Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kurarama Nokusingaperi

Unogona Kurarama Nokusingaperi

Unogona Kurarama Nokusingaperi

VATENDI vakawanda vari muzvitendero zvenyika vane tarisiro yokurarama upenyu husingagumi wava chimwe chinhu. Zvavanotaura zvingasiyana-siyana zvichienderana nechitendero chavo, asi tariro yavo imwe chete—yokurarama vachifara mumamiriro ezvinhu akanaka vasingatyi kufa. Izvozvo handizvo zvaunodawo here? Kupararira kwakaita zvavanodavira izvozvo kungatsanangurwa sei? Uye vanhu vachazomborarama nokusingagumi sezvavanotarisira here?

Magwaro anoratidza kuti Musiki akaita kuti vanhu vave nechido choupenyu husingaperi kubvira pakutanga chaipo, kubvira panguva yaakasika vanhu vaviri vokutanga. Mwari “akaisawo nguva isingagumi mumwoyo mavo,” rinodaro Bhaibheri.—Muparidzi 3:11.

Zvisinei, kuti vazadzikise chido ichocho chokurarama nokusingaperi, vanhu vaviri vokutanga vaifanira kubvuma chiremera chaMwari chokusarudza zvakanaka nezvakaipa. Kudai vakanga vaita izvozvo, Jehovha angadai akavati vakakodzera upenyu “nokusingagumi” mumusha waakanga avagadzirira, munda weEdheni.—Genesisi 2:8; 3:22.

Upenyu Husingaperi Hunorasika

Zvakanyorwa muBhaibheri zvinoratidza kuti Mwari akadyara mumunda “muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa,” waiva nomuchero waakarambidza Adhamu naEvha kudya, nokuti vaizofa. (Genesisi 2:9, 17) Kurega kwaAdhamu naEvha kudya muchero iwoyo kwaizoratidza Mwari kuti vakanga vabvuma kuzviisa pasi pechiremera chake. Asi kudya muti wacho kwaizoratidza kuti vakanga varamba kuzviisa pasi pechiremera chaMwari. Adhamu naEvha havana kuteerera mirayiridzo yaJehovha uye vakatsigira Satani, chisikwa chomudzimu chakanga chapandukira chiremera chaMwari. Somugumisiro, Mwari akanga aine kodzero yokusarudza kuti Adhamu naEvha vakanga vasina kukodzera kurarama nokusingaperi.—Genesisi 3:1-6.

Mwari akanga aisa pamberi pavo upenyu kana kuti rufu, kuvapo kana kusavapo. Kusateerera kwaizoguma norufu uye kusavapo kwavo zvachose. Zvakanga zvisingaiti kuti Adhamu naEvha kana kuti chero vana vavo vapi zvavo varambe vachiraramiswa nomushonga wemashiripiti kana kuti nomweya usingafi. *

Vana vose vaAdhamu vakatambura nemhaka yokupanduka kwaakaita. Migumisiro yacho inotsanangurwa nomuapostora Pauro. Akanyora kuti: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.”—VaRoma 5:12.

Kuwanazve Upenyu Husingaperi

Muapostora Pauro akafananidza mamiriro ezvinhu evana vaAdhamu neaya omuranda womuzana remakore rokutanga. Nemhaka yechivi chavakagara nhaka, vana vaAdhamu naEvha vakanga vasingagoni kunzvenga kuberekwa vari “varanda vechivi,” vanofanira kufa. (VaRoma 5:12; 6:16, 17) Kudai Jehovha akanga asina kugadzirisa mamiriro acho ezvinhu nenzira iri pamutemo kuti atengere varanda vakadaro rusununguko, vaisazogona kunzvenga uranda hwacho. Pauro akatsanangura kuti: “Kungofanana nokudarika kumwe chete [kwaAdhamu] kwakaita kuti vanhu vemarudzi ose vapiwe mhosva, saizvozvowo nokuda kwokururamisa kumwe chete, vanhu vemarudzi ose vanonzi vakarurama nokuda kwoupenyu.” “Kururamisa” ikoko kwakaita kuti Jesu ape upenyu hwake hwakakwana so“rudzikinuro runoenzanirana navose.” Jehovha aiziva kuti rudzikinuro rune simba repamutemo rokusunungura vanhu pa“kutongwa” kwo“kupiwa mhosva.”—VaRoma 5:16, 18, 19; 1 Timoti 2:5, 6.

