Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ida Mwari Anokuda

Ida Mwari Anokuda

Ida Mwari Anokuda

“Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.”—MATEU 22:37.

1, 2. Chii chingave chakaita kuti pabvunzwe nezvomurayiro mukuru pane yose?

ZVIRI pachena kuti vaFarisi vomuzuva raJesu vaikakavadzana zvikuru nezvomubvunzo wacho. Pamitemo inodarika 600 yaiumba Mutemo waMosesi, ndoupi wainyanya kukosha? Waiva mutemo waisanganisira chibayiro here? Chokwadi, zvibayiro zvaiitirwa kuti pave nokukanganwirwa kwezvivi uye kuonga Mwari. Kana kuti mutemo wokudzingisa ndiwo waikosha zvikuru here? Iwo waikoshawo, sezvo kudzingisa chaiva chiratidzo chesungano yaJehovha yaakaita naAbrahamu.—Genesisi 17:9-13.

2 Ukuwo, zviri pachena kuti vanoomerera patsika vaifunga kuti sezvo mutemo mumwe nomumwe wakapiwa naMwari waikosha—kunyange zvazvo mimwe yacho yaiita seyaikosha zvishoma—zvaizova zvakashata kukwidziridza murayiro upi zvawo kupfuura mimwe. VaFarisi vakasarudza kubvunza Jesu nezvomubvunzo uyu waiitiranwa gakava. Zvichida vaifunga kuti aizotaura chimwe chinhu chaizokanganisa kuvimbwa kwaaiitwa. Mumwe wavo akaenda kuna Jesu ndokumubvunza kuti: “Ndoupi murayiro mukuru paMitemo yose?”—Mateu 22:34-36.

3. Jesu akati ndoupi waiva murayiro mukuru pane yose?

3 Mhinduro yakapiwa naJesu inokosha zvikuru kwatiri nhasi. Achipindura, akataura muchidimbu zvakanga zvagara zviri uye zvichagara zviri musimboti wokunamata kwechokwadi. Achidzokorora mashoko ari pana Dheuteronomio 6:5, Jesu akati: “‘Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru pane yose uye wokutanga.” Kunyange zvazvo muFarisi wacho akangobvunza murayiro mumwe chete, Jesu akamuudzazve wechipiri. Achidzokorora mashoko ari pana Revhitiko 19:18, akati: “Wechipiri, wakafanana nawo, ndouyu, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’” Jesu akabva aratidza kuti mitemo iyi miviri ndiyo musimboti wokunamata kwakachena. Asingadi kuti vaedze kumuita kuti ataure munhevedzano kukosha kwemimwe mitemo, akabva agumisa achiti: “Mutemo wose, uye zvakanyorwa nevaprofita zvakavakirwa pamirayiro iyi miviri.” (Mateu 22:37-40) Munyaya ino, tichakurukura murayiro mukuru pamiviri iyi. Nei tichifanira kuda Mwari? Tinoratidza sei kuti tinomuda? Uye kuti tingava sei norudo rwakadaro? Zvinokosha kuziva mhinduro dzemibvunzo iyi nokuti kana tichida kufadza Jehovha, tinofanira kumuda nomwoyo wedu, mweya, uye nepfungwa dzedu dzose.

Kukosha Kworudo

4, 5. (a) Nei muFarisi asina kushamiswa nezvakataurwa naJesu? (b) Chii chinonyanya kukosha kuna Mwari kupfuura zvibayiro nezvinopiwa?

4 Zvinoita sokuti muFarisi akabvunza Jesu haana kuvhiringidzwa kana kushamiswa nemhinduro yaakawana. Aiziva kuti kuda Mwari kunokosha mukunamata kwechokwadi, kunyange zvazvo vakawanda vaitadza kuzviita. Mumasinagogi, yaiva tsika kudzokorora nenzwi guru Shema, kana kuti munyengetero wokutenda, uye izvi zvaisanganisira ndima iri pana Dheuteronomio 6:4-9, pari ipo pakatora Jesu mashoko ake. Maererano nenhoroondo yakafanana neiyi muna Mako, muFarisi wacho akabva ati kuna Jesu: “Mudzidzisi, mataura zvakanaka maererano nechokwadi chokuti, ‘Iye ndiye Mumwe chete, uye hakuna mumwe kunze Kwake’; uye uku kumuda nomwoyo wako wose nokunzwisisa kwako kwose nesimba rako rose uye uku kuda muvakidzani wako sezvaunozviita kunokosha kupfuura zvinopiwa zvose zvakakwana zvinopiswa nezvibayiro.”—Mako 12:32, 33.

