Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyaya Ine Chokuita Newe

Nyaya Ine Chokuita Newe

Nyaya Ine Chokuita Newe

UNE shamwari kana mumwe womumhuri waunonyanya kuwirirana naye here? Zvakadini kana mumwe munhu akakupomera kuti unowirirana nomunhu iyeye nokuti unongoda zvakakunakira iwe? Waisazorwadziwa here, kana kutotsamwa? Ndizvo chaizvo izvo Satani Dhiyabhorosi ave achipomera vanhu vose vane ukama hwepedyo naJehovha Mwari.

Imbofunga zvakaitika Satani paakabudirira kuita kuti vanhu vokutanga, Adhamu naEvha, vatyore mutemo waMwari uye vabatane naye pakupandukira Mwari kwaakaita. Zvakaitika zvinoreva here kuti vanhu vaizoramba vachiteerera Jehovha pazvinenge zvakavanakira bedzi? (Genesisi 3:1-6) Kwapera makore anenge 2 500 Adhamu apanduka, Satani akatangazve nyaya iyi—panguva ino akaitanga iine chokuita nomurume ainzi Jobho. Sezvo kupomera kwakaita Dhiyabhorosi kuchiratidza pachena nyaya yacho, ngatinyatsoongororai nhoroondo iyoyo yeBhaibheri.

“Handizorasi Kuvimbika Kwangu”

Jobho “murume asina chaanopomerwa, akarurama, anotya Mwari uye anonzvenga zvakaipa.” Zvisinei, Satani anoshora kururama kwaJobho. Anobvunza Jehovha kuti, “Jobho anotya Mwari pasina here?” Zvadaro, Dhiyabhorosi anotaura zvakaipa nezvaMwari naJobho achipomera Jehovha kuti akatenga kuvimbika kwaJobho nokumudzivirira uye kumukomborera. “Ndapota, chimbochinjai,” Satani anodaro, “mutambanudze ruoko rwenyu, mugunzve zvinhu zvose zvaainazvo muone kana asingazokutukii pamberi penyu chaipo.”—Jobho 1:8-11.

Kuti apindure zvataurwa izvi, Jehovha anobvumira Satani kuti aedze Jobho. Dhiyabhorosi anounzira murume akatendeka iyeye matambudziko akatevedzana, achiedza kumutsausa pakushumira Mwari. Zvipfuwo zvaJobho zvose zvinobiwa kana kuparadzwa, vashandi vake vanopondwa, uye vana vake vanourayiwa. (Jobho 1:12-19) Asi Satani anobudirira here? Kana! Kunyange zvazvo asingazivi kuti Dhiyabhorosi ndiye ari kukonzera miedzo yake, Jobho anoti: “Jehovha akapa, uye Jehovha atora. Zita raJehovha ngarirambe richirumbidzwa.”—Jobho 1:21.

Zvadaro, Satani anouya pamberi paJehovha, uyo anoti kwaari: “[Jobho] achakabata zvakasimba kuvimbika kwake, kunyange zvazvo iwe uchindikurudzira kuti ndimuparadze pasina chikonzero.” (Jobho 2:1-3) Nyaya inokosha pano ndeyokuvimbika kwaJobho—unhu hunoda kuti munhu arambe akatendeka kuna Mwari chero zvodini uye anyatsoita zvakarurama. Saka kusvika panguva ino Jobho anokunda panyaya yokuva akavimbika. Zvisinei, Dhiyabhorosi haakandi mapfumo pasi.

Zvadaro, Satani anotaura mashoko okupomera vanhu vose zvavo. “Ganda rinotsiviwa neganda,” anodaro kuna Jehovha, “uye munhu achapa zvose zvaainazvo nokuda kwomweya wake. Ndapota, chimbochinjai, mutambanudze ruoko rwenyu, mugunzve kusvikira papfupa rake nenyama yake, muone kana asingazokutukii pamberi penyu chaipo.” (Jobho 2:4, 5) Paanotaura kuti “munhu” pane kuti ataure nezita kuti Jobho, Dhiyabhorosi anoratidza kuti haana chokwadi nokuvimbika kwevanhu vose. Kutaura zvazviri, ari kuti: ‘Munhu achaita chero chinhu chipi zvacho kuti aponese upenyu hwake. Ndipei mukana, uye ndinogona kuita kuti chero munhu upi zvake atsauke pana Mwari.’ Hapana munhu acharamba akavimbika kuna Mwari mumamiriro ezvinhu ose aya uye panguva dzose here?

