Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ita Kuti Zuva Romuchato Wako Riwedzere Kufadza uye Kukudzwa

Ita Kuti Zuva Romuchato Wako Riwedzere Kufadza uye Kukudzwa

Ita Kuti Zuva Romuchato Wako Riwedzere Kufadza uye Kukudzwa

“ZUVA romuchato wangu raiva rimwe remazuva anokosha kwazvo uye anofadza muupenyu hwangu,” akadaro Gordon, ave akaroora kwemakore anoda kusvika 60. Chii chinoita kuti zuva romuchato rikoshe kudaro kuvaKristu vechokwadi? Nokuti izuva ravanoita mhiko tsvene kune vaya vavanoda kwazvo—wavari kuroorana naye uye Jehovha Mwari. (Mateu 22:37; VaEfeso 5:22-29) Chokwadi, vaviri vanenge vachironga kuroorana vanoda kufadzwa nezuva ravo romuchato, asi vanodawo kukudza Akatanga urongwa hwokuroorana.—Genesisi 2:18-24; Mateu 19:5, 6.

Murume angaita sei kuti chiitiko ichi chinofadza chiwedzere kukudzwa? Mwenga angaita sei kuratidza kuti anokudza murume wake naJehovha? Vamwe vanenge varipo vangawedzera sei mufaro wezuva romuchato? Kuona zvimwe zvinotaurwa neBhaibheri kuchabatsira kupindura mibvunzo iyi, uye kuzvishandisa kuchaita kuti zvinetso zvingavapo zvingavhiringidza chiitiko ichi chinokosha zvive zvishoma.

Ndiani Anofanira Kutarisira?

Munyika dzakawanda, mushumiri weZvapupu zvaJehovha anotenderwa nomutemo kuti achatise. Kunyange munzvimbo dziya dzinoti danho iri repamutemo riitiswe nomumiririri wehurumende, vanenge vachichata vangada kuti pave nehurukuro yeBhaibheri. Muhurukuro yacho, murume anowanzokumbirwa kuti afunge nezvebasa raakapiwa naMwari rokuva musoro wemhuri. (1 VaKorinde 11:3) Saka murume ndiye anofanira kutarisira zvinoitika pamuchato. Chokwadi, zvirongwa zvomuchato uye kuungana kupi nokupi kungatevera zvinowanzoitwa pachine nguva chaizvo. Nei izvi zvingave zvakaoma?

Chimwe chikonzero ndechokuti voukama vokumativi ose vangaedza chaizvo kutungamirira zvirongwa zvose zvomuchato. Rodolfo, akachatisa vanhu vakawanda anoti: “Dzimwe nguva murume anomanikidzwa kuita zvimwe zvinhu nevoukama, kunyanya kana vari kumubatsirawo nemari yomutambo womuchato. Vangataura zvakasimba nezvezvinofanira kuitwa pamuchato uye pamutambo unozoitwa. Izvi zvinogona kukanganisa basa romurume repaMagwaro rokuti ndiye anofanira kusarudza zvose zvinoitwa pamuchato wacho.”

Max, ave achichatisa kwemakore anodarika 35 anoti: “Ndakacherechedza kuti mwenga ndiye anenge ava kutungamirira pakusarudza zvichaitwa pamutambo womuchato, murume asingapiwi mukana wokutaura zvaanofunga.” David, akachatisawo vakawanda, anoti: “Varume vangave vasina kujaira kutungamirira uye havawanzobatanidzwi muzvirongwa zvomuchato.” Murume anganyatsotarisira sei basa rake?

Kukurukurirana Kunowedzera Mufaro

Kuti murume abudirire kuita basa rake muzvirongwa zvomuchato, anofanira kutaura zvaari kuda. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Pasina kurangana, zvirongwa hazvibudiriri.” (Zvirevo 15:22) Zvisinei, murume angabudirira kana akatanga ataurirana zvirongwa zvomuchato nomwenga wake, vomumhuri, nevamwe vanogona kupa mazano akanaka anobva muBhaibheri.

