Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nguva Dzose Bvuma Kurangwa naJehovha

Nguva Dzose Bvuma Kurangwa naJehovha

Nguva Dzose Bvuma Kurangwa naJehovha

“Usaramba kuranga kwaJehovha.”—ZVIREVO 3:11.

1. Nei tichifanira kubvuma kurangwa naMwari?

MAMBO SOROMONI weIsraeri yekare anokurudzira mumwe nomumwe wedu kuti abvume kurangwa naMwari. “Haiwa mwanakomana wangu, usaramba kuranga kwaJehovha,” anodaro Soromoni, “uye usasema kutsiura kwake, nokuti Jehovha anotsiura waanoda, sokutsiura kunoita baba mwanakomana wavanofarira.” (Zvirevo 3:11, 12) Chokwadi, Baba vako vokudenga vanokuranga nokuti vanokuda.

2. Shoko rokuti “kurangwa” rinorondedzerwa sei, uye munhu angarangwa sei?

2 Shoko rokuti “kuranga” rinoreva kutsiura, kururamisa, kurayira, uye kudzidzisa. “Hapana kurangwa kunoita sokunofadza panguva ino, asi kunoshungurudza,” akanyora kudaro muapostora Pauro, “pashure kwozoberekera vakarovedzwa nakwo chibereko chine rugare, iko kururama.” (VaHebheru 12:11) Kubvuma kurangwa naMwari uye kuita zvaanenge ataura kungakubatsira kuti utevere nzira yakarurama zvoita kuti uswedere pedyo naMwari mutsvene, Jehovha. (Pisarema 99:5) Ungaruramiswa nevaunonamata navo, nezvinhu zvaunodzidza pamisangano yechiKristu, uye nokudzidza kwaunoita Shoko raMwari uye mabhuku o“mutariri akatendeka.” (Ruka 12:42-44) Ungaonga zvikuru kana ukaudzwa chimwe chinhu chaunofanira kugadzirisa! Asi munhu angarangwa sei kana aita chivi chakakomba?

Zvinoita Kuti Vamwe Vadzingwe Muungano

3. Munhu anozodzingwa muungano kana zvaita sei?

3 Vashumiri vaMwari vanodzidza Bhaibheri nemabhuku echiKristu. Zvinodiwa naMwari zvinokurukurwa pamisangano yavo, uye pamagungano edunhu neeruwa. Saka vaKristu vanoziva kuti Jehovha anoda kuti vaitei. Nhengo yeungano inozongodzingwa muungano kana ikaita chivi chakakomba isingapfidzi.

4, 5. Muenzaniso upi uri muMagwaro wokudzinga muungano unotaurwa pano, uye nei ungano yacho yakakurudzirwa kuti idzorere munhu wacho muungano?

4 Funga nezvomuenzaniso womuMagwaro womumwe munhu akadzingwa muungano. Ungano yaiva muKorinde yairegerera ‘ufeve huchiitwa hwakanga husingambowaniki kunyange pakati pemamwe marudzi, hwaiitwa nomumwe munhu akanga atora mudzimai wababa vake.’ Pauro akakurudzira vaKorinde kuti va“ise munhu akadaro kuna Satani kuti nyama iparadzwe, kuti mudzimu weungano uchengetedzwe.” (1 VaKorinde 5:1-5) Paainge adzingwa muungano uye aiswa kuna Satani, mutadzi wacho akanga ava munyika yaDhiyabhorosi zvakare. (1 Johani 5:19) Kudzingwa kwake kwakaita kuti asafurira ungano uye kwakachengetedza “mafungiro” kana kuti unhu hwaMwari hwayaiva nahwo.—2 Timoti 4:22; 1 VaKorinde 5:11-13.

