenani, Mosesi akatuma varume 12 kunosora nyika yacho. Gumi vakadzoka vachitya. “Vanhu vose vatakaona mairi varume vakanyanyisa kukura,” vakashevedzera vachidaro. “Takaona vaNefirimu ikoko, vanakomana vaAnaki, vakabva kuvaNefirimu; zvokuti takazviona sehwiza.” Kunze kwevaAnaki, vamwe “vanhu vose” vaivawo hofori here? Aiwa. VaAnaki vaiva vazukuru vevaNefirimu vakararama Mafashamo asati aitika here? Chokwadi kwete! Kunyange zvakadaro, nemhaka yematauriro avakaita vachiwedzeredza, vanhu vakawanda vaiva mumusasa vakatya. Vanhu vakanga vava kutoda kudzokera kuIjipiti, nyika yavaiva varanda!—Numeri 13:31–14:4.

5 Zvisinei, vaviri vevasori vacho, Joshua naKarebhi, vaida chaizvo kupinda muNyika Yakapikirwa. VaKenani “kudya kwedu,” vakadaro. “Chinodzivirira chavo chabva pamusoro pavo, uye Jehovha anesu. Regai kuvatya.” (Numeri 14:9) Joshua naKarebhi vakanga vari kungova netariro isina musoro here? Kwete! Ivo norudzi rwose, vakanga vaona Jehovha achininipisa Ijipiti yaiva nesimba navanamwari vayo achishandisa Matambudziko Gumi. Zvadaro vakaona Jehovha achinyudza Farao neuto rake muGungwa Dzvuku. (Pisarema 136:15) Zvaiva pachena kuti vasori gumi nevaya vakanga vavateerera vaiva vasina chikonzero chokutya. “Vacharamba vasingatendi mandiri nokuda kwezviratidzo zvose zvandakaita pakati pavo kusvikira rini?” akadaro Jehovha, achiratidza kurwadziwa kukuru.—Numeri 14:11.

6. Kushinga kunofambidzana nokutenda pakudini, uye izvi zvinoonekwa sei mazuva ano?

6 Jehovha akataura chinetso chacho chaicho—kutya kwaiita vanhu kwairatidza kuti vakanga vasina kutenda. Chokwadi, kutenda kunofambidzana noushingi, zvokuti muapostora Johani aigona kunyora nezveungano yechiKristu uye hondo yayo yezvokunamata achiti: “Uku ndiko kukunda kwatakakunda nyika nakwo, iko kutenda kwedu.” (1 Johani 5:4) Mazuva ano, kutenda kwakaita sokwaJoshua naKarebhi kuri kuita kuti mashoko akanaka oUmambo aparidzirwe munyika yose neZvapupu zvaJehovha zvinopfuura mamiriyoni matanhatu, vakuru nevaduku, vakasimba nendonda. Hapana muvengi ave achikwanisa kunyaradza iri uto rakasimba, rakashinga.—VaRoma 8:31.

Usa“dzokera Shure”

7. Ku“dzokera shure” kunorevei?

7 Mazuva ano vashumiri vaJehovha vanoparidza mashoko akanaka noushingi nokuti vane pfungwa dzakafanana nedzomuapostora Pauro, uyo akanyora kuti: “Hatisi vaya vanodzokera shure kunoparadzwa, asi vaya vane kutenda kunochengetedza mweya uri mupenyu.” (VaHebheru 10:39) Ku“dzokera shure,” sezvakataurwa naPauro, hakurevi kutya kwenguva pfupi, nokuti vashumiri vaMwari vakatendeka vakawanda pane dzimwe nguva vakambotya. (1 Samueri 21:12; 1 Madzimambo 19:1-4) Asi kunoreva “kudzoka, kurega,” ku“regeredza chokwadi,” rinotsanangura kudaro rimwe duramazwi reBhaibheri. Rinowedzera kuti “kudzokera shure” ringava dimikira rinobva paku“deredza seiri rengarava zvoita kuti ifambe zvishoma nezvishoma” asi apa riri kushandisirwa panyaya ine chokuita nebasa raMwari. Chokwadi, vaya vane kutenda kwakasimba havafungi nezvoku“famba zvishoma nezvishoma” panomuka chinetso—chingava chokutambudzwa, kurwara, kana kuti mumwe muedzo. Pane kudaro, vanoramba vachishumira Jehovha, vachiziva kuti ane hanya navo zvikuru uye anoziva zvavasingakwanisi kuita. (Pisarema 55:22; 103:14) Une kutenda kwakadaro here?

