Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raMuparidzi

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raMuparidzi

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raMuparidzi

“MUNHU, akaberekwa nomukadzi, anorarama kwenguva pfupi uye akamomoterwa nezvinhu zvinonetsa,” akadaro musoro wemhuri Jobho. (Jobho 14:1) Zvinokosha zvikuru kuti tisatambisa upenyu hwedu hupfupi tichinetseka uye tichiita zvinhu zvisingabatsiri! Tinofanira kupedza nguva yedu, simba redu uye zvinhu zvatiinazvo tichiitei? Ndezvipi zvatisingafaniri kuita? Mashoko ouchenjeri akanyorwa mubhuku reBhaibheri raMuparidzi anotitungamirira zvakanaka panyaya iyi. Pfungwa dzaanotaura dzi“nokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro zvomwoyo” uye dzingatibatsira kuva noupenyu hune chinangwa.—VaHebheru 4:12.

Bhuku raMuparidzi rine mazano anobatsira okuti chii chinokosha zvechokwadi muupenyu uye chii chisingakoshi, zvarakanyorwa nomurume aizivikanwa kuti aiva akachenjera, Mambo Soromoni weIsraeri yekare. Sezvo Soromoni achitaura nezvezvimwe zvivako zvaakanga ambovaka, anofanira kunge akanyora bhuku raMuparidzi pashure pokunge zvapera kuvakwa uye asati atsauka pakunamata kwechokwadi. (Nehemiya 13:26) Izvozvo zvinoratidza kuti rakanyorwa gore ra1000 B.C.E. risati rasvika, nechokunopera kwokutonga kwaSoromoni kwemakore 40.

CHII CHINOBATSIRA?

(Muparidzi 1:1–6:12)

“Zvinhu zvose hazvina zvazvinobatsira!” anodaro muunganidzi, uyo anobvunza kuti: “Munhu anobatsirwei nebasa rake rose rakaoma raanoshanda zvakaoma pasi pezuva?” (Muparidzi 1:2, 3) Mashoko okuti “hazvina zvazvinobatsira” uye “pasi pezuva” anodzokororwa mubhuku raMuparidzi. Shoko rechiHebheru rokuti “hazvina zvazvinobatsira” rinoreva “mhepo yokufema” kana kuti “mhute” uye ringareva chinhu chisingakoshi, chenguva pfupi, uye chisingagari. Mashoko okuti “pasi pezuva” anoreva “pasi pano” kana kuti “munyika ino.” Saka zvinhu zvose—kureva zvinhu zvose zvinoitwa nevanhu zvisinei nezvinodiwa naMwari—hazvina zvazvinobatsira.

“Chenjerera tsoka dzako pose paunoenda kuimba yaMwari wechokwadi,” anodaro Soromoni, “swedera pedyo kuti unzwe.” (Muparidzi 5:1) Kunamata Jehovha Mwari nenzira yechokwadi kunobatsira. Kutaura zvazviri, zvinokosha kuti tifungisise ukama hwedu naye kana tichizorarama upenyu hune chinangwa.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:4-10—Zvinhu zvinogara zvichiitika zvi“nonetesa” pakudini? Muunganidzi anongotaura zvinhu zvitatu zvinokosha zvinoita kuti panyika pave noupenyu—zuva, mafambiro emhepo, uye kutenderera kunoita mvura. Kutaura zvazviri, zvinhu zvinogara zvichiitika zvakawanda, uye zvakaoma kuzvinzwisisa. Munhu anogona kupedza upenyu hwake hwose achidzidza nezvazvo asi otadza kuzvinzwisisa zvizere. Zvechokwadi izvozvo zvinogona ku“netesa.” Zvinoshungurudzawo kuenzanisa upenyu hwedu hupfupi nezvinhu izvi zvinogara zvichiitika. Kunyange kutsvakurudza kuti tizive zvatisati tava kuziva kunonetesa. Chokwadi, kugadzira zvinhu zvitsva kungoshandisa pfungwa dzakatangwa naMwari wechokwadi uye dzaakatoshandisa paaisika.

2:1, 2Nei kuseka kuchinzi “kupenga”? Kuseka kungatibatsira kukanganwa matambudziko edu kwekanguva, uye mafaro angaita kuti tisanyanya kufunga nezvematambudziko edu. Kunyange zvakadaro, kuseka hakuiti kuti matambudziko edu apere. Saka kutsvaka mufaro nokuseka kunonzi “kupenga.”