5 Pasina nguva refu, Pauro akakurudzira vaKristu vaiva muKorinde kuti vadzorere mutadzi wacho muungano. Nei? Kuti varege “kunyengerwa naSatani,” akadaro muapostora wacho. Zviri pachena kuti mutadzi wacho akanga apfidza uye ava netsika dzakanaka. (2 VaKorinde 2:8-11) Kudai vaKorinde vaizoramba kudzorera munhu akanga apfidza uyu, Satani aizovanyengera pakuti vaizova vakaoma mwoyo votadza kukanganwira sezvaidiwa naDhiyabhorosi. Munguva pfupi, vangangodaro ‘vakakanganwira uye vakanyaradza’ munhu wacho akanga apfidza.—2 VaKorinde 2:5-7.

6. Kudzinga munhu muungano kungabatsirei?

6 Kudzinga munhu muungano kunobatsirei? Kunoita kuti zita dzvene raJehovha risazvidzwa uye kunodzivirira zita rakanaka revanhu vake. (1 Petro 1:14-16) Kubvisa mutadzi asingapfidzi muungano kunotsigira zvinodiwa naMwari uye kunoita kuti ungano irambe yakachena. Kungaitawo kuti munhu wacho asingapfidzi apengenuke.

Kupfidza Kunokosha

7. Kukundikana kureurura zvivi kwakaita kuti Dhavhidhi anzwe sei?

7 Vakawanda vanotadza zvakakomba vanopfidza zvechokwadi uye havadzingwi muungano. Chokwadi, kupfidza nomwoyo wose hakusi nyore. Funga nezvaMambo Dhavhidhi weIsraeri, uyo akanyora Pisarema 32. Rwiyo irworwo runoratidza kuti kwekanguva Dhavhidhi haana kureurura zvivi zvake zvakakomba, zvingadaro zvaiva nechokuita naBhati-shebha. Mugumisiro wacho waiva wokuti kushungurudzwa nezvivi zvake kwakamupedza simba, sezvinoita kupisa kukuru kwezhizha kunopedza mvura iri mumuti. Dhavhidhi akarwadziwa mumuviri uye mupfungwa, asi ‘paakareurura kudarika kwake, Jehovha akamuregerera.’ (Pisarema 32:3-5) Zvadaro Dhavhidhi akaimba achiti: “Anofara munhu asingaverengerwi kukanganisa naJehovha.” (Pisarema 32:1, 2) Zvakanga zvakanaka zvikuru kunzwirwa ngoni naMwari!

8, 9. Munhu anoratidza sei kuti apfidza, uye kupfidza kunokosha zvakadini panyaya yokudzorerwa kwomunhu akadzingwa muungano?

8 Saka zviri pachena kuti mutadzi anofanira kupfidza kana achizonzwirwa ngoni. Zvisinei, nyadzi kana kuti kutya kuti zvichabuda hakusi kupfidza. “Kupfidza” zvinoreva “kuchinja mafungiro ako” panyaya yomufambiro wakaipa, nokuti unenge uchizvidemba. Munhu anopfidza ane “mwoyo wakaputsika nowakapwanyika” uye anoda “kururamisa zvakaipa” kana zvichiita.—Pisarema 51:17; 2 VaKorinde 7:11.

9 Kupfidza ndicho chinhu chinokosha kana munhu achizodzorerwa muungano yechiKristu. Munhu anenge adzingwa muungano haangoerekani agamuchirwa muungano nokuti kwapera nguva yakati. Asati adzorerwa, mwoyo wake unofanira kuchinja zvikuru. Anofanira kuziva kukomba kwechivi chake uye kuzvidzisa kwaakaita Jehovha neungano. Mutadzi wacho anofanira kupfidza, onyengetera nomwoyo wose kuti akanganwirwe, oita zvakarurama zvinodiwa naMwari. Paanenge achikumbira kudzorerwa, anofanira kukwanisa kuratidza uchapupu hwokuti apfidza uye kuti ari kuita “mabasa anokodzera rupfidzo.”—Mabasa 26:20.

Nei Uchifanira Kureurura Zvakaipa?

10, 11. Nei tisingafaniri kuedza kuvanza chivi?

10 Vamwe vanenge vatadza vangafunga kuti: ‘Kana ndikaudza mumwe munhu nezvechivi changu, ndichafanira kupindura mibvunzo inonyadzisa uye ndingangodzingwa muungano. Asi kana ndikanyarara, handizonyari uye muungano hapana achazombozviziva.’ Munhu akadaro anenge asingafungi nezvezvimwe zvinhu zvinokosha. Ndezvipi izvozvo?

