Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoona Zvinhu Zvitsvene Semaonero Anoita Jehovha Here?

Unoona Zvinhu Zvitsvene Semaonero Anoita Jehovha Here?

Unoona Zvinhu Zvitsvene Semaonero Anoita Jehovha Here?

“Muchinyatsochenjerera kuti . . . parege kuva nechifeve kana munhu asingaongi zvinhu zvitsvene.”—VAHEBHERU 12:15, 16.

1. Vashumiri vaJehovha havana maonero api ane vakawanda mazuva ano?

VAKAWANDA munyika havasisiri kukoshesa zvinhu zvitsvene. Nyanzvi yemagariro evanhu yokuFrance Edgar Morin yakati: “Pose pakavakirwa tsika—Mwari, unhu, musha, nhoroondo, kufunga—zvava kugona kupikiswa. . . . Vanhu vava kuzvisarudzira tsika dzavanoda.” Izvi zvinoratidza “mudzimu wenyika,” kana kuti “mafungiro anoshanda zvino muvanakomana vasingateereri.” (1 VaKorinde 2:12; VaEfeso 2:2) Vanhu vakazvitsaurira kuna Jehovha uye vanoda kuzviisa pasi pouchangamire hwake hwakakodzera havana maonero iwayo okusaremekedza. (VaRoma 12:1, 2) Pane kudaro, vashumiri vaMwari vanoziva kukosha kunoita utsvene mukunamata kwavanoita Jehovha. Muupenyu hwedu zvinhu zvipi zvinofanira kuva zvitsvene? Nyaya ino ichakurukura zvinhu zvishanu zvitsvene kuvashumiri vaMwari vose. Nyaya inotevera ichanyanya kukurukura utsvene hwemisangano yechiKristu. Asi shoko rokuti “utsvene” rinomborevei?

2, 3. (a) Magwaro anotaura sei nezvoutsvene hwaJehovha? (b) Tinoratidza sei kuti zita raJehovha chinhu chitsvene?

2 MuchiHebheru chomuBhaibheri, shoko rokuti “utsvene” rinopa pfungwa yechinhu chakatsaurwa. Pakunamata, shoko rokuti “utsvene” rinoreva chinhu chisingangoshandiswi pose pose. Jehovha mutsvene mupfungwa yakakwana. Anonzi “Mutsvenetsvene.” (Zvirevo 9:10; 30:3) MuIsraeri yekare, mupristi mukuru aipfeka ngowani yainge iine karata kendarama kanopenya kakanga kakanyorwa kachiita zvokutemerwa mashoko okuti “Utsvene ndohwaJehovha.” (Eksodho 28:36, 37) MuMagwaro makerubhi uye maserafi okudenga anenge akamira pachigaro choumambo chaJehovha anonzi anozivisa kuti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene ndiye Jehovha.” (Isaya 6:2, 3; Zvakazarurwa 4:6-8) Kudzokorora uku kunoratidza kuti Jehovha mutsvene uye akachena kusvikira pamwero wakakwirira zvikuru. Kutaura zvazviri, utsvene hwose hunobva Kwaari.

3 Zita raJehovha idzvene. Munyori wepisarema akati: “Iwo ngaarumbidze zita renyu. Iguru uye rinotyisa, idzvene.” (Pisarema 99:3) Jesu akatidzidzisa kunyengetera kuti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.” (Mateu 6:9) Amai vaJesu vepasi pano, Mariya, vakazivisa kuti: “Mweya wangu unokudza Jehovha . . . ane simba andiitira mabasa makuru, uye zita rake idzvene.” (Ruka 1:46, 49) Sevashumiri vaJehovha, tinoona zita rake sechinhu chitsvene uye hatiiti chinhu chingaita kuti zita dzvene iroro rizvidzwe. Uyezve, tinoona utsvene semaonero anoita Jehovha, kureva kuti zvinhu zvaanoti zvitsvene tinozvionawo sezvitsvene.—Amosi 5:14, 15.

