Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chikoro Chine Vanenge Vapedza Kudzidza Vari Kubatsira Vanhu Munyika Yose

Chikoro Chine Vanenge Vapedza Kudzidza Vari Kubatsira Vanhu Munyika Yose

Chikoro Chine Vanenge Vapedza Kudzidza Vari Kubatsira Vanhu Munyika Yose

MUUNGANO dzinopfuura 98 000 dzeZvapupu zvaJehovha munyika dzinopfuura 200, vanhu vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana vari kudzidziswa naMwari. Bhuku rinonyanya kushandiswa iBhaibheri, uye chinangwa chedzidzo iyi ndechokubatsira vanhu kuti vafambire mberi pakunamata nokudzidza zvinodiwa naMwari uye kuti vangararama sei maererano nazvo. Vanobvuma kudzidziswa ava vari kubatsirwa zvikuru. Vanoudzawo vamwe zvavanenge vadzidza, maererano nemirayiridzo yaJesu Kristu yokuita kuti vamwe vanhu vave vadzidzi.—Mateu 28:19, 20.

Kunze kwepurogiramu yokudzidzisa inoramba ichiitwa muungano dzazvo, Zvapupu zvaJehovha zvakatanga zvikoro zvinoverengeka zvinodzidzisa unyanzvi hwakasiyana-siyana. Chimwe chezvikoro izvi chinonzi Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri. Chakatangwa muna October 1987 kuPittsburgh, Pennsylvania, U.S.A. Kirasi yokutanga yaiumbwa nevadzidzi 24 vaigona kutaura Chirungu. Kosi iyi yave ichiitwa mumitauro 21 munyika 43. Kusvika pari zvino, vakuru nevashumiri vanoshumira vasina kuroora vanobva munyika 90 vakapinda chikoro ichi. Panopera kosi yacho yevhiki sere, vanenge vapedza kudzidza vanoendeswa kunenge kuchidiwa vaparidzi, mungava munyika yavo kana kuti kune imwe nyika. Pakapera 2005, vashumiri vechiKristu vanopfuura 22- 000 vakanga vapedza kosi yacho. Kushingaira kwavo vachizvininipisa kuti vatsigire zvinhu zvine chokuita noUmambo uye vabatsire vamwe kwave kuchikomborerwa zvikuru.—Zvirevo 10:22; 1 Petro 5:5.

Kuronga Kupinda

Kuti vapinde Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri, vadzidzi vakawanda vanofanira kukumbira nguva kumabasa avo. Dzimwe nguva izvi zvinonetsa. KuHawaii, varume vechiKristu vaviri vakakokwa kuti vapinde chikoro chacho uye sezvo vaiva vadzidzisi vakakumbira nguva kubasa. Vachivimba kuti Jehovha aizovabatsira, vakaendesa mafomu avo okukumbira nguva kubasa, vachitsanangura kuti nei vaida kupinda chikoro chacho uye kuti zvaizovabatsira sei. Vose vakabvumirwa kusava pabasa.

Kazhinji kacho, Zvapupu zvakakumbira nguva kubasa zvakaudzwa kuti pazvinenge zvadzoka zvaizowana basa rapera. Vakasarudza kudzidziswa nesangano raJehovha, kunyange zvazvo zvaireva kuti basa raizopera. Vamwe vanhu ava vakazokumbirwa nevavaishandira kuti vadzoke kubasa pavakapedza kudzidza kuchikoro chacho. Kutsunga kwakadaro kupinda chikoro ichi kungarondedzerwa muchidimbu kuchinzi: Kumbira nguva kubasa, nyengeterera kubatsirwa naJehovha, uye musiyire zvose.—Pisarema 37:5.

Ku“dzidziswa naJehovha”

Kosi yechikoro chacho yevhiki sere inosimbisa kudzidza Bhaibheri zvakadzama. Vadzidzi vanodzidza kuti vanhu vaJehovha vakarongwa sei kuti vaite zvinoda Mwari uye kuti somunhu oga vangashandisa sei Bhaibheri zvinobudirira muushumiri hwavo hwomumunda, pamisangano yeungano, uye pamagungano.