11 Jehovha ndi“Mwari ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere nomutsa worudo, nechokwadi, anochengetera vane zviuru mutsa worudo, anoregerera kukanganisa, kudarika uye chivi.” Asi anoruramisa vanhu vake “zvakafanira.” (Eksodho 34:6, 7; Jeremiya 30:11) Kudai waizotadza zvakakomba, Mwari aizokunzwira ngoni sei pawaizoedza kuvanza chivi chako? Jehovha anozviziva, uye haangosiyi zvakakanganiswa zvichipera zvakadaro.—Zvirevo 15:3; Habhakuki 1:13.

12, 13. Kuedza kuvanza kukanganisa kwaunenge waita kungaguma nei?

12 Kana waita chivi chakakomba, kureurura kungakubatsira kuvazve nehana yakanaka. (1 Timoti 1:18-20) Asi kutadza kureurura kungaguma nehana yakasvibiswa ingaita kuti urambe uchiita zvivi. Yeuka kuti unenge usina kungotadzira mumwe munhu kana kuti ungano chete. Unenge watadzirawo Mwari. Munyori wepisarema akaimba kuti: “Jehovha—chigaro chake choumambo chiri kumatenga. Maziso ake anoona, maziso ake anopenya anoongorora vanakomana vevanhu. Jehovha anoongorora munhu akarurama pamwe chete neakaipa.”—Pisarema 11:4, 5.

13 Jehovha haazokomboreri munhu anovanza chivi chakakomba oedza kuramba akachena ari muungano yechiKristu. (Jakobho 4:6) Saka kana wakatadza uye uchida kuita zvakarurama, usazeza kureurura nokuvimbika. Ukasadaro, uchagara uine hana ine mhaka, kunyanya paunoverenga kana kunzwa zano rine chokuita nenyaya dzakakomba dzakadaro. Zvakadini kana Jehovha akakubvisira mudzimu wake, sezvaakaitira Mambo Sauro? (1 Samueri 16:14) Kana wabvisirwa mudzimu waMwari, ungatoita chimwe chivi chakakomba.

Vimba Nehama Dzako Dzakatendeka

14. Nei mutadzi achifanira kutevera zano raJakobho 5:14, 15?

14 Saka mutadzi anopfidza anofanira kuita sei? “Ngaashevedze varume vakuru veungano, uye ngavamunyengeterere, vachimuzora mafuta vachishandisa zita raJehovha. Munyengetero wokutenda uchaporesa murwere, uye Jehovha achamumutsa.” (Jakobho 5:14, 15) Kutaura nevakuru ndeimwe nzira iyo munhu ‘angabereka nayo zvibereko zvakakodzera rupfidzo.’ (Mateu 3:8) Varume ava vakatendeka uye vane rudo ‘vachamunyengeterera, vomuzora mafuta vachishandisa zita raJehovha.’ Sezvinoita mafuta anonyaradza marwadzo, zano ravo rinobva muBhaibheri richanyaradza munhu chero upi zvake anopfidza zvechokwadi.—Jeremiya 8:22.

15, 16. Vakuru vechiKristu vanotevedzera sei muenzaniso waMwari wakanyorwa pana Ezekieri 34:15, 16?

15 Jehovha, Mufudzi wedu, akatisiyira muenzaniso worudo zvikuru, paakasunungura vaJudha kuBhabhironi kwavakanga vakatapwa muna 537 B.C.E. uye paakasunungura vaIsraeri vomudzimu mu“Bhabhironi Guru” muna 1919 C.E.! (Zvakazarurwa 17:3-5; VaGaratiya 6:16) Saka akazadzikisa chipikirwa chake chokuti: “Ini ndichafudza makwai angu, uye ini ndichaita kuti arare pasi . . . Ndichatsvaka rakarasika, ndichadzosa rakatsauka, ndichamonera jira pane riya rakatyoka, ndichasimbisa rinorwara.”—Ezekieri 34:15, 16.

