Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsika yevaJudha Yokugeza—Ndipo Pakabva Tsika Yokubhabhatidza Here?

Tsika yevaJudha Yokugeza—Ndipo Pakabva Tsika Yokubhabhatidza Here?

Tsika yevaJudha Yokugeza—Ndipo Pakabva Tsika Yokubhabhatidza Here?

JOHANI MUBHABHATIDZI aiparidza “rubhabhatidzo rwokuratidza kupfidza.” Jesuwo akarayira vateveri vake kuti vaite vadzidzi vovabhabhatidza.—Mako 1:4; Mateu 28:19.

Bhaibheri rinoratidza kuti kubhabhatidza kwechiKristu kunoreva kunyudzwa muviri wose mumvura. “Tsika dzakadai,” rinodaro bhuku rinonzi Jesus and His World, “dzinogona kuonekwa muzvitendero zvakawanda zvekare uye zvemazuva ano, munyika dzakawanda uye mutsika dzakasiyana-siyana.” Bhuku racho rinoti “kubhabhatidza kunoitwa nevaKristu kwakatangira . . . mutsika dzechiJudha.” Mashoko aya ndeechokwadi zvakadini?

Madziva Okugezera Aishandiswa Mutsika yevaJudha

Vezvokuchera matongo pavaichera pedyo neGomo reTemberi rokuJerusarema vakawana madziva okugezera anoda kusvika 100 akavakwa kutangira muzana remakore rokutanga B.C.E. uye muzana remakore rokutanga C.E. Mashoko ainge akanyorwa musinagogi omuzana remakore rechipiri kana kuti rechitatu C.E. anotaura nezvemadziva aya kuti aigona kushandiswa ne“vashanyi vaida kuashandisa.” Mamwe madziva akawanwa mune imwe nzvimbo yeJerusarema kwaigara mhuri dzainge dzakapfuma uye dzevapristi; inenge imba imwe neimwe yaiva nedziva rayo rayaishandisa pakugeza.

Madziva acho akanga aine makona, akagadzirwa nedombo kana kuti akaita zvokucherwa pasi akavakwa nezvidhina kana kuti matombo. Vaiapurasita kuti arege kutsemuka. Akawanda acho aiva akafara mamita 1,8 uye akareba mamita 2,7. Migero ndiyo yaipinza mvura yainaya mumadziva acho. Aiva nemvura yakadzika mamita 1,2 zvokuti munhu aigona kunyura kana akakotama. Masitepisi okupinda mumvura yacho dzimwe nguva aikamurwa nekamudhuri kaduku. Zvinofungidzirwa kuti rimwe divi remasitepisi acho raishandiswa kupinda mudziva rokuzvichenesa, munhu wacho aigeza paainge asina kuchena, uye rimwe divi raiva kwokubuda nakwo, kuti asasvibiswe.

Madziva aya aishandiswa mutsika yevaJudha yokuzvichenesa. Izvi zvaisanganisirei?

Mutemo Netsika Yokugeza

Mutemo waMosesi waikurudzira kuti vanhu vaMwari vaifanira kuva vakachena, mune zvokunamata uye mumuviri. VaIsraeri vaisvibiswa nezvinhu zvakasiyana-siyana zvaizoita kuti vafanire kuzvichenesa nokugeza miviri yavo uye kugeza zvipfeko zvavo.—Revhitiko 11:28; 14:1-9; 15:1-31; Dheuteronomio 23:10, 11.

Jehovha Mwari akachena zvakakwana uye mutsvene. Saka vapristi nevaRevhi vaifanira kugeza maoko avo netsoka dzavo pavaienda kunoshanda paatari yake kuti vasafe.—Eksodho 30:17-21.

Nyanzvi dzinofunga kuti pakazosvika zana remakore rokutanga C.E., chitendero chakanga chiripo chechiJudha chakanga chava kurayira vaisava vaRevhi kuti vazvichenese sezvaiita vapristi. VaEssenes nevaFarisi vaiwanzotevedzera tsika yokugeza. Rimwe bhuku rinoti nezvenguva yaJesu: “MuJudha wose aifanira kugeza maererano netsika yavo asati apinda muGomo reTemberi, asati apa chibayiro, mupristi asati amubayira chibayiro chake, kana kumuitira mamwe mabasa aanenge achida kuitirwa.” Magwaro emitemo yevaJudha anoti vaigeza vacho vaitarisirwa kuti vanyudze muviri wavo wose mumvura.

