Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuvaka Takabatana Kuti Tirumbidze Mwari

Kuvaka Takabatana Kuti Tirumbidze Mwari

Kuvaka Takabatana Kuti Tirumbidze Mwari

PANE chimwe chezvitsuwa zveSolomon Islands vanhu vaicherechedza Imba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha itsva. Mumwe mudzimai akati: “Muchechi medu, tine vanhu vakawanda vanoita zvirongwa zvokutsvaga mari. Tinokumbira vatinonamata navo kuti vape mari, asi hatisati tava nemari yakakwana kuti tivake chechi itsva. Ko imi Zvapupu zvaJehovha munowana sei mari yenyu?” Zvapupu zvaakataura nazvo zvakapindura kuti: “Tinonamata Jehovha semhuri yomunyika yose. Ungano yedu nehama dzedu pasi pose dzakapa zvinhu zvakanga zvichidiwa kuti Imba yoUmambo itsva ivakwe. Jehovha akatidzidzisa kuti tibatane muzvinhu zvose.”

Kubatana kweZvapupu zvaJehovha unokuona mune zvose zvazvinoita, kusanganisira kuvakwa kwezviuru zveDzimba dzoUmambo. Kubatana kwakadaro pakuita mabasa aya hakusi kutsva. Vanhu vaMwari vave vakabatana kwezviuru zvemakore. Sei?

Kuvaka Tebhenekeri uye Temberi

Jehovha akanga achifunga nezvorudzi rwaIsraeri anopfuura makore 3 500 paakaudza Mosesi kuti: “Ngavandigadzirire nzvimbo tsvene.” (Eksodho 25:8) Nezvepurani yechivako ichi, Jehovha akatizve: “Maererano nezvose zvandiri kukuratidza somufananidzo wetebhenekeri uye mufananidzo wemidziyo yayo yose, igadzirei saizvozvo.” (Eksodho 25:9) Zvadaro Jehovha akavaudza mashoko ose epurani yechivako chitsvene, midziyo, uye zvimwewo. (Eksodho 25:10–27:19) “Tebhenekeri” iyi, kana kuti tende, yaifanira kuva musimboti wokunamata wevaIsraeri vose.

Hatizivi kuti vanhu vangani vakaita basa iroro, asi vaIsraeri vose vakakumbirwa kuti vazotsigira basa racho. Mosesi akavaudza kuti: “Unganidzai mupiro wokupa Jehovha pakati penyu. Vanhu vose vane mwoyo inoda ngavauye nawo uve mupiro waJehovha.” (Eksodho 35:4-9) VaIsraeri vakati chii? Eksodho 36:3 inoti: “Zvino vakatora pamberi paMosesi mupiro wose uyo vanakomana vaIsraeri vakanga vauya nawo kuti ushandiswe pabasa dzvene kuti variite, asi vapedzisira kutaurwa nezvavo vakaramba vachiuya kwaari nechinopiwa chokuzvidira mangwanani oga oga.”

Munguva pfupi pakanga patova nemirwi yezvinhu zvaipiwa, uye vanhu vakaramba vachiuya nezvakawanda. Mhizha dzaiita basa dzakazotaurira Mosesi kuti: “Vanhu vari kuuya nezvakawandisa kupfuura zvinodiwa pakuita basa rakarayirwa naJehovha kuti riitwe.” Saka Mosesi akarayira kuti: “Varume nevakadzi, chiregai kugadzirazve zvinhu zvomupiro mutsvene.” Chii chakazoitika? “Zvinhu zvacho zvakakwana nokuda kwebasa rose raida kuitwa, zvimwe zvikasara.”—Eksodho 36:4-7.

Nemhaka yomutsa wevaIsraeri, tebhenekeri yakapera mugore rimwe chete. (Eksodho 19:1; 40:1, 2) Vanhu vaMwari vakaremekedza Jehovha nokutsigira kwavakaita kunamata kwechokwadi. (Zvirevo 3:9) Pashure penguva yakati, vaizoita rimwe basa rakakura zvikuru rokuvaka. Uye zvakare, vose vakanga vachida vaigona kubatsira pabasa rokuvaka, vangave vaiva noruzivo rwokuvaka kana kuti vakanga vasina.

Anenge mazana mashanu emakore tebhenekeri yavakwa, vaIsraeri vakatanga kuvaka temberi muJerusarema. (1 Madzimambo 6:1) Ichi chaizova chivako chakanaka zvikuru, chaizogara kwenguva yakareba chematombo uye matanda. (1 Madzimambo 5:17, 18) Jehovha akapa Dhavhidhi purani yezvinhu zvose yetemberi ‘achiita zvokumufuridzira.’ (1 Makoronike 28:11-19) Asi akasarudza mwanakomana waDhavhidhi Soromoni kuti atungamirire basa rokuvaka. (1 Makoronike 22:6-10) Dhavhidhi akatsigira basa racho nomwoyo wake wose. Akaunganidza matombo, matanda, mimwe midziyo uyewo akapa goridhe nesirivha zvakawanda zvikuru. Akakurudzirawo vamwe vake vaIsraeri kuti vape nomwoyo wose, achivabvunza kuti: “Ndiani anozvipira kuzadza ruoko rwake nechipo chaJehovha nhasi?” Vanhu vakaita sei?—1 Makoronike 29:1-5.

Soromoni paakazotanga kuvaka temberi, akanga atova nezviuru zvematani egoridhe nesirivha. Kwakanga kuine mhangura nesimbi yakawanda zvikuru zvokuti yakanga isingayereki. (1 Makoronike 22:14-16) Nokubatsirwa naJehovha uye kutsigira kwevaIsraeri, basa racho rakapera mumakore manomwe nehafu bedzi.—1 Madzimambo 6:1, 37, 38.

“Imba yaMwari Wechokwadi”

Tebhenekeri netemberi zvainzi “imba yaMwari wechokwadi.” (Vatongi 18:31; 2 Makoronike 24:7) Jehovha haana kumbobvira ada imba yokugara. (Isaya 66:1) Akaita kuti zvivako izvozvo zvivakwe kuti vanhu vagozvishandisa. Zvechokwadi, temberi payaitsaurirwa, Soromoni akabvunza kuti: “Asi chokwadi Mwari angagara panyika here? Tarirai! Hamungakwani mumatenga, iko kumatengatenga; zvino, zvakadini neimba ino yandavaka!”—1 Madzimambo 8:27.

Achishandisa muprofita wake Isaya, Jehovha akati: “Imba yangu ichanzi imba yokunyengeterera yemarudzi ose.” (Isaya 56:7) Zvibayiro zvaipiwa uye minyengetero yaiitwa patemberi yacho, pamwe chete nokupemberera kwaiitwa ipapo, zvaiita kuti vanhu vaMwari—vaJudha nevakanga vasiri vaJudha—vaswedere pedyo naMwari wechokwadi. Vakava shamwari dzaJehovha uye vakadzivirirwa naye nokunamata kwavaiita vari paimba yake. Munyengetero wakapiwa naSoromoni pakanga pachitsaurirwa temberi unosimbisa chokwadi ichi. Unogona kuverenga mashoko aaitaurira Jehovha anobaya mwoyo pana 1 Madzimambo 8:22-53 na2 Makoronike 6:12-42.

Imba yaMwari wechokwadi yekare iyoyo yakaparadzwa kare kare, asi Shoko raMwari rakataura nezvenguva apo vanhu vemarudzi ose vaizounganidzwa kuti vanamate Jehovha patemberi huru zvikuru ine chokuita nokunamata. (Isaya 2:2) Chibayiro chimwe chete chakakwana choMwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga, chakafanofananidzirwa nezvibayiro zvemhuka zvaipiwa patemberi, ndiyo yaizova nzira yokunamata nayo Jehovha. (Johani 14:6; VaHebheru 7:27; 9:12) Zvapupu zvaJehovha zvino zvava kunamata Mwari nenzira iyoyo inopfuura dzimwe dzose, uye zviri kubatsira vakawanda kuti vaitewo saizvozvo.

Mabasa Okuvaka Emazuva Ano

Munyika yose, Zvapupu zvaJehovha zvinonamata Mwari wechokwadi. Zvinoumba “rudzi rune simba,” rune vanhu vari kuramba vachiwedzera. (Isaya 60:22) Zvapupu zvaJehovha zvinonyanya kuungana paImba yoUmambo. * Zviuru zvezvivako izvi zviri kushandiswa, uye zvimwe zviuru zvichiri kudiwa.

Zvapupu zvaJehovha ‘zvinozvipa nomwoyo unoda’ kuti zvivake Dzimba dzoUmambo dzinenge dzichidiwa. (Pisarema 110:3) Zvisinei, kakawanda Zvapupu zvomune dzimwe nzvimbo dzinenge dzichida kuvakwa hazvina unyanzvi hunodiwa pakuvaka uye dzimwe nzvimbo dzine vaparidzi vari kuwedzera zvikuru dzine dambudziko rourombo. Muna 1999, Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha rakatanga purogiramu yokuvaka Dzimba dzoUmambo kuti ribatsire kukurira zvipingamupinyi izvozvo. Kuburikidza nechirongwa ichi, Zvapupu zvinonyatsoziva basa rokuvaka zvakaenda kunzvimbo dziri kure kuti zvinodzidzisa hama nehanzvadzi kuvaka Dzimba dzoUmambo. Vashandi ivavo vakadzidziswa vakabva vaenderera mberi nebasa rokuvaka munzvimbo idzodzo. Basa iri rakaguma nei?

Pakazosvika February 2006, Zvapupu zvaJehovha zviri munyika dzisina kupfuma, zvakanga zvatoona Dzimba dzoUmambo itsva dzinopfuura 13 000 dzichivakwa. Verenga mashoko evamwe vari kushandisa Dzimba dzoUmambo itsva idzi.

“Ungano yacho yaiva nevanhu vanenge 160 vaigara vachipinda misangano. Pamusangano wokutanga wakaitwa Imba yoUmambo itsva yapera kuvakwa, vanhu vakawedzera kusvika ku200. Iye zvino, pashure pemwedzi mitanhatu, vava kusvika 230. Kukomborera kuri kuita Jehovha basa iri rokuvaka zvivako zvisiri zvemaoresa asi zvinobatsira kuri kuoneka.”—Mutariri wedunhu muEcuador.

“Kwemakore akawanda vanhu vave vachitibvunza kuti, ‘Ndirini pamuchazombovawo neImba yoUmambo yakaita sedzatinoona mumabhuku enyu?’ Tinoonga Jehovha nokuti tazovawo nenzvimbo yakanaka yokunamatira. Taisiitira misangano yedu muchitoro cheimwe hama, vanhu vanenge 30 vachipinda misangano. Pamusangano wokutanga watakaitira muImba yoUmambo itsva, vanhu 110 vakapinda.”—Ungano iri muUganda.

“Hanzvadzi mbiri dziri mapiyona enguva dzose dzinotaura kuti zvinonakidza zvikuru kushanda mundima yacho kubva pakavakwa Imba yoUmambo. Iye zvino vanhu vava kunyanya kuda kuteerera patinoita ushumiri hwepaimba neimba uyewo patinoparidza zvisina kurongwa. Hanzvadzi idzi dzava kudzidza Bhaibheri nevanhu 17, uye vakawanda vevanodzidziswa vanopinda misangano.”—Hofisi yebazi rokuSolomon Islands.

“Mumwe mufundisi anogara pedyo, anoti Imba yoUmambo itsva inoita kuti nzvimbo yacho iremekedzeke zvikuru uye anoti vanhu vomunzvimbo iyoyo vanodada nayo. Vakawanda vanopfuura nepo vanotaura nezvokunaka kweImba yacho. Izvi zvinopa hama mikana yakanaka yokuparidza. Vanhu vakawanda zvikuru vanoda kuziva nezvehama dzedu dzomunyika yose. Vakawanda vakanga vasina kupinda misangano kwemakore akawanda vakakurudzirwa kuwadzanazve nguva dzose.”—Hofisi yebazi reMyanmar.

“Imwe hanzvadzi yakakoka murume anofarira kwakanga kuchivakwa munzvimbo yaanogara. Murume wacho akazoti: ‘Ndakanga ndichifunga kuti vashandi vacho vaisazondibvumidza kupinda. Ndakashamisika kuti Zvapupu zvacho zvakandikwazisa noruremekedzo. Varume nevakadzi vakanga vachishanda nesimba, vasingatambisi nguva. Vakanga vachishandira pamwe uye vachifara.’ Murume wacho akabvuma kudzidza Bhaibheri uye akatanga kupinda misangano. Akazoti: ‘Ndachinja mafungiro. Handichambosiyi Mwari iye zvino sezvo ndatombomuwana.’”—Hofisi yebazi reColombia.

Kutsigira Kwedu Kunokosha

Kuvaka Dzimba dzoUmambo chikamu chinokosha zvikuru chebasa redu dzvene. Kutsigira kwave kuchiita Zvapupu zvaJehovha basa iroro romunyika yose—nemari uye nedzimwe nzira—kunorumbidzwa zvechokwadi. Zvisinei, tinofanira kuyeuka kuti zvimwe zvinhu zvine chokuita nebasa dzvene zvinokoshawo. Nguva nenguva, vaKristu vanowirwa nenjodzi dzinongoitika dzoga uye vanoda kubatsirwa nesu. Kubudiswa kwemabhuku eBhaibheri kunoita basa rakakura rokutsigira basa dzvene. Vakawanda vedu takaona simba rokubatsira kunoita magazini kana kuti mabhuku anotaura nezveBhaibheri kana akapiwa munhu ane mafungiro akanaka. Uyezve, kutsigira mamishinari uye vamwe vari mubasa renguva yakazara kunokosha zvikuru. VaKristu vakadaro vanozvipira vanoita basa rinokosha mukuwedzera kuitwa kwebasa rokuparidza muano mazuva okupedzisira.

Vaya vakabatsira kuti basa rokuvaka temberi riitwe vakafara zvikuru. (1 Makoronike 29:9) Nhasi, kutsigira kunamata kwechokwadi nemari yedu yezvipo kunotifadzawo. (Mabasa 20:35) Tinonzwawo kufara patinoisa mari yedu yezvipo mubhokisi reHomwe yeDzimba dzoUmambo uye patinopa zvipo zvemari yebasa romunyika yose, nokuita izvozvo tinenge tichitsigira mamwe mabasa ane chokuita nokuparidza mashoko akanaka oUmambo. Zvapupu zvaJehovha nhasi zvakabatana mukunamata kwechokwadi munzira yakanaka zvikuru. Kudai tose zvedu tikazara nomufaro unobva mukutsigira kunamata ikoko kwechokwadi!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 16 Nezvekwakabva shoko rokuti ‘Imba yoUmambo,’ ona bhuku rinonzi Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari, papeji 319, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 20, 21]

NZIRA IDZO VAMWE VANOSARUDZA KUPA NADZO

ZVIPO KUTI VATSIGIRE BASA ROMUNYIKA YOSE

Vakawanda vanochengeta kana kuronga mari yavanozoisa mumabhokisi ezvipo akanzi “Mipiro Yebasa Romunyika Yose—Mateu 24:14.”

Mwedzi woga woga ungano dzinotumira mari iyi kuhofisi yeZvapupu zvaJehovha yomunyika yadzo. Zvipo zvemari inopiwa nokuzvidira zvinogonawo kutumirwa zvakananga kuWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, Attention Treasurer’s Office, 25 Columbia Heights, Brooklyn, New York 11201-2483, kana kuti kuhofisi yebazi romunyika yenyu reZvapupu zvaJehovha. Cheki dzinotumirwa kukero iri pamusoro apa dzinofanira kunyorerwa “Watch Tower.” Zvishongo kana kuti zvimwe zvinhu zvinokosha zvingapiwawo. Zvipo izvi zvinofanira kuuya netsamba pfupi inotaura kuti ichi chipo chakananga.

CHIRONGWA CHOKUPA UCHIZOGONA KUDZORERWA

Watch Tower ingachengeteswa mari kuti ishandiswe nokuda kwebasa romunyika yose. Zvisinei, anenge aichengetesa paanenge ava kuida anogona kuidzorerwa. Kuti uwane mamwe mashoko, tapota nyorera Treasurer’s Office pakero iri pamusoro apa.

KURONGA KUBATSIRA VAMWE

Kuwedzera kuzvipo chaizvo zvemari yaungazodzorerwa, kune dzimwe nzira dzokupa nadzo kubatsira basa roUmambo romunyika yose. Dzimwe dzacho ndeidzi:

Inishuwarenzi: Watch Tower inganzi ndiyo inozowana inishuwarenzi youpenyu kana kuti chirongwa chokurega basa kana kuti chomudyandigere.

Maakaundi Okubhengi: Munhu angaita kuti maakaundi ake okubhengi, magwaro anoratidza mari yaiswa mubhengi, kana kuti maakaundi okurega basa atarisirwe kana kuti azopiwa Watch Tower kana afa, zvichienderana nezvinodiwa nebhengi romunzvimbo iyoyo.

Mari yeBhizimisi neMagwaro Anoratidza Mari iri Kune Mamwe Mabhizimisi: Watch Tower ingapiwa mari yebhizimisi nemagwaro anoratidza mari iri kune mamwe mabhizimisi sechipo.

Zvivako Nenzvimbo: Zvivako kana nzvimbo inotengeseka zvingapiwa zvimwe sechipo chaicho kana kuti, kana iri nzvimbo yokugara, anenge apa wacho anogona kuramba achishandisa kana kugarapo paanenge achiri mupenyu. Zivisa hofisi yebazi romunyika yako usati wanyora gwaro repamutemo rokupa chivako kana nzvimbo ipi neipi.

Chipo Chinobviswa Pagore Negore: Chipo chinobviswa pagore negore urongwa hwokuti munhu anotamisa mari kana kuti mubereko wayo achizviendesa kusangano repamutemo rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha. Munhu wacho kana kuti mumwe munhu anosarudzwa neanenge apa anozowana mari inenge yabvumiranwa gore negore kwoupenyu hwose. Anenge apa wacho anoderedzerwa mari yomutero yaanobhadhara gore rinotanga kubviswa chipo chacho chepagore negore.

Zvido Zvenhaka Nokuchengetesa: Watch Tower ingasiyirwa zvinhu sechido chenhaka chepamutemo, kana kuti Watch Tower inganzi ndiyo inozotora zvinhu zvinenge zvakachengeteswa. Zvinhu zvakachengeteswa zvinobatsira sangano rechitendero zvingava nezvazvinobatsira pakudzikisirwa mutero.

Sezvinoreva mashoko okuti “kuronga kubatsira vamwe,” zvipo zvakadai zvinoda kuti ari kupa wacho anyatsoronga. Pane bhurocha riri mumutauro weChirungu neSpanish rine musoro unoti Charitable Planning to Benefit Kingdom Service Worldwide (Kuronga Kubatsira Basa roUmambo Romunyika Yose), rinoyamura vanhu vanoda kubatsira basa romunyika yose reZvapupu zvaJehovha nedzimwe nzira. Bhurocha racho rakanyorerwa kupa mashoko enzira dzakasiyana-siyana dzokupa nadzo zvipo kana mari iye zvino kana kuti pakufa. Pashure pokunge vaverenga bhurocha iri uye vataura navanachipangamazano vavo vomutemo kana kuti vemitero, vakawanda vave vachikwanisa kutsigira basa rechitendero uye rokubatsira vanhu rinoitwa neZvapupu zvaJehovha munyika yose, uye pavanenge vachidaro ivo vanenge vachibatsirwa pamutero wavanobhadhara. Ungawana bhurocha iri kana ukarikumbira kuCharitable Planning Office.

Kana uchida mamwe mashoko, ungataura neCharitable Planning Office, zvimwe netsamba kana kuti norunhare, pakero iri pasi apa, kana kuti nehofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha yomunyika yenyu.

Charitable Planning Office

Jehovah’s Witnesses

P. Bag WG-5001, Westgate

Runhare: 332137/8

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kubatana kwedu kunoita kuti tikwanise kuvaka Dzimba dzoUmambo dzakanaka munyika yose

[Mufananidzo uri papeji 18]

Imba yoUmambo itsva muGhana