8, 9. (a) Jehovha akasimbisa sei kutenda kwevaKristu vekare? (b) Tingaitei kuti tivake kutenda kwedu?

8 Pane imwe nguva vaapostora vainzwa sokuti vakanga vasina kutenda kwakanyatsokwana, saka vakati kuna Jesu: “Tiwedzereiwo kutenda.” (Ruka 17:5) Chikumbiro chavo chomwoyo wose chakapindurwa, kunyanya paPendekotsi ya33 C.E., mudzimu mutsvene wakapikirwa pawakauya pavadzidzi ukaita kuti vanzwisise zvakadzama Shoko raMwari nechinangwa chake. (Johani 14:26; Mabasa 2:1-4) Kutenda kwavo kwasimbiswa, vadzidzi vakatanga kuparidza pasinei nokushorwa uye vakaendesa mashoko akanaka ku“zvisikwa zvose zviri pasi pedenga.”—VaKorose 1:23; Mabasa 1:8; 28:22.

9 Kuti tivake kutenda kwedu uye tishande nesimba muushumiri hwedu, isuwo tinofanira kudzidza, tofungisisa Magwaro uye tonyengeterera mudzimu mutsvene. Kana tikaroverera chokwadi chaMwari mupfungwa dzedu nemwoyo yedu—sezvakaitwa naJoshua, Karebhi, uye vadzidzi vaKristu vekare—tichava nokutenda kunotipa ushingi hwatinofanira kuva nahwo kuti titsungirire muhondo yedu yezvokunamata uye tikunde.—VaRoma 10:17.

Kutenda—Hakusi Kungodavirawo Zvako

10. Kutenda kwechokwadi kunosanganisirei?

10 Sezvakaratidzwa nevanhu vomunguva dzeBhaibheri vakaramba vakatendeseka, kutenda kunoita kuti munhu ave noushingi uye atsungirire hakusi kungodavira kuti Mwari ariko. (Jakobho 2:19) Kunoda kuti tizive Jehovha somunhu tovimba naye zvakazara. (Pisarema 78:5-8; Zvirevo 3:5, 6) Kunoreva kutenda nomwoyo wedu wose kuti kuteerera mitemo yaMwari nezvaanotaura kunotibatsira zvikuru. (Isaya 48:17, 18) Kutenda kunosanganisirawo kuvimba zvakazara kuti Jehovha achazadzikisa zvipikirwa zvake zvose uye acha“pa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.”—VaHebheru 11:1, 6; Isaya 55:11.

11. Joshua naKarebhi vakakomborerwa sei nokuda kwokutenda kwavo uye ushingi hwavo?

11 Kutenda kwakadaro kunofambira mberi. Kunokura patinoshandisa chokwadi muupenyu hwedu, patino“ravira” kubatsirwa kwatinoita, ‘patinoona’ mhinduro dzeminyengetero yedu uye nedzimwe nzira, patinoona kutungamirira kunoita Jehovha upenyu hwedu. (Pisarema 34:8; 1 Johani 5:14, 15) Tinogona kuva nechokwadi chokuti kutenda kwaJoshua naKarebhi kwakasimba pavakaravira kunaka kwaMwari. (Joshua 23:14) Funga nezvepfungwa idzi: Vakapukunyuka rwendo rwomurenje rwemakore 40, sezvakanga zvavimbiswa naMwari. (Numeri 14:27-30; 32:11, 12) Vakashanda nesimba pakukurira Kenani kwemakore matanhatu. Pakupedzisira, vakararama kwenguva refu vaine utano hwakanaka uye mumwe nomumwe akatopiwa nhaka yake. Zvechokwadi Jehovha anopa mubayiro vaya vanomushumira vakatendeka uye noushingi!—Joshua 14:6, 9-14; 19:49, 50; 24:29.

12. Jehovha ‘anokudza sei zvaanotaura’?

12 Mutsa worudo waMwari kuna Joshua naKarebhi unotiyeuchidza mashoko omunyori wepisarema, okuti: “Makakudza zvamakataura kutopfuura zita renyu rose.” (Pisarema 138:2) Jehovha paanoshandisa zita rake pane zvaanopikira, kuzadzika kwacho kunova chinhu ‘chikuru’ nokuti kunopfuura zvose zvingatarisirwa. (VaEfeso 3:20) Chokwadi, Jehovha haamboodzi mwoyo vaya vanomu“farira.”—Pisarema 37:3, 4.