Jehovha anobvumira Dhiyabhorosi kuti atambudze Jobho nechirwere chakaipa. Jobho anotambura zvokuti anonyengetera kuti afe. (Jobho 2:7; 14:13) Asi Jobho anoti: “Handizorasi kuvimbika kwangu kusvikira ndafa!” (Jobho 27:5) Jobho anotaura izvi nokuti anoda Mwari, uye hapana chingachinja kumuda kwaanoita. Jobho anoratidza kuti munhu akavimbika. Bhaibheri rinoti: “Jehovha akazokomborera makore okupedzisira aJobho kupfuura okutanga.” (Jobho 42:10-17) Kwave kuine vamwe vakaita saJobho here? Kufamba kwave kuchiita nguva kwakaratidzei?

Kupindurwa Kwakaitwa Nyaya Yacho

Muchitsauko 11 chebhuku reBhaibheri raVaHebheru, muapostora Pauro anotaura mazita evarume nevakadzi vakatendeka vakawanda vakararama chiKristu chisati chatanga, kusanganisira Noa, Abrahamu, Sara, uye Mosesi. Muapostora wacho anozozivisa kuti: “Nguva ichandiperera kana ndikarondedzera” nezvevamwe vacho. (VaHebheru 11:32) Vashumiri vaMwari vakatendeka ava vakanga vakawanda zvokuti Pauro akataura nezvavo achiti ‘gore guru rezvapupu,’ achivaenzanisa negore guru riri muchadenga mose. (VaHebheru 12:1) Chokwadi, mumazana emakore akapfuura, vanhu vazhinji-zhinji vakashandisa rusununguko rwavo rwokusarudza uye vakasarudza kuvimbika kuna Jehovha Mwari.—Joshua 24:15.

Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari pachake ndiye akapindura zvakasimba zvakanga zvataurwa naSatani zvokuti anogona kutsausa vanhu pana Jehovha. Kunyange kumurwadzisa kwazvo padanda rokutambudzikira hakuna kuita kuti arege kuvimbika kuna Mwari. Jesu paakafema kokupedzisira, akachema achiti: “Baba, ndinoisa simba rangu roupenyu mumaoko enyu.”—Ruka 23:46.

Kufamba kwaita nguva kwaratidza kuti Dhiyabhorosi haana kukwanisa kutsausa vanhu vose pakushumira Mwari wechokwadi. Vanhu vakawanda zvikuru vakasvika pakuziva Jehovha uye ‘kumuda nemwoyo yavo yose nemweya yavo yose nepfungwa dzavo dzose.’ (Mateu 22:37) Kuvimbika kwavo kusingachinji kuna Jehovha kwakaratidza kuti zvakataura Satani panyaya yokuvimbika kwevanhu hazvisizvo. Iwewo unogona kuratidza kuti zvakataura Satani hazvisizvo nokuva murume kana mukadzi akavimbika.

Unofanira Kuitei?

Mwari anoda kuti “vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Timoti 2:4) Ungazviita sei? Ronga nguva yokudzidza Bhaibheri ‘wowana zivo yaMwari wechokwadi chete uye youya waakatuma, iye Jesu Kristu.’—Johani 17:3.

Satani akataura kuti akanga asina chokwadi nokuvimbika kwomunhu paakataura kuti akanga asina chokwadi kuti nei munhu achida kushumira Mwari. Kana zivo ichizoita kuti uite chimwe chinhu, inofanira kubaya mwoyo wako. Uye kuti izvi zviitike, haufaniri kungotsvaka mashoko muBhaibheri. Tanga muitiro wokufungisisa zvaunodzidza. (Pisarema 143:5) Paunenge uchiverenga Bhaibheri kana kuti mabhuku eBhaibheri, iva nechokwadi chokuwana nguva yokufunga nezvemibvunzo yakadai seiyi: ‘Izvi zvinondidzidzisei nezvaJehovha? Unhu hupi hwaMwari hwandinoona huchiratidzwa pano? Ndepapi muupenyu hwangu pandinofanira kuratidza unhu uhwu? Ndezvipi zvinobvumirwa naMwari nezvaasingabvumiri? Izvozvo zvinoita kuti ndinzwe sei nezvaMwari?’ Ukafungisisa nenzira iyi uchaita kuti mwoyo wako uzare norudo uye uonge Musiki wako.

