Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurwa Kwedu Kwokuti Tirambe Takasimba Pakunamata

Kurwa Kwedu Kwokuti Tirambe Takasimba Pakunamata

Nyaya Youpenyu

Kurwa Kwedu Kwokuti Tirambe Takasimba Pakunamata

Yakataurwa naRolf Brüggemeier

Tsamba yokutanga yandakagamuchira pandakaiswa mujeri yakabva kushamwari. Yakandizivisa kuti amai vangu nevanun’una vangu—Peter, Jochen, naManfred—vakanga vasungwawo. Izvi zvakaita kuti hanzvadzi dzangu duku mbiri dzisare dzisina vabereki kana vakoma vadzo. Nei zviremera zvehurumende yeEast Germany zvakatambudza mhuri yedu? Chii chakatibatsira kuramba takasimba mune zvokunamata?

HONDO YENYIKA II yakaita kuti rugare rwataiva narwo tiri vaduku rugume; takaona utsinye hwehondo. Baba vakapinda muuto reGermany uye vakafa vari musungwa wehondo. Izvi zvakareva kuti Amai, vainzi Berta, vaifanira kurera vana vatanhatu kubva kumwana ane gore rimwe chete kusvikira pane wezera remakore 16.

Chechi yavaipinda yakaita kuti Amai vaore mwoyo zvachose nechitendero, zvichiita kuti vasade kunzwa zvinhu zvine chokuita naMwari. Asi rimwe zuva muna 1949, Ilse Fuchs, mudzimai muduku akangwara, akauya pasuo redu kuzotaura nezvoUmambo hwaMwari. Mibvunzo yake uye nzira yaaikurukura nayo zvakaita kuti Amai vade kuziva. Chidzidzo cheBhaibheri chakaita kuti Amai vave netariro.

Zvisinei, isu sevakomana takanga tisina chokwadi pakutanga. VaNazi uyewo vaKomonisiti vakanga vavimbisa zvinhu zvakanaka, zvikaguma nokutiodza mwoyo. Kunyange takanga tisisina chokwadi nevimbiso dzose itsva, takakurudzirwa chaizvo patakaziva kuti paiva nezvimwe Zvapupu zvakanga zviri mumisasa yechibharo nemhaka yokuramba kutsigira hondo. Gore rakatevera ini, Amai, naPeter takabhabhatidzwa.

Munun’una wedu Manfred akabhabhatidzwawo, asi zvinoita sokuti chokwadi cheBhaibheri chakanga chisina kudzika midzi mumwoyo make. VaKomonisiti pavakarambidza basa redu muna 1950 uye amanikidzwa nemapurisa epachivande—aiva nomukurumbira wakashata eStasi—akavaudza kwaiitirwa misangano yedu. Izvi ndizvo zvakaita kuti amai uye vamwe vakoma vangu vasungwe.

Kushumira Munguva Dzokurambidzwa

Nemhaka yokurambidzwa, taipinza mabhuku eBhaibheri zvisiri pamutemo muEast Germany. Ndaienda kunotora mabhuku kumavirira kweBerlin, uko mabhuku edu akanga asina kurambidzwa, uye ndoapinza nepamuganhu. Ndakanzvenga mapurisa kanopfuura kamwe, asi muna November 1950, ndakasungwa.

Mapurisa eStasi akandiisa muchitokisi chaiva pauriri hwepasi, chisina mahwindo. Masikati ndaisabvumirwa kurara, uye usiku ndaibvunzurudzwa uye pane dzimwe nguva ndairohwa. Handina kumbokurukura nemhuri yangu kusvikira muna March 1951 apo Amai, Peter, uye Jochen vakauya kudare raitonga mhosva yangu. Ndakapiwa mutongo wemakore matanhatu.

Peter, Jochen, uye Amai vakasungwa pashure pemazuva matanhatu ndatongwa. Zvadaro, mumwewo mudzimai watainamata naye akatarisira hanzvadzi yangu Hannelore, aiva nemakore 11, uye amaiguru vakatora Sabine, aiva nemakore 7. Varindi veStasi vaiona Amai nevakoma vangu sevanhu vakaipa chaizvo, vakatobvisa kunyange tambo dzebhutsu dzavo. Vaifanira kuramba vakamira pakubvunzurudzwa kwose. Naivowo vakatongerwa makore matanhatu.

