Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Akakomborera Zvikuru Chido Changu Chokuva Mumishinari

Jehovha Akakomborera Zvikuru Chido Changu Chokuva Mumishinari

Nyaya Youpenyu

Jehovha Akakomborera Zvikuru Chido Changu Chokuva Mumishinari

Yakataurwa naSheila Winfield da Conceição

Mumwe mumishinari aishanya achibva kuAfrica akambotiudza kuti kwaaishanda vanhu vose vaimupinza mumba uye vainyatsoteerera mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. ‘Ndingada zvikuru kuzoshanda mundima yakadaro!’ Ndakafunga kudaro. Kukurukurirana ikoko kwakadyara mandiri chido chokuva mumishinari pandaiva nemakore 13.

ZVISINEI, mhuri yedu haina kutangira ipapa kudzidza nezvaJehovha. Mamwe mangwanani muna 1939, vamwe varume vaviri vakanga vakapfeka zvakanaka vakagogodza pasuo redu paHemel Hempstead, nechokunze kweGreater London, kuEngland. Vaiva Zvapupu zvaJehovha. Ndakaberekwa muna 1938, saka handiyeuki kushanya kwavakaita. Kuti vavadzinge, Amai vakavataurira kuti zvimwe Baba vaizofarira asi vaizodzoka na9 dzemanheru kana kuti dzapfuura. Amai vakashamisika zvikuru pavakadzoka manheru iwayo! Vagutsikana kuti varume ava vakanga vasinei nezvematongerwo enyika, baba vangu, Henry Winfield, vakavapinza mumba uye vakabvuma kudzidza Bhaibheri. Vakakurumidza kufambira mberi vakabhabhatidzwa. Mumakore akazotevera, amai vangu, Kathleen vakatangawo kudzidza. Vakabhabhatidzwa muna 1946.

Muna 1948, ndakatanga kuparidzawo nguva dzose mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Ndakafunga kuti ndaifanira kuva newachi kuti ndigoshuma zvakarurama nguva yandaipedzera muushumiri. Kana tainge tateerera, Mugovera woga woga taizopiwa sikisipenzi (masendi matanhatu akabatana) kuti titenge zvataida. Ndakachengeta masikisipenzi angu kweanoda kusvika makore maviri kuti ndizotenga wachi yakachipa pane dzimwe dzose yaiwainika panguva iyoyo. Zvisinei, Ray, muduku pahanzvadzi dzangu mbiri, aigara achikumbira Baba matiki maviri (tiki masendi matatu akabatana). Rimwe zuva akashingirira chaizvo kuti aida matiki maviri zvokuti Baba vakagumbuka. Ray akatanga kuchema akataura kuti akanga achida matiki maviri nokuti pakanga paine zvaakanga aronga naJehovha. Pakupedzisira Ray akatsanangura kuti: “Imwe tiki inofanira kuiswa mubhokisi rezvipo, uye imwe ndeyangu.” Amai vakachema nomufaro, Baba vakabva vangomupa matiki maviri, uye ndakadzidza kukosha kwokutsigira basa roUmambo nemari.

Panenge panguva iyi, Baba vakaronga kuti titamire kwakanga kuchidiwa vaparidzi voUmambo zvikuru. Muna 1949 vakatengesa purazi ravo, nzvimbo yavaichera jecha uye yavaichera matombo ndokutanga kuita basa roupiyona, vachishanda somushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha. Ndakabhabhatidzwa musi waSeptember 24, 1950, kuratidza kuti ndakanga ndazvitsaurira kuna Jehovha. Kubvira ipapo, pamazororo edu omuchirimo, ndaishanda sapiyona wezororo (ava kunzi webetsero), ndichipedza maawa 100 pamwedzi ndiri muushumiri. Asi ikoko kwaingova kutanga bedzi. Nokukurumidza ndakanzwa ndava nechido chakasimba mumwoyo mangu chokuita zvakawanda zvikuru kuti basa rokunamata kwakachena rifambire mberi.

