Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rambai Muri Murudo rwaMwari!

Rambai Muri Murudo rwaMwari!

Rambai Muri Murudo rwaMwari!

“Vadiwa, . . . rambai muri murudo rwaMwari, . . . muchifunga nezvoupenyu husingaperi.”—JUDHA 20, 21.

1, 2. Ungaramba sei uri murudo rwaMwari?

JEHOVHA anoda vanhu zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga kuti vaya vanotenda maari vave noupenyu husingaperi. (Johani 3:16) Kudiwa zvakadaro chinhu chakanaka zvikuru! Kana uri mushumiri waJehovha, zvechokwadi unoda kudiwa zvakadaro nokusingaperi.

2 Mudzidzi Judha akataura zvaungaita kuti urambe uri murudo rwaMwari. “Muchizvivaka pakutenda kwenyu kutsvenetsvene, muchinyengetera nomudzimu mutsvene,” akanyora kudaro Judha, “rambai muri murudo rwaMwari, pamunenge muchimirira ngoni dzaShe wedu Jesu Kristu muchifunga nezvoupenyu husingaperi.” (Judha 20, 21) Kudzidza Shoko raMwari uye kuparidza mashoko akanaka kunobatsira kuti uzvivake “pakutenda . . . kutsvenetsvene”—dzidziso dzechiKristu. Kuti urambe uri murudo rwaMwari, unofanira kunyengetera “nomudzimu mutsvene,” kana kuti kunyengetera uchitungamirirwa nawo. Kuti ukomborerwe noupenyu husingaperi, unofanirawo kutenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu.—1 Johani 4:10.

3. Nei vamwe vasisiri Zvapupu zvaJehovha?

3 Vamwe vaimbotenda havana kuramba vari murudo rwaMwari. Havasisiri Zvapupu zvaJehovha, nokuti vakasarudza kuita zvivi. Ungaita sei kuti usaguma wava mumamiriro ezvinhu akadaro? Kufungisisa pfungwa dzinotevera kungakubatsira kuti usaita chivi uye urambe uri murudo rwaMwari.

Ratidza Kuti Unoda Mwari

4. Kuteerera Mwari kunokosha zvakadini?

4 Ratidza kuti unoda Mwari nokumuteerera. (Mateu 22:37) “Kuda Mwari kunoreva izvi,” akanyora kudaro muapostora Johani, “kuti tichengete mirayiro yake; uye mirayiro yake hairemi.” (1 Johani 5:3) Kugara uchiteerera Mwari kunogona kukusimbisa kuti ukunde miedzo uye kunogona kuita kuti ufare. Munyori wepisarema akati: “Anofara munhu asingafambi maererano nezano revakaipa, . . . asi anofarira mutemo waJehovha.”—Pisarema 1:1, 2.

5. Kuda Jehovha kuchaita kuti uite sei?

5 Kuda kwaunoita Jehovha kuchaita kuti usaita chivi chakakomba chingazvidzisa zita rake. “Musandipa urombo kana upfumi,” Aguri akanyengetera achidaro. “Regai ndidye zvokudya zvakandikwanira, kuti ndirege kuguta ndikazokurambai ndichiti: ‘Jehovha ndianiko?’ uye kuti ndirege kuva murombo ndikaba ndikamhura zita raMwari wangu.” (Zvirevo 30:1, 8, 9) Tsunga ‘kusamhura zita raMwari’ nokumuzvidza. Pane kudaro, nguva dzose gara uchiita zvakanaka zvinoita kuti akudzwe.—Pisarema 86:12.