Zvinoita Kuti Tiremekedze Jesu Zvikuru

4. Nei Bhaibheri richirondedzera Jesu richiti “Mutsvene”?

4 Zvaari “mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga” waMwari mutsvene, Jehovha, Jesu akasikwa ari mutsvene. (Johani 1:14; VaKorose 1:15; VaHebheru 1:1-3) Naizvozvo anonzi “Mutsvene waMwari.” (Johani 6:69) Akaramba ari mutsvene upenyu hwake pahwakatamisirwa panyika kubva kudenga, nokuti Mariya akabereka Jesu achibatsirwa nesimba romudzimu mutsvene. Ngirozi yakanga yamuudza kuti: “Mudzimu mutsvene uchaburukira pauri . . . chichaberekwa chichanzi chitsvene, Mwanakomana waMwari.” (Ruka 1:35) Vachinyengetera kuna Jehovha, vaKristu vaiva muJerusarema kaviri vakataura nezvoMwanakomana waMwari vachiti “mushandi wenyu mutsvene Jesu.”—Mabasa 4:27, 30.

5. Ibasa ripi dzvene rakaitwa naJesu pasi pano, uye nei ropa rake richikosha?

5 Jesu aiva nebasa dzvene raaifanira kuita paaiva pasi pano. Paakabhabhatidzwa muna 29 C.E., Jesu akazodzwa soMupristi Mukuru wetemberi huru yaJehovha yezvokunamata. (Ruka 3:21, 22; VaHebheru 7:26; 8:1, 2) Uyezve, aifanira kufa rufu rwokuzvibayira. Ropa rake rakateurwa raizopa rudzikinuro rwaizoponesa vatadzi. (Mateu 20:28; VaHebheru 9:14) Naizvozvo tinoona ropa raJesu sechinhu chitsvene, chi“nokosha.”—1 Petro 1:19.

6. Tinoona sei Kristu Jesu, uye nei?

6 Achiratidza kuti tinonyatsoremekedza Mambo wedu uye Mupristi Mukuru, Kristu Jesu, muapostora Pauro akanyora kuti: “Mwari akamukwidziridza [iye Mwanakomana wake] kunzvimbo yepamusoro, akamupa nomutsa zita rinopfuura mamwe mazita ose, kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, evaya vari kudenga nevaya vari panyika nevaya vari pasi pevhu, uye kuti rurimi rwose rubvume pachena kuti Jesu Kristu ndiIshe kuti Mwari Baba vakudzwe.” (VaFiripi 2:9-11) Tinoratidza kuti tinoona zvinhu zvitsvene semaonero aJehovha nokuzviisa pasi poMutungamiriri wedu uye Mambo ari kutonga, Kristu Jesu, Musoro weungano yechiKristu.—Mateu 23:10; VaKorose 1:18.

7. Tinoratidza sei kuti tinozviisa pasi paKristu?

7 Kuzviisa pasi paKristu kunosanganisira kuremekedza zvakakodzera varume vaanoshandisa kutungamirira basa rake iye zvino. Basa revakazodzwa nomudzimu vanoumba Dare Rinodzora uye revatariri vanogadzwa navo mumapazi, maruwa, matunhu uye ungano rinofanira kuonekwa sebasa dzvene. Saka urongwa uhwu hunoda kuti tihuremekedze zvikuru uye tizviise pasi pahwo.—VaHebheru 13:7, 17.

Vanhu Vatsvene

8, 9. (a) VaIsraeri vaiva rudzi rutsvene pakudini? (b) Jehovha akasimbisira sei vaIsraeri kuti vaifanira kukoshesa zvinhu zvitsvene?

8 Jehovha akaita sungano naIsraeri. Ukama uhwu hwakapa rudzi irworwo rutsva nzvimbo yakasiyana nemamwe marudzi. Vakasarudzwa, kana kuti kutsaurwa. Jehovha pachake akavaudza kuti: “Munofanira kuva vatsvene kwandiri, nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene; uye ndinokutsaurai pakati pemamwe marudzi kuti muve vangu.”—Revhitiko 19:2; 20:26.