16 Jehovha akadyisa makwai ake okufananidzira, akaita kuti arare akachengeteka, uye akatsvaka akarasika. Saizvozvowo, vafudzi vechiKristu vanova nechokwadi chokuti boka raMwari ranyatsodyiswa mune zvokunamata uye rakachengeteka. Vakuru vanotsvaka makwai anotsauka kubva muungano. Sezvo Mwari aka“monera jira pane riya rakatyoka,” vatariri vano“monera jira” makwai angave akakuvadzwa nemashoko evamwe kana kuti nokukanganisa kwaakaita iwo. Sezvo Mwari aka“simbisa rinorwara,” vakuru vanobatsira vaya vanenge vava kurwara pakunamata, zvichida nokuti vanenge vakaita chivi.

Kubatsira Kunoita Vafudzi

17. Nei tisingafaniri kuzeza kukumbira kubatsirwa nevakuru mune zvokunamata?

17 Nomufaro, vakuru vanoteerera zano iri, rokuti: “Rambai muchinzwira . . . ngoni, muchiita saizvozvo nokutya.” (Judha 23) Vamwe vaKristu vakatadza zvakakomba nokuita unzenza. Asi kana vakapfidza zvechokwadi, vanogona kutarisira kuti vakuru vanenge vachida kuvabatsira pane zvokunamata vavanzwire ngoni, vavaratidze rudo. Achizvibatanidza, Pauro akati nezvevarume vakadaro: “Kwete kuti tiri vanatenzi vokutenda kwenyu, asi tiri vashandi pamwe chete nemi kuti mufare.” (2 VaKorinde 1:24) Saka usambozeza kukumbira kubatsirwa navo panyaya dzokunamata.

18. Vakuru vanobata sei nevavanonamata navo vanenge vatadza?

18 Kana watadza zvakakomba, nei ungavimba nevakuru? Nokuti ivo ndivo vafudzi vakuru veboka raMwari. (1 Petro 5:1-4) Hapana mufudzi ane rudo anorova gwayana rakapfava, rinenge richichema nokuti razvikuvadza. Naizvozvo vakuru pavanotaura nevavanonamata navo vanenge vakanganisa, haisi nyaya yokuti vaita mhosva saka vanofanira kurangwa, asi yokuti vaita chivi uye vanofanira kudzorerwa pakunamata kana zvichiita. (Jakobho 5:13-20) Vakuru vanofanira kutonga nokururamisira uye ‘kubata boka nounyoro.’ (Mabasa 20:29, 30; Isaya 32:1, 2) Sezvinoita vamwe vaKristu vose, vakuru vanofanira ‘kururamisira, kuda mutsa, uye kuva nomwero pakufamba naMwari.’ (Mika 6:8) Unhu hwakadaro hunokosha pakusarudza zvine chokuita noupenyu uye basa dzvene re“makwai emafuro” aJehovha.—Pisarema 100:3.

19. Vakuru vechiKristu vanoedza kururamisa munhu vaine maonero api?

19 Vafudzi vechiKristu vanogadzwa nomudzimu mutsvene uye vanoedza kutungamirirwa nawo. Kana “munhu akadarika asati azviziva”—sezvinonzi abatwa akarivara—varume vane zvinodiwa zvomudzimu vanoedza “kururamisa munhu akadaro nounyoro.” (VaGaratiya 6:1; Mabasa 20:28) Nounyoro asi vachiomerera kune zvinodiwa naMwari, vakuru vanoedza kururamisa mafungiro ake, sezvinoita chiremba ane hanya anodzorera nokungwarira bhonzo rinenge ratyoka, kuti vasamurwadzisa zvisina kukodzera asi vachigadzirisa dambudziko racho. (VaKorose 3:12) Sezvo munyengetero uye Magwaro zviri izvo zvingaita kuti vamunzwire ngoni, zvinosarudzwa nevakuru zvingaratidza maonero anoita Mwari nyaya yacho.—Mateu 18:18.