Murume Aka“nyatsofadza Mwari”

13, 14. Nei Inoki aifanira kuva nokutenda noushingi?

13 Tinogona kudzidza zvakawanda nezvokutenda uye ushingi kana tikafunga nezvomuenzaniso wakaratidzwa nechimwe Chapupu chaivapo chiKristu chisati chatanga—Inoki. Kunyange asati atanga kuprofita, zvinoita sokuti Inoki aiziva kuti kutenda kwake noushingi zvaizoedzwa. Sei? Nokuti Jehovha akanga ataura muEdheni kuti paizova noruvengo pakati pevaya vanoshumira Mwari nevaya vanoshumira Satani Dhiyabhorosi. (Genesisi 3:15) Inoki aizivawo kuti ruvengo urwu rwakanga rwatanga vanhu vachangobva kusikwa Kaini paakaponda munun’una wake Abheri. Zvechokwadi baba vavo Adhamu vakararama makore anoda kusvika 310 Inoki aberekwa.—Genesisi 5:3-18.

14 Zvisinei, pasinei nezvose izvi, Inoki noushingi “akaramba achifamba naMwari wechokwadi” uye akazvidza zvinhu “zvinoshamisa kwazvo” zvaitaurwa nevanhu vachishora Jehovha. (Genesisi 5:22; Judha 14, 15) Zviri pachena kuti uku kusatya kumiririra kunamata kwechokwadi kwakaita kuti Inoki avengwe nevakawanda, zvichiisa upenyu hwake mungozi. Muchiitiko ichi, Jehovha akaita kuti muprofita wake asarwadziwa norufu. Azivisa Inoki kuti ‘akanga anyatsomufadza,’ Jehovha aka“mutamisa” kubva kuupenyu kuenda kurufu, zvichida panguva yaainge achimuratidza uprofita.—VaHebheru 11:5, 13; Genesisi 5:24.

15. Muenzaniso upi wakanaka wakasiyiwa naInoki wokuti vashumiri vaJehovha vemazuva ano vatevedzere?

15 Achangobva kutaura nezvokutamiswa kwaInoki, Pauro akasimbisazve kukosha kwokutenda, achiti: ‘Zvakare, pasina kutenda hazvibviri kunyatsofadza Mwari.’ (VaHebheru 11:6) Chokwadi, kuva nokutenda kwakapa Inoki ushingi hwokufamba naJehovha uye kuzivisa shoko raMwari rokutonga kwaaizoita nyika yaiva isingamudi. Pane izvi, Inoki akatisiyira muenzaniso wakanaka. Tine basa rakafanana ratinofanira kuita munyika inoshora kunamata kwechokwadi uye yakazara nouipi hwemarudzi ose.—Pisarema 92:7; Mateu 24:14; Zvakazarurwa 12:17.

Ushingi Hunobva Pakutya Mwari

16, 17. Obhadhiya aiva ani, uye akatarisana nemamiriro ezvinhu api?

16 Kunze kwokutenda, pane humwe unhu hunobatsira kuti munhu ave noushingi, kutya Mwari kwokumuremekedza. Ngatimbofungai nezvomuenzaniso wakasiyana nemimwe womunhu aitya Mwari akararama mumazuva omuprofita Eriya neaMambo Ahabhi, uyo aitonga umambo hwaIsraeri hwokuchamhembe. Paitonga Ahabhi, umambo hwokuchamhembe hwakanga hwava kunamata Bhaari zvakanga zvisati zvamboitika. Kutaura zvazviri, vaprofita vaBhaari 450 nevaprofita 400 vedanda dzvene, chiratidzo chenhengo yomunhurume, vakanga vachi“dyira patafura yaJezebheri,” mudzimai waAhabhi.—1 Madzimambo 16:30-33; 18:19.

17 Jezebheri, aivenga Jehovha zvikuru, akaedza kutsakatisa kunamata kwechokwadi munyika yacho. Akaponda vamwe vaprofita vaJehovha uye akatoedza kuuraya Eriya, uyo akapukunyuka paakatiza achiyambuka Jodhani arayirwa naMwari. (1 Madzimambo 17:1-3; 18:13) Ungafungidzira here kuti zvaiva zvakaoma sei kutsigira kunamata kwakachena muumambo hwokuchamhembe kare ikako, ndoda kana waishanda mumuzinda wamambo? Ndiwo mamiriro ezvinhu akatarisana naObhadhiya * aitya Mwari, uyo aitarisira imba yaAhabhi.—1 Madzimambo 18:3.