Muna 1953, ini nevamwe vasungwa vaiva Zvapupu takapiwa basa rokuvaka nhandare yendege dzehondo, tikabva taramba. Vakuru vakuru vakatiranga nokutigarisa mazuva 21 tiri kwedu toga, zvichireva kuti takanga tisingashandi, tisingawani tsamba, uye tichiwana zvokudya zvishoma. Dzimwe hanzvadzi dzechiKristu dzaitiunzira zvisiri pamutemo chingwa chavainge vachengeta chaifanira kuva zvokudya zvavo. Izvi zvakaita kuti ndizive Anni, mumwe wehanzvadzi idzi, uye kuti ndizomuroora pashure pokunge asunungurwa muna 1956 uye ini muna 1957. Gore rimwe pashure pokunge taroorana, mwanasikana wedu Ruth akazvarwa. Peter naJochen vakaroora panenge panguva iyi, uye Hannelore akaroorwawo.

Anenge makore asingasviki matatu pashure pokusunungurwa kwangu, ndakasungwa zvakare. Mukuru mukuru weStasi akaedza kundinyengetedza kuti ndive musori. Akati: “Anodiwa Mr. Brüggemeier, ndapota nzwisisa. Unoziva zvazvinoreva kuva mujeri, uye hatidi kuti upinde mazviri zvekare. Unogona kuramba uri Chapupu, woramba uchidzidza uye uchitaura nezveBhaibheri sezvaunoda. Tinongoda kuti tirambe tichiziva zviri kuitika. Funga nezvomudzimai wako uye kasikana kako.” Mashoko okupedzisira aya akanditsamwisa. Asi ndaiziva kuti pandaizenge ndiri mujeri, Jehovha aizotarisira mhuri yangu kupfuura zvandaizoita ini pachangu, uye akaita kudaro!

Vakuru vakuru vakaedza kumanikidza Anni kuti ashande muswere wose wezuva uye kuti vamwe vanhu vatarisire Ruth mukati mevhiki. Anni akaramba uye aishanda usiku kuitira kuti atarisire Ruth masikati. Hama dzedu mune zvokunamata dzaiva nehanya kwazvo uye dzaipa mudzimai wangu zvinhu zvakawanda zvokuti aitogona kupawo vamwe. Panguva iyi, ndakapedzazve mamwe makore anenge matanhatu ndiri mujeri.

Zvataiita Kuti Tirambe Tiine Kutenda Pataiva Mujeri

Pandakadzokera kujeri, zvimwe Zvapupu zvandaigara nazvo muchitokisi zvaida kwazvo kuziva kuti zvii zvakanga zvabudiswa munguva pfupi yakanga ichangobva kupfuura. Ndakafara zvikuru kuti ndakanga ndadzidza zvakanyatsonaka magazini yeNharireyomurindi uye ndakanga ndapinda misangano nguva dzose, kuitira kuti ndivakurudzire mune zvokunamata!

Patakakumbira Bhaibheri kuvarindi, vakapindura kuti: “Kupa Zvapupu zvaJehovha Bhaibheri kune ngozi yakafanana nokupa musungwa ari mbavha maturusi okuti apaze obuda.” Zuva roga roga, hama dzaitungamirira dzaisarudza rugwaro rweBhaibheri kuti tikurukure. Pakufamba kwataiita kwehafu yeawa zuva rimwe nerimwe pachivanze, tainyanya kufarira kubatsirwa norugwaro rweBhaibheri rwezuva iroro kupfuura kurovedza muviri kana mhepo inofefetera. Kunyange zvazvo taifanira kusiya anenge mamita mashanu pakati pedu uye tisingabvumirwi kutaura, taiwana nzira dzokuti mumwe azive rugwaro rwacho. Tadzokera kuzvitokisi zvedu, taibatanidza zvatainge tanzwa, uye taibva tazokurukurirana nyaya dzeBhaibheri sezvataiita zuva nezuva.