5 Chokwadi, kunyange zvazvo zvinopiwa zvinopiswa nezvibayiro zvairayirwa noMutemo, chainyanya kukosha kuna Mwari mwoyo waikurudzirwa norudo wevashumiri vake. Shiri duku yaipiwa Mwari norudo uye nokuzvipira yaikosha kwazvo kwaari kudarika zviuru zvemakwai zvaaipiwa nevavariro isina kunaka. (Mika 6:6-8) Chimbofunga nezvenhoroondo yechirikadzi yaishayiwa yakaonwa naJesu patemberi muJerusarema. Tumari tuviri twayakaisa mubhokisi remari rezvipo twakanga tusingatengi kunyange shiri duku imwe chete. Asi mari yayakapa iyi ichiratidza kuti inoda Jehovha nomwoyo wose, yaireva zvakawanda kwaari kudarika mari yezvipo yakawanda yaipiwa nevapfumi vachitora pane zvakawanda zvavaiva nazvo. (Mako 12:41-44) Zvinokurudzira chaizvo kuziva kuti Jehovha anokoshesa zvikuru zvose zvatinoita kuratidza kuti tinomuda pasinei nemamiriro edu ezvinhu!

6. Pauro akanyorei pamusoro pokukosha kworudo?

6 Achisimbisa kukosha kworudo mukunamata kwechokwadi, muapostora Pauro akanyora kuti: “Kana ndikataura nendimi dzevanhu nedzengirozi asi ndisina rudo, ndava sendarira inorira kana kuti makwakwakwa esimbi anorira. Kana ndiine chipo chokuprofita uye ndichiziva zvakavanzika zvitsvene zvose nezivo yose, uye kana ndiine kutenda kwose zvokuti ndinobvisa makomo, asi ndisina rudo, handisi chinhu. Kana ndikapa zvinhu zvangu zvose kuti ndidyise vamwe, uye kana ndikapa muviri wangu sechibayiro, kuti ndizvirumbidze, asi ndisina rudo, handimbobatsirwi.” (1 VaKorinde 13:1-3) Zviri pachena kuti rudo runokosha kana kunamata kwedu kuchizofadza Mwari. Zvisinei, tinoratidza sei kuti tinoda Jehovha?

Maratidzire Atinoita Kuti Tinoda Jehovha

7, 8. Tingaratidza sei kuti tinoda Jehovha?

7 Vakawanda vanodavira kuti rudo mamwe manzwiro omupfungwa atisingagoni kudzora; vanhu vanotaura nezvokudanana kwomurume nomukadzi. Asi rudo chairwo harusi chimwe chinhu chatinoita zvokunzwa mukati. Runoratidzwa nezvatinoita kwete nokungotaura. Bhaibheri rinotaura nezvorudo richiti i“nzira inopfuura dzose” uye sechimwe chinhu ‘chatinotevera.’ (1 VaKorinde 12:31; 14:1) VaKristu vanokurudzirwa kuda, kwete bedzi “neshoko kana norurimi, asi nemabasa nechokwadi.”—1 Johani 3:18.

8 Kuda Mwari kunoita kuti tiite zvinomufadza uye tidzivirire nokutsigira uchangamire hwake nemashoko nezvatinoita. Kunoita kuti tisada nyika nenzira dzayo dzisingadiwi naMwari. (1 Johani 2:15, 16) Vaya vanoda Mwari vanovenga zvakaipa. (Pisarema 97:10) Kuda Mwari kunosanganisirawo kuda muvakidzani, zvatichakurukura munyaya inotevera. Uyezve, kuti tide Mwari, tinofanira kuteerera. Bhaibheri rinoti: “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake.”—1 Johani 5:3.