Chido Changu Chokuva Mumishinari

Muna 1951, Baba vakanzi vanoshanda kuBideford, North Devon. Tichangosvika ikoko, mumwe mumishinari aishanda kuAfrica akashanyira ungano yedu, sezvambodudzwa pakutanga. Pashure paizvozvo, chido changu chokuva mumishinari ndicho chaitungamirira zvose zvandaisarudza kuita. Vadzidzisi kuchikoro vaiziva nezvechinangwa changu uye vakaedza zvose zvavaigona kuti vandiodze mwoyo, vachifunga kuti ndaizoita basa rokunyika. Zvisinei pazuva rangu rokupedzisira pachikoro, pandakaenda kuimba yevadzidzisi kuti ndinovatenda uye kuti ndivaoneke, mumwe wavo akati: “Makorokoto! Ndiwe woga mudzidzi anonyatsoziva zvaanoda muupenyu. Tinovimba kuti uchazadzisa chinangwa chako.”

Pasina nguva, ndakawana basa randakanga ndisingaiti nguva dzose, uye musi waDecember 1, 1955, ndakava piyona wenguva dzose. Gare gare, Amai nehanzvadzi dzangu vakavawo mapiyona. Saka kwemakore anoverengeka, vanhu vose vomumhuri vakambova mubasa renguva yakazara.

Kuenda kuIreland

Kwapera gore, ndakagamuchira tsamba yaiti ndinoshanda kuIreland. Iri raiva rimwe danho raizobatsira kusvika pachinangwa changu chokuva mumishinari. Muna February 1957, ini pamwe chete nemamwe mapiyona maviri echiduku June Napier, naBeryl Barker, takasvika muCork, kumaodzanyemba kweIreland.

Ushumiri hwomumunda muIreland hwakanga hwakaoma. Taishorwa zvikuru neChechi yeRoma Katurike. Takadzidza kutanga tawana nzira yokutiza nayo tichangopinda muchivako kana kuti mumusha une dzimba dzakawanda, kuitira kana taizofanira kutiza nokukurumidza. Taiwanzoviga mabhasikoro edu nechokure, asi kakawanda mumwe munhu aiaona obva aacheka-cheka matayi kana kuabvisa mweya.

Pane imwe nguva, ini naBeryl patakanga tichishanyira musha une dzimba dzakawanda, boka revana rakatanga kudanidzira richitituka uye kutipotsera nematombo. Saka takapinda mune chimwe chitoro chaitengeswa mukaka, asi rimwe divi chiri imba yomumwe munhu. Mhomho yakatanga kuungana panze. Sezvo Beryl aifarira mukaka, akanwa magirazi maviri kana kuti matatu zvishoma nezvishoma, achitarisira kuti zvimwe mhomho yaizongoenda. Asi haina. Zvadaro, mumwe mupristi wechiduku akapinda muchitoro chacho. Achifunga kuti takanga tiri vayenzi, akati akanga achida kutiratidza nzvimbo yacho. Zvisinei, pakutanga akatiendesa kune rimwe kamuri muimba yacho, uye sezvatakanga takagara takanyarara, akanyengeterera imwe harahwa yaitotandadza zvayo. Takabva tazobuda mumba umu nomupristi uya. Mhomho yacho payakaona kuti takanga tichitaura nomupristi, yakabva yangopararawo.

Kuenda kuGiriyedhi

Muna 1958 Gungano Remarudzi Akawanda raiva nomusoro unoti Kuda kwaMwari raizoitirwa muNew York. Baba vakanga vachizoenda, uye ini ndakanga ndichida kuendawo, asi ndakanga ndisina mari. Ambuya vangu vakafa zvatakanga tisingatarisiri uye vakandisiyira 100 pounds ($280, U.S.). Mari yokuenda nokudzoka kugungano yaiva 96 pounds, saka ndakabva ndangotenga tikiti rendege.

Nguva pfupi izvi zvaitika, mumiriri aibva kuhofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muBritain akatishanyira uye akakumbira mapiyona chaiwo ose akanga achienda kugungano kuti anyore achikumbira kuti azodzidziswa basa roumishinari paChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi. Ndakashamisika zvikuru! Akapa vamwe vose mafomu kusiya kwangu. Ndaiva muduku zvikuru. Ndakakumbira kuti vandipewo, ndichitsanangura kuti ndakanga ndatosiya nyika yokumusha kwangu uye kuti ndakanga ndichitoshanda somumishinari. Vachiona kutsunga kwangu, vakandipa fomu. Ndakanyengetera zvikuru kuti ndibvumwe! Mhinduro yakauya nokukurumidza, uye ndakanzi ndiende kunopinda chikoro cheGiriyedhi.