9 Pakatangwa rudzi rwaIsraeri chaipo, Jehovha akasimbisira vaIsraeri pfungwa youtsvene. Vakanga vasingatombofaniri kugunzva gomo pakapirwa Mitemo Gumi nokuti vaizorangwa norufu. Panguva iyoyo Gomo reSinai rainzi idzvene. (Eksodho 19:12, 23) Vapristi, tebhenekeri, uye midziyo yaivamo zvaifanirawo kuonekwa sezvitsvene. (Eksodho 30:26-30) Muungano yechiKristu zvinhu zvakamira sei?

10, 11. Nei zvinganzi ungano yevaKristu yevakazodzwa itsvene, uye izvi zvinoita kuti “mamwe makwai” anzwe sei?

10 Ungano yechiKristu yevakazodzwa itsvene mukuona kwaJehovha. (1 VaKorinde 1:2) Kutaura zvazviri, boka rose revaKristu vakazodzwa vanenge vari pasi pano panguva chero ipi zvayo rinofananidzwa netemberi tsvene, kunyange zvazvo vasingaumbi temberi huru yaJehovha yomudzimu. Jehovha anogara mutemberi iyoyo achishandisa mudzimu wake mutsvene. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Chivako chose chiri pamwe naye [Kristu Jesu], chichinyatsobatanidzwa pamwe chete, chiri kukura kuva temberi tsvene yaJehovha. Imiwo muri kuvakwa pamwe chete kuti muve nzvimbo yokuti Mwari agare nomudzimu, muri pamwe naye.”—VaEfeso 2:21, 22; 1 Petro 2:5, 9.

11 Pauro akanyorerazve vaKristu vakazodzwa kuti: “Hamuzivi here kuti imi muri temberi yaMwari, uye kuti mudzimu waMwari unogara mamuri? . . . Temberi yaMwari itsvene, imi ndimi temberi yacho.” (1 VaKorinde 3:16, 17) Achishandisa mudzimu wake, Jehovha ‘anogara’ pakati pevakazodzwa uye ‘anofamba pakati pavo.’ (2 VaKorinde 6:16) Anoramba achitungamirira “muranda” wake akatendeka. (Mateu 24:45-47) “Mamwe makwai” anokoshesa ropafadzo yawo yokubatana neboka re“temberi.”—Johani 10:16; Mateu 25:37-40.

Zvinhu Zvitsvene Muupenyu Hwedu sevaKristu

12. Zvinhu zvipi zvitsvene muupenyu hwedu, uye nei?

12 Hazvishamisi kuti zvinhu zvakawanda zvine chokuita noupenyu hwenhengo dzakazodzwa dzeungano yechiKristu neshamwari dzavo zvinonzi zvitsvene. Ukama hwedu naJehovha chinhu chitsvene. (1 Makoronike 28:9; Pisarema 36:7) Hunokosha chaizvo kwatiri zvokuti hatibvumiri chero chinhu chipi zvacho kana kuti chero munhu upi zvake kukanganisa ukama hwedu naMwari wedu, Jehovha. (2 Makoronike 15:2; Jakobho 4:7, 8) Munyengetero unokosha kana tichizoramba tiine ukama hwepedyo naJehovha. Munyengetero waiva chinhu chitsvene chaizvo kumuprofita Dhanieri zvokuti akaramba achiita tsika yake yokunyengetera kuna Jehovha kunyange pazvaiisa upenyu hwake pangozi. (Dhanieri 6:7-11) “Minyengetero yevatsvene,” kana kuti vaKristu vakazodzwa, inofananidzwa nerusenzi yaishandiswa pakunamata kwaiitwa patemberi. (Zvakazarurwa 5:8; 8:3, 4; Revhitiko 16:12, 13) Kufananidza uku kunoratidza utsvene hwomunyengetero. Iropafadzo chaiyo kukwanisa kutaura naChangamire wezvose zvakasikwa! Ndokusaka munyengetero uri chinhu chitsvene muupenyu hwedu!

