Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunyatsopupura ‘Noushingi’

Kunyatsopupura ‘Noushingi’

“Tinofanira Kuteerera Mwari Somutongi Panzvimbo Pevanhu”

Kunyatsopupura ‘Noushingi’

MHOMHO iri kuita zvechisimba yagadzirira kurova zvokuda kuuraya mushumiri waMwari anoteerera. Panguva yakakodzera, varwi veRoma vanotora murume wacho kune vari kumurwisa vomupfigira. Ndiwo matangiro anoita zviitiko zvakatevedzana zvakaitika kwemakore anenge mashanu. Somugumisiro, vakuru vakuru vakawanda veRoma vane zvinzvimbo zvepamusoro vanonzwa nezvaJesu Kristu.

Muapostora Pauro ndiye ari kutambudzwa. Munenge muna 34 C.E., Jesu akazivisa kuti Pauro (Sauro) aizoenda nezita Rake pamberi pe“madzimambo.” (Mabasa 9:15) Izvi hazvisati zvaitika panosvika gore ra56 C.E. Zvisinei, muapostora wacho paanenge ava kuda kupedza rwendo rwake rwechitatu rwoumishinari, mamiriro ezvinhu ava kuda kuchinja.

Anorwiswa Nemhomho asi Haakandi Mapfumo Pasi

Pauro ari kuenderera norwendo rwake rwokuJerusarema, uye “vatungamirirwa nomudzimu,” vamwe vaKristu vanomunyevera kuti achanotambudzwa zvakakomba muguta iroro. Noushingi, Pauro anoti: “Handina kungogadzirira kusungwa, asi kutofirawo zita raShe Jesu kuJerusarema.” (Mabasa 21:4-14) Pauro achangoshanyira temberi yomuJerusarema, vaJudha vokuEzhiya vanoziva kubudirira kwaakaita pakuparidza kuEzhiya vanokurudzira mhomho kuti imuuraye. Varwi veRoma vanokurumidza kumuyamura. (Mabasa 21:27-32) Kununurwa ikoko kunopa Pauro mikana isingawanzowaniki yokuzivisa chokwadi nezvaKristu kuvanhu vane utsinye uye vane zvinzvimbo zvepamusoro.

Kuparidzira Vanhu Vanonetsa Kuwana

Pauro anozvuzvurudzwa kubviswa pane ngozi achikwira nepamatanho enhare inonzi Tower of Antonia. * Ari pamatanho iwayo, muapostora wacho anopupurira zvakasimba kumhomho yevanhu vechitendero vari ipapo. (Mabasa 21:33–22:21) Asi paanongotaura nezvebasa rake rokuparidzira Vemamwe Marudzi, bongozozo rinobva ratanga zvakare. Mutungamiriri wemauto Risiyasi anorayira kuti Pauro aongororwe achiita zvokuzvamburwa, kuti azive kuti nei vaJudha vari kumupomera. Zvisinei, vanorega kuzvambura Pauro paanovaudza kuti mugari womuRoma. Zuva rinotevera racho, Risiyasi anoenda naPauro pamberi pedare reSanihedrini kunonzwa kuti nei vaJudha vachimupomera.—Mabasa 22:22-30.

Amire pamberi pedare repamusoro iri, Pauro anowana mumwe mukana wakanaka chaizvo wokupupurira vamwe vake vaJudha. Muparidzi asingatyi uyu anozivisa zvaanotenda nezvokumuka. (Mabasa 23:1-8) VaJudha vanoramba vachimuvenga zvokutoda kumuponda, uye Pauro anopinzwa mudzimba dzevarwi. Usiku hunotevera anovimbiswa naIshe zvinokurudzira, kuti: “Shinga kwazvo! Nokuti zvawave uchipupura kwazvo pamusoro pezvinhu zvine chokuita neni muJerusarema, naizvozvo unofanirawo kunopupura muRoma.”—Mabasa 23:9-11.

Zano rokuuraya Pauro rinovhiringidzwa muapostora wacho paanongoendeswa kaverevere kuKesariya, guta guru reJudhiya munotongera vaRoma. (Mabasa 23:12-24) KuKesariya, Pauro anowana mimwe mikana inokosha, uye anopupurira “madzimambo.” Zvisinei, pakutanga muapostora wacho anoratidza Gavhuna Ferikisi kuti hapana uchapupu hunotsigira zvaari kupomerwa. Pave paya, Pauro anoparidzira Ferikisi nomudzimai wake Drusira nezvaJesu, kuzvidzora, kururama, uye kutongwa kuri kuuya. Zvisinei, Pauro anoiswa mujeri kwemakore maviri, sezvo Ferikisi achitarisira kuti achapiwa chiokomuhomwe naPauro, asi haana kumbomupa.—Mabasa 23:33–24:27.

Ferikisi paanotsiviwa naFesto, vaJudha vanotangazve kuedza kuita kuti Pauro apiwe mhosva uye aurayiwe. Nyaya yacho inotongwazve kuKesariya, uye achiita kuti nyaya yacho isaendeswa kuJerusarema, Pauro anoti: “Ndakamira pamberi pechigaro chokutonga chaKesari . . . Ndinokwidza mhosva yacho kuna Kesari.” (Mabasa 25:1-11, 20, 21) Kwapera mazuva akati, muapostora wacho audza Mambo Herodhi Agripa II nyaya yake, mambo iyeye anoti: “Nenguva pfupi ungatondinyengetedza kuva muKristu.” (Mabasa 26:1-28) Munenge muna 58 C.E., Pauro anoendeswa kuRoma. Ari musungwa ikoko, kwemamwe makore maviri muapostora uyu akangwara anoramba achitsvaka nzira dzokuparidza nezvaKristu. (Mabasa 28:16-31) Zvinoita sokuti Pauro akapedzisira amira pamberi paMambo Nero, akanzi haana mhosva, uye akapedzisira atangazve basa rake roumishinari somunhu akasununguka. Hapana panotaurwa kuti pane mumwe muapostora aiva nomukana wokuudza vanhu vakakurumbira kudaro mashoko akanaka.

Sezvinoratidzwa nezviri pamusoro apa, muapostora Pauro airarama maererano nemashoko anokosha akataurwa pamberi pedare revaJudha nevaKristu vaainamata navo, okuti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” (Mabasa 5:29) Akatisiyira muenzaniso wakanaka chaizvo! Pasinei nezvaiitwa nevanhu kuti vamutadzise, muapostora wacho akanyatsoteerera murayiro wokuparidza zvizere. Nokuti akateerera Mwari zvakakwana kudaro, Pauro akaita basa rake so“mudziyo wakasarudzwa” kuti azivise zita raJesu “kune mamwe marudzi nokumadzimambo nevanakomana vaIsraeri.”—Mabasa 9:15.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Ona Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2006, November/December.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 9]

PAURO AINGODA KUZVIDZIVIRIRA HERE?

Achipindura mubvunzo uyu, mumwe munyori anonzi Ben Witherington III anoti: “Semaonero . . . aPauro, chinhu chinokosha chakanga chisiri chokungozvidzivirira iye, asi chaiva chokuti apupurire nezveevhangeri kune vane masimba, vaJudha neVemamwe Marudzi. . . . Kutaura zvazviri, evhangeri ndiyo iri kutongwa.”