Ndakafara zvikuru kuti ndakaiswa mukirasi yechi33 yeGiriyedhi, pamwe chete nemamwe mapiyona 81 aibva kunyika 14. Mwedzi mishanu yekosi yacho yakakurumidza kupera. Nechokunopera kwayo, Hama Nathan H. Knorr vakatipa hurukuro yaikurudzira zvikuru yemaawa mana. Vakakurudzira vose vaikwanisa kugara vasina kuroora kana kuroorwa kuti varambe vakadaro. (1 VaKorinde 7:37, 38) Asi kunesu vaya vakanga vachida kuzoroorwa nerimwe zuva, vakatikurudzira kuti tinyore zvinhu zvataizotarisira kumunhu akakodzera kuchata naye. Zvadaro, kana taizoona munhu angangoita, taizomuongorora tichitarisa kana aienderana nezvatakanyora.

Zvandaitarisira kune murume wandaizoda kuroorwa naye zvaisanganisira zvinotevera: Aizofanira kunge ari mumishinari seniwo uye achida Jehovha, anoziva zvakawanda nezvechokwadi cheBhaibheri kundipfuura, anoda kuti tisava nevana Amagedhoni isati yasvika kuitira kuti tirambe tiri mubasa renguva yakazara, anogona kutaura Chirungu zvakanaka, uye mukuru kwandiri. Zvandakanyora izvi zvakandibatsira zvikuru, ini munhu aiva nemakore 20 uye akanga ava pedyo nokupiwa basa rokuenda kunoshanda kune imwe nyika iri kure.

Kuenda kuBrazil

Musi weSvondo, August 2, 1959, takapedza kudzidza uye takaudzwa kwataizonoshanda. Ini naVehanouch Yazedjian, Sarah Greco, Ray naInger Hatfield, Sonia Springate, uye Doreen Hines, takanzi tiende kunoshanda kuBrazil. Takafara zvikuru. Ndakafungidzira zvinhu zvakadai semasango, miti inogadziriswa rabha uye zvizvarwa zvemo zvevaIndia. Zvisinei, pandakasvika ikoko, ndakashamiswa zvikuru! Panzvimbo pokuona masango eAmazon anogara achinaya, ndakaona Rio de Janeiro, guta remazuva ano rinonakidza, panguva iyoyo raiva guta guru renyika yacho.

Chokutanga chatakatarisana nacho kwaiva kudzidza chiPutukezi. Mumwedzi wokutanga, taidzidza kwemaawa 11 zuva roga roga. Pashure pokuparidza muRio tichigara pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha kwekanguva, ndakaendeswa kumusha wemamishinari kuPiracicaba, muSão Paulo State, uye gare gare kumusha wemamishinari kuPorto Alegre, muRio Grande do Sul State.

Zvadaro, gore ra1963 richangotanga, ndakanzi ndinoshanda muDhipatimendi Reshanduro pabazi racho. Floriano Ignez da Conceição, uyo akambotidzidzisa chiPutukezi patakatanga kusvika, ndiye akanga achitarisira dhipatimendi racho. Akadzidza chokwadi muna 1944, kuchingova neZvapupu 300 bedzi muBrazil, uye akapinda kirasi yechikoro cheGiriyedhi yechi22. Rimwe zuva, mwedzi mishoma gare gare, Hama Conceição vakakumbira kuti ndisare masikati, nokuti vakanga vachida kutaura neni. Pakutanga, ndakanetseka. Ndakanga ndakanganisa chimwe chinhu here? Bhero rokuenda kunodya zvokudya zvemasikati parakazorira, ndakavabvunza kuti vaida kutaura neni nezvei. Vakandipindura vachiti, “Ungada kuroorwa neni here?” Ndakashaya romuromo. Ndakavataurira kuti ndakanga ndichida kumbonofunga nezvazvo ndikabva ndakurumidza kuenda kunodya.