18. Chii chakaita kuti Obhadhiya ave munamati waJehovha akasiyana nevamwe?

18 Hapana mubvunzo kuti Obhadhiya aichenjerera uye aingwarira pakunamata kwaaiita Jehovha. Kunyange zvakadaro, haana kubvuma kuita zvisina kururama. Kutaura zvazviri, 1 Madzimambo 18:3 inotiudza kuti: “Obhadhiya akanga ari munhu aitya Jehovha kwazvo.” Chokwadi kutya Mwari kwaiita Obhadhiya kwakanga kwakasiyana nezvaiita vamwe! Uku kutya Mwari kwakanaka kwakaitawo kuti ave noushingi, sohwaakaratidza pashure pokunge Jezebheri aponda vaprofita vaJehovha.

19. Chii chakaitwa naObhadhiya chakaratidza ushingi hwake?

19 Tinoverenga kuti: “Jezebheri paakauraya vaprofita vaJehovha, Obhadhiya akatora vaprofita zana, akaramba akavavanza mubako vari mumapoka emakumi mashanu, akavapa zvokudya nemvura.” (1 Madzimambo 18:4) Sezvaungafungidzira, kupa varume zana zvokudya usingaonekwi ibasa raiva nengozi zvikuru. Obhadhiya akanga asingafaniri kungobatwa naAhabhi naJezebheri chete asiwo aisafanira kuonekwa nevaprofita venhema 850 vaigara vachiuya kumuzinda wamambo. Kunze kweizvozvo, hapana mubvunzo kuti vamwe vanamati venhema vakawanda vaiva munyika yacho, kubvira kuvanhuwo zvavo kusvika kumachinda, vangadai vakashandisa mukana chero upi zvawo kuti vafumure Obhadhiya, kuitira kuti vatsvake dzvene kuna mambo uye mambokadzi. Kunyange zvakadaro, Obhadhiya akatarisira zvaidiwa nevaprofita vaJehovha noushingi, vanamati vezvidhori vose ava vachitozviona. Kutya Mwari kunogona kuva nesimba zvikuru!

20. Obhadhiya akabatsirwa sei nokutya Mwari, uye muenzaniso wake unokubatsira sei?

20 Nokuti Obhadhiya akaratidza ushingi nokutya Mwari, zviri pachena kuti Jehovha akamudzivirira pavavengi vake. Zvirevo 29:25 inoti: “Kutya munhu ndiko kunounza musungo, asi anovimba naJehovha achadzivirirwa.” Obhadhiya aiva munhu akangofanana nevamwe vanhu vose; aitya kubatwa uye kuurayiwa, sezvataizoitawo. (1 Madzimambo 18:7-9, 12) Kunyange zvakadaro, kutya Mwari kwakamupa ushingi hwokukurira kutya munhu chero kupi zvako kwaangave aiita. Obhadhiya muenzaniso wakanaka zvikuru kwatiri tose, kunyanya kune vaya vanonamata Jehovha zvichiita kuti rusununguko rwavo kunyange upenyu hwavo huve pangozi. (Mateu 24:9) Chokwadi, tose zvedu ngatiedzei kushumira Jehovha “nokumutya nokumuremekedza.”—VaHebheru 12:28.

21. Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

21 Kutenda uye kutya Mwari hausihwo chete unhu hunoita kuti munhu ave noushingi; rudo rungatova simba rinokurudzira zvikuru. “Mwari haana kutipa mudzimu woumbwende, asi wesimba noworudo nowokuva nepfungwa dzakanaka,” akanyora kudaro Pauro. (2 Timoti 1:7) Munyaya inotevera, tichaona kuti rudo rungatibatsira sei kushumira Jehovha noushingi mumazuva ano okupedzisira anonetsa.—2 Timoti 3:1.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 17 Kwete muprofita Obhadhiya.

Ungapindura Here?

• Chii chakabatsira Joshua naKarebhi kuti vave noushingi?

• Kutenda kwechokwadi kunosanganisirei?

• Nei Inoki akanga asingatyi kuzivisa shoko rokutonga kwaMwari?

• Kutya Mwari kunobatsira sei kuti vanhu vave noushingi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 16, 17]

Jehovha akarayira Joshua kuti: “Shinga, usimbe”

[Mufananidzo uri papeji 18]

Obhadhiya akatarisira uye akadzivirira vaprofita vaMwari

[Mifananidzo iri papeji 19]

Inoki akataura shoko raMwari noushingi