6. Kudai waizoita chivi nemaune, chii chaizoitika?

6 Gara uchinyengetera kuna Baba vako vokudenga vane rudo kuti vakubatsire kukunda muedzo wokuita chivi. (Mateu 6:13; VaRoma 12:12) Ramba uchitevera zano raMwari kuitira kuti minyengetero yako irege kudziviswa. (1 Petro 3:7) Kudai waizoita chivi nemaune, migumisiro yacho yaizova nenjodzi, nokuti nenzira yokufananidzira Jehovha anovharidzira sezvaanoita negore vapanduki kuitira kuti minyengetero yavo irege kusvika kwaari. (Mariro 3:42-44) Naizvozvo ratidza kuti unozvininipisa, uye nyengeterera kuti usaita chinhu chingakutadzisa kunyengetera kuna Mwari.—2 VaKorinde 13:7.

Ratidza Kuti Unoda Mwanakomana waMwari

7, 8. Kuteerera zano raJesu kungabatsira sei kuti munhu asaita chivi?

7 Ratidza kuti unoda Jesu Kristu nokuteerera mirayiro yake, nokuti izvi zvichakubatsira kuti usaita chivi. “Kana mukachengeta mirayiro yangu,” akadaro Jesu, “mucharamba muri murudo rwangu, ini zvandakachengeta mirayiro yaBaba ndikaramba ndiri murudo rwavo.” (Johani 15:10) Kuita zvakataurwa naJesu kungakubatsira sei kuti urambe uri murudo rwaMwari?

8 Kuteerera mashoko aJesu kungakubatsira kuti urambe une tsika dzakanaka. Mutemo waMwari kuna Israeri waiti: “Usaita upombwe.” (Eksodho 20:14) Asi Jesu akazivisa pfungwa inokosha inobva mumurayiro iwoyo nokutaura kuti: “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.” (Mateu 5:27, 28) Muapostora Petro akati vamwe vomuzana remakore rokutanga vakanga vaine “maziso akazara noupombwe” uye ‘vakanyengera mweya isina kusimba.’ (2 Petro 2:14) Zvisinei, kusiyana navo, haungaiti zvivi zvounzenza kana ukada uye ukateerera Mwari naKristu uye ukatsunga kuchengetedza ukama hwako navo.

Tungamirirwa Nomudzimu waJehovha

9. Tichifunga nezvomudzimu mutsvene, chii chingaitika kana munhu akaramba achiita chivi?

9 Nyengeterera mudzimu mutsvene waMwari uye ita kuti ukutungamirire. (Ruka 11:13; VaGaratiya 5:19-25) Kana ukaramba uchiita chivi, Mwari angakutorera mudzimu wake. Pashure pokunge Dhavhidhi aita chivi naBhati-shebha, akateterera Mwari achiti: “Regai kundirasira kure nechiso chenyu; haiwa, musanditorera mudzimu wenyu mutsvene.” (Pisarema 51:11) Mambo Sauro akatorerwa mudzimu waMwari nokuti aiva mutadzi asingapfidzi. Sauro akatadza paakapa chibayiro chinopiswa uye paakarega kuuraya mamwe makwai nemombe, pamwe namambo wevaAmareki. Zvadaro Jehovha akabvisira Sauro mudzimu wake mutsvene.—1 Samueri 13:1-14; 15:1-35; 16:14-23.

10. Nei usingafaniri kutombofunga nezvokuita chivi?

10 Ramba zvachose pfungwa yokuita chivi. “Nokuti kana tiine tsika yokuita chivi nemaune pashure pokunge tagamuchira zivo yakarurama pamusoro pechokwadi,” akanyora kudaro muapostora Pauro, “hapasisina kana chibayiro chimwe chasara nokuda kwezvivi.” (VaHebheru 10:26-31) Kuita chivi nemaune kungava nengozi zvikuru!

Ratidza Kuti Unoda Vamwe Zvechokwadi

11, 12. Rudo uye kuremekedza zvichabatsira sei munhu kuti arege kuita unzenza?

11 Kuda vamwe vanhu kuchaita kuti urege kuita unzenza. (Mateu 22:39) Rudo rwakadaro ruchakukurudzira kuti uchengetedze mwoyo wako kuitira kuti usakunyengedza kuti urare nomunhu wausina kuroorana naye. Kuita izvozvo kungaita kuti uite chivi choupombwe. (Zvirevo 4:23; Jeremiya 4:14; 17:9, 10) Tevedzera Jobho akarurama, akanga asingabvumi kutarira mukadzi chero upi zvake akanga asiri mudzimai wake.—Jobho 31:1.

12 Kuremekedza utsvene hwokuroorana kungakubatsira kudzivisa chivi chakakomba. Mwari akaita kuti kuroorana kunokudzwa nokuita zvepabonde zvive nzira yokuberekana nayo. (Genesisi 1:26-28) Yeuka kuti nhengo dzokubereka nadzo dzine chokuita noupenyu, uhwo huri hutsvene. Zvifeve nemhombwe havateereri Mwari, vanozvidza zvepabonde, havaremekedzi utsvene hwokuroorana, uye vanotadzira miviri yavo. (1 VaKorinde 6:18) Asi kuda Mwari uye muvakidzani pamwe chete nokuteerera Mwari kuchaita kuti munhu arege kuita mufambiro ungaguma waita kuti adzingwe muungano yechiKristu.

13. Nzenza ino“paradza zvinhu zvinokosha” sei?

13 Hatimbofaniri kufunga nezvokutadza nokuti tingarwadzisa vanhu vatinoda. “Munhu anoda uchenjeri anoita kuti baba vake vafare, asi munhu anoshamwaridzana nepfambi anoparadza zvinhu zvinokosha,” inodaro Zvirevo 29:3. Mhombwe isingapfidzi inoparadza ukama hwayo naMwari uye inoparadza zvisungo zvemhuri. Mudzimai wayo ane chikonzero chokuiramba. (Mateu 19:9) Kunyange angava murume kana mudzimai anenge atadza, kurambana kungarwadzisa zvikuru asina mhosva wacho, vana, nevamwewo. Haubvumi here kuti kuziva kuparadza kunoita mufambiro wounzenza kunofanira kuita kuti tikurire muedzo wokuhuita?

14. Chidzidzo chipi chine chokuita nokuita zvakaipa chingadzidzwa pana Zvirevo 6:30-35?

14 Kuziva kuti hapana chingagadzirisa upombwe hunenge hwaitwa kunofanira kuita kuti munhu arege kuita chinhu ichi chakaipa zvikuru chinoratidza udyire. Zvirevo 6:30-35 inoratidza kuti kunyange zvazvo vanhu vanganzwira tsitsi mbavha inoba nokuti ine nzara, vanoshora munhu anoita upombwe nokuti ane vavariro yakaipa. “Anoparadza mweya wake,” kana kuti upenyu hwake. MuMutemo waMosesi, aifanira kuurayiwa. (Revhitiko 20:10) Munhu anoita upombwe anorwadzisa vamwe kuti agutse kuchiva kwake, uye mhombwe isingapfidzi hairambi iri murudo rwaMwari asi inodzingwa muungano yakachena yechiKristu.

Ramba Uine Hana Yakanaka

15. Hana inenge yakapiswa “sokunge nesimbi inoisa mucherechedzo” inenge yakadini?

15 Kana tichizoramba tiri murudo rwaMwari, hatingabvumiri hana yedu kuti itindivadzwe nechivi. Zviri pachena kuti hatifaniri kubvuma tsika dzakaipa dzenyika, uye tinofanira kungwarira vanhu vatinosarudza kushamwaridzana navo, zvatinoverenga, uye zvinotivaraidza. Pauro akanyevera kuti: “Munguva dzinouya vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera kutaura kwakafuridzirwa kunotsausa nedzidziso dzemadhimoni, nounyengeri hwevanhu vanoreva nhema, vane hana dzakapiswa sokunge nesimbi inoisa mucherechedzo.” (1 Timoti 4:1, 2) Hana yakapiswa “sokunge nesimbi inoisa mucherechedzo” yakaita seganda rakatsva rine mavanga uye rakatindivara. Hana yakadaro inenge isingachatinyeveri kuti tisawadzana nevakaramba kutenda uye kuti tibve mumamiriro ezvinhu angaita kuti tirambe kutenda.

