Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuratidza Kuremekedza Kuungana Kwedu Kutsvene

Kuratidza Kuremekedza Kuungana Kwedu Kutsvene

Kuratidza Kuremekedza Kuungana Kwedu Kutsvene

“Ndichavaunzawo kugomo rangu dzvene ndoita kuti vafare muimba yangu yokunyengeterera.”—ISAYA 56:7.

1. Zvikonzero zvipi zvomuMagwaro zvatinazvo zvokuremekedza zvakakodzera misangano yedu?

JEHOVHA akaunganidza vanhu vake, vaKristu vakazodzwa neshamwari dzavo, kuti vamunamate ‘pagomo rake dzvene.’ Ari kuita kuti vafare vari mu“imba [yake] yokunyengeterera,” temberi yake yezvokunamata, “imba yokunyengeterera yemarudzi ose.” (Isaya 56:7; Mako 11:17) Kuunganidza kwaakaita vanhu vake kunoratidza kuti kumunamata kwatinoita chinhu chitsvene, chakachena, uye chakakwirira. Kana tichiremekedza zvakakodzera misangano yedu uye kudzidza nokunamata kwatinoita, tinoratidza kuti tinoona zvinhu zvitsvene semaonero anoita Jehovha.

2. Chii chinoratidza kuti Jehovha aiona nzvimbo yaaisarudza kuti anamatirwe senzvimbo tsvene, uye Jesu akaratidza sei kuti ndiwo maonero aaiitawo?

2 MuIsraeri yekare, nzvimbo yaisarudzwa naJehovha kuti vanhu vamunamatire yaifanira kunzi itsvene. Tebhenekeri nemidziyo yaiva mairi yaifanira kuzodzwa uye kutsveneswa “kuti zvive zvitsvenetsvene.” (Eksodho 30:26-29) Dzimba mbiri dzomunzvimbo tsvene dzainzi “Nzvimbo Tsvene” uye “Nzvimbo Tsvenetsvene.” (VaHebheru 9:2, 3) Tebhenekeri yakazotsiviwa netemberi yaiva muJerusarema. Jerusarema rainzi “guta dzvene,” sezvo raiva nzvimbo yainamatirwa Jehovha. (Nehemiya 11:1; Mateu 27:53) Paaiita ushumiri hwake pasi pano, Jesu pachake akaratidza kuti airemekedza temberi zvakakodzera. Akatsamwira vanhu nokuti vakanga vasingaremekedzi nzvimbo yaiva netemberi, vaitengeserana ipapo uye vaiiita nzira yokudimburira.—Mako 11:15, 16.

3. Chii chinoratidza kuti magungano aiitwa nevaIsraeri aiva matsvene?

3 VaIsraeri vaigara vachiungana kuti vanamate Jehovha uye kuti vateerere Mutemo wake uchiverengwa. Mamwe mazuva emitambo yavo ainzi magungano matsvene kana kuti mitambo mikuru, kuratidza kuti kuungana uku kwaiva kutsvene. (Revhitiko 23:2, 3, 36, 37) Pakuungana kwaiitwa navose mumazuva aEzra naNehemiya, vaRevhi “vakanga vachitsanangurira vanhu mutemo.” Sezvo “vanhu vose vakanga vachisvimha misodzi sezvavainzwa mashoko omutemo,” vaRevhi “vakanga vachirayira vanhu vose kuti vanyarare, vachiti: ‘Nyararai! nokuti zuva rino idzvene.’” VaIsraeri vakabva vapemberera Mutambo Wematumba “nokufara kukuru kwazvo.” Uyezve, “bhuku romutemo waMwari wechokwadi rakaverengwa zvinonzwika zuva nezuva, kubvira pazuva rokutanga kusvikira pazuva rokupedzisira; uye vakaramba vachiita mutambo wacho kwemazuva manomwe, uye pazuva rechisere pakava nokuungana kukuru, maererano nomurau wacho.” (Nehemiya 8:7-11, 17, 18) Zvechokwadi idzi dzaiva nguva tsvene dzaida kuti vaya vaivapo vateerere noruremekedzo.

