Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raRwiyo rwaSoromoni

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raRwiyo rwaSoromoni

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raRwiyo rwaSoromoni

“SEZVAKAITA ruva riri pakati poutumbambeva, ndizvo zvakaita musikana wangu pakati pevamwe vanasikana.” “Sezvakaita muti womuapuro uri pakati pemiti yomusango, ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pevamwe vanakomana.” “Ndiani mukadzi uyu anotarira pasi sezvinoita mambakwedza, akanaka sejenaguru, akachena sezuva rinopenya?” (Rwiyo rwaSoromoni 2:2, 3; 6:10) Ndima idzi dzomubhuku reBhaibheri raRwiyo rwaSoromoni dzakanaka chaizvo! Bhuku racho rose inhetembo ine zvakawanda zvainoreva uye yakanaka chaizvo zvokuti rinonzi “rwiyo . . . rwakanaka kukunda dzimwe dzose.”—Rwiyo rwaSoromoni 1:1.

Zvarwakanyorwa naMambo Soromoni weIsraeri yekare, munenge muna 1020 B.C.E., muchikamu chokutanga chokutonga kwake kwemakore 40, rwiyo urwu inyaya yorudo yomukomana aiva mufudzi nomusikana wokumaruwa, muShuramiti. Vamwe vanotaurwa munhetembo yacho ndiamai nehanzvadzi dzomusikana wacho, “vanasikana veJerusarema [vakadzi vomudare],” uye “vanasikana veZiyoni [vakadzi veJerusarema].” (Rwiyo rwaSoromoni 1:5; 3:11) Zvakaomera munhu anenge achiverenga Bhaibheri kuti azive vose vanenge vachitaura muRwiyo rwaSoromoni, asi zvinoita kana ukafunga zvavanotaura kana kuti zvavanoudzwa.

Zvaari chikamu cheShoko raMwari, mashoko oRwiyo rwaSoromoni anokosha zvikuru nemhaka yezvikonzero zviviri. (VaHebheru 4:12) Kutanga, anotidzidzisa chinonzi rudo rwechokwadi rwomurume nomukadzi. Chechipiri, rwiyo rwacho runoratidza muenzaniso worudzi rworudo ruri pakati paJesu Kristu neungano yevaKristu vakazodzwa.—2 VaKorinde 11:2; VaEfeso 5:25-31.

MUSAEDZA “KUMUTSA RUDO MUKATI MANGU”

(Rwiyo rwaSoromoni 1:1–3:5)

“Ngaanditsvode nokutsvoda kwomuromo wake, nokuti kuratidza kwako rudo kuri nani kupfuura waini.” (Rwiyo rwaSoromoni 1:2) Kurukurirano iri muRwiyo rwaSoromoni inotanga nemashoko iwayo omusikana wokumaruwa akaderera anounzwa mutende roumambo raSoromoni. Zvakafamba sei kuti ave mutende racho?

“Vanakomana vaamai vangu vakanditsamwira,” anodaro. “Vakandiita muchengeti weminda yemizambiringa.” Hanzvadzi dzake dzakamutsamwira nokuti rimwe zuva mumatsutso mukomana mufudzi waanoda akamukoka kuti vambotwasanudza makumbo. Kuti asaenda, hanzvadzi dzake dzakamupa basa rokurinda “makava maduku ari kuparadza minda yemizambiringa.” Basa iri rinoita kuti ave pedyo nomusasa waSoromoni. Paanoenda “kumunda weminzungu,” runako rwake runoonekwa uye anopinzwa mumusasa wacho.—Rwiyo rwaSoromoni 1:6; 2:10-15; 6:11.

