Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ratidza Kuti Unotenda Nemararamiro Ako

Ratidza Kuti Unotenda Nemararamiro Ako

Ratidza Kuti Unotenda Nemararamiro Ako

“Kutenda, kana kusina mabasa, kwakafa.”—JAKOBHO 2:17.

1. Nei vaKristu vekare vaikoshesa kutenda nemabasa?

SEBOKA, vaKristu vekare vakaratidza kuti vaitenda nemararamiro chaiwo avaiita. Mudzidzi Jakobho akakurudzira vaKristu vose kuti: “Ivai vaiti veshoko, kwete vanzwi chete.” Akatizve: “Muviri usina simba roupenyu zvawakafa, saizvozvowo kutenda kusina mabasa kwakafa.” (Jakobho 1:22; 2:26) Anenge makore 35 anyora mashoko aya, vaKristu vakawanda vakanga vachiri kuratidza kuti vaitenda nokuita mabasa akakodzera. Asi zvinosuwisa ndezvokuti vamwe vakanga vasiri kudaro. Jesu akarumbidza ungano yaiva muSimina; asi kune vakawanda vaiva muungano yaiva muSadhisi, akati: “Ndinoziva mabasa ako, kuti une zita rokuti uri mupenyu, asi iwe wakafa.”—Zvakazarurwa 2:8-11; 3:1.

2. VaKristu vanofanira kuzvibvunzei nezvokutenda kwavo?

2 Naizvozvo Jesu akakurudzira vaya vaiva muSadhisi—uye vose vaizoverenga mashoko ake—kuti varambe vachida chokwadi chechiKristu sezvavaiita pakutanga uye kuti vamuke mune zvokunamata. (Zvakazarurwa 3:2, 3) Mumwe nomumwe wedu angazvibvunza kuti: ‘Zvakadini nemabasa angu? Zvandinoita zvinonyatsoratidza kuti ndiri kuita zvose zvandinogona kuti ndiratidze kuti ndinotenda mune zvose zvandinoita, kunyange muzvinhu zvisina chokuita zvakananga nebasa rokuparidza kana nemisangano yeungano here?’ (Ruka 16:10) Pane zvinhu zvoupenyu zvakawanda zvingakurukurwa, asi ngatingokurukurai nezvechinhu chimwe chete: kuungana tichishamwaridzana, kusanganisira kuya kunowanzoitwa pashure pemichato yevaKristu.

Kuungana Tichishamwaridzana Paine Vanhu Vashoma

3. Bhaibheri rinotii nezvokuungana tichishamwaridzana?

3 Vakawanda vedu tinofara chaizvo kana tikakokwa kunoungana nevaKristu vanofara. Jehovha ndi“Mwari anofara,” anoda kuti vashumiri vake vafare. (1 Timoti 1:11) Akaita kuti Soromoni anyore chokwadi ichi muBhaibheri, chinoti: “Ini ndakarumbidza kufara, nokuti hapana chinhu chiri nani pasi pezuva kupfuura kuti vanhu vadye, vanwe uye vafare, uye kuti zvinofanira kuitwa pamwe chete nebasa ravo rakaoma kwemazuva oupenyu hwavo.” (Muparidzi 3:1, 4, 13; 8:15) Kufara kwakadaro kungaitwa patinodya semhuri kana kuti patinenge tichitandara tichishamwaridzana nevanamati vechokwadi.—Jobho 1:4, 5, 18; Ruka 10:38-42; 14:12-14.

4. Munhu anoronga kuti vanhu vaungane vachishamwaridzana anofanira kufunga nezvechii?

4 Kana uchironga kuungana kwakadaro uye uri iwe uchange uchitarisira, unofanira kunyatsofunga zvawakaronga, kunyange kana uchikoka vaunonamata navo vashoma kuzodya uye kuzokurukura muchishamwaridzana. (VaRoma 12:13) Uchafanira kuona kuti ‘zvinhu zvose zviri kuitika nenzira yakakodzera uye zvakarongeka,’ zvichitungamirirwa no“uchenjeri hunobva kumusoro.” (1 VaKorinde 14:40; Jakobho 3:17) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mungave muri kudya kana kunwa kana kuita chero chimwe chinhu chipi zvacho, itai zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe. Musava zvinhu zvinogumbura.” (1 VaKorinde 10:31, 32) Zvii zvimwe zvinhu zvinoda kunyatsofungwa nezvazvo? Kufanofunga nezvazvo kungabatsira kuti uve nechokwadi chokuti zvauchaita iwe nevaunenge wakoka zvinoenderana nezvamunotenda.—VaRoma 12:2.

Kuungana Kwacho Kuchange Kwakaita Sei?

5. Nei munhu anokoka vanhu achifanira kunyatsofunga kana achizopa vanhu doro uye kana pachizova nemimhanzi?

5 Vakawanda vanokoka vanhu vakazvibvunza kuti vanofanira kuita kuti pave nedoro here kana kuti kwete. Doro harisi iro rinodiwa kuti vanhu vashamwaridzane zvinovaka. Yeuka kuti Jesu akapa zvokudya boka rakanga rakati kurei rakauya kwaari—akaita kuti pave nechingwa chakawanda nehove. Nhoroondo yacho haitauri kuti akavapa waini nenzira inoshamisa, kunyange zvazvo tichiziva kuti aigona kuzviita. (Mateu 14:14-21) Kana ukasarudza kuti pave nedoro pakuungana kwacho, ngarive nomwero, uye iva nechokwadi chokuti pane zvimwe zvinwiwa zvisingadhaki kuitira vaya vangada havo izvozvo. (1 Timoti 3:2, 3, 8; 5:23; 1 Petro 4:3) Chokwadi usaita kuti munhu upi noupi zvake anzwe achimanikidzwa kunwa chimwe chinhu chingamuruma “sezvinoita nyoka.” (Zvirevo 23:29-32) Zvakadini nemimhanzi kana kuti kuimba? Kana pakuungana kwacho pachizenge paine mimhanzi, hapana mubvunzo kuti uchasarudza nziyo dzacho nokungwarira, uchifunga nezvomutinhimira uye mashoko adzo. (VaKorose 3:8; Jakobho 1:21) VaKristu vakawanda vakaona kuti kuridza Nziyo dzoUmambo kana kuti kuimba nziyo idzi kunoita kuti zvinhu zvifambe zvakanaka. (VaEfeso 5:19, 20) Uye, chokwadi, gara uchingwarira ruzha kuitira kuti mimhanzi yacho isakanganise kukurukurirana zvakanaka kana kuvhiringidza vavakidzani.—Mateu 7:12.

6. Munhu anokoka vanhu angaratidza sei kuti ane kutenda kupenyu pakukurukurirana kana kuti pane zvimwewo?

6 Pavanoungana vachishamwaridzana, vaKristu vangataura nyaya dzakasiyana-siyana, vangaverenga dzimwe nyaya zvinonzwika, kana kurondedzera zvakaitika zvinonakidza. Kana vakatanga kukurukura zvisingaenderani nevaKristu, nenzira younyanzvi anenge akoka wacho angaita kuti vadzokere mugwara. Anofanira kuona kuti haasi munhu mumwe chete ari kungoramba achitaura. Kana akaona zvava kudaro, angataura nouchenjeri oita kuti vamwewo vataure, zvichida achiita kuti vechiduku vataurewo kana kuti kupinza imwe nyaya inoita kuti vamwe vataurewo. Vose vaduku nevakuru vachafara kana izvi zvikaitwa pakuungana kwacho. Kana iwe somurongi ukatungamirira zvinhu nouchenjeri uye nounyanzvi, ‘kunzwisisa kwako kuchazivikanwa’ nevaya vanenge varipo. (VaFiripi 4:5) Vachaona kuti une kutenda kupenyu, kuya kunoonekwa muzvinhu zvose zvaunoita muupenyu.

Michato uye Mitambo Yemichato

7. Nei kuronga michato nokumwe kuungana kwakada kufanana nouku zvichida kunyatsofunga?

7 Muchato wevaKristu ndechimwe chiitiko chinokosha chinofadza. Vashumiri vaMwari vekare, kusanganisira Jesu nevadzidzi vake, vaienda kumafaro akadaro, kusanganisira mimwe mitambo yokushamwaridzana yakada kufanana naiyoyi. (Genesisi 29:21, 22; Johani 2:1, 2) Zvisinei, munguva ichangopfuura iyi, zvakaitika zvinoratidza kuti kuronga kuti vanhu vaungane vachishamwaridzana pamichato kunoda kunyatsoitwa kana izvi zvichizoratidza kunzwisisa uye kuva nomwero kwedu sevaKristu. Kunyange zvakadaro, izvi zvinhu zvinoitika muupenyu zvinopa muKristu mukana wokuratidza kutenda kwake.

8, 9. Zvinoitwa pamichato yakawanda zvinopupurira sei zvatinoverenga pana 1 Johani 2:16, 17?