Kuvimbika kuna Mwari hakungogumiri panyaya yezvatinotenda. (1 Madzimambo 9:4) Kuramba wakavimbika kuna Jehovha Mwari kunoda kuti uve netsika dzakanaka muupenyu hwako hwose. Zvisinei, kuramba takavimbika hakuzoiti kuti tirasikirwe munzira chero ipi zvayo. Jehovha ndi“Mwari anofara,” uye anoda kuti unakidzwe noupenyu. (1 Timoti 1:11) Iye zvino imbofunga nezvezvinhu zvausingafaniri kuita kuti urambe uine tsika dzakachena wozonakidzwa noupenyu uye uchifarirwa naMwari.

Usaita Unzenza

Jehovha akataura zvinofanira kuitwa mumhuri muShoko rake Bhaibheri, iro rinoti: “Murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira mudzimai wake uye vachava nyama imwe.” (Genesisi 2:21-24) Sezvo vakaroorana vachiva “nyama imwe,” vanokudza urongwa hwaMwari hwokuroorana kana vakasaita gumbo mumba gumbo kunze. Muapostora Pauro akati: “Kuroorana ngakukudzwe navose, mubhedha wevakaroorana ngaurege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga zvifeve nemhombwe.” (VaHebheru 13:4) Mashoko okuti “mubhedha wevakaroorana” anoreva kuita zvepabonde kunoitwa nomurume nomukadzi vakaroorana zviri pamutemo. Kana mumwe wavo akaita gumbo mumba gumbo kunze anenge achiita upombwe uye zvingaita kuti atongwe zvakaipa naMwari.—Maraki 3:5.

Zvakadini nokurara mose musati maroorana? Izvozvowo hazvibvumirwi nomutemo waJehovha wetsika. “Izvi ndizvo zvinoda Mwari . . . kuti murege ufeve,” rinodaro Bhaibheri. (1 VaTesaronika 4:3) Ungochani, makunakuna, uye kurara nemhuka zviviwo kuna Mwari. (Revhitiko 18:6, 23; VaRoma 1:26, 27) Munhu wose anoda kufadza Mwari uye kurarama upenyu hunofadza zvechokwadi haafaniri kuita zvounzenza.

Zvakadini nokuita zvinhu zvinoita kuti munhu anzwe kuda zvepabonde musati maroorana? Izvi hazvifadzi Jehovha. (VaGaratiya 5:19) Pfungwa dzinofanirawo kuramba dzakachena dzisingafungi zvounzenza. Jesu akati: “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.” (Mateu 5:28) Mashoko iwayo anoshandawo panyaya yokuona mifananidzo inonyadzisira mumabhuku, paterevhizheni, kana kuti paIndaneti; kuverenga nyaya dzezvepabonde; uye kuteerera mashoko enziyo anokurudzira zvepabonde. Kurega kuona kana kunzwa zvinhu zvakadaro kunofadza Mwari uye kunobatsira munhu muupenyu.

Zvakadini nokutamba nomunhu uchiita sounomuda? Kutamba nomunhu uchiita sounomuda kunorondedzerwa “sokuyeva munhu uchiratidza kuti unomuda kana kuti [kuita] zvinokurudzira kuda zvepabonde.” Kana murume akaroora kana kuti mukadzi akaroorwa akaitira mumwe munhu waasina kuroorana naye izvozvo anenge achiita zvinopesana nezvinotaurwa neBhaibheri uye anenge achiratidza kuti haaremekedzi Jehovha. (VaEfeso 5:28-33) Hazvina kutombokodzera kuti vanhu vasina kuroora kana kuroorwa vataure kana kuita sevanoda mumwe munhu zvokungonakidzwa chete! Zvakadini kana mumwe munhu akaona kutamba kwakadaro sokuti uri kutorevesa? Funga nezvokurwadziwa kwaangaita. Chimwe chinoita kuti tifungisise ndechokuti kuita sounoda mumwe munhu kungaita kuti mugume maita upombwe kana ufeve. Asi kubatana nenzira yakachena kunowedzera kuzviremekedza.—1 Timoti 5:1, 2.

Kufadza Mwari Mune Zvimwe Zvinhu Zvoupenyu

Munyika dzakawanda doro rinowanika nyore nyore. Zvakaipa here kurinwa? MuMagwaro, kunwa zvine mwero waini, doro kana zvimwe zvinwiwa zvinodhaka hakurambidzwi. (Pisarema 104:15; 1 Timoti 5:23) Asi Mwari anoona kunyanyisa kunwa uye kudhakwa sezvinhu zvakaipa. (1 VaKorinde 5:11-13) Chokwadi haungadi kuti kunyanyisa kunwa kukanganise utano hwako kana kuti kuvhiringidze upenyu hwemhuri yako.—Zvirevo 23:20, 21, 29-35.