Floriano akanga asiri hama yokutanga kutaura kuti aindida. Zvisinei, kusvikira panguva iyoyo, hapana munhu akanga akakodzerana nezvandaitarisira kumunhu aizondiroora. Ndinofunga kuti zvinhu zvandakanga ndanyora zvakandibatsira kuti ndisakanganisa kusarudza. Panguva ino, zvakanga zvakasiyana. Ndakagutsikana naFloriano pane zvose zvandaida! Saka takaroorana musi waMay 15, 1965.

Matambudziko Ourwere

Muchato wangu naFloriano wave uchifadza zvikuru, pasinei zvapo nematambudziko atakasangana nawo. Rimwe raiwaya idambudziko routano hwaFloriano, iro rakatanga nguva pfupi tisati taroorana. Makore akati wandei izvi zvisati zvaitika, bapu rake rokuruboshwe rakarega kushanda, uye izvi zvakaita kuti atange kurwadziwa zvikuru. Somugumisiro, takabva paBheteri uye takanoshanda semapiyona chaiwo muguta reTeresópolis, mujinga memakomo eRio de Janeiro State. Taiva netariro yokuti mamiriro okunze eikoko aizobatsira kuti aite zviri nani.

Uyezve, muna December 1965, ndakatambira mashoko okuti amai vangu vakanga vachirwara zvikuru nekenza. Taigara tichinyorerana tsamba, asi ndakanga ndisina kuona Amai kwemakore manomwe. Saka vakatibhadharira mari yendege yokuenda kuEngland kuti tinovaona. Amai vakavhiyiwa, asi vanachiremba vakatadza kubvisa kenza yacho. Kunyange zvazvo vaigara vakarara uye vachirwara zvikuru, vakaramba vaine chido chokuparidza. Vaiva netapureta muimba yavo yokurara kuitira kuti varayire mashoko etsamba dzavaida kuti dzinyorwe. Vaiparidzawo kwenguva pfupi kuvayenzi. Vakafa musi waNovember 27, 1966. Mumwedzi iwoyo, vakashuma maawa gumi ebasa romumunda! Baba vakaramba vakavimbika mubasa sapiyona kusvikira vafa muna 1979.

Amai vafa, ini naFloriano takadzokera kuBrazil, uko kwatave tichishanda muRio de Janeiro State kusvika iye zvino. Pakutanga takanzi tinoita basa redunhu muguta renyika yacho, asi mufaro uyu waingova wenguva pfupi nokuti Floriano akarwarazve zvikuru. Takabva tadzokera kuTeresópolis semapiyona chaiwo.

Muna 1974, pashure pemakore okurwadziwa nokurapwa, vanachiremba vakapedzisira vabvisa bapu rokuruboshwe raFloriano. Panguva iyoyo, akanga asingakwanisi kushanda somutariri anotungamirira kana kuti sapiyona chaiye, asi aikwanisa kudzidzisa vanhu Bhaibheri panguva yavaiuya kuzoona varwere kuchipatara—mumwe wacho waaidzidzisa neChirungu ndiBob, imwe harahwa yokuAmerica. Bob akabvuma chokwadi uye akazobhabhatidzwa. Floriano akapora zvishoma nezvishoma uye ave achishanda sapiyona wenguva dzose kubva ipapo.

Jehovha Akakomborera Ushumiri Hwangu

Mumakore ose aya, ndave ndichishanda sapiyona chaiye, uye Jehovha ange achikomborera ushumiri hwangu. MuTeresópolis, ndakava neropafadzo yakanaka kwazvo yokubatsira vanhu vanopfura 60 kuti vatsaurire upenyu hwavo kuna Jehovha. Pakati pavo paiva nomukadzi ainzi Jupira, uyo wandakadzidzisawo kuverenga. Pashure penguva yakati, ndakazodzidza nevana vake vakuru vasere. Somugumisiro, Jupira uye vemumhuri yake nehama dzake vanopfuura 20 vari kushingaira kunamata Jehovha nhasi. Mumwe wacho mukuru, vatatu vashumiri vanoshumira, uye vaviri mapiyona.