Ndokusaka vasayendisiti vasingazombofi vakawana mushonga woupenyu husingagumi mumaumbirwo akaitwa munhu. Mushonga wacho hausi mumaumbirwo ake. Maererano neBhaibheri, chinokonzera kufa kwevanhu inyaya ine chokuita netsika nomutemo, kwete maumbirwo atakaitwa. Nzira yokudzorera nayo upenyu husingaperi—chibayiro chorudzikinuro chaJesu—inewo chokuita nomutemo. Rudzikinuro kuratidzwawo kwokururama kwaMwari uye mutsa worudo. Saka, ndiani achabatsirwa norudzikinuro uye achawana upenyu husingaperi?

Chipo Chokusafa

Jehovha Mwari ave aripo “kubvira narini kusvikira narini.” Haafi. (Pisarema 90:2) Munhu wokutanga akapiwa chipo chokusafa naJehovha aiva Jesu Kristu. Muapostora Pauro anotsanangura kuti: “Kristu, zvino zvaakamutswa kubva kuvakafa, haachafi; rufu harusisiri tenzi paari.” (VaRoma 6:9) Kutaura zvazviri, achisiyanisa Jesu akamutswa nevatongi vepasi pano, Pauro anomurondedzera achiti pane vose ndiye oga asingafi. Jesu acharamba “ari mupenyu nokusingaperi.” Upenyu hwake hahu“ngagoni kuparadzwa.”—VaHebheru 7:15-17, 23-25; 1 Timoti 6:15, 16.

Jesu haasiye oga achawana chipo chakadaro. Kumutswa kwevaKristu vakazodzwa nomudzimu vakasarudzwa kuti vanotonga semadzimambo mumbiri yokudenga kwakafanana nokwaJesu. (VaRoma 6:5) Muapostora Johani anoratidza kuti chipo ichi chinopiwa vanhu 144 000. (Zvakazarurwa 14:1) Ivowo havazofi. Nezvokumutswa kwavo, Pauro anoti: “Nyama neropa hazvingagari nhaka youmambo hwaMwari . . . Bhosvo richarira, vakafa vachamutswa vasingachaori, uye isu tichachinjwa. Nokuti ichi chinoora chinofanira kupfeka kusaora, uye ichi chinofa chinofanira kupfeka kusafa.” Rufu haruna simba pane vaya vanomutswa nenzira iyoyo.—1 VaKorinde 15:50-53; Zvakazarurwa 20:6.

Izvi zvakaziviswa naMwari zvinoshamisa zvechokwadi. Pasinei nokuti zvisikwa zvomudzimu, kunyange ngirozi hadzina kusikwa dzichinzi hadzifi. Izvi zvinoratidzwa nokuti zvisikwa zvomudzimu zviya zvakabatana naSatani pakupanduka zvichaurayiwa. (Mateu 25:41) Asi vaya vachatonga pamwe chete naJesu, vanogamuchira chipo chokusafa, zvinoratidza kuti Jehovha anovimba zvakakwana nokutendeka kwavo.

Izvi zvinoreva here kuti vanhu 144 000 chete, nhamba duku zvikuru kana ichienzaniswa nemabhiriyoni evanhu akamborarama, ndivo voga vachararama nokusingaperi? Aiwa. Ngationei kuti nei tichidaro.

Upenyu Husingaperi muParadhiso Pasi Pano

Bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinorondedzera boka revanhu vasingaverengeki vanopiwa upenyu husingaperi muparadhiso pasi pano. Vanenge vaine vaya vakafa asi vanomutswa vodzorerwa utano nesimba zvouduku. (Zvakazarurwa 7:9; 20:12, 13; 21:3, 4) Vanoendeswa ku“rwizi rwemvura youpenyu, inoonekera sekristaro, ichiyerera ichibva pachigaro choumambo chaMwari.” Nechomumhenderekedzo dzarwo mune “miti youpenyu . . . , mashizha emiti yacho akanga ari okurapa marudzi.” Jehovha Mwari anovakoka nomutsa achiti: “Munhu wose anonzwa nyota ngaauye; munhu wose anoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.”—Zvakazarurwa 22:1, 2, 17.

Miti iyi nemvura hausi mushonga woupenyu kana kuti chitubu choupwere, zvakaita sezviya zvaitsvakwa kwemazana emakore nenyanzvi dzemishonga yokurapa nevaongorori. Asi inomiririra urongwa hwaMwari hwokudzorera vanhu kuti vave vakakwana sezvavaiva vakaita pakutanga achishandisa Jesu Kristu.