9. Jesu akaratidza sei kuti anoda Mwari?

9 Jesu akaratidza zvakakwana zvinorehwa nokuda Mwari. Rudo rwakaita kuti asiye musha wake wokudenga ndokugara pasi pano somunhu. Rwakaita kuti akudze Baba vake nezvaaiita uye zvaaidzidzisa. Rudo rwakaita kuti ‘ateerere kusvikira parufu.’ (VaFiripi 2:8) Kuteerera uku—kuratidza rudo rwake—kwakaita kuti vakatendeka vave noukama hwakanaka naMwari. Pauro akanyora kuti: “Vazhinji zvavakaitwa vatadzi nokuda kwokusateerera kwomunhu mumwe chete [Adhamu], saizvozvowo nokuda kwokuteerera kwomunhu mumwe chete [Kristu Jesu] vazhinji vachaitwa vakarurama.”—VaRoma 5:19.

10. Nei kuda Mwari kuchisanganisira kuteerera?

10 Kufanana naJesu, tinoratidza kuti tine rudo nokuteerera Mwari. “Izvi ndizvo zvinoreva rudo,” akanyora kudaro Johani, muapostora aidiwa naJesu, “kuti tirambe tichifamba maererano nemirayiro yake.” (2 Johani 6) Vaya vanoda Jehovha zvechokwadi vanoda chaizvo kutungamirirwa naye. Vachiziva kuti havagoni kutungamirira nhano dzavo zvinobudirira, vanovimba nouchenjeri hwaMwari uye vanozviisa pasi pokutungamirira kwake kune rudo. (Jeremiya 10:23) Vakafanana nevaBheriya vekare vakanga vaine pfungwa dzakanaka vakagamuchira mashoko aMwari “nepfungwa dzinoda kwazvo,” vachida chaizvo kuita zvinoda Mwari. (Mabasa 17:11) Vainyatsoongorora Magwaro kuti vanzwisise zvakazara zvinoda Mwari, zvinhu zvakavabatsira kuratidza rudo kuwedzera pane zvimwe zviito zvinoratidza kuteerera.

11. Zvinorevei kuda Mwari nomwoyo wedu wose, pfungwa, mweya nesimba redu?

11 Sokutaura kwakaita Jesu, kuda Mwari kunosanganisira mwoyo wedu wose, pfungwa, mweya, nesimba. (Mako 12:30) Rudo rwakadaro runobva pamwoyo, kusanganisira mumanzwiro edu, zvido, uye pfungwa dzedu dzomukatikati, uye tinoda nomwoyo wose kufadza Jehovha. Tinomudawo nokushandisa pfungwa dzedu. Tinozvipira tichiziva; takasvika pakuziva Jehovha—unhu hwake, zvaanoda, uye zvinangwa zvake. Tinoshandisa mweya wedu, zvatiri zvose noupenyu hwatinahwo, kumushumira nokumurumbidza. Uye tinoshandisawo simba redu nechinangwa ichocho.

Zvinoita Kuti Tide Jehovha

12. Nei Mwari achida kuti timude?

12 Chimwe chikonzero nei tichifanira kuda Jehovha ndechokuti anoda kuti tiratidze unhu hwake. Mwari ndiye muenzaniso mukuru wokuratidza rudo uye ndiko kwarunobva. “Mwari rudo,” akanyora kudaro muapostora akafuridzirwa Johani. (1 Johani 4:8) Vanhu vakasikwa nomufananidzo waMwari; takasikwa kuti tide. Kutaura zvazviri, uchangamire hwaJehovha hwakavakirwa parudo. Anoda kutonga vanhu vaya vanomushumira nokuti vanoda uye vanoshuva kutonga kwake kwakarurama. Chaizvoizvo, rudo runokosha kuti zvisikwa zvose zvive norugare uye zviwirirane.

13. (a) Nei vaIsraeri vakaudzwa kuti: “Ida Jehovha Mwari wako?” (b) Nei zviine musoro kuti Jehovha anotarisira kuti timude?