Chokwadi, zvinokosha kuti vanenge vavimbisana kuroorana vatange vataurirana zvirongwa zvacho nezvavangada kuzoita. Nei? Somuenzaniso, inzwa zvakataurwa naIvan nomudzimai wake, Delwyn, vave vakaroorana kwemakore akawanda uye vari kufara asi vanobva mumhuri dzine tsika dzakasiyana. Achitaura nezvezvirongwa zvavo zvomuchato, Ivan anoti: “Ndainyatsoziva zvandaida pamuchato wangu, kusanganisira mutambo womuchato shamwari dzangu dzose dziripo, keke racho, uye mwenga wangu akapfeka rokwe jena romuchato. Asi Delwyn aida muchato une vanhu vashoma, usiri wemaoresa, pasina keke. Aitoda kupfeka rimwe rokwe risiri romuchato.”

Vaviri ava vakagadzirisa sei mafungiro aya akasiyana? Nokukurukurirana zviri pamwoyo, nomutsa. (Zvirevo 12:18) Ivan anotizve: “Takadzidza nyaya dzomuBhaibheri dzine chokuita nomuchato, sedziya dzakabudiswa muNharireyomurindi yaApril 15, 1984. * Nyaya idzi dzakatibatsira kuti tione chiitiko chacho semaonero anoita Mwari. Sezvo tichibva mumhuri dzakasiyana, tose taifanira kuchinja zvataifarira. Tose takagadzirisa mafungiro edu nokubvuma zvimwe zvezvaidiwa nomumwe.”

Ndizvowo zvakaitwa naAret naPenny. Achitaura nezvezuva romuchato wavo, Aret anoti: “Ini naPenny takakurukura nezvezvataida pamuchato zvaiva zvakasiyana, uye takakwanisa kubvumirana. Takanyengetera kuti Jehovha akomborere zuva racho. Ndakatsvakawo mazano kuvabereki vedu nokune vamwe vakaroorana vane ruzivo vari muungano. Zvavakatiudza zvakabatsira chaizvo. Izvi zvakaita kuti muchato wedu unakidze chaizvo.”

Kupfeka Zvinokudzwa uye Kushambidzika

Zvinonzwisisika kuti mwenga nomurume vanofanira kunyatsopfeka zvakanaka pazuva romuchato wavo. (Pisarema 45:8-15) Vangapedza nguva, simba, uye mari vachitsvaka zvipfeko zvakakodzera. Mazano api ari muBhaibheri angavabatsira kuti vasarudze zvinoratidza rukudzo uye zvakanaka?

Chimbofunga zvinopfekwa nomwenga pachiitiko chacho. Kunyange zvazvo vanhu vachifarira kupfeka zvakasiyana-siyana uye zvichisiyana nyika nenyika, zano reBhaibheri rinoshanda kwose kwose. Vakadzi vanofanira ‘kushonga nguo dzakagadzirwa zvakanaka, kuva nomwero uye pfungwa dzakanaka.’ Izvi zvinoshanda kuvakadzi vechiKristu nguva dzose, uye chokwadi zvinosanganisira zuva romuchato. Chokwadi ndechokuti “nguo dzinodhura kwazvo” hadzisi idzo dzinoita kuti muchato ufadze. (1 Timoti 2:9; 1 Petro 3:3, 4) Muchagutsikana kwazvo kana mukashandisa zano iri!

David, ambotaurwa, anoti: “Vakawanda vanoedza kutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri, uye vanofanira kutendwa. Zvisinei, pane mimwe michato, marokwe emwenga neevaperekedzi akanga asingaratidzi mwero, achisiya chipfuva pachena kana kuti achionesa muviri.” Paanoita musangano nomwenga nomurume muchato usati waitwa, mumwe mukuru wechiKristu ane ruzivo anovabatsira kuti vaone zvinhu semaonero anoita Mwari. Sei? Nokuvabvunza kana zvipfeko zvavari kuda kupfeka zviine mwero zvokuti vangaenda nazvo kumusangano wechiKristu. Ichokwadi kuti zvinopfekwa zvacho zvingave zvakasiyana nezvinopfekwa nguva dzose pakuenda kumisangano, uye kuti zvinopfekwa pamuchato zvingaratidza zvinopfekwa mutsika dzomunzvimbo yacho, asi zvinofanira kuratidza mwero unokudzwa, unoenderana nevaKristu. Kunyange zvazvo vamwe munyika vangaona bumbiro reBhaibheri retsika serinodzvinyirira, vaKristu vechokwadi vanogutsikana kuti havatevedzeri zvinoedzwa kuitwa nenyika zvokuda kuvaita kuti vafanane nayo.—VaRoma 12:2; 1 Petro 4:4.