8 Vanhu vakawanda vasingazivi kana kuti vasina basa nemitemo yaMwari vanoona muchato senguva yokusharanganya zvisina mwero, kana kuti zvichida sokuti ndiyo nguva yokumbopombonoka zvavo vasingadzorwi. Mune imwe magazini yokuEurope, mumwe mudzimai akanga achangobva kuroorwa akataura izvi nezvomuchato wake waiita kunge “wamambo”: ‘Takatakurwa nengoro yemabhiza mana tichiteverwa nengoro 12, imwe neimwe iine vanhu vaviri ichidhonzwa nebhiza rimwe chete uye ngoro yokupedzisira yaiva nevaimbi vairidza mimhanzi. Zvadaro takadya machikichori uye takaimbirwa nhapitapi yemimhanzi; zvaiva zvemberi chaizvo. Musi iwoyo ndakaita kunge mambokadzi, sezvandaida chaizvo.’

9 Kunyange zvazvo tsika dzichisiyana munyika nenyika, mashoko iwayo anongopupurira zvakanyorwa nomuapostora Johani zvokuti: “Zvinhu zvose zviri munyika—kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokushamisira nezvinhu zvoupenyu zvomunhu—hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva munyika.” Ungafungidzira here vaKristu vaviri vakasimba pakunamata vachida kuva nomuchato unoita kunge “wamambo” unozoitirwa mutambo wemaoresa wakadaro? Pane kudaro, vanofanira kuratidza kuti vakafunga nezvokuti ‘anoita kuda kwaMwari ndiye anoramba aripo nokusingaperi.’—1 Johani 2:16, 17.

10. (a) Kuti pave nomuchato unoratidza mwero, nei zvichikosha kuronga? (b) Vaya vanokokwa vanofanira kusarudzwa sei?

10 VaKristu vanenge vachida kuchata vanofanira kuona zvinhu sezvazviri uye kuva nomwero, uye Bhaibheri rinogona kuvabatsira. Kunyange zvazvo zuva romuchato richikosha, vanoziva kuti kunongova kutanga kwoupenyu hwokuroorana kwevaKristu vaviri vanotarisira kuzorarama upenyu husingaperi. Havasungirwi kuunganidza vanhu vakawanda pamutambo womuchato wavo. Kana vakasarudza kuti vanhu vaungane, vachafanira kuona kuti kuungana kwacho kuchange kuri kworudzii uye kuti kuchada mari yakawanda sei. (Ruka 14:28) Muupenyu hwavo hwechiKristu vava vose, murume ndiye achange ari musoro sezvinotaurwa neMagwaro. (1 VaKorinde 11:3; VaEfeso 5:22, 23) Saka chaizvoizvo murume ndiye anofanira kuronga zvinoitwa pamutambo womuchato. Zvechokwadi, norudo achakurukura neachazova mudzimai wake zvinhu zvakadai sokuti ndivanaani kana kuti vangani vavanokwanisa kukoka kumutambo womuchato. Zvingasakwanisika kana kuti zvingasava nomusoro kukoka shamwari nehama dzavo dzose; saka vangafanira kusarudza zvine mwero. Vaviri vacho vanofanira kuva nechivimbo chokuti kana vakatadza kukoka vamwe vaKristu vavanonamata navo, ivava vachanzwisisa uye kuti havazogumbuki.—Muparidzi 7:9.

“Mutungamiriri Wemabiko”

11. “Mutungamiri wemabiko” angaita basa rei pamuchato?

11 Kana vaviri vari kuchata vakasarudza kuti paungane vanhu vachapemberera muchato wavo, vangava sei nechokwadi kuti chiitiko chacho chicharamba chichikudzwa? Kwemakore akawanda, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichiona uchenjeri hwokuita chimwe chezvinhu zvakaitwa pamuchato wakaendwa naJesu kuKana. Paiva no“mutungamiriri wemabiko,” aiva mumwe mutendi aitarisira zvose zvaiitwa ipapo. (Johani 2:9, 10) Saizvozvowo, murume ari kuda kuchata akachenjera anosarudza hama yechiKristu yakasimba pakunamata kuti iite basa iri rinokosha. Aona zvinodiwa nezviri kufarirwa nomurume ari kuda kuchata, mutungamiriri wemabiko angaita zvose zviri kudiwa mutambo wacho usati watanga uye paunenge uchiitwa.