13 Chimwe chinoita kuti tide Jehovha ndechokuti tinoonga zvaakatiitira. Yeuka kuti Jesu akaudza vaJudha kuti: ‘Unofanira kuda Jehovha Mwari wako.’ Vakanga vasingafaniri kuda mumwe mwari aiva kure navo kana asingazikanwi. Vaifanira kuda Munhu akanga avaratidza rudo. Jehovha ndiye aiva Mwari wavo. Ndiye akanga avabudisa muIjipiti achivaisa muNyika Yakapikirwa, Akanga avadzivirira, avatsigira, uye avada, Akanga avaranga norudo. Uye nhasi, Jehovha ndiye Mwari wedu, akapa Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro kuti zvichida tingawana upenyu husingaperi. Zvine musoro chaizvo kuti Jehovha anotarisira kuti timudewo! Rudo rwedu nderwokudzorerawo; tinokumbirwa kuda Mwari uyo anotida. Rudo rwedu nderwokuda Munhu “akatanga kutida.”—1 Johani 4:19.

14. Rudo rwaJehovha rwakafanana nerwomubereki ane rudo pakudii?

14 Kuda kunoita Jehovha vanhu kwakangofanana nokunoita mubereki ane rudo vana vake. Kunyange zvazvo vasina kukwana, vabereki vane rudo vanoshanda nesimba kwemakore akawanda vachiitira vana vavo, vachitotadza kuwana zvinhu zvavanofanira kushandisa mukurarama kwavo nezvimwewo. Vabereki vanorayiridza, vanokurudzira, vanotsigira, uye vanoranga vana vavo nokuti vanoda kuti vafare uye vabudirire. Vabereki vanozodawo chii? Vanoda kuti vana vavo vavade uye kuti vashandise nomwoyo wose zvavanenge vakadzidzisa vana vacho kuti zvivafambire zvakanaka. Hazvina musoro here kuti Baba vedu vokudenga vakakwana vanotitarisira kuratidza kuonga norudo zvose zvavakatiitira?

Kuvavarira Kuti Tide Mwari

15. Idanho ripi rokutanga pakuvavarira kuda Mwari?

15 Hatina kumboona Mwari kana kumbonzwa inzwi rake. (Johani 1:18) Kunyange zvakadaro, anotikumbira kuti tive noukama hune rudo naye. (Jakobho 4:8) Tingazviita sei? Danho rokutanga rinoita kuti tide mumwe munhu nderokuziva nezvomunhu wacho; zvakaoma kuda zvikuru munhu watisingazivi. Jehovha akapa Shoko rake, Bhaibheri, kuitira kuti tidzidze nezvake. Ndokusaka Jehovha achitikurudzira kuverenga Bhaibheri nguva dzose achishandisa sangano rake. Bhaibheri ndiro rinotidzidzisa nezvaMwari, unhu hwake, kubatawo kwaakaita nevanhu muzviuru zvose izvi zvemakore. Patinofungisisa nhoroondo dzakadaro, tichawedzera kumuda nokumunzwisisa.—VaRoma 15:4.

16. Kufunga nezvoushumiri hwaJesu kunoita kuti madiro atinoita Jehovha awedzere sei?

16 Imwe nzira huru inogona kuita kuti tiwedzere kuda Jehovha ndeyokufunga nezvoupenyu uye ushumiri hwaJesu. Kutaura zvazviri, Jesu akaratidza zvakaita Baba vake chaizvo nenzira yakakwana zvokuti aigona kuti: “Aona ini aonawo Baba.” (Johani 14:9) Haubayiwi mwoyo here netsitsi dzakaratidzwa naJesu nokumutsira kuupenyu mwanakomana mumwe oga wechirikadzi? (Ruka 7:11-15) Hazvifadzi here kuziva kuti iye—Mwanakomana waMwari uye munhu mukuru kwazvo akamborarama—nokuzvininipisa akageza tsoka dzevadzidzi vake? (Johani 13:3-5) Hazvikukurudziri here kuziva kuti kunyange zvazvo akanga ari munhu mukuru uye akachenjera kupfuura vanhu vose, vanhu vose vaigona kutaura naye, kusanganisira vana? (Mako 10:13, 14) Patinofungisisa zvinhu izvi nokuonga, tinobva tava sevaKristu avo Petro akanyora nezvavo kuti: “Kunyange musina kumbomuona [Jesu], munomuda.” (1 Petro 1:8) Kuda kwatinoita Jesu zvakunowedzera, kuda kwatinoita Jehovha kunobva kwawedzerawo.