3:11—Zvii zvakaitwa naMwari “zvakanaka panguva yazvo”? Zvimwe zvinhu zvakaitwa naJehovha Mwari “zvakanaka,” kana kuti zvakakodzera uye zvichibatsira, panguva yakakodzera, ndiko kusika kwaakaita Adhamu naEvha, sungano yomuraraungu, sungano yaakaita naAbrahamu, sungano yaakaita naDhavhidhi, kuuya kwaMesiya, uye kugadzwa pachigaro kwaJesu Kristu saMambo woUmambo hwaMwari. Zvisinei, pane chimwezve chinhu chichaitwa naJehovha ‘chakanaka’ mune ramangwana. Tinogona kuva nechivimbo chokuti nyika itsva yakarurama ichauya panguva yakakodzera.—2 Petro 3:13.

3:15b—“Mwari wechokwadi anoramba achitsvaka chinodzingirirwa” sei? “Chinodzingirirwa” chingareva zvinhu zvinonzi naMwari achaita. Kunyange zvazvo kuberekwa nokufa uye hondo norugare zvichiramba zvichingoitika, zvingaita kuti munhu anzwe asina simba uye zvingaita kuti afunge kuti zvakamboitika zvicharamba zvichingoitika, Mwari wechokwadi anogona kutsvaka uye kuita zvose zvaanoda. (Muparidzi 3:1-10, 15a) “Chinodzingirirwa” chingarevawo vakarurama, vanowanzotsvakwa nevakaipa. Pane izvi, Jehovha anoramba achitsvaka vakarurama kuitira kuti “aratidze simba rake” nokuda kwavo.—2 Makoronike 16:9.

5:9—“Vose vanobatsirwa nezvinowanikwa panyika” sei? Vose vanogara panyika vanorarama “nezvinowanikwa panyika”—zvinoberekwa nenyika. Mambo anoraramawo nazvo. Kuti awane zvibereko zvomunda wake, mambo anofanira kushumirwa nevashandi vake vanoshanda nesimba kusakurira munda wacho.

Zvatinodzidza:

1:15. Hazvibatsiri kupedza nguva nesimba tichiedza kugadzirisa kudzvinyirira uye kusaruramisira kwatinoona nhasi. Umambo hwaMwari chete ndihwo huchabvisa uipi.—Dhanieri 2:44.

2:4-11. Mabasa anoitwa nevanhu, akadai sokuvaka, kurima, uye mumhanzi, pamwe chete nokurarama zvoumbozha anongova “kudzingana nemhepo” nokuti haaiti kuti upenyu huve nechinangwa zvechokwadi uyewo haaunzi mufaro unogara kwenguva refu.

2:12-16. Uchenjeri huri nani pane upenzi nokuti hunogona kubatsira kugadzirisa zvimwe zvinetso. Zvisinei, panyaya yorufu, uchenjeri hwevanhu hahubatsiri. Kunyange kana munhu angave akava nomukurumbira nokuti aiva nouchenjeri hwakadaro, anokurumidza kukanganwika.

2:24; 3:12, 13, 22. Kufarira zvibereko zvebasa redu hakuna kuipa.

2:26. Uchenjeri hwaMwari, hunounza mufaro, hunopiwa “munhu akanaka pamberi paMwari.” Hazviiti kuti uve nouchenjeri iwe usina ukama hwakanaka naMwari.

3:16, 17. Hazvina musoro kutarisira kuti tiruramisirwe pazvinhu zvose. Pane kuzvidya mwoyo nezvezviri kuitika munyika nhasi, tinofanira kumirira kuti Jehovha agadzirise zvinhu.

4:4. Kana basa rakaoma rikaitwa nounyanzvi rinogutsa. Zvisinei, kushanda nesimba kuti ukunde vamwe kunoita kuti mukwikwidzane uye kungaita kuti muvengane uye muitirane godo. Kushanda kwedu nesimba muushumiri hwechiKristu kunofanira kubva pavavariro dzakanaka.

4:7-12. Ukama hwevanhu hunokosha kupfuura zvinhu zvokunyama uye pfuma haifaniri kutsvakwa kuhupfuura.

4:13. Kuva nechinzvimbo kana kuti zera hazviiti kuti uremekedzwe nguva dzose. Vaya vane zvinzvimbo vanofanira kuita nokuchenjera.