Jehovha ndi“Mwari wechokwadi.” (Pisarema 31:5) Hazvi“bviri kuti Mwari areve nhema,” rinodaro Bhaibheri. (VaHebheru 6:18) Kana uchida kufarirwa naMwari, ucharega kureva nhema. (Zvirevo 6:16-19; VaKorose 3:9, 10) Bhaibheri rinorayira vaKristu kuti, “Mumwe nomumwe wenyu ngaataure chokwadi nomuvakidzani wake.”—VaEfeso 4:25.

Panewo muitiro wokubhejera. Kunyange zvazvo kuchifarirwa nevakawanda, kubhejera kunoratidza makaro, sezvo kuri kuedza kuwana mari nokuita kuti vamwe varasikirwe. Jehovha haafariri vaya ‘vanokara pfuma inowanikwa nenzira dzokusatendeseka.’ (1 Timoti 3:8) Saka kana uchida kufadza Jehovha, ucharega kubhejera chero kupi zvako, kusanganisira rotari, bingo, uye kubhejera mijaho yemabhiza. Ukadaro, uchaona kuti une mari yakawanda yokugovera zvinodiwa nemhuri yako.

Kuba, kureva kuti kutora chisiri chako, makarowo. Bhaibheri rinoti, “Usaba.” (Eksodho 20:15) Hazvina kunaka kutenga zvinhu zvakabiwa uchiziva uye kutora zvinhu pasina mvumo. “Anoba ngaachirega kubazve,” rinodaro Bhaibheri, “asi ngaashande nesimba, achiita basa rakanaka nemaoko ake, kuti ave nechimwe chinhu chokupa mumwe munhu anoshayiwa.” (VaEfeso 4:28) Pane kubira vavanoshandira nguva, vanhu vanoda Jehovha vanoshanda nesimba zuva rose. Va“noda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18) Uye zvechokwadi hana yakachena inobatsira kuti munhu agadzikane mupfungwa.

Mwari anoona sei munhu ane hasha? Bhaibheri rinonyevera kuti: “Usashamwaridzana nomunhu asingatani kutsamwa; uye usafambidzana nomunhu ane hasha kwazvo.” (Zvirevo 22:24) Hasha dzisingadzorwi dzinowanzokonzera chisimba. (Genesisi 4:5-8) Panyaya yokutsiva, Bhaibheri rinoti: “Musadzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake. Ipai zvinhu zvakanaka kwazvo maererano nemaonero evanhu vose. Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose. Musatsiva, vadiwa, asi dziurirai hasha; nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Kutsiva ndokwangu; ndichatsividza, anodaro Jehovha.’” (VaRoma 12:17-19) Kana tikatevera mazano aya, upenyu hwedu huchava norugare zvikuru—uye izvozvo zvichaita kuti tiwedzere kufara.

Unogona Kubudirira

Ungabudirira kuramba wakatendeka kuna Mwari pasinei nokumanikidzwa kuita zvisiri izvo here? Chokwadi, unogona kubudirira. Ziva kuti Mwari anoda kuti ubudirire kuratidza Satani kuti zvaanotaura panyaya yokuvimbika inhema, nokuti Shoko Rake rinoti: “Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu, kuti ndigone kupindura iye anondishora.”—Zvirevo 27:11.

Unogona kunyengetera kuna Jehovha kuti akusimbise kuti uite zvakarurama mumaziso ake. (VaFiripi 4:6, 7, 13) Saka edza nepaunogona napo kuwedzera zivo yako yeShoko raMwari, Bhaibheri. Kufungisisa uchionga zvaunodzidza muBhaibheri kuchakubatsira kudzamisa kuda kwaunoita Mwari uye kuchaita kuti umufadze. “Kuda Mwari kunoreva izvi,” inodaro 1 Johani 5:3, “kuti tichengete mirayiro yake; uye mirayiro yake hairemi.” Zvapupu zvaJehovha zviri kwaunogara zvichafara kukubatsira kudzidza Bhaibheri. Unokumbirwa kuti utaure nevari kwaunogara, kana kuti unganyorera vanobudisa magazini ino.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Jobho akaramba akatendeka pasinei nemiedzo

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kuwedzera zivo yako yeShoko raMwari kuchakusimbisa kuti utsunge kuita zvakanaka