17, 18. Zvinhu zvipi zvatinofungisisa zvatakapiwa naJehovha zvingaita kuti tiwedzere kumuda?

17 Imwe nzira yatingaita nayo kuti kuda kwatinoita Mwari kuwedzere ndeyokufungisisa zvinhu zvakawanda zvaakaita kuti tinakidzwe noupenyu—runako rwezvinhu zvaakasika, mafashafasha ezvokudya zvakasiyana-siyana, shamwari dzakanaka dzinofara, nezvimwewo zvinhu zvisingaverengeki zvinoita kuti tifare uye tigutsikane. (Mabasa 14:17) Patinowedzera kudzidza nezvaMwari, tinobva tavawo nezvikonzero zvakawanda zvokuonga kunaka kwake nezvinhu zvakawanda zvaakatipa. Chimbofunga nezvezvinhu zvose zvawakaitirwa naJehovha pachako. Haubvumi here kuti zvakakodzera kuti umude?

18 Pazvipo zvakawanda zvakabva kuna Mwari pane mukana watinawo wokutaura naye mumunyengetero chero nguva ipi zvayo, tichiziva kuti “Munzwi womunyengetero” anotinzwa. (Pisarema 65:2) Jehovha akapa Mwanakomana wake waanoda simba rokutonga. Zvisinei, haana kuita kuti vamwe vanhu, kusanganisira Mwanakomana wake, vanzwe minyengetero. Iye pachake ndiye anonzwa minyengetero yedu. Saka kuva nehanya kworudo kunoratidzwa naJehovha kunoita kuti tiswedere pedyo naye.

19. Zvinhu zvipi zvakapikirwa naJehovha zvinoita kuti tiswedere pedyo naye?

19 Tinoswederawo pedyo naJehovha patinofungisisa zvaakachengetera vanhu mberi. Akavimbisa kuti achabvisa urwere, kusuwa, uye rufu. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Kana vanhu vangosvika pakukwana, hapana achatambura nokuora mwoyo, nezvinhu zvisingakurudziri, kana matambudziko. Nzara, urombo, nehondo hazvizovipo. (Pisarema 46:9; 72:16) Nyika ichachinjwa kuva paradhiso. (Ruka 23:43) Jehovha achaita kuti zvikomborero izvi zvivepo kwete nokuti anofanira kudaro, asi nokuti anotida.

20. Mosesi akati kudii nezvezvakanakira kuda Jehovha?

20 Saka, pane zvikonzero zvinoita kuti tide Mwari wedu uye tiwedzere kumuda. Ucharamba uchiita kuti kuda kwaunoita Mwari kuwedzere, uchimubvumira kutungamirira nzira dzako here? Zvisarudzire woga. Mosesi akaona zvakanakira kuda uye kuramba tichida Jehovha. KuvaIsraeri vekare, Mosesi akati: “Sarudzai upenyu kuti murambe muri vapenyu, imi nevana venyu, nokuda Jehovha Mwari wenyu, nokuteerera inzwi rake uye nokunamatira kwaari; nokuti iye ndiye upenyu hwenyu nokuwanzwa kwemazuva enyu.”—Dheuteronomio 30:19, 20.

Unoyeuka Here?

• Nei zvichikosha kuti tide Jehovha?

• Tingaratidza sei kuti tinoda Mwari?

• Zvikonzero zvipi zvatiinazvo zvokuti tide Jehovha?

• Tingaita sei kuti tivavarire kuda Mwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 20]

Jehovha anokoshesa zvikuru zvose zvatinoita—kuratidza kuti tinomuda

[Mifananidzo iri papeji 23]

“Aona ini aonawo Baba.”—Johani 14:9.