Misangano Yedu Kuungana Kutsvene

4, 5. Zvii zvinoitwa pamisangano yedu zvinoratidza kuti kuungana kutsvene?

4 Chokwadi, mazuva ano Jehovha haana guta dzvene chairo pasi pano, rine temberi chaiyo yakatsaurirwa kunamatwa kwake. Kunyange zvakadaro, hatifaniri kukanganwa kuti misangano yokunamata Jehovha kuungana kutsvene. Tinoungana katatu pavhiki kuti tiverenge uye tidzidze Magwaro. Shoko raJehovha rino“tsanangurwa,” uye sezvaiitwa munguva yaNehemiya, rino“dudzirwa.” (Nehemiya 8:8) Misangano yedu yose inotanga uye inopera nomunyengetero, uye pane yakawanda yacho tinoimba nziyo dzokurumbidza Jehovha. (Pisarema 26:12) Misangano yeungano zvechokwadi ndeimwe nzira yatinonamata nayo uye inoda kuti tive nepfungwa yokuremekedza sezvatinoita pakunyengetera uye tinyatsoteerera noruremekedzo.

5 Jehovha anokomborera vanhu vake sezvavanoungana kuti vamunamate, vadzidze Shoko rake, uye vawadzane zvinofadza sevaKristu. Nguva yokupinda misangano painosvika, tinogona kuva nechokwadi chokuti ‘Jehovha anorayira kuti chikomborero chive ipapo.’ (Pisarema 133:1, 3) Tinowanawo chikomborero ichocho kana tiripo uye tichinyatsoteerera purogiramu yezvokunamata. Uyezve, Jesu akati: “Pane vaviri kana vatatu vakaungana muzita rangu, ini ndiripo pakati pavo.” Maererano nezvaitaurwa, mashoko aya anoshanda kuvakuru vechiKristu vanenge vachiungana kuti vakurukure zvinetso zvevanhu zvakakomba, asi pfungwa iyi inoshandawo pamisangano yedu. (Mateu 18:20) Kana Kristu achishandisa mudzimu mutsvene kuti avepo vaKristu pavanoungana muzita rake, misangano yakadaro haifaniri kuonekwa semitsvene here?

6. Chii chingataurwa nezvenzvimbo dzedu dzatinoungana, takawanda kana kuti tiri vashoma?

6 Ichokwadi kuti Jehovha haagari mutemberi dzakagadzirwa nevanhu. Kunyange zvakadaro, Dzimba dzedu dzoUmambo inzvimbo dzokunamata kwechokwadi. (Mabasa 7:48; 17:24) Tinoungana ipapo kuti tidzidze Shoko raJehovha, tinyengetere kwaari, uye timuimbire rumbidzo. Ndizvo zvakaitawo Dzimba dzedu dzeMagungano. Nzvimbo dzakakura dzatinohaya nokuda kwemagungano edu eruwa—dzakadai sedzimba dzakakura, dzimba dzinoratidzirwa zvinhu, kana kuti nhandare dzemitambo—dzinova nzvimbo dzokunamatira padzinenge dzichishandiswa nokuda kwokuungana kwedu kutsvene. Nguva idzi dzokunamata, patinoungana takawanda kana kuti tiri vashoma, dzinofanira kuremekedzwa, uye tinozviratidza nemaonero edu nokuzvibata kwatinoita.