“Pane kuona zvipfeko kana kuti mutambo womuchato sechinhu chinonyanya kukosha,” anodaro Penny, “Ini naAret tainyanya kufunga nezvomuchato wacho, chikamu chine chokuita nokunamata chechiitiko chacho. Ndizvo zvainyanya kukosha pazuva racho. Zvinhu zvinokosha zvandichiri kuyeuka hazvisi zvandakapfeka kana zvandakadya, asi vanhu vandakapedza zuva ndiinavo uye kufara kwandakaita kuti ndakaroorwa nomurume wandinoda.” Vanenge vachida kuchata vanofanira kufunga izvi pavanenge vachironga muchato wavo.

Imba yoUmambo—Nzvimbo Inokudzwa

VaKristu vakawanda vanoda kuti muchato wavo uitirwe muImba yoUmambo, kana iripo. Nei vachifarira kuti zvidaro? Vamwe vaida kuchata vakatsanangura mafungiro avo vachiti: “Takaziva kuti kuroorana urongwa hutsvene hwakatangwa naJehovha. Kuroorana muImba yoUmambo, nzvimbo yatinonamatira, kwakatibatsira kusimbisa mupfungwa dzedu kubvira pakutanga chaipo kuti Jehovha anofanira kuva mumhuri yedu. Chimwe chakanga chakanakira kuti muchato uitirwe paImba yoUmambo pane kuti uitirwe kune imwewo nzvimbo ndechokuti zvairatidza hama dzedu dzisingatendi dzaivapo kuti tinokoshesa chaizvo kunamata Jehovha.”

Kana vakuru veungano vanotarisira Imba yacho yoUmambo vakabvumira kuti muchato uitirwe ipapo, vanenge vachida kuchata vanofanira kufanovaudza nezvourongwa huchaitwa. Imwe nzira iyo mwenga nomurume wake vangaratidza nayo kuremekedza vaya vanenge vakokwa kumuchato ndeyokutsunga kusvika nenguva yakarongwa kuti muchato wacho uitwe. Uye vanofanira kuva nechokwadi chokuti zvinhu zvose zvaitwa nenzira inokudzwa. * (1 VaKorinde 14:40) Saka havazoiti zvinhu zvokunyanyisa sezvinoitwa pamichato yakawanda yenyika.—1 Johani 2:15, 16.

Vaya vanoenda kumuchato uyu vangaratidzawo kuti vanoona urongwa hwokuroorana sezvinoita Jehovha. Somuenzaniso, havazotarisiri kuti muchato wacho upfuure mimwe michato yevaKristu, sokunge kuti pari kuitwa makwikwi okuona kuti muchato waani wakadarika yevamwe. VaKristu vane ruzivo vanozivawo kuti kuva paImba yoUmambo nokuda kwehurukuro inobva muBhaibheri kunokosha zvikuru uye kunobatsira kudarika kuva pamutambo womuchato kana kuungana kupi nokupi kungatevera. Kana nguva nemamiriro ezvinhu zvichingobvumira muKristu kuti ave pane chimwe chete chezviviri izvi, kuva paImba yoUmambo kungava kwakanyanya kunaka. Mumwe mukuru anonzi William anoti: “Kana vanenge vakokwa vakasauya kuImba yoUmambo pasina chikonzero chaicho vozouya kumutambo womuchato, izvi zvinoratidza kusakoshesa utsvene hwechiitiko ichi. Kunyange tisina kukokwa kumutambo womuchato, tinogona kuratidza kutsigira kwedu mwenga nomurume uye kupa uchapupu hwakanaka zvikuru kune voukama vasingatendi pamuchato wacho nokuenda kumuchato wacho unenge uchiitirwa paImba yoUmambo.”