4:15, 16. “Mwana, uya wechipiri”—anotsiva mambo—angatanga achitsigirwa ‘nevaya vaanotungamirira,’ asi ‘pashure havazomufariri.’ Kutaura zvazviri, kazhinji mukurumbira ndowenguva pfupi.

5:2. Tinofanira kutanga tafunga minyengetero yedu uye inofanira kuva yokuremekedza, kwete ine mashoko akawandisa.

5:3-7. Kunyanya kubatikana nokufungisisa zvinhu zvokunyama kungaita kuti munhu avarairwe achifunga zvinhu zvoudyire. Kunogona kuita kuti munhu asagadzikana usiku oita seari kurota, otadza kurara hope dzakanaka. Mashoko akawanda anogona kuita kuti munhu aite sebenzi kune vamwe uye angaita kuti aerekane apika pamberi paMwari asina kumbofunga. ‘Kutya Mwari wechokwadi’ kunoita kuti tisaita chero chimwe chezvinhu izvi.

6:1-9. Pfuma, kukudzwa, kurarama kwenguva refu, kunyange mhuri yakakura zvinobatsirei kana mamiriro ezvinhu achititadzisa kunakidzwa nazvo? Uye “kuona nemaziso,” kana kuti kuona zvinhu sezvazviri kuri nani pane “kufamba-famba kwomweya,” [“mweya une chido”], kureva kuedza kugutsa zvido zvisingaiti kugutsa. Saka, mararamiro akanakisisa ndeokugutsikana ne“zvokudya nezvokupfeka nepokugara” tichifara nezvinhu zvakanaka muupenyu uye tichifunga nezvokuramba tiine ukama hwepedyo naJehovha.—1 Timoti 6:8.

ZANO KUNE AKACHENJERA

(Muparidzi 7:1–12:8)

Tingadzivirira sei zita redu rakanaka, kana kuti mukurumbira? Tinofanira kuona sei vanhu vanotonga uye kusaruramisira kwatinoona? Sezvo vakafa vasina chavanoziva, tinofanira kushandisa sei upenyu hwedu iye zvino? Vechiduku vangashandisa sei nguva yavo uye simba ravo nokuchenjera? Zano rakanaka romuunganidzi panyaya idzi nedzimwe rakanyorwa nokuda kwedu muzvitsauko 7 kusvika ku12 zvebhuku raMuparidzi.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

7:19—Uchenjeri hwakasimba kupfuura “varume gumi vane simba” pakudini? Nhamba yokuti gumi painoshandiswa nenzira yokufananidzira muBhaibheri, inenge ichimiririra chinhu chakakwana. Soromoni ari kuti kudzivirira kunoita uchenjeri kunokosha kupfuura kungaita varwi vakakwana vakarinda guta.

10:2—Zvinorevei kuti mwoyo womunhu “uri kurudyi rwake” kana kuti “kuruboshwe rwake”? Sezvo ruoko rworudyi ruchiwanzoreva kunzwirwa nyasha, kana mwoyo womunhu uri kurudyi rwake zvinoreva kuti mwoyo wake unomukurudzira kuita zvakanaka. Zvisinei, kana mwoyo wake uchimukurudzira kuita zvakaipa, unonzi uri kuruboshwe rwake.

10:15—“Basa rakaoma remapenzi rinoanetesa” pakudini? Kana munhu asingagoni kusarudza zvakanaka, basa rake rakaoma harina zvarinobudisa zvine musoro. Haagutswi naro. Kushanda nesimba zvakadaro kunongomunetesa.

11:7, 8—Mashoko okuti: “Chiedza chinotapirawo, uye zvakanaka kuti maziso aone zuva” anorevei? Chiedza nezuva zvinoita kuti vapenyu vanakidzwe. Pano Soromoni ari kutaura kuti zvakanaka kuva mupenyu uye kuti tinofanira ‘kufara’ mazuva erima kana kuti okukwegura asati atitorera simba redu.

11:10—Nei “uduku noupwere” zvisina zvazvinobatsira? Kana zvikasashandiswa zvakanaka, izvi hazvina zvazvinobatsira nokuti kufanana nemhute, mazuva esimba rouduku anokurumidza kunyangarika.

Zvatinodzidza:

7:6. Kuseka panguva isina kukodzera kunoshatirisa uye hakubatsiri sezvinoita ruzha rweminzwa iri kutsva pasi pepoto. Hatifaniri kuseka saizvozvo.

7:21, 22. Hatifaniri kunyanya kunetseka pamusoro pezvinotaurwa nevamwe.

8:2, 3; 10:4. Patinotsoropodzwa kana kugadziriswa zvatinenge takanganisa nomukuru webasa kana kuti watinoshandira, kuchenjera kuramba takadzikama. Izvi zviri nani kupfuura ‘kukurumidza uye kubuda pamberi pake,’ kureva kuti kukurumidza kusiya basa.

8:8; 9:5-10, 12. Upenyu hwedu hunogona kungoguma tisina kumbozvitarisira sezvinoita hove kana dzabatwa mumambure kana kuti shiri kana dzabatwa mumusungo. Uyezve, hapana munhu angaita kuti simba roupenyu risabuda parufu, uyewo hapana angasunungurwa pamuvengi anorwa nevanhu, rufu. Nokudaro, hatifaniri kutambisa nguva. Jehovha anoda kuti tikoshese upenyu uye tinakidzwe nahwo nenzira yakanaka. Kuti tiite izvi, tinofanira kuita kuti basa raJehovha rive pakutanga muupenyu hwedu.

8:16, 17. Zvose zvakaitwa naMwari uye zvaakabvumira kuti zviitike kuvanhu hazvinganyatsonzwisiswi, kunyange kudai taizorega kurara tichiedza kuzvinzwisisa. Kunetseka pamusoro pezvinhu zvose zvisina kunaka zvave zvichiitwa kuchangoita kuti tisafara muupenyu.

9:16-18. Uchenjeri hunofanira kukosheswa kunyange kana vakawanda vasingahukoshesi. Mashoko omunhu akachenjera anotaurwa zvakadzikama anodiwa kupfuura kushevedzera noruzha kunoita benzi.

10:1. Tinofanira kungwarira zvatinotaura nezvatinoita. Kusangwarira kamwe chete, zvakadai sokufufutirwa nehasha, kunwa doro zvakapfurikidza kamwe chete, kana kuti unzenza hunoitwa kamwe chete, izvozvo chete zvingakanganisa zita romunhu anoremekedzwa.

10:5-11. Munhu asingagoni basa ane chinzvimbo chakakwirira haafaniri kuchiviwa. Kutadza kuita basa riri nyore nomazvo kungava nemigumisiro isina kunaka. Asi kukudziridza mano o“kushandisa uchenjeri zvakanaka” kunobatsira. Zvinokosha zvikuru kuti tiite basa rokuparidza Umambo nokuita vanhu vadzidzi nomazvo!

11:1, 2. Tinofanira kuva norupo nomwoyo wose. Rupo runoita kuti tipiwewo.—Ruka 6:38.

11:3-6. Kusava nechokwadi nezvoupenyu hakufaniri kuita kuti tive nemwoyo miviri.

11:9; 12:1-7. Vaduku vachazvidavirira kuna Jehovha. Naizvozvo vanofanira kushandisa nguva yavo nesimba ravo mubasa raMwari vasati vakwegura zvokushaya simba.

“MASHOKO EVAKACHENJERA” ANOTITUNGAMIRIRA

(Muparidzi 12:9-14)

Tinofanira kuona sei “mashoko anofadza” akatsvakwa nomuunganidzi kuti aanyore? Kusiyana ne“mabhuku mazhinji” ouchenjeri hwevanhu, “mashoko evakachenjera akaita sezvokubayisa mombe, uye vaya vanounganidza mitsetse yemashoko vakaita sezvipikiri zvakaroverwa; akapiwa achibva kumufudzi mumwe chete.” (Muparidzi 12:10-12) Mashoko ouchenjeri hunobva “kumufudzi mumwe chete,” Jehovha, anotsigisa upenyu hwedu.

Kushandisa zano rokuchenjera riri mubhuku raMuparidzi zvechokwadi kuchatibatsira kurarama upenyu hune chinangwa uye hunofadza. Uyezve, tinovimbiswa kuti: “Zvichafambira zvakanaka vaya vanotya Mwari wechokwadi.” Saka ngatirambei takatsunga ‘kutya Mwari wechokwadi tochengeta mirayiro yake.’—Muparidzi 8:12; 12:13.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Rimwe remabasa aMwari akanaka zvikuru richaitika panguva yaro yakakodzera

[Mufananidzo uri papeji 16]

Zvipo zvaMwari zvinosanganisira zvokudya, zvokunwa, uye kuona zvakanaka nokuda kwebasa redu rose rakaoma