Nzira Dzokuratidza Nadzo Kuremekedza Kuungana Kwatinoita

7. Ndeipi nzira iri pachena yatingaratidza nayo kuti tinoremekedza kuungana kwedu?

7 Pane nzira dziri pachena dzatingaratidza nadzo kuremekedza kuungana kwatinoita. Imwe yacho ndeyokuvapo panoimbwa nziyo dzoUmambo. Mashoko enziyo idzi dzakawanda anoita sokuti minyengetero, saka dzinofanira kuimbwa noruremekedzo. Achitaura mashoko ePisarema 22, muapostora Pauro akanyora nezvaJesu kuti: “Ndichazivisa hama dzangu zita renyu; ndichakurumbidzai nenziyo ndiri pakati peungano.” (VaHebheru 2:12) Saka tinofanira kunge tagara pasi sachigaro asati asuma rwiyo uye tinofanira kuimba tichifungisisa zvinoreva mashoko acho. Kuimba kwedu ngakuratidze kuti tinonzwa semanzwiro aiita munyori wepisarema, akati: “Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose ndiri muboka revakarurama vanoshamwaridzana uye muungano.” (Pisarema 111:1) Chokwadi, kuimbira Jehovha rumbidzo ndechimwe chikonzero chakanaka zvikuru chokukurumidza kusvika pamisangano yedu uye kuramba tiripo kusvikira yapera.

8. Muenzaniso upi uri muBhaibheri unoratidza kuti minyengetero inopiwa pamisangano yedu inofanira kuteererwa noruremekedzo?

8 Chimwe chinhu chinoita kuti misangano yedu yose inyanye kukosha munyengetero womwoyo wose unoitirwa vose vanenge vakaungana. Pane imwe nguva, vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaiva muJerusarema vakaungana “vakashevedzera nomwoyo mumwe kuna Mwari” vachinyengetera nomwoyo wose. Somugumisiro, pasinei nokutambudzwa—vakaramba “vachitaura shoko raMwari noushingi.” (Mabasa 4:24-31) Tingafungidzira here vamwe vaivapo vachifunga havo zvimwe zvinhu paipiwa munyengetero iwoyo? Aiwa, vakanyengetera “nomwoyo mumwe.” Minyengetero inopiwa pamisangano yedu inoratidza manzwiro anoita vose vanenge varipo. Tinofanira kuiteerera noruremekedzo.

9. Tingaratidza sei kuti tinoremekedza kuungana kwedu kutsvene nemapfekero atinoita uye kuzvibata kwatinoita?

9 Uyezve, tinogona kuratidza kuti tinoremekedza zvikuru utsvene hwokuungana kwedu nemapfekero atinoita. Chitarisiko chedu panyaya yezvatinopfeka nemagadziriro atinoita bvudzi redu chingawedzera kuita kuti misangano yedu iremekedzwe zvikuru. Muapostora Pauro akapa zano rokuti: “Ndinoda kuti varume munzvimbo dzose varambe vachinyengetera, vachisimudza maoko akavimbika, pasina hasha uye nharo. Saizvozvowo ndinoda kuti vakadzi vashonge nguo dzakagadzirwa zvakanaka, vaine mwero nepfungwa dzakanaka, vasingaruki bvudzi nendarama kana nemaparera kana kupfeka nguo dzinodhura kwazvo, asi nenzira inokodzera vakadzi vanoti vanotya Mwari.” (1 Timoti 2:8-10) Patinopinda magungano makuru anoitirwa munhandare dzakakura, tingapfeka zvakakodzera mamiriro okunze asi zvichiremekedzeka. Kuwedzera kune izvozvo, kuremekedza kwatinoita nguva yacho kuchaita kuti tirege kudya chimwe chinhu kana kutsenga chingamu purogiramu painenge ichiitwa. Kupfeka uye kuzvibata zvakakodzera patinoungana kunokudza Jehovha Mwari, kunamatwa kwake, uye vamwe vatinonamata navo.

Mufambiro Wakakodzera Imba yaMwari

10. Muapostora Pauro akaratidza sei kuti tinofanira kuva netsika dzakanaka zvikuru pamisangano yedu yechiKristu?

10 Muna 1 VaKorinde chitsauko 14, tinowana zano romuapostora Pauro rokuchenjera nezvemaitirwo anofanira kuitwa misangano yechiKristu. Akagumisa achiti: “Zvinhu zvose ngazviitike nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.” (1 VaKorinde 14:40) Misangano yedu chikamu chinokosha chebasa reungano yechiKristu, uye inoda kuti tizvibate zvinoenderana neimba yaJehovha.