16. Nei zvichikosha kwazvo kuti tive nehana yakachena?

16 Kuti tiponeswe tinofanira kuva nehana yakachena. (1 Petro 3:21) Kana tikatenda muropa raJesu rakateurwa, hana yedu inenge yacheneswa pamabasa akafa, “kuti tiitire Mwari mupenyu basa dzvene.” (VaHebheru 9:13, 14) Kana tikatadza nemaune, hana yedu ingasvibiswa uye tinenge tisisiri vanhu vakachena vakakodzerwa nebasa raMwari. (Tito 1:15) Asi tinogona kuva nehana yakachena tichibatsirwa naJehovha.

Dzimwe Nzira Dzokurega Kuita Mufambiro Wakaipa

17. “Kutevera Jehovha zvizere” kunobatsirei?

17 “Tevera Jehovha zvizere,” sezvakaita Karebhi womuIsraeri yekare. (Dheuteronomio 1:34-36) Ita zvinodiwa naMwari kwauri, uye usambofunga nezvokudyira “patafura yemadhimoni.” (1 VaKorinde 10:21) Usabvuma kufurirwa kuti urambe kutenda. Idya uchionga zvokudya zvine chokuita nokunamata izvo zvinongowanika patafura yaJehovha chete, uye hauzotsauswi nevadzidzisi venhema kana kuti masimba emidzimu yakaipa. (VaEfeso 6:12; Judha 3, 4) Fungisisa nezvezvinhu zvine chokuita nokunamata, zvakadai sokudzidza Bhaibheri, kupinda misangano, uye ushumiri hwomumunda. Zvechokwadi uchafara kana ukatevera Jehovha zvizere uye ukava nezvakawanda zvokuita mubasa raIshe.—1 VaKorinde 15:58.

18. Kutya Jehovha kuchaita kuti uzvibate sei?

18 Tsunga ‘kuitira Mwari basa dzvene nokumutya nokumuremekedza.’ (VaHebheru 12:28) Kutya Jehovha nokumuremekedza kuchaita kuti usaita chero chinhu chipi zvacho chakaipa. Kuchakubatsira kuzvibata zvinoenderana nezano raPetro raakaudza vamwe vake vakazodzwa rokuti: “Kana muchidana pana Baba vanotonga vasingasaruri maererano nebasa romumwe nomumwe, zvibatei nokutya panguva yamunenge muri vatorwa.”—1 Petro 1:17.

19. Nei uchifanira kugara uchishandisa zvinhu zvaunenge uchidzidza muShoko raMwari?

19 Gara uchishandisa zvaunenge uchidzidza muShoko raMwari. Izvi zvichakubatsira kuti usaita zvivi zvakakomba nokuti ucharatidza kuti uri mumwe we“vaya vanoita kuti simba ravo rokunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa nokurishandisa kwavanoita.” (VaHebheru 5:14) Pane kungotaura zvachero uye kuzvibata zvachero, shingaira kuti ufambe somunhu akachenjera, “uchizvitengera nguva yakakodzera” mumazuva ano akaipa. “Rambai muchinzwisisa kuti zvinodiwa naJehovha ndezvipi,” moramba muchizviita.—VaEfeso 5:15-17; 2 Petro 3:17.

20. Nei tisingafaniri kuchiva?

20 Usambochiva—kukara zvinhu zvevamwe vanhu. Mumwe weMirayiro Gumi unoti: “Usachiva imba yowokwako. Usachiva mudzimai wowokwako, kana murandarume wake kana murandasikana wake, kana nzombe yake kana mbongoro yake, kana chero chinhu chipi zvacho chowokwako.” (Eksodho 20:17) Mutemo uyu waidzivirira imba yomunhu, mudzimai wake, vashandi vake, zvipfuwo zvake, nezvimwewo. Asi chinonyanya kukosha mashoko aJesu okuti kuchiva kunosvibisa munhu.—Mako 7:20-23.