Jesu akatsoropodza vaFarisi pamusana pokuomerera kwavo patsika yokuzvichenesa. Zviri pachena kuti “vaibhabhatidza nenzira dzakasiyana-siyana,” kusanganisira kuya kwomu“makapu nemajagi nemidziyo yemhangura.” Jesu akati vaFarisi vaidarika mirayiro yaMwari kuti vamanikidzire kuti tsika dzavo dziitwe. (VaHebheru 9:10; Mako 7:1-9; Revhitiko 11:32, 33; Ruka 11:38-42) MuMutemo waMosesi hapana pairayira kuti muviri wose waifanira kunyudzwa mumvura.

Kubhabhatidza kunoitwa muchiKristu kwakabva mutsika yokugeza yaiitwa nevaJudha here? Kwete!

Tsika Yokugeza uye Kubhabhatidza kwechiKristu

VaJudha vaiita tsika dzokuzvichenesa pachavo voga. Zvisinei, kubhabhatidza kwaiitwa naJohani kwakanga kusiri tsika yokugeza yaiitwa nevaJudha. Kuzivikanwa kwakazoita Johani soMubhabhatidzi kunoratidza kuti kubhabhatidza kwake kwakanga kwakasiyana. Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vakatotuma nhume kwaari kunomubvunza kuti: “Nei uchibhabhatidza?”—Johani 1:25.

Kuchenesa kwairayirwa noMutemo waMosesi kwaifanira kudzokororwa kakawanda pose munamati wacho paaiva asina kuchena. Kubhabhatidza kwaiitwa naJohani nokwakazoitwa nevaKristu kwakanga kusina kudaro. Kubhabhatidza kwaiita Johani kwairatidza kupfidza uye kuramba mararamiro ekare. Kubhabhatidza kwechiKristu kwairatidza kuti munhu wacho ainge azvitsaurira kuna Mwari. MuKristu aingozviita kamwe chete, kwete kakawanda.

Tsika yokugeza yaiitwa mumisha yevapristi vechiJudha uye mumadziva aigezerwa nevanhu vose aiva pedyo nepaGomo reTemberi haina kufanana nokubhabhatidza kwechiKristu. Zvinorehwa netsika yokugeza uye kubhabhatidza zvakatosiyana zvachose. The Anchor Bible Dictionary rinoti: “Nyanzvi dzinonyatsobvumirana kuti Johani [Mubhabhatidzi] haana kupfuudzira kana kuti kutevedzera kubhabhatidza kwaiitwa nevanhu vaairarama navo,” kuya kwevaJudha. Izviwo zvinogona kutaurwa nezvokubhabhatidza kunoitwa muungano yechiKristu.

Kubhabhatidza kwechiKristu kunoreva “kukumbira hana yakanaka kunoitwa kuna Mwari.” (1 Petro 3:21) Kunoratidza kuti munhu anenge azvitsaurira nomwoyo wose kuna Jehovha kuti amushumire somudzidzi woMwanakomana Wake. Kunyudza muviri wose mumvura chiratidzo chakakodzera chokuzvitsaurira kwakadaro. Kunyura kunoita munhu mumvura kunoratidza kuti afa mumararamiro ake ekare. Kubudiswa mumvura kunoratidza kuti ava mupenyu kuti aite kuda kwaMwari.

Jehovha Mwari anopa hana yakanaka kune vaya vanozvitsaurira saizvozvo vobhabhatidzwa. Ndokusaka muapostora akafuridzirwa Petro aigona kuudza vaainamata navo kuti: ‘Kubhabhatidza kwava kukuponesaiwo iye zvino.’ Ichi chimwe chinhu chaisazombokwanisa kuitwa netsika yokugeza yevaJudha.