Pakupedzisira, takatengeswa, uye ndakaiswa mujeri rangu ndoga. Chaiva chikomborero kwazvo kuti panguva iyoyo ndakanga ndadzidzira mazana emagwaro akawanda nomusoro! Mazuva iwayo andakanga ndisina zvokuita ndaiashandisa kufungisisa nyaya dzakasiyana-siyana dzomuBhaibheri. Zvadaro ndakatamisirwa kune rimwe jeri, uko murindi akandiisa mune chimwe chitokisi chaiva nezvimwe Zvapupu zviviri uye—takafara zvikuru—paakatipa Bhaibheri. Pashure pemwedzi mitanhatu ndiri muchitokisi changu ndoga, ndakafara kuti ndakakwanisa kukurukura nyaya dzomuBhaibheri nevamwe vatinonamata navo zvakare.

Munun’una wangu Peter anotsanangura zvakamubatsira kutsungirira mune rimwe jeri, anoti: “Ndaifungidzira upenyu munyika itsva uye ndaiita kuti pfungwa dzangu dzirambe dzichifunga magwaro eBhaibheri. Isu Zvapupu taisimbisana nokubvunzana mibvunzo yomuBhaibheri kana kupanana bvunzo yeMagwaro. Upenyu hwaisava nyore. Dzimwe nguva taiva 11 takavharirwa mukamuri rakakura anenge masikweya mita 12. Taiita zvose imomo—kudya, kurara, kugeza, kunyange kuzvibatsira. Taishushikana uye taisatana kugumbuka.”

Mumwe munun’una wangu, Jochen, akati nezvenguva yaaiva mujeri: “Ndaiimba nziyo dzandaiyeuka kubva mubhuku redu renziyo. Zuva rimwe nerimwe ndaifungisisa rugwaro rwandainge ndadzidzira nomusoro. Ndasunungurwa, ndakaramba ndiine purogiramu yakanaka yokurayiridzwa mune zvokunamata. Zuva rimwe nerimwe, ndaiverenga rugwaro rweBhaibheri rwezuva iroro nemhuri yangu. Taigadzirirawo misangano yose.”

Amai Vanosunungurwa Mujeri

Amai vakasunungurwa pashure pemakore anongoti darikei maviri. Vakashandisa rusununguko rwavo kudzidza Bhaibheri naHannelore uye Sabine, vachivabatsira kuti vave nokutenda kwakasimba. Vakavadzidzisawo kuti vaizoita sei nenyaya dzaimuka kuchikoro nemhaka yokutenda kwavo muna Mwari. Hannelore anoti: “Taisafunga nezvezvaizoitika nokuti taikurudzirana tiri kumba. Kubatana kwemhuri yedu kwaibatsira pazvinetso zvipi nezvipi zvataisangana nazvo.”

Hannelore anoenderera mberi achiti: “Taiendeserawo hama dzedu dzaiva mujeri zvokudya zvokunamata. Taikopa nemaoko Nharireyomurindi yose nemabhii maduku-duku papepa raiita kuti zvakanyorwa zvisaoneka. Zvadaro taiputira mapepa acho mupepa risingapindi mvura toaviga mumichero yakaomeswa yataitumira mwedzi mumwe nomumwe. Zvaifadza zvikuru kugamuchira shoko rokuti michero yakaomeswa ‘yainaka chaizvo.’ Taiva takabatikana zvikuru nebasa redu zvokuti ndinogona kutaura kuti yaiva nguva yakanaka.”

Kurarama Munguva Yokurambidzwa

Peter anotsanangura zvazvaiva zvakaita kurarama kwemakumi emakore basa rarambidzwa muEast Germany, anoti: “Taisangana mudzimba dzehama mumapoka maduku, tichisvika uye tichibva panguva yakasiyana-siyana. Pamusangano mumwe nomumwe, taiita urongwa hwenguva inotevera. Taiita izvi nemasaini uye nokunyora mashoko nokuti taigara tichityira kutapwa manzwi neStasi.”

Hannelore anotsanangura kuti: “Dzimwe nguva taigamuchira matepi akarekodhwa epurogiramu dzegungano. Izvi zvaiwanzoita kuti musangano ufadze. Boka redu duku raiungana pamwe chete kwemaawa akawanda kuti titeerere mirayiridzo yeBhaibheri. Kunyange taisaona vakurukuri vacho, taiteerera purogiramu zvakanyatsonaka uye tichinyora zvataida.”

Peter anoti: “Hama dