Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mazano Akavimbika Okurera Vana

Mazano Akavimbika Okurera Vana

Mazano Akavimbika Okurera Vana

“NDAKANGA ndiine makore 19, ndichigara kure nenhengo dzose dzemhuri yangu, uye ndisina kugadzirira zvachose,” anodaro Ruth pamusoro pepamuviri pake pokutanga. Zvaaiva zai regondo, haana kumbenge afunga zvakadzama pamusoro pokuva mubereki. Aizowana kupi mazano akavimbika?

Asiwo Jan, iye zvino ava baba vevana vaviri vakura, anoyeuka kuti: “Ndaizvivimba chaizvo pakutanga. Asi hazvina kunditorera nguva kuti ndione kuti ndakanga ndisinganyatsozivi.” Pasinei nokuti vabereki vangatanga vachiita sevakavhiringidzika kana kuti vanozovhiringidzika pava paya, vangawana kupi mazano okurera vana vavo?

Nhasi, nhamba yevabereki vanotsvaka mazano paIndaneti iri kuwedzera. Zvisinei, ungave uchishamisika kuti mazano anowanika paIndaneti akavimbika zvakadii. Pane chikonzero chakanaka chokuti ungwaririre. Unoziva here vari kukupa mazano paIndaneti? Vakabudirira zvakadii pakurera vana vavo? Hapana mubvunzo kuti unofanira kungwaririra panyaya dzine chokuita nemhuri yako. Dzimwe nguva, sezvataurwa munyaya yapfuura, kunyange mazano avanachipangamazano anogona kuodza mwoyo. Saka uchawana kupi mazano?

Tsime remazano okurera vana ndiJehovha Mwari, Muvambi wemhuri. (VaEfeso 3:15) Ndiye chipangamazano wechokwadi chete. MuShoko rake Bhaibheri, anopa mirayiridzo yakavimbika, inoshanda, inobatsira zvechokwadi. (Pisarema 32:8; Isaya 48:17, 18) Zvisinei, zviri kwatiri kuti tiishandise.

Vakaroorana vakawanda vakakumbirwa kuti vatsanangure zvavakanga vadzidza pavairera vana vavo kuti vave vakarovedzwa zvakanaka uye vave vanhu vakuru vanotya Mwari. Vanoti chinhu chikuru chakaita kuti vabudirire kwaiva kushandisa mazano eBhaibheri. Vakaona kuti nanhasi mazano eBhaibheri akavimbika sezvaakanga akaita pakatanga kunyorwa Bhaibheri.

Wana Nguva Yokuva Navo

Catherine, amai vevana vaviri, paakabvunzwa kuti izano ripi rakamubatsira kwazvo, akakurumidza kutaura Dheuteronomio 6:7. Ndima iyoyo inoti: “Unofanira kuaroverera [mazano eBhaibheri] mumwanakomana wako uye utaure nezvawo paunogara mumba mako nepaunofamba mumugwagwa nepaunorara pasi nepaunomuka.” Catherine akaziva kuti, kuti atevedzere zano iroro, aifanira kuva nenguva yakawanda nevana vake.

‘Izvozvo zviri nyore kuzvitaura pane kuzviita,’ ungafunga kudaro. Nemhaka yokuti mumhuri dzakawanda zvinoda kuti baba naamai vashande, vabereki vakabatikana vangawana sei nguva yokuva nevana vavo? Torlief, ane mwanakomana ave kurera mhuri yakewo, anoti chinhu chinokosha kushandisa zano rinowanika muna Dheuteronomio. Enda nevana vako kwose kwaunoenda, uye pachava nemikana yokutaura navo. “Ini nomwanakomana wangu taiita mabasa epamba pamwe chete,” anodaro Torlief. “Taifamba pamwe chete semhuri. Uye taidya pamwe chete.” Somugumisiro anoti, “mwanakomana wedu nguva dzose ainzwa zviri nyore kutaura akasununguka.”

Zvakadini kana musisiri kukurukurirana uye mava kuita zvokumanikidzira kutaurirana? Izvi zvinomboitika sezvo vana vanokura. Zvekare, kuwana nguva yokuva navo kunobatsira. Ken, murume waCatherine, anoyeuka kuti mwanasikana wavo paakanga ayaruka, ainyunyuta kuti baba vake vakanga vasingamuteereri. Kunyunyuta kwakadaro kunowanzoitwa nevechiduku. Aizoitei? Ken anoyeuka kuti: “Ndakasarudza kuwedzera nguva yataipedza tiri vaviri, tichikurukura zvaaifunga, manzwiro ake, uye zvaimuvhiringidza. Izvozvo zvakabatsira chaizvo.” (Zvirevo 20:5) Zvisinei, Ken anodavira kuti chakaita kuti izvi zvishande ndechokuti kukurukurirana mumhuri yavo chaisava chinhu chitsva. “Ini nomwanasikana wangu takagara tiine ukama hwakanaka,” anodaro, “saka ainzwa kuti aigona kutaura neni akasununguka.”

Sezvineiwo, kumwe kuongorora kuchangobva kuitwa kunoratidza kuti kana vabereki nevechiduku vakabvunzwa, vechiduku ndivo vanonyanya kutaura kuti vabereki nevana havawani nguva yokuva pamwe chete. Saka wadii kutevera zano reBhaibheri? Wana nguva yokuva nevana vako—pakuzorora uye pamunenge muchishanda, kumba uye pakufamba, mangwanani paunomuka uye manheru musati manorara. Kana zvichiita enda navo kwose kwaunoenda. Sepfungwa inobudiswa pana Dheuteronomio 6:7, hapana chinotsiva kuwana nguva yokuva nevana vako.

Vadzidzise Unhu Hwakanaka

Mario, baba vevana vaviri, naiyewo anokurudzira kuti: “Idai vana zvikuru, uye vaverengerei.” Zvisinei, haisi nyaya yokungoti vana vako vave vakangwara. Unofanira kuvadzidzisa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa. Mario anowedzera kuti: “Dzidza navo Bhaibheri.”

Nechinangwa ichocho, Bhaibheri rinokurudzira vabereki kuti: “Nemiwo madzibaba regai kugara muchishusha vana venyu, asi varerei muchivaranga muchivadzidzisa nenzira yaTenzi.” (VaEfeso 6:4, Bhaibheri Rinoera) Mumisha yakawanda nhasi, vana havasi kurayirwa tsika. Vamwe vanofunga kuti vana pavanokura, vanogona kuzvisarudzira unhu hwavanoda. Zvine musoro kwauri here? Sezvinongoita miviri miduku inoda zvokudya zvakafanira kuti ikure yakasimba uye noutano, saka pfungwa dzevechiduku nemwoyo yavo zvinoda mirayiridzo. Kana vana vako vakasadzidza unhu kubva kwauri pamba, vangangopedzisira vava nepfungwa dzakafanana nedzevavanodzidza navo uye dzevadzidzisi vavo kana kuti dzinobudiswa muzvinhu zvinobudisa nhau.

Bhaibheri rinogona kubatsira vabereki kudzidzisa vana vavo kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa. (2 Timoti 3:16, 17) Jeff, mukuru wechiKristu ane ruzivo akayarutsa vana vaviri, anokurudzira kushandisa Bhaibheri kudzidzisa vana unhu hwakanaka. Anoti: “Kushandisa Bhaibheri kunobatsira vana kuziva kuti Musiki anonzwa sei pamusoro penyaya yakati, kwete kungoti Amai kana Baba vanonzwa sei. Takacherechedza simba rinoshamisa reBhaibheri papfungwa nemwoyo. Kuti tikurukure mufambiro wakaipa kana kufunga kwakaipa, taiwana nguva yokutsvaka rugwaro rwakakodzera. Zvadaro tiri panzvimbo yedu toga, taiti mwana averenge rugwaro rwacho. Kazhinji zvaiita kuti misodzi itange kuyerera pamatama. Taishamiswa. Bhaibheri raiva nesimba kupfuura zvimwe zvose zvataigona kufunga kuti titaure kana kuti tiite.”

VaHebheru 4:12 inotsanangura kuti: “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba . . . uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro zvomwoyo.” Mashoko eBhaibheri haasiwo zvawo zvinofungwa nomunhu kana zvakaitika zvevanhu vakashandiswa naMwari sevanyori vake. Asi anomiririra kufunga kwaMwari panyaya dzetsika. Izvi zvinoita kuti ave akasiyana nemamwe mazano ose. Ukashandisa Bhaibheri kudzidzisa vana vako, uri kuvabatsira kuti vave nokufunga kwaMwari panyaya. Kudzidzisa kwako kune simba rakakura, uye une mukana wakakura wokusvika mwoyo womwana wako.

Catherine, ambotaurwa pakutanga anobvumirana nazvo. Iye anoti: “Zvinhu pazvainge zvakaoma zvikuru, taitsvaka mazano zvakanyanya muShoko raMwari—uye izvi zvaibatsira!” Unokwanisa kushandisa Bhaibheri zvakasimba pakudzidzisa vana vako kuti vanzwisise zvakanaka nezvakaipa here?

Ratidza Kunzwisisa

Muapostora Pauro anotaura chimwe chinhu chinokosha pakurera vana. Akakurudzira vaKristu vaainamata navo kuti: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vose.” (VaFiripi 4:5) Izvozvo zvinosanganisira kuti vana vedu vaone kuti tinonzwisisa. Uye yeuka, kunzwisisa kunoratidza “uchenjeri hunobva kumusoro.”—Jakobho 3:17.

Zvisinei, kunzwisisa kunoita basa rei pakudzidzisa vana vedu? Kunyange zvavo tichivabatsira nepatinogona napo, hatidzori zvose zvavanoita. Somuenzaniso, Mario ambotaurwa nezvake, mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye anoyeuka kuti: “Taigara tichikurudzira vana vedu kuti vabhabhatidzwe, vaite ushumiri hwenguva yakazara, uye vave nezvinangwa zvokunamata. Asi taivaudza kuti vaifanira kuzozvisarudzira kana nguva yacho yasvika.” Zvakaguma nei? Vana vavo vose vava kushanda sevaevhangeri venguva yakazara.

Bhaibheri rinonyevera vanababa pana VaKorose 3:21 kuti: “Imi vanababa, musashusha vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.” Catherine anokoshesa ndima iyoyo. Kana mubereki akasashivirira, zviri nyore kutsamwa kana kunyanyorayira. Asi anoti, “usatarisira zvakawanda kubva kuvana vako sezvaunotarisira kwauri.” Catherine mumwewo weZvapupu zvaJehovha, anowedzera kuti: “Ita kuti kunamata Jehovha kufadze.”

Jeff, ambotaurwa, anotaura mashoko anoshanda okuti: “Sezvo vana vedu vaikura, imwe shamwari yedu yakatiudza kuti kakawanda yaifanira kuramba zvaikumbirwa nevana vayo. Zvaivavhiringidza, zvichivasiya vachinzwa sevaomeserwa. Kuti izvi zvisaitike, akakurudzira kuti titsvake nzira dzokuti hungu.”

“Takaona riri zano rakanaka,” anodaro Jeff. “Takazotsvaka mikana yokuti vana vedu vaite zvinhu pamwe chete nevamwe mumamiriro ezvinhu ataibvumira. Saka taitaura navo toti: ‘Munoziva here kuti nhingi nanhingi vari kuita izvi neizvo? Madii maendawo?’ Kana kuti vana pavaitikumbira kuti tiende navo kune imwe nzvimbo, taingozvimanikidza kuenda kunyange taive takaneta. Taizviitira kuti tisazongoti kwete.” Ndizvo chaizvo zvinorehwa nokunzwisisa—kuva pakati nepakati, kuva nehanya, uye kubvuma asi usingapesani nemazano eBhaibheri.

Batsirwa Nemazano Akavimbika

Vakawanda vevakaroorana ava vava vanasekuru navanambuya. Vanofara kuona mazano eBhaibheri iwaya achibatsira vana vavo kubudirira sevabereki. Unogona kubatsirwa nemazano eBhaibheri here?

Ruth, ambotaurwa pakutanga, paakava mubereki, iye nomurume wake pane dzimwe nguva vainzwa sokuti hapana zvavaigona kuita. Asi zvakanga zvisina kudaro. Vaiva nezano rinopfuura zvose reShoko raMwari, Bhaibheri. Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa mabhuku eBhaibheri akanaka akawanda kwazvo anogona kubatsira vabereki. Aya anosanganisira Dzidza Kumudzidzisi Mukuru, Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, uye Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Torlief, murume waRuth anoti: “Nhasi kune pfuma yakawanda yemazano anobva muBhaibheri anowanikwa zviri nyore nevabereki. Kana vakaashandisa zvakanaka, vanogona kubatsirwa muzvinhu zvose zvine chokuita nokurera mwana sezvaanokura.”

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 5]

Zvinotaurwa naVANACHIPANGAMAZANO . . . Zvinotaurwa neBHAIBHERI

Pakuratidza Rudo:

MuThe Psychological Care of Infant and Child (1928), Dr. John Broadus Watson akakurudzira vabereki kuti: “Musambombundira kana kutsvoda” vana venyu. “Musambovabvumire kugara pamakumbo enyu.” Zvisinei, munguva pfupi yapfuura, Dr. Vera Lane naDr. Dorothy Molyneaux vakataura mumagazini inonzi Our Children (March 1999) kuti: “Kutsvakurudza kunoratidza kuti vana vaduku vasingabatwi mumaoko, vasingambundirwi, kubhabhadzirwa, kubatwa ruoko uye vasingaratidzwi rudo kashoma kuti vakure zvakanaka.”

Kusiyana nezvambotaurwa, Isaya 66:12 inotaura kuti Mwari anoratidza rudo kuvanhu vake nokushandisa mashoko anotaurwa nomubereki ane rudo. Saizvozvowo, vadzidzi vaJesu pavakaedza kudzivisa vanhu kuunza vana vaduku kuna Jesu, akavaruramisa achiti: “Regai vana vaduku vauye kwandiri; musaedza kuvadzivisa.” Zvadaro “akagumbatira vana mumaoko ake, akatanga kuvakomborera.”—Mako 10:14, 16.

Pakuvadzidzisa Unhu Chaihwo:

Munyaya yomuNew York Times Magazine ya1969, Dr. Bruno Bettelheim akasimbisa kuti mwana ane “kodzero yokuzvifungira, isingabvi pakugara [achiudzwa nevabereki vake], asi inobva paruzivo rwaanowana muupenyu.” Zvisinei, kwapera makore anenge 30, Dr Robert Coles, munyori weThe Moral Intelligence of Children (1997), akabvuma kuti: “Vana vanofanira chaizvo kuva nechinangwa, kutungamirirwa muupenyu uye kuva nounhu” hunotenderwa nevabereki vavo uye vamwe vakura.

Zvirevo 22:6 inokurudzira vabereki kuti: “Rovedza mukomana maererano nenzira yakamukodzera; kunyange paanokwegura haazotsauki pairi.” Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “rovedza” rinorevawo kuti “tanga” uye pano rinoratidza kutanga kwemirayiridzo yokutanga yomucheche. Saka vabereki vanokurudzirwa kutanga kudzidzisa vana vavo unhu hwakanaka kubvira vachiri vacheche. (2 Timoti 3:14, 15) Zvavachadzidza mumakore apakuvamba aya vangangoramba vachizviyeuka.

Pakuranga:

Dr. James Dobson akanyora mubhuku rinonzi The Strong-Willed Child (1978) kuti: “Kurova neshamhu kunoitwa nomubereki ane rudo chombo chokudzidzisa chinobvisa unhu hwakaipa.” Asiwo, munyaya inobva mubhuku rakakurumbira rinonzi Baby and Child Care (1998), Dr. Benjamin Spock akati: “Kurova vana kunovadzidzisa kuti munhu mukuru, ane simba anokwanisa kuita zvaanoda, zvisinei nokuti akarurama here kana kuti kwete.”

Nezvokuranga, Bhaibheri rinoti: “Shamhu nokutsiura ndizvo zvinopa uchenjeri.” (Zvirevo 29:15) Zvisinei, havasi vana vose vanofanira kurangwa vachiita zvokurohwa. Zvirevo 17:10 inotiudza kuti: “Kutsiura kunoshanda zvakanyanya kumunhu anonzwisisa kupfuura kurova benzi kane zana.”

[Mufananidzo]

Shandisa Bhaibheri kusvika pamwoyo

[Mufananidzo uri papeji 7]

Vabereki vakachenjera vanoronga kuti vaende kumbonofara nevana vavo