12. Murume ari kuchata anofanira kufungei nezvokunwiwa kwedoro?

12 Maererano nezvataurwa mundima 5, vamwe vanenge vachida kuchata vanosarudza kuti pamutambo womuchato pasave nedoro, vachityira kuti ringazokanganisa mufaro uye kubudirira kwechiitiko chacho. (VaRoma 13:13; 1 VaKorinde 5:11) Asi kana vakaita kuti pave nedoro, murume ari kuchata anofanira kuona kuti riri kupiwa vanhu zvine mwero. Pamuchato wakaendwa naJesu kuKana pakanga paine waini, uye akaita kuti pave newaini yakanaka kwazvo. Zvinotofadza ndezvokuti, mutungamiriri wemabiko acho akati: “Vamwe varume vose vanotanga kubudisa waini yakanaka kwazvo, uye vanhu pavanenge vadhakwa, vanobudisa isinganaki. Iwe wachengeta waini yakanaka kwazvo kusvikira zvino.” (Johani 2:10) Chokwadi, Jesu haana kukurudzira kuti vanhu vadhakwe, nokuti aiona izvozvo sezvakaipa. (Ruka 12:45, 46) Achiratidza kushamisika nokunaka kwewaini yacho, mutungamiriri wemabiko wacho akajekesa kuti pane zvimwe zviitiko akanga aona vamwe vakanga vakokwa kumichato vachidhakwa. (Mabasa 2:15; 1 VaTesaronika 5:7) Saka ari kuchata uye muKristu waanovimba naye waanopa basa rokuva mutungamiriri womutambo vanofanira kuva nechokwadi chokuti vose vanenge varipo vanotevera murayiro uyu wakajeka unoti: “Musadhakwa newaini, nokuti pakudhakwa ndipo pane zvakaipa.”—VaEfeso 5:18; Zvirevo 20:1; Hosiya 4:11.

13. Vanenge vachida kuchata vanofanira kufunga nezvechii kana vachironga kuti pamutambo womuchato pave nemimhanzi, uye nei?

13 Kungofanana nokumwe kuungana kwose, kana pachifanira kuva nemimhanzi, ruzha runofanira kungwarirwa kuitira kuti vanhu vakwanise kukurukurirana zvakanaka. Mumwe mukuru wechiKristu akati: “Nguva zvainofamba, vanhu pavanenge vava kunakidzwa nenyaya uye kutamba zvakunotanga, dzimwe nguva ruzha rwemimhanzi runowedzera. Mumhanzi unenge wambotanga uchinzwikira pasi pasi unobva wava noruzha uye uchivhiringidza kukurukurirana. Mutambo womuchato unoita kuti pave nomukana wokushamwaridzana zvakanaka nevatinonamata navo. Zvingasuruvarisa chaizvo kana mumhanzi une ruzha ukavhiringidza izvi!” Pano zvakare, ari kuchata uye mutungamiriri wemabiko vanofanira kutarisira kuti mimhanzi yorudzii iri kuridzwa uye ruzha rwayo, kwete kurega vaimbi, vangave vaita zvokuhayiwa kana kwete, vachiita zvavanoda. Pauro akanyora kuti: “Zvose zvamunoita mushoko kana mubasa, itai zvose muzita raShe Jesu.” (VaKorose 3:17) Vanenge vakokwa pavachadzokera kudzimba dzavo pashure pomutambo womuchato, vachayeuka mimhanzi yacho kuti yanga ichiratidza kuti vaviri vacho vanga vachiita zvinhu zvose muzita raJesu here? Ndizvo zvazvinofanira kuita.

14. VaKristu vanofanira kufadzwa nokuyeukei nezvomuchato?

14 Chokwadi, muchato wakanyatsorongeka unofadza kuyeuka. Adam naEdyta, vave vakaroorana kwemakore 30, vakataura nezvomumwe muchato vachiti: “Waigona kuona kuti ndowevaKristu. Paiva nenziyo dzairumbidza Jehovha asi nezvimwewo zvakanaka zvaivaraidza. Kutamba uye mimhanzi zvakanga zvisinganyanyi kukosha. Wainakidza uye waivaka, uye zvose zvaiitwa zvaienderana nezvinotaurwa neBhaibheri.” Zviri pachena kuti mwenga nomurume vanogona kuita zvakawanda kuratidza kutenda kwavo nemabasa avo.