Mumwe akapedza kudzidza akanyorera mudzidzi akanga asati apinda chikoro chacho achiti: “Kutaura chokwadi, uchadzidziswa zvausati wamboitwa. Rugwaro runoti ku‘dzidziswa naJehovha’ runotanga kuva nezvarunoreva. Zvinoitwa ikoko zvinoumba uye kunatsa mwoyo nounhu kuti hunyatsoenderana nomuenzaniso waKristu Jesu. Pauchapinda, uchadzidziswa zvausati wamboitwa muupenyu hwako.”—Isaya 54:13.

Vaparidzi, Vafudzi uye Vadzidzi

Vakapedza kudzidza kuChikoro Chokudzidzisa Vashumiri panguva ino vari kushumira vari munyika 117. Nyika idzi dzinosanganisira zvitsuwa zviri kunzvimbo dzeAtlantic, Caribbean, uye Pacific pamwe chete nenyika dzakawanda dzine mahofisi emapazi eZvapupu zvaJehovha. Mapazi anoti kudzidziswa kwakanaka kunoitwa vadzidzi kunooneka pakuparidza, kufudza, uye kudzidzisa kwavanoita. Kudzidziswa kwavanoitwa kunovashongedzera kuti vashandise zvakanaka Bhaibheri muushumiri hwavo hwomumunda. (2 Timoti 2:15) Pavanenge vachipindura mibvunzo yavanasaimba, kazhinji vanotsvaka mashoko mubhuku rinonzi Kurangarira muMagwaro * uye vanorovedza vamwe vaparidzi voUmambo kuti vadarowo. Kushingaira kunoita vanenge vapedza kudzidza ava kunoitawo kuti vamwe vashingaire, uye zvavanoita zvinosimbisa ungano.

Vakuru veungano vane ropafadzo ‘yokufudza boka,’ vachibatsira kutarisira zvinodiwa nevamwe pakunamata. (1 Petro 5:2, 3) Mumwe mukuru akati nezvourongwa hwacho: “Tinoonga kuti hofisi yebazi inotumira hama dzakanyatsodzidziswa kuti dzitakure mutoro wokufudza boka raMwari.” Rimwe bazi rokuFar East rakatiwo: “Vakapedza kudzidza vacho vane tsitsi kwazvo. Vanoshanda nesimba uye zvavanoita zvinoita kuti ungano ivaremekedze. Vanozivikanwa nokuzvininipisa kwavo, ushamwari hwavo, uye chido chavo, uye izvi zvinokosheswa chaizvo. Vanozvipira nechido uye vanotamira kuungano dzinoda vafudzi vachifara.” (VaFiripi 2:4) Varume vakadaro vanosimbisa vavanotenda navo uye vanofanira kurumbidzwa.—1 VaKorinde 16:18.

Uyezve, varayiridzi veChikoro Chokudzidzisa Vashumiri vanobatsira vadzidzi kuti vawedzere unyanzvi hwavo hwokukurukura hurukuro. Nokushandisa mazano uye mirayiridzo yavanopiwa, vakawanda vanenge vapedza kudzidza vanokurumidza kushandiswa papurogiramu dzemagungano edunhu neeruwa. Mumwe mutariri wedunhu akati vakapedza kudzidza ava vanopa “hurukuro dzakanaka chaizvo uye vanoita kuti mashoko acho ashande nokukurukurirana zvakanaka.”—1 Timoti 4:13.

Pashure pokunge Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri chaitwa mune imwe nyika yomuAfrica uye vainge vapedza kudzidza vaendeswa mundima, kudzidzisa kunoitwa pamisangano yeungano kwakavandudzika zvikuru. Vakuru vanenge vapedza kudzidza pachikoro ichi vanobatsira pakuparidza, kufudza, uye kudzidzisa, vachivaka ungano pakunamata.—VaEfeso 4:8, 11, 12.