21, 22. MuKristu angaitei kuti azvidzivirire pakutadza?

21 Gara wakazvidzivirira kuitira kuti kuda zvinhu kusaguma kwaita kuti uite chivi. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake. Ipapo kuchiva pakunenge kwakura, kunobereka chivi; chiviwo pachinenge chaitwa, chinokonzera rufu.” (Jakobho 1:14, 15) Somuenzaniso, kana munhu aimbova nechinetso chokudhakwa, angasarudza kuti asava nedoro mumba make. Kuti asapinda mumuedzo wounzenza, muKristu angafanira kuchinja paanoshandira kana kuti kutochinja basa racho.—Zvirevo 6:23-28.

22 Usatombotora danho rokutanga rokuita chivi. Kutamba uchiita sounoda munhu uye kufunga zvounzenza kungaguma noufeve kana kuti upombwe. Kureva nhema dzinonzi duku kunogona kuzoshingisa munhu kuti areve nhema dzakakura uye kungaita kuti azoita chivi chokugara achireva nhema. Kuba tunhu tuduku kungatindivadza hana yomunhu kusvika pakuti anotanga kuba zvinhu zvikuru. Kunyange kumboteerera zvishoma pfungwa dzevakaramba kutenda kungaita kuti munhu agume adzika midzi pakuramba kutenda.—Zvirevo 11:9; Zvakazarurwa 21:8.

Zvakadini Kana Waita Chivi?

23, 24. Tinganyaradzwa sei na2 Makoronike 6:29, 30 uye Zvirevo 28:13?

23 Vanhu vose havana kukwana. (Muparidzi 7:20) Asi kana waita chivi chakakomba, unganyaradzwa nomunyengetero waMambo Soromoni waakapa pakatsaurirwa temberi yaJehovha. Soromoni akanyengetera kuna Mwari achiti: “Chero munyengetero upi zvawo, chero kukumbira kunzwirwa nyasha kupi zvako kungaitwa nomunhu chero upi zvake kana kuti nevanhu venyu vose vaIsraeri, nokuti mumwe nomumwe anoziva dambudziko rake nokurwadziwa kwake; paanotambanudzira zvanza zvake kuimba ino, inzwai muri kumatenga, iyo nzvimbo yenyu yamunogara, mukanganwire uye mupe mumwe nomumwe zvinoenderana nenzira dzake dzose, nokuti munoziva mwoyo wake (nokuti imi moga ndimi munonyatsoziva mwoyo yevanakomana vevanhu).”—2 Makoronike 6:29, 30.

24 Chokwadi, Mwari anoziva zviri mumwoyo uye anokanganwira. Zvirevo 28:13 inoti: “Munhu anofukidza kudarika kwake haazobudiriri, asi anoreurura nokuzvisiya achanzwirwa ngoni.” Kana munhu akareurura opfidza uye orega kuita chivi chacho, Mwari anogona kumunzwira tsitsi. Asi kana usina kusimba pakunamata, chii chimwe chingakubatsira kuramba uri murudo rwaMwari?

Ungapindura Sei?

• Tingaramba sei tiri murudo rwaMwari?

• Kuda Mwari naKristu kungatibatsira sei kuti tisaita chivi?

• Nei kuda vamwe zvechokwadi kuchiita kuti tidzivise kuita unzenza?

• Ndedzipi dzimwe nzira dzatingadzivisa nadzo mufambiro wakaipa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 21]

Judha anotiratidza kuti tingaramba sei tiri murudo rwaMwari

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kurambana kungarwadzisa zvikuru anenge asina mhosva uye vana

[Mufananidzo uri papeji 24]

Kufanana naKarebhi, wakatsunga “kutevera Jehovha zvizere” here?

[Mufananidzo uri papeji 25]

Nguva dzose nyengeterera kubatsirwa kuti usapinde mumiedzo