Zvipo Zvomuchato

15. Izano ripi reBhaibheri rinogona kushandiswa panyaya yezvipo zvomuchato?

15 Munyika dzakawanda zvakajairika kuti shamwari nevoukama vape zvipo kune vaya vanenge vachiroorana. Kana ukasarudza kuita saizvozvo, unofanira kuyeuka chii? Yeuka zvakataurwa nomuapostora Johani pamusoro po“kushamisira nezvinhu zvoupenyu zvomunhu.” Akati kushamisira kwakadaro hakuitwi nevaKristu vanoratidza kutenda kwavo nemabasa, asi ‘nenyika iri kupfuura.’ (1 Johani 2:16, 17) Tichifunga nezvemashoko akafuridzirwa aJohani, vachangobva kuchata vanofanira kuzivisa vanhu vose kuti ndiani anenge avapa chipo here? VaKristu vokuMakedhoniya nevokuAkaya vakapa zvipo kuhama dzaiva muJerusarema, asi hapana panoratidza kuti mazita avo akataurwa. (VaRoma 15:26) VaKristu vakawanda vanopa zvipo zvomuchato vangada kuti vasazivikanwa pane kuti vazviitire mbiri. Nezveizvi, fungazve nezvezano raJesu riri pana Mateu 6:1-4.

16. Vanenge vachangochata vangarega sei kurwadzisa vamwe panyaya yezvipo zvomuchato?

16 Kutaura mazita evanenge vapa zvipo kunga“mutsa makwikwi” okuti ndiani apa chipo chiri nani kana kuti chinodhura zvikuru. Saka vaKristu vakachenjera vanenge vachangochata havazivisi mazita evaya vanenge vapa zvipo. Kuzivisa mazita evanenge vapa zvipo kunganyadzisa vamwe zvichida vanenge vasina kukwanisa kupa chipo. (VaGaratiya 5:26; 6:10) Ichokwadi kuti hazvina kuipa kuti mwenga nomurume wake vazive munhu anenge apa chipo. Zvichida vangazviona pakadhi rinenge rakaiswa pachipo chacho asi risingaverengerwi voruzhinji. Patinotenga, patinopa, uye patinogamuchira zvipo zvomuchato, tose zvedu tine mukana wokuratidza kuti kunyange muzvinhu zvatinozviitira toga zvakadaro, kutenda kwedu kuri kutungamirira zviito zvedu. *

17. VaKristu vanofanira kuvavarira chii maererano nokutenda nemabasa avo?

17 Chokwadi kuratidza kuti tinotenda kunosanganisira zvinopfuura kurarama tichitevedzera tsika dzakanaka, kupinda misangano yechiKristu, uye kuita basa rokuparidza. Mumwe nomumwe wedu ngaave nokutenda kupenyu kunotungamirira zvose zvaanoita. Chokwadi, tinogona kuratidza kuti tinotenda nemabasa “akaitwa zvakakwana,” kusanganisira zvinhu zvinoitwa muupenyu zvataurwa pamusoro apa.—Zvakazarurwa 3:2.

18. Mashoko ari pana Johani 13:17 angaratidza sei kuti ndeechokwadi muzvinhu zvine chokuita nemichato yevaKristu uye kuungana tichishamwaridzana?

18 Jesu aratidza muenzaniso wakanaka chaizvo kuvaapostora vake vakatendeka nechiito chokuzvininipisa chokugeza tsoka dzavo, akati: “Kana muchiziva zvinhu izvi, munofara kana muchizviita.” (Johani 13:4-17) Munzvimbo yatinogara nhasi, zvingava zvisina kukodzera kana kuti zvisingaiti kugeza tsoka dzomumwe munhu, sedzomueni anenge ashanya mumusha wedu. Zvisinei, sezvatakurukura munyaya ino, kune zvimwe zvinhu zvinoitwa muupenyu zvatingaratidza nazvo kutenda kwedu nezviito zvorudo, zvinoratidza hanya, kusanganisira zviya zvine chokuita nokuungana tichishamwaridzana uye michato yevaKristu. Tinogona kuratidza izvi kana tava kuda kuchata, kana kuti kana takokwa kumuchato kana pane kumwe kuungana kunonakidza kunoitwa nevaKristu vanoda kuratidza kutenda kwavo nezvavanoita.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 16 Mamwe mashoko ane chokuita nemitambo yemichato uye nokumwe kuungana kwakada kufanana nouku anokurukurwa munyaya inotevera inoti, “Ita Kuti Zuva Romuchato Wako Riwedzere Kufadza uye Kukudzwa.”

Ungapindura Sei?

Ungaratidza sei kuti unotenda

• paunenge uchironga kuungana kwokushamwaridzana?

• paunenge uchironga muchato kana kuti mutambo womuchato?

• paunenge uchipa kana kuti uchigamuchira zvipo zvepamuchato?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 24]

Kunyange paunenge uchikoka vanhu vashoma bedzi, tungamirirwa ‘nouchenjeri hunobva kumusoro’