Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Judha Yakaramba Iri Dongo Here?

Judha Yakaramba Iri Dongo Here?

Judha Yakaramba Iri Dongo Here?

BHAIBHERI rakafanotaura kuti nyika youmambo hwaJudha yaizoparadzwa nevaBhabhironi uye yaizoramba iri dongo kusvikira nhapwa dzechiJudha dzadzoka. (Jeremiya 25:8-11) Chinonyanya kuita kuti tidavire kuti uprofita uhwu hwakazadzika inhoroondo yakafuridzirwa yakanyorwa makore 75 pashure pokunge boka rokutanga renhapwa radzokera kumusha kwaro. Nhoroondo yacho inoti mambo weBhabhironi ‘akaenda nevaya vakanga vasiyiwa nebakatwa kuBhabhironi vari nhapwa, vakava vashandi vake nevevanakomana vake kusvikira umambo hwePezhiya hwatanga kutonga.’ Uye nezvenyika yacho zvinonzi: “Yakachengeta sabata mazuva ose ayakanga iri dongo.” (2 Makoronike 36:20, 21) Pane uchapupu hwezvokuchera matongo hunotsigira izvi here?

Mumagazini inonzi Biblical Archaeology Review, Ephraim Stern, purofesa wezvokuchera matongo paHebrew University yokuPalestine anoti: “VaAsiriya nevaBhabhironi vakaparadza nzvimbo dzakakura dzeIsraeri yekare, asi uchapupu hwokuchera matongo hwezvakazoitika pakukunda kwavo hunoratidza kuti pane nyaya mbiri dzakasiyana zvachose.” Anotsanangura kuti: “Kunyange zvazvo vaAsiriya vakasiya uchapupu hwakajeka hunoratidza kuti vaimbova muParestina, hapana uchapupu hunoratidza kuti maiva nevanhu pashure pokunge vaBhabhironi vaparadza. . . . Hapana uchapupu hunoratidza kuti maigara vanhu kutozosvikira panguva yokutonga kwevaPezhiya . . . Hapana uchapupu hunoratidza kuti makambogarwa. Panguva yose iyi, hapana kana taundi rimwe chete zvaro rakaparadzwa nevaBhabhironi rakazogarwazve.”

Lawrence E. Stager, purofesa wepaHarvard University anobvumirana nazvo. “MuFiristiya yose, uye gare gare muJudha yose,” anodaro, “kuparadza zvinhu zvose kwakaitwa [namambo weBhabhironi] kwakaita kuti kumadokero kwoRwizi rwaJodhani kusambogarike.” Stager anotizve: “Nhoroondo yezvokuchera matongo inozongotangazve Koreshi Mukuru, mutsivi wokuPezhiya wevaBhabhironi paanenge ava kutonga . . . muJerusarema nomuJudha, pashure pokunge nhapwa dzechiJudha dzakawanda dzadzokera kumusha kwadzo.”

Chokwadi, shoko raJehovha pamusoro pokuva dongo kweJudha rakazadzika. Zvinofanotaurwa naJehovha Mwari zvinozadzika nguva dzose. (Isaya 55:10, 11) Tinogona kuvimba naJehovha zvakazara uye nezvipikirwa zvakanyorwa muShoko rake, Bhaibheri.—2 Timoti 3:16.