Kuramba Muchifara Pashure Pezuva Romuchato

Nyika yezvokutengeserana yachinja kupemberera muchato kuva bhizimisi rinopa mari yakawanda. Maererano nomumwe mushumo uchangopfuura, muchato usiri wemaoresa muUnited States ‘unoita US$22 000, kana kuti hafu yeavhareji yemari inowanwa nemhuri dzevanhu vokuAmerica pagore.’ Vachifurirwa nemashoko okushambadza evezvokutengeserana, vakawanda vanenge vachida kuchata kana mhuri dzavo vanopinda muchikwereti chakakura nokuda kwezuva rimwe chete iri, chavanozobhadhara kwemakore akawanda. Kuchenjera here kutanga imba nenzira iyi? Vaya vasingazivi kana kuti vasina hanya nezvinotaurwa neBhaibheri vangada kuti paitwe zvemaoresa zvakadaro, asi vaKristu vechokwadi havaiti izvi!

VaKristu vakawanda vanoda kuchata vave vachikwanisa kushandisa nguva yavo nezvinhu zvavo maererano nokuzvitsaurira kwavo kuna Mwari, nokuita kuti muchato wavo usave wakanyanya kukura uye nokungotenga zvavanokwanisa chete. (Mateu 6:33) Chimbofunga nezvomuenzaniso waLloyd naAlexandra, vave vachiita ushumiri hwenguva yakazara kwemakore 17 kubvira pavakaroorana. Lloyd anoti: “Vamwe vangave vakaona muchato wedu sowakanga usingashamisiri, asi ini naAlexandra takafara chaizvo. Takanzwisisa kuti zuva romuchato wedu harifaniri kutiremedza mune zvemari, asi kuti rinofanira kuva rokupemberera urongwa hwaJehovha hwokuti vanhu vaviri vafare zvikuru.”

Alexandra anotizve: “Ndaiva piyona tisati taroorana, uye ndakanga ndisingadi kusiya ropafadzo iyi kuitira kuti ndizoita muchato unodhura. Zuva romuchato wedu raikosha chaizvo. Zvisinei, ndiro raingova zuva rokutanga roupenyu hwataizorarama tose. Takashandisa zano rokuti tisanyanya kukoshesa zviitiko zvepakuroorana kwacho uye takaedza kutungamirirwa naJehovha muupenyu hwedu sevanhu vakaroorana. Chokwadi izvi zvakaita kuti tikomborerwe naJehovha.” *

Chokwadi, zuva romuchato wako rinokosha. Mafungiro uye zvinoitwa zuva iroro zvinogona kuratidza mararamiro amuchaita sevanhu vakaroorana mumakore akawanda anozotevera. Saka, vimbai nokutungamirirwa naJehovha. (Zvirevo 3:5, 6) Rambai muchinyanya kufunga nezvokukosha kunoita zuva racho mune zvokunamata. Tsigiranai mumabasa enyu amakapiwa naMwari. Mukadaro munogona kuvaka nheyo yakasimba yeimba yenyu, uye nokukomborera kwaJehovha, muchawana mufaro unogara kwenguva yakareba pashure pezuva renyu romuchato.—Zvirevo 18:22.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Mamwe mashoko akabuda muMukai! yaFebruary 8, 2002, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 20 Kana vanenge vachichata vakaronga kuti pave nomumwe munhu achatora mufananidzo kana kurekodha muchato wacho paImba yoUmambo, vanofanira kuva nechokwadi chokuti pane zvinoitwa hapana chichaita kuti muchato wacho usakudzwa.

^ ndima 25 Ona peji 26 yebhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 29]

Vanenge vachida kuchata vanofanira kukurukurirana vakasununguka asi vachiremekedzana pavanenge vachironga muchato wavo

[Mufananidzo uri papeji 31]

Rambai muchinyanya kufunga nezvokukosha kunoita zuva renyu romuchato mune zvokunamata