11, 12. (a) Chii chinofanira kurovererwa mupfungwa dzevana vanopinda misangano yedu? (b) Vana vangataura zvavanotenda munzira ipi yakakodzera pamisangano yedu?

11 Vana ndivo vanofanira kunyanya kudzidziswa kuti vozvibata sei pamisangano yedu. Vabereki vechiKristu vanofanira kutsanangurira vana vavo kuti Imba yoUmambo uye nzvimbo yeChidzidzo cheBhuku Cheungano hadzisi nzvimbo dzokutambira. Inzvimbo dzatinonamatira Jehovha uye kwatinodzidza Shoko rake. Mambo akachenjera Soromoni akanyora kuti: “Chenjerera tsoka dzako pose paunoenda kuimba yaMwari wechokwadi; swedera pedyo kuti unzwe.” (Muparidzi 5:1) Mosesi akadzidzisa vaIsraeri kuti vaungane pamwe chete, vakuru “nevana.” Akati: “Unganidza vanhu . . . kuti vateerere uye kuti vadzidze, nokuti vanofanira kutya Jehovha Mwari wenyu, vochenjerera kuita mashoko ose omutemo uyu. Vanakomana vavo vasina kuziva vanofanira kuteerera, uye vanofanira kudzidza kutya Jehovha.”—Dheuteronomio 31:12, 13.

12 Saizvozvowo mazuva ano, vana vedu vanopinda misangano nevabereki vavo, chikonzero chikuru chiri chokuti vateerere uye vadzidze. Pavanenge vava kukwanisa kuteerera uye kunzwisisa chokwadi cheBhaibheri chinokosha, vana vanogonawo ku“zivisa pachena” kutenda kwavo nokupa mhinduro pfupi. (VaRoma 10:10) Mwana muduku angatanga nokutaura mashoko mashomanana achipindura mubvunzo waanenge anzwisisa. Pakutanga, angaita zvokuverenga mhinduro yacho, asi nokufamba kwenguva achaedza kutaura zvaanofunga, nemashoko ake. Izvi zvinobatsira uye zvinofadza mwana, uye kutaura kwakadaro kwokutenda kunofadza mwoyo yevakura vanenge varipo. Kazhinji vabereki vanoratidza vana vavo muenzaniso kana ivo vachipindurawo. Kana zvichiita, zvakanaka kuti mwana ave neBhaibheri rake pachake, nziyo, uye bhuku riri kudzidzwa. Vanofanira kudzidza kuremekedza mabhuku iwayo zvakakodzera. Zvose izvi zvicharoverera mupfungwa dzevana kuti misangano yedu kuungana kutsvene.

13. Tinotarisirei kune vaya vari kupinda misangano yedu kokutanga?

13 Chokwadi, hatidi kuti misangano yedu ifanane neminamato yemachechi echiKristudhomu. Iyi inogona kusava noupenyu uye iri yokuzvikudza kana kuti kuva noruzha sekonzati yomumhanzi weroku. Tinoda kuti misangano inoitwa paDzimba dzedu dzoUmambo ive noushamwari uye inokwezva asi kwete kusvika pakuita sokuti tiri pakirabhu. Tinoungana kuti tinamate Jehovha, saka misangano yedu inofanira kuva inokudzwa nguva dzose. Chido chedu ndechokuti kana vaya vari kupinda kokutanga vateerera mashoko ari kutaurwa uye vaona kuti tiri kuzvibata sei uye kuti vana vedu vari kuzvibata sei, vati: “Chokwadi Mwari ari pakati penyu.”—1 VaKorinde 14:25.

Chinhu Chinogara Chichiitwa Pakunamata Kwatinoita

14, 15. (a) Zvii zvatingaita kuti ‘tisaregeredza imba yaMwari wedu’? (b) Isaya 66:23 yava kutozadzika sei?