13. Isimba ripi dzvene, uye tinofanira kuita kuti rishande sei muupenyu hwedu?

13 Pane simba riri muupenyu hwevaKristu vakazodzwa neshamwari dzavo ravanoona sechinhu chitsvene zvechokwadi—mudzimu mutsvene. Mudzimu iwoyo isimba raJehovha rinoita basa uye sezvo richigara richiita maererano nezvinodiwa naMwari mutsvene, zvakakodzera kuti rinzi “mudzimu mutsvene.” (Johani 14:26; VaRoma 1:4) Achishandisa mudzimu mutsvene, Jehovha anopa vashumiri vake simba rokuparidza mashoko akanaka. (Mabasa 1:8; 4:31) Jehovha anopa mudzimu wake kune “vaya vanomuteerera somutongi,” kune vaya vanoramba va“chifamba maererano nomudzimu,” kwete maererano nezvido zvenyama. (Mabasa 5:32; VaGaratiya 5:16, 25; VaRoma 8:5-8) Iri simba guru rinoita kuti vaKristu vabereke “chibereko chomudzimu”—unhu hwakanaka kwazvo—uye “mabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari.” (VaGaratiya 5:22, 23; 2 Petro 3:11) Kana mudzimu mutsvene uri chinhu chitsvene kwatiri, hatizoiti chero chinhu chipi zvacho chingashungurudza mudzimu iwoyo, kana kuti kuvhiringidza zvaunoita muupenyu hwedu.—VaEfeso 4:30.

14. Vakazodzwa vanoona ropafadzo yei sechinhu chitsvene, uye mamwe makwai anobatsira sei kuita ropafadzo iyi?

14 Ropafadzo yatiinayo yokudaidzwa nezita raMwari mutsvene, Jehovha, uye yokuva Zvapupu zvake tinoiona sechinhu chitsvene. (Isaya 43:10-12, 15) VaKristu vakazodzwa vakanzi naJehovha vanokwanisa kuva “vashumiri vesungano itsva.” (2 VaKorinde 3:5, 6) Saka vakapiwa basa rokuparidza “aya mashoko akanaka oumambo” uye roku“ita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” (Mateu 24:14; 28:19, 20) Vari kuita basa iri vakatendeka, uye mamiriyoni evanhu vakaita semakwai ari kuteerera, achiti nenzira yokufananidzira kune vakazodzwa: “Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari anemi.” (Zekariya 8:23) Vanhu ava vanoshumira mupfungwa yezvokunamata se“varimi” uye ‘vatarisiri vemizambiringa’ nokuda kwe“vashumiri vaMwari wedu” vakazodzwa. Nokuita izvi, mamwe makwai anobatsira chaizvo vakazodzwa kuita ushumiri hwavo munyika yose.—Isaya 61:5, 6.

15. Muapostora Pauro aiona basa ripi sechinhu chinokosha, uye nei tichirionawo saizvozvo?

15 Somuenzaniso, muapostora Pauro aiona ushumiri hwake hwepachena sechinhu chitsvene. Akazviti “mushandi wevanhu vose waKristu Jesu kune mamwe marudzi, [ano]ita basa dzvene remashoko akanaka aMwari.” (VaRoma 15:16) Achinyorera vaKristu vaiva muKorinde, Pauro akataura nezvoushumiri hwake achiti i“pfuma.” (2 VaKorinde 4:1, 7) Nokuita ushumiri hwedu hwepachena, tinozivisa “mashoko matsvene aMwari.” (1 Petro 4:11) Naizvozvo, tingava tiri vakazodzwa kana kuti mamwe makwai, tinoona kuita basa rokuparidza seropafadzo.

Ku“kwanisa Utsvene Pakutya Mwari”

16. Chii chichatibatsira kusava vanhu va“singaongi zvinhu zvitsvene”?

16 Muapostora Pauro akanyevera vaKristu vaainamata navo kuti vasava vanhu va“singaongi zvinhu zvitsvene.” Pane kudaro, akavapa zano rokuti ‘vatevere utsvene,’ va“chinyatsochenjerera . . . kuti parege kuva nomudzi une muchetura unomuka wokonzera dambudziko uye kuti vazhinji varege kusvibiswa nawo.” (VaHebheru 12:14-16) Mashoko okuti “mudzi une muchetura” anoreva vashoma vari muungano yechiKristu vangatsoropodza maitirwo anoitwa zvinhu. Somuenzaniso, vangasabvumirana nemaonero aJehovha panyaya youtsvene hwomuchato kana kuti maonero aanoita kuva netsika dzakachena. (1 VaTesaronika 4:3-7; VaHebheru 13:4) Kana kuti vangataura pfungwa dzevakaramba kutenda, “kutaura kusina zvakunobatsira kunoshatisa zvinhu zvitsvene,” zvavanoudzwa nevaya “vakatsauka pachokwadi.”—2 Timoti 2:16-18.

17. Nei vakazodzwa vachifanira kuramba vachiona utsvene semaonerwo ahunoitwa naJehovha?

17 Achinyorera hama dzake dzakazodzwa, Pauro akati: “Vadiwa, . . . ngatizvichenesei pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama nomudzimu, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.” (2 VaKorinde 7:1) Mashoko iwayo anoratidza kuti vaKristu vakazodzwa, avo va“nogoverana pamwe chete kudanwa kwokudenga,” vanofanira kuramba vachiedza kuratidza kuti vanoona utsvene muupenyu hwavo semaonerwo ahunoitwa naJehovha. (VaHebheru 3:1) Saizvozvowo, muapostora Petro akarayira hama dzake dzakazodzwa nomudzimu kuti: “Sevana vanoteerera, regai kuzvienzanisa maererano nokuchiva kwamaimbova nakwo kare pakusaziva kwenyu, asi, maererano noMutsvene akakudanai, imi ivaiwo vatsvene pamufambiro wenyu wose.”—1 Petro 1:14, 15.

18, 19. (a) Nhengo dze“boka guru” dzinoratidza sei kuti dzinoona zvinhu zvitsvene semaonero anoita Jehovha? (b) Chii chimwe chinhu chitsvene muupenyu hwedu sevaKristu chichakurukurwa munyaya inotevera?

18 Zvakadini nenhengo dze“boka guru,” dzichapukunyuka “kutambudzika kukuru”? Ivowo vanofanira kuratidza kuti vanoona zvinhu zvitsvene semaonero anoita Jehovha. Mubhuku raZvakazarurwa, vanonzi vanoitira Jehovha “basa dzvene” muchivanze chepasi pano chetemberi yake yezvokunamata. Vanotenda muchibayiro chorudzikinuro chaKristu, nenzira yokufananidzira ‘vachigeza nguo dzavo refu, uye vachidziita chena muropa reGwayana.’ (Zvakazarurwa 7:9, 14, 15) Izvi zvinovaita kuti varambe vakachena kuna Jehovha uye zvinovapa basa ‘rokuzvichenesa pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama nomudzimu, vachikwanisa utsvene pakutya Mwari.’

19 Chinhu chinokosha muupenyu hwevaKristu vakazodzwa neshamwari dzavo ndechokuungana nguva dzose kuti vanamate Jehovha uye vadzidze Shoko rake. Jehovha anoona kuungana kwevanhu vake sechinhu chitsvene. Munyaya inotevera tichakurukura kuti tingaona sei zvinhu zvitsvene semaonero anoita Jehovha panyaya iyi inokosha uye kuti nei tichifanira kuva nemaonero akadaro.

Kudzokorora

• Deapi maonero enyika ayo vashumiri vaJehovha vasina?

• Nei zvinhu zvose zvitsvene zvichibva kuna Jehovha?

• Tinoratidza sei kuti tinoremekedza utsvene hwaKristu?

• Zvinhu zvipi zvatinofanira kuona sezvitsvene muupenyu hwedu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

MuIsraeri yekare, vapristi, tebhenekeri, uye midziyo yaivamo zvaifanira kuonekwa sezvinhu zvitsvene

[Mufananidzo uri papeji 24]

VaKristu vakazodzwa vari pasi pano vanoumba temberi tsvene

[Mifananidzo iri papeji 25]

Munyengetero uye ushumiri hwedu hwepachena iropafadzo tsvene