Kutarisira Ungano Kwakavandudzwa

Munzvimbo dzakawanda, munodiwa vakuru nevashumiri vanoshumira vakawanda. Dzimwe ungano dzingadai dzisina vakuru kudai dzisina kutumirwa mumwe akapedza kudzidza kuChikoro Chokudzidzisa Vashumiri. Saka vakawanda vakapedza kudzidza vakanzi vashumire kunzvimbo dzakadaro dzisina vakuru.

Mapazi akawanda anoti varume ava “vanoziva urongwa hwesangano chaizvo,” “vanokoshesa mabasa avo,” “vanobatsira vamwe kuti vaonge uye varemekedze sangano raJehovha,” uye “vanobatsira kuti ungano dzive noushamwari uye dzisimbe pakunamata.” Izvi imhaka yokuti vakapedza kudzidza kuchikoro ichi vanotevedzera zvakanyorwa muShoko raMwari uye havavimbi nokunzwisisa kwavo kana kufunga kuti vakachenjera. (Zvirevo 3:5-7) Varume vakadaro vanova zvikomborero pakunamata muungano dzavanenge vachipinda nadzo.

Kushumira Mundima Dziri Kwadzo Dzoga

Vamwe vakapedza kudzidza vanogadzwa semapiyona chaiwo vanobatsira mapoka ari kwawo oga kuti ave ungano. Achionga kubatsira kwavanoita, mumwe mukuru ari kune rumwe ruwa rwokuGuatemala akati: “Kwemakore 20 ndainetseka kuti ndima iyi yakakura yaizotarisirwa sei. Kazhinji ndainyengetera nezvenyaya yacho. Hama dzinobva kuChikoro Chokudzidzisa Vashumiri dzakanyatsorovedzwa kutaura uyewo mamiriro akaita sangano, uye ndinofara kuona kuti iye zvino nzvimbo yacho yava kuparidzirwa nenzira yorudo.”

Vakapedza kudzidza vakadzidziswa kuti vabudirire mundima dzavanofanira kufamba nzendo refu nomunzvimbo dzine makomo kuti vanosvika kumisha miduku yakapararira. Vari ikoko vanokurumidza kutanga uye kuronga mapoka asati ava ungano, kunyange kana vamwe vave vasingakwanisi kuzviita. Somuenzaniso, mumwe mukuru wokuNiger akakumbira kuti vakapedza kudzidza vamubatsire nokuti aifunga kuti vaigona kuita basa rakanaka chaizvo munzvimbo yaaigara. Kunyanya mumaruwa, zvingava nyore kuti varume vasina kuroora vashumire semapiyona chaiwo uye sevatariri vematunhu. Kufanana nomuapostora Pauro, vanofanira kutarisana ‘nengozi dzomunzizi, ngozi dzemakororo omumugwagwa, ngozi murenje,’ kurega zvimwe zvinhu zvakavanakira uyewo kuzvidya mwoyo nezveungano yavari kushumira.—2 VaKorinde 11:26-28.

Kubatsira Pwere

Magwaro anokurudzira vechiduku kuti vayeuke Musiki wavo. (Muparidzi 12:1) Vaya vanoshingaira vanenge vapedza kudzidza paChikoro Chokudzidzisa Vashumiri vanoratidza pwere dzechiKristu muenzaniso wakanaka kwazvo. Vamwe vaviri vakapedza kudzidza pavakasvika pane imwe ungano kuUnited States, nguva yaipedzerwa muushumiri nehama dzacho yakapetwa nekaviri. Uyezve, mapiyona enguva dzose kana kuti vazivisi voUmambo venguva yakazara vakawedzera kubva pa2 kusvika pa11. Izvi ndizvo zvakaitika muungano dzakawanda.