Ndakadzidza kuona munhu wose seangangozodzidza chokwadi. Pane imwe nguva, ndakanga ndichidzidzisa Bhaibheri mumwe mukadzi wechiduku ainzi Alzemira, murume wake Antônio paakandityisidzira achiti aizondisaidzira mazimbwa maviri kana ndakanga ndisina kubva pamba pavo nokukurumidza. Pashure paizvozvo, ndaingoonana naAlzemira nenguva dziri kure bedzi kutozosvikira pashure peanenge makore manomwe, pandakazobvumidzwa naAntônio kuti ndidzidze nomudzimai wake zvakare. Asi iye Antônio akaramba kuti nditaure naye nezveBhaibheri. Zvisinei, rimwe zuva kuchinaya zvikuru, ndakakumbira Antônio kuti apindurewo pataidzidza. Ndakazoziva kuti chinetso chake chaiva chokusagona kuverenga. Kubva panguva iyoyo, Floriano nevamwe vakadzidza naye uye vakamudzidzisa kuverenga. Nhasi Alzemira naAntônio vakabhabhatidzwa. Antônio anobatsira zvikuru muungano, achibuda muushumiri nevechiduku vakawanda.

Izvi zvinongova zvimwe zvezviitiko zvishomanana zvatakava nazvo kwemakore anopfuura 20 atakashanda tiri muTeresópolis. Gore ra1988 richangotanga, takapiwa basa idzva—guta reNiterói, kwatakashanda kwemakore mashanu tisati taenda kuSanto Aleixo. Takazonzi tiende kuUngano yeJapuíba pakati chaipo peRio de Janeiro uye takava neropafadzo yokutanga Ungano yeRibeira.

Upenyu Huri Nyore asi Hunogutsa

Kwemakore ose aya, ini naFloriano takava neropafadzo yokubatsira vanhu vanopfuura 300 kuti vatsaurire upenyu hwavo kuna Jehovha. Iye zvino, vamwe vavo vari kushanda pabazi, uye vamwe mapiyona, vakuru, uye vashumiri vanoshumira. Ndinoonga zvikuru kuti Mwari achishandisa mudzimu wake mutsvene akaita kuti tibatsire vanhu vakawanda chaizvo!—Mako 10:29, 30.

Ichokwadi kuti Floriano akambova nezvinetso zvoutano zvakakomba. Pasinei nezvaari, anoramba akatsiga, achifara uye achivimba naJehovha. Anowanzoti: “Nhasi mufaro haubvi pakurarama upenyu husina zvinetso. Unobva pakubatsirwa naJehovha kuti tigone kukurira zvinetso zvedu.”—Pisarema 34:19.

Muna 2003, ndakanzi ndaiva nekenza muziso rangu rokuruboshwe. Ndakavhiyiwa, uye ziso rangu rokuruboshwe rakabviswa ndikaisirwa rimwe risiri chairo iro rinofanira kugezwa kakawanda pazuva. Pasinei neizvi, Jehovha akandikomborera nesimba rokuramba ndichimushumira sapiyona chaiye.

Nezvezvinhu zvenyama, ndave ndichirarama upenyu huri nyore. Asi Jehovha akandikomborera mubasa rangu uye akaita kuti ndive akapfuma zvikuru mune zvokunamata. Zvakataurwa nehanzvadzi iya mumishinari nezvebasa rokuparidzira muAfrica zvazoratidza kuti ndizvo chaizvo zvinotsanangura basa redu kuBrazil. Chokwadi, Jehovha akakomborera zvikuru chido changu chokuva mumishinari!

[Mufananidzo uri papeji 9]

Ndiine mhuri yangu, muna 1953

[Mufananidzo uri papeji 9]

Kuparidzira muIreland, muna 1957

[Mufananidzo uri papeji 10]

MuBrazil, muna 1959 nemamwe mamishinari. Kubva kuruboshwe: Ini, Inger Hatfield, Doreen Hines, naSonia Springate

[Mufananidzo uri papeji 10]

Ndiine murume wangu