Musikana wacho paanotaura kuti ari kusuwa mufudzi wake waanoda, vakadzi vomudare racho vanomuudza kuti ‘abude atevere tsoka dzeboka rezvipfuwo,’ aende kunomutsvaka. Asi Soromoni haamubvumiri kuenda. Achitaura kuti anoyemura chaizvo runako rwake, anomuvimbisa “zvishongo zvendarama . . . pamwe chete nezvuma zvesirivha.” Kunyange zvakadaro, izvi hazvifadzi musikana wacho. Mukomana uya mufudzi anopinda mumusasa waSoromoni, anomuwana, uye anoti: “Tarira! Wakanaka, haiwa iwe musikana wangu. Tarira! Wakanaka.” Musikana wacho muduku anoita kuti vakadzi vomudare racho vapike achiti: “Musaedza kupfutidza kana kumutsa rudo mukati mangu kusvikira rwava kuda.”—Rwiyo rwaSoromoni 1:8-11, 15; 2:7; 3:5.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:2, 3—Nei kuyeuka mashoko orudo omukomana mufudzi kwakafanana newaini uye nei zita rake rakafanana nemafuta? Sezvo waini ichiita kuti mwoyo womunhu ufare uye kudira mafuta mumusoro kuchizorodza, kuyeuka rudo rwomukomana wacho nezita rake kwakasimbisa uye kwakanyaradza musikana wacho. (Pisarema 23:5; 104:15) VaKristu vechokwadi, kunyanya vakazodzwa, vanosimbiswawo uye vanokurudzirwa nokufunga nezvorudo rwavakaratidzwa naJesu Kristu.

1:5—Nei musikana wokumaruwa uyu achifananidza kusviba kwaakaita ne“matende eKedhari”? Mvere dzembudzi, dzaigadziriswa machira, dzaishandiswa kugadzira zvinhu zvakawanda. (Numeri 31:20) Somuenzaniso, “machira emvere dzembudzi” aishandiswa kugadzira “tende repamusoro petebhenekeri.” (Eksodho 26:7) Sezvakangoitawo matende evaBedouin kunyange mazuva ano, matende eKedhari angadaro aiva akagadzirwa nemvere nhema dzembudzi.

1:15—Mukomana mufudzi anorevei paanoti: “Maziso ako akafanana neenjiva”? Mukomana mufudzi ari kutaura kuti maziso omusikana wake anoratidza rupfave, sezvakaita enjiva.

2:7; 3:5—Nei vakadzi vomudare vakaitwa kuti vapike “nemhara hadzi kana kuti nenondo hadzi dzomusango”? Mhara nenondo dzinozivikanwa nokunaka kwadzakaita. Kutaura zvazviri, musikana muShuramiti ari kuita kuti vakadzi vomudare vapike nezvinhu zvose zvakanaka kuti varege kumutsa rudo mukati make.

Zvatinodzidza:

1:2; 2:6. Kuratidzana rudo nenzira yakachena kungave kwakakodzera pamunenge muchidanana. Zvisinei, vanenge vachidanana vanofanira kungwarira kuti kuratidzirana rudo uku kusaguma kwava kusina kuchena, zvingaita kuti vazoita unzenza.—VaGaratiya 5:19.

1:6; 2:10-15. Hanzvadzi dzomuShuramiti dzakamurambidza kuenda nomudiwa wake kunzvimbo yavaizova voga mumakomo, kwete nokuti aiva nzenza kana kuti aiva nevavariro dzisina kunaka. Asi vakatora danho raimudzivirira vachiitira kuti asapinda mumamiriro ezvinhu aizomuisa mumuedzo. Vanenge vachidanana vangadzidza kuti havafaniri kuva munzvimbo dzavanenge vangori voga.

2:1-3, 8, 9. Kunyange zvazvo aiva tsvarakadenga, musikana muShuramiti aizvininipisa achizviona se“ruvawo zvaro resafuroni romubani romumhenderekedzo yegungwa.” Nemhaka yokunaka kwake uye kutendeka kuna Jehovha, mukomana mufudzi aifunga nezvake se“ruva riri pakati poutumbambeva.” Ko mukomana uyu anorondedzerwawo sei? Nokuti akanga akanaka, kumusikana uyu aiva akafanana “nemhara.” Anofanirawo kunge aiva nokutenda uye akazvipira kuna Jehovha. “Sezvakaita muti womuapuro [une mumvuri nemichero] uri pakati pemiti yomusango,” anodaro, “ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pevamwe vanakomana.” Kutenda uye kuzvipira kuna Mwari hahusi unhu hwakanaka hwaunofanira kutsvaka pamunhu waunenge uchida kuroorana naye here?

2:7; 3:5. Musikana wokumaruwa akanga asingadi Soromoni. Akaitawo kuti vakadzi vomudare vapike kuti vasaedza kumutsa rudo rwake nokuda kwomumwe munhu asiri mukomana mufudzi. Hazviiti uyewo hazvina kukodzera kungoda munhu wose wose. MuKristu asina kuroora kana kuroorwa anoda kuroora kana kuroorwa anofanira kufunga nezvokuroorana nomushumiri waJehovha akavimbika chete.—1 VaKorinde 7:39.