14 Sezvambotaurwa, Jehovha ari kuunganidza vanhu vake uye ari kuita kuti vafare ‘muimba yake yokunyengeterera,’ temberi yake yezvokunamata. (Isaya 56:7) Murume akatendeka Nehemiya akayeuchidza vaJudha vaainamata navo kuti vaifanira kuremekedza temberi chaiyo zvakakodzera nokuitsigira nepfuma yavo. Akati: “Hatifaniri kuregeredza imba yaMwari wedu.” (Nehemiya 10:39) Uyezve hatifaniri kurega kuteerera kukokwa kwatinoitwa naJehovha kuti timunamate ‘muimba yake yokunyengeterera.’

15 Achiratidza kuti tinofanira kuungana kuti tinamate nguva dzose, Isaya akaprofita kuti: “‘Zvino kubvira pakugara kwomwedzi kusvikira pakugara kwomwedzi uye kubvira pasabata kusvikira pasabata vanhu vose vachauya kuzokotama pamberi pangu,’ Jehovha adaro.” (Isaya 66:23) Izvi zviri kuitika mazuva ano. Nguva dzose, vhiki nevhiki, mwedzi nomwedzi, vaKristu vakazvitsaurira vanoungana kuti vanamate Jehovha. Zvimwe zvezvinhu izvi vanozviita nokupinda misangano yechiKristu uye nokuita ushumiri hwepachena. Uri mumwe wevaya vanogara ‘vachiuya kuzokotama pamberi paJehovha’ here?

16. Nei kugara tichipinda misangano kuchifanira kuva chinhu chatinogara tichiita muupenyu hwedu iye zvino?

16 Isaya 66:23 ichanyanya kushanda kuupenyu hwomunyika itsva yaJehovha yaakapikira. Panguva iyoyo, chaizvoizvo “vanhu vose” vhiki nevhiki uye mwedzi nomwedzi, “vachauya kuzokotama” kana kuti kuzonamata Jehovha nokusingaperi. Sezvo kuungana kuti tinamate Jehovha kuchava chinhu chatichagara tichiita muupenyu hwedu hwokunamata mumamiriro ezvinhu matsva, hatifaniri kuita kuti kugara tichipinda misangano yedu mitsvene kuve chinhu chinokosha muupenyu hwedu iye zvino here?

17. Nei tichida misangano yedu “kunyanya zva[ti]noona zuva richiswedera pedyo”?

17 Mugumo zvaunoswedera pedyo, tinofanira kutsunga kuti tipinde misangano yedu yechiKristu kuti tinamate kupfuura zvataiita kare. Nokuti tinoremekedza utsvene hwemisangano yedu, hatiregi basa rokunyika, basa rokuchikoro rinoitirwa kumba, kana kuti kuenda kuchikoro chemanheru kuchiita kuti tirege kuvapo pamisangano nguva dzose pamwe nevatinonamata navo. Tinoda simba ratinowana nokuwadzana nevamwe. Misangano yedu yeungano inotipa mukana wokuzivana, kukurudzirana, uye kuita kuti tive “norudo nemabasa akanaka kwazvo.” Tinofanira kuita izvi “kunyanya zva[ti]noona zuva richiswedera pedyo.” (VaHebheru 10:24, 25) Naizvozvo, ngatigarei tichiremekedza kuungana kwedu kutsvene nenzira yakakodzera nokugara tichipinda misangano, kupfeka zvakakodzera, uye kuzvibata zvakakodzera. Kana tikadaro, tinoratidza kuti tinoona zvinhu zvitsvene semaonero anoita Jehovha.

Kudzokorora

• Chii chinoratidza kuti kuungana kwevanhu vaJehovha kunofanira kuonekwa sokutsvene?

• Zvii zvinoitwa pamisangano yedu zvinoratidza kuti kuungana kutsvene?

• Vana vangaratidza sei kuti vanoremekedza zvinoitwa pamisangano yedu?

• Nei kugara tichipinda misangano kuchifanira kuva chinhu chatinogara tichiita muupenyu hwedu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 28]

Misangano yokunamata Jehovha kuungana kutsvene pasinei nokwainoitirwa

[Mufananidzo uri papeji 31]

Vana vedu vanogona kupinda misangano kuti vadzidze uye vateerere