Chinangwa chaMwari chokupa vanhu vanoteerera upenyu husingaperi pasi pano hachisati chachinja. Chinangwa ichocho chichazadzikiswa, nokuti Jehovha akavimbika. Pisarema 37:29 rinoti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” Vimbiso iyi inoita kuti isu pamwe chete nevanhu vaya vanopiwa kusafa kudenga, tizivise kuti: “Jehovha Mwari, Wemasimbaose, mabasa enyu makuru uye anoshamisa. Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi, imi Mambo asingagumi. Chokwadi ndiani asingazokutyii, Jehovha, nokukudza zita renyu, nokuti imi moga makavimbika?”—Zvakazarurwa 15:3, 4.

Unoda chipo ichi chinokosha choupenyu husingaperi here? Kana zvakadaro, unofanira kuramba wakavimbika uye uchiteerera “Mambo asingagumi.” Unofanira kudzidza nezvaJehovha uye nezvouya akaita kuti upenyu hwakadaro hubvire, Jesu Kristu. Vose vanobvuma zvinonzi naMwari zvakarurama nezvisina kururama vachapiwa chipo cho“upenyu husingaperi.”—Johani 17:3.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Kana uchida mashoko azere nezvokukurukurwa kwedzidziso yokusafa kwomweya, ona bhurocha rinonzi Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 5]

Chido Chagara Chiripo

Ngano yokuMesopotamia inonzi Epic of Gilgamesh, inofungidzirwa kunzi yakatanga kare muzana remakore rechipiri B.C.E., inorondedzera kutsvaka kwaiita vanhu mushonga wokuramba vari vaduku. VaIjipiti vekare vaisasika vakafa, vachifunga kuti mweya, yavaidavira kuti yakanga isingafi, yaizokwanisa kushandisazve miviri yayo. Ndicho chikonzero nei mamwe makuva okuIjipiti aiiswa zvinhu zvose zvaifungidzirwa kuti vakafa vaizoda muupenyu hwavaizorarama kana vafa.

Zvinoita sokuti nyanzvi dzemishonga yokurapa dzokuChina dzakatanga kudavira kuti muviri haufi muzana remakore rechisere B.C.E., uye kuedza kuita kuti muviri usafa vachishandisa mishonga yemashiripiti muzana remakore rechina B.C.E. Nyanzvi dzemishonga yokurapa dzomuMiddle Ages dzokuEurope nedzechiArab dzaitsvaka uye dzaiedza kugadzira mishonga yadzo youpenyu. Mimwe misanganiswa yacho yaiva nomunyu une muchetura, mercury, uye sulfur. Hazvizivikanwi kuti vangani vakazvikuvadza nokuedza mishonga iyi!

Pane imwe nguva pane ngano dzakanga dzakapararira dzechainzi Chitubu Choupwere—chitubu chainzi vose vainwa mvura yacho vaizovazve nesimba.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 7]

Upenyu Husingaperi—Hungafinha Here?

Vamwe vanhu vanoti upenyu husingaperi hwaizofinha, hunenge huchingova kudyiwa kunoitwa nguva zvishoma nezvishoma nezvinhu zvisina nomusoro wose zvokungoti nguva ifambe uye zvichingodzokororwa kasingaperi. Zvichida vanenge vachifungidzira upenyu husingaperi vanhu vachirararama sezvavari kuita iye zvino uye zvinhu zvakangoita sezvazviri, uhwo kune vakawanda hungaita sohunofinha uye husina chinangwa. Asi muParadhiso ichadzorerwa naMwari, anovimbisa vanhu kuti “vachafara kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:11) Upenyu hwakadaro huchapa vanhu mukana wokuziva zvisikwa zvaJehovha uye kutsaura nguva yokuva nohumwe unyanzvi hunofadza kana kuti kuva nahwo hwose zvahwo, zvidzidzo, uye mabasa ayo iye zvino tinongogona kuita zvokufungidzira.

Dr. Aubrey de Grey, nyanzvi yemagene yokuCambridge University akabatanidzwa paongororo yokuwedzera upenyu, anoti: “Mazuva ano vanhu vane dzidzo yakanaka uye vane nguva yokuishandisa havambofinhwi uye havambofungidziri kuti vangashaya zvinhu zvitsva zvavanenge vachida kuita.” Kutowedzera pane izvozvo, Shoko raMwari rakafuridzirwa rinoti, “vanhu [havazombozivi] basa rakaitwa naMwari wechokwadi kubvira pakutanga kusvikira pakupedzisira.”—Muparidzi 3:11.