20. Ndirini pazvingava zvakakodzera kuti ungano iziviswe kuti munhu atsiurwa?

20 Kana chivi chacho chava kuzivikanwa nevakawanda kana kuti chichitozozivikanwa, zvingava zvakakodzera kuti chiziviso chipiwe ungano kuti zita rayo risasvibiswa. Chiziviso chichapiwawo ungano kana ichifanira kuudzwa. Munhu anenge atsiurwa nedare paanenge achipora pakunamata, angafananidzwa nomunhu ari kupora paakakuvara, izvo zvingaita kuti atadze kuita zvimwe zvinhu. Kwenguva yakati, zvingabatsira chaizvo kuti munhu anopfidza angoteerera pane kuti apindurewo pamisangano. Vakuru vangaronga kuti mumwe munhu adzidze naye Bhaibheri kuti amusimbise paanenge akaneta kuitira kuti ave no“kutenda” zvakare. (Tito 2:2) Zvose izvi zvinoitwa murudo uye hazviitirwi kuranga mutadzi.

21. Munhu anenge akanganisa angabatsirwa sei?

21 Vakuru vangabatsira pakunamata munzira dzakasiyana-siyana. Somuenzaniso, ngatitii hama yaimbova nechinetso chokunyanyonwisa, yambonwisa kamwe chete kana kaviri iri yoga kumba. Kana kuti mumwe akanga arega fodya aputa kamwe chete kana kaviri ari oga, zvangomukundawo. Kunyange zvazvo angave anyengetera uye achifunga kuti Mwari amukanganwira, anofanira kubatsirwa nevakuru kuitira kuti asaramba achiita chivi chacho. Mukuru mumwe chete kana vaviri vangamubatsira panyaya iyoyo. Zvisinei, vakuru vacho vachaudza mutariri anotungamirira, sezvo zvingadaro zvichibatanidza zvimwe zvinhu.

Ramba Uchibvuma Kurangwa naMwari

22, 23. Nei uchifanira kuramba uchibvuma kurangwa naMwari?

22 Kuti afarirwe naMwari, muKristu mumwe nomumwe anofanira kubvuma kurangwa naJehovha. (1 Timoti 5:20) Saka teerera chero kururamiswa kupi zvako kwaungaitwa paunodzidza Magwaro uye mabhuku echiKristu kana kuti paunonzwa zano racho richitaurwa pamisangano, uye pamagungano evanhu vaJehovha. Ramba wakangwarira kuita zvinodiwa naJehovha. Ukadaro kurangwa naMwari kuchakubatsira kuramba wakadzivirirwa mune zvokunamata—rusvingo rwakasimba ruchaita kuti usaita chivi.

23 Kubvuma kurangwa naMwari kuchaita kuti ukwanise kuramba uri murudo rwaMwari. Chokwadi, vamwe vakadzingwa muungano yechiKristu, asi iwe haufaniri hako kudzingwa kana uka“chengetedza mwoyo wako” uye ‘ukafamba sezvinoita munhu akachenjera.’ (Zvirevo 4:23; VaEfeso 5:15) Zvisinei, kana iye zvino wakadzingwa muungano, wadii kutora matanho okuti udzorerwe? Mwari anoda kuti vose vakazvitsaurira kwaari vamunamate vakatendeka uye “nomufaro womwoyo.” (Dheuteronomio 28:47) Kana ukabvuma kurangwa naJehovha nguva dzose, uchanamata uchifara nokusingaperi.—Pisarema 100:2.

Ungapindura Sei?

• Nei vamwe vachidzingwa muungano yechiKristu?

• Kupfidza kwechokwadi kunosanganisirei?

• Nei zvivi zvakakomba zvichifanira kureururwa?

• Vakuru vechiKristu vanobatsira sei vatadzi vanopfidza?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

Nei muapostora Pauro akatumira vaKorinde mirayiridzo yokudzinga munhu muungano?

[Mufananidzo uri papeji 29]

Sezvaiita vafudzi vekare, vakuru vechiKristu vano“monera jira” makwai aMwari anenge akuvara