“IMI VANHU MUNOONEIKO PAMUSHURAMITI?”

(Rwiyo rwaSoromoni 3:6–8:4)

Pane chimwe chinhu “chakaita seshongwe dzoutsi chiri kubva kurenje.” (Rwiyo rwaSoromoni 3:6) Vakadzi vokuJerusarema vanoonei pavanoenda kunotsvaka? Chokwadi, vanoona Soromoni nevashumiri vake vachidzokera kuguta! Uye mambo auya nomusikana muShuramiti.

Mukomana mufudzi atevera musikana wacho uye nenguva isipi anowana nzira yokuti amuone. Paanomuvimbisa kuti anomuda, musikana wacho anotaurawo kuti anoda kubva muguta racho, achiti: “Ndichaenda kugomo remura nokuchikomo chezvinonhuhwirira zvichena, kusati kwava kufefetera uye mimvuri isati yatiza.” Anokoka mufudzi wacho kuti “apinde mumunda wake, adye michero yawo yakanaka kwazvo.” Mukomana wacho anopindura kuti: “Ndapinda mumunda wangu, haiwa hanzvadzi yangu, mwenga wangu.” Vakadzi veJerusarema vanoti kwavari: “Haiwa imi shamwari, idyai! Inwai mudhakwe nokuratidzirana rudo!”—Rwiyo rwaSoromoni 4:6, 16; 5:1.

Arondedzera hope dzake kuvakadzi vomudare, musikana muShuramiti anoti kwavari: “Ndiri kurwara norudo.” Ivo vanobvunza kuti: “Mudiwa wako anopfuura vamwe vadiwa neiko?” Musikana wacho anopindura kuti: “Mudiwa wangu anobwinya uye mutsvuku, anokurumidza kuoneka pane vane zviuru gumi.” (Rwiyo rwaSoromoni 5:2-10) Soromoni paanomurumbidza zvikuru, anopindura achizvininipisa achiti: “Imi vanhu munooneiko pamuShuramiti?” (Rwiyo rwaSoromoni 6:4-13) Achiona uyu somukana wokuti adiwe nomusikana uyu, mambo anomurumbidzazve. Zvisinei, musikana uyu anoramba achida mukomana wake mufudzi. Pakupedzisira Soromoni anomurega achienda kumba.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

4:1; 6:5—Nei bvudzi romusikana richienzaniswa ne“boka rembudzi”? Kuenzanisa kwacho kunoratidza kuti bvudzi rake raipenya sezvinoita mvere nhema dzembudzi.

4:11—Chii chinorehwa nokuti ‘miromo yomuShuramiti inodonha uchi hwomumazinga’ uye ‘uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwake’? Uchi hwomumazinga hunonhuhwirira uye hunotapira kupfuura uchi hunenge hwarohwa nemhepo. Kuenzanisa uku, pamwe chete nepfungwa yokuti uchi nomukaka zvaiva pasi porurimi rwomusikana wacho, zvinosimbisa kuti mashoko anotaurwa nomuShuramiti akanaka.

5:12—Mashoko okuti “maziso ake akaita senjiva dziri pahova dzemvura, dziri kugeza mumukaka” anorevei? Musikana wacho ari kutaura nezvemaziso akanaka omudiwa wake. Pamwe ari kutaura achidetemba achienzanisa mboni nhema yakapoteredzwa nezvichena nenjiva dzakaita bhuruu dziri kugeza mumukaka.

5:14, 15—Nei maoko nemakumbo omufudzi achirondedzerwa seizvi? Zviri pachena kuti musikana wacho ari kutaura nezvezvigunwe zvomufudzi achiti ipombi dzendarama uye nezvenzara dzake achiti ikrisoriti. Anofananidza makumbo ake ne“mbiru dzemabhura” nokuti akasimba uye akanaka.

6:4—“Guta Rinofadza” rinoreva Jerusarema here? Aiwa. “Guta Rinofadza” i“Tiza.” Guta iri revaKenani rakapambwa naJoshua uye pashure penguva yaSoromoni rakava guta guru rokutanga roumambo hwaIsraeri hwemadzinza gumi. (Joshua 12:7, 24; 1 Madzimambo 16:5, 6, 8, 15) “Zvinoita sokuti guta racho rinofanira kunge rakanga rakanaka chaizvo,” rinodaro rimwe bhuku, “ndokusaka rakadudzwa pano.”

6:13—“Kutamba kwemapoka maviri” kunoitwa sei? Mashoko aya anogonawo kushandurwa kuti “kutamba kweMahanaimu.” Guta rine zita iroro raiva kumabvazuva kwoRwizi rwaJodhani pedyo nomupata une rukova waJabhoki. (Genesisi 32:2, 22; 2 Samueri 2:29) “Kutamba kwemapoka maviri” kungareva kumwe kutamba kwaiitwa muguta iroro kune chokuita nomumwe mutambo.

7:4—Nei Soromoni achifananidza mutsipa womusikana muShuramiti ne“shongwe yenyanga dzenzou”? Musikana uyu akanga amborumbidzwa seizvi: “Mutsipa wako wakaita seshongwe yaDhavhidhi.” (Rwiyo rwaSoromoni 4:4) Shongwe yakareba uye inhete, uye nyanga yenzou inotsvedzerera. Soromoni anofadzwa nokutetepera uye kutsvedzerera kunoita mutsipa womusikana wacho.

Zvatinodzidza:

4:1-7. Kunyange zvazvo aiva asina kukwana, muShuramiti paakaramba kunyengedzwa naSoromoni, akaratidza kuti aiva netsika dzakanaka. Nokudaro tsika dzake dzakanaka dzakawedzera runako rwake. Ndizvo zvinofanira kuita vakadzi vechiKristu.

4:12. Sezvakaita munda wakanaka wakasoswa noruzhowa kana kuti norusvingo, unongopindwa nepagedhi rinokiyiwa, musikana muShuramiti akaratidza kuti aingoda uyu aizova murume wake. Muenzaniso wakanaka chaizvo kuvarume nevakadzi vechiKristu vasina kuroora kana kuroorwa!

“MURAZVO WAJAH”

(Rwiyo rwaSoromoni 8:5-14)

Hanzvadzi dzomuShuramiti padzinomuona achidzoka kumba dzinobvunza kuti: “Mukadzi uyu ari kubva kurenje ndiani, akazendamira mudiwa wake?” Izvi zvisati zvaitika, mumwe wavo akanga amboti: ‘Kana akava rusvingo, tichavaka shongwe yesirivha pamusoro pake; asi kana akava suo, tichamudzivira nepuranga romusidhari.’ Iye zvino sezvo rudo rwomuShuramiti rwaedzwa uye rwaonekwa kuti rwakavimbika, musikana wacho anoti: “Ndiri rusvingo, uye mazamu angu akaita seshongwe. Nokudaro kwaari ndava souya ari kuwana rugare.”—Rwiyo rwaSoromoni 8:5, 9, 10.

Rudo rwechokwadi “murazvo waJah.” Nei? Nokuti rudo rwakadaro runobva kuna Jehovha. Ndiye akaita kuti tikwanise kuda. Irwo murazvo unopfuta zvisingadzimiki. Rwiyo rwaSoromoni runoenzanisa zvakanaka chaizvo rudo rwomurume nomudzimai ruchiti “rwakasimba [harukundikani] sezvakaita rufu.”—Rwiyo rwaSoromoni 8:6.

Rwiyo rwakanaka chaizvo rwaSoromoni runotijekeserawo nezvechisungo chiri pakati paJesu Kristu nenhengo dzo“mwenga” wake wokudenga. (Zvakazarurwa 21:2, 9) Kuda kunoita Jesu vaKristu vakazodzwa kunokunda kudanana kwomurume nomukadzi. Nhengo dzeboka romwenga dzinoramba dzakazvipira kwaari. Jesu norudo akapa upenyu hwake nokuda kwe“mamwe makwai”wo. (Johani 10:16) Saka, vanamati vose vechokwadi vangatevedzera muenzaniso womuShuramiti worudo rusingachinji uye wokuramba akazvipira.

[Mufananidzo uri papeji 18, 19]

Rwiyo rwaSoromoni runotidzidzisa kuti tinofanira kutsvakei mune watinenge tichida kuroorana naye?