Vanenge vapedza kudzidza ava vanokurudzirawo varume vechiduku kuti vafunge nezvokupinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri. Izvi zvakaita kuti vamwe vasati vava vashumiri vanoshumira vade kuita basa iroro. Bazi rokuNetherlands rinoti vakapedza kudzidza paChikoro Chokudzidzisa Vashumiri “mienzaniso mipenyu kuvarume vechiduku vari kufunga kuti voitei noupenyu hwavo.”

Kushanda Neungano Dzinotaura Mumwe Mutauro

Munyika dzakawanda, kuparidzira vanhu nomutauro wavo kuri kubudirira. Vakapedza kudzidza paChikoro Chokudzidzisa Vashumiri vanowanzodzidza mimwe mitauro voenda kunoshanda kundima dzine vakawanda vanenge vabva kune dzimwe nyika. Somuenzaniso, muBelgium vaparidzi voUmambo vakawanda vari kudiwa mundima dzine vanhu vanotaura Albania, Persia neRussia.

Ungano nemapoka anotaura mimwe mitauro muBritain, Germany, Italy, Mexico, United States nedzimwe nyika dzakatobatsirwa zvikuru nevatariri vanofambira, vakuru, uye vashumiri vanoshumira vakapedza kudzidza paChikoro Chokudzidzisa Vashumiri. Bazi rokuKorea rinoti “vakapedza kudzidza vanopfuura 200 vari kuita basa rinokosha rokubatsira ungano nemapoka emimwe mitauro.”

Kuita Mamwe Mabasa Vachizvininipisa

Kunze kwokushanda nemapoka omumwe mutauro uye ungano yomumwe mutauro, vaya vakapedza kudzidza kuChikoro Chokudzidzisa Vashumiri vanoshumira sevakuru, vashumiri vanoshumira, uye vatariri vanofambira. Vamwe vanobvuma kunoshumira kune dzimwe nyika, zvichida vachinoshanda muDhipatimendi Rebasa pabazi. Vaya vanenge vawana unyanzvi hwokuvaka vangavakawo Dzimba dzoUmambo.

Kuwedzera kuri kuita ungano nematunhu munyika yose kunoratidza kuti pachiri kudiwa vatariri vanofambira vakawanda. Kuti izvi zviitwe, vakapedza kudzidza paChikoro Chokudzidzisa Vashumiri vanodzidziswa basa rokufambira kwevhiki gumi vozoshanda vachitsiva mutariri wedunhu kana kuti kuva vatariri vematunhu ivo pachavo. Iye zvino vakapedza kudzidza vanenge 1 300 vatariri vanofambira munyika 97. Mune imwe nyika yomuAfrica, 55 muzana yevatariri vanofambira vakapedza kudzidza paChikoro Chokudzidzisa Vashumiri. Mune imwezve nyika yomuAfrica, 70 muzana yevatariri yakapedza kudzidza pachikoro ichi.

KuAustralia, Canada, Europe, Far East, uye United States, mazana evakapedza kudzidza kuchikoro chacho akatumirwa kune dzimwe nyika nechinangwa chaicho chokunoita mamwe mabasa. Nenzira iyi, chikoro ichi chakabatsira vanhu munyika yose.

Achishandisa Mwanakomana wake Jesu Kristu, Jehovha akaita kuti pave nevaparidzi, vafudzi, vadzidzisi, nevamwe vanotsigira zvinhu zvine chokuita noUmambo mumazuva ano okupedzisira. Tinotarisira here kuti vanhu vaMwari vachawedzerazve? Zvechokwadi! Saka varume vakazvitsaurira vanotofanira kuramba vachitsvaka kuva nemitoro mikuru. (Isaya 60:22; 1 Timoti 3:1, 13) Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri chinopa vakuru nevashumiri vanoshumira mukana wokushongedzerwa kuti vaite zvakawanda muushumiri hwavo, zvichivabatsira ivo nevamwe vari mumunda wenyika yose.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mifananidzo iri papeji 10]

Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri chiri kutsigira zvine chokuita noUmambo munyika yose

[Mifananidzo iri papeji 13]

Unotarisira kuzopinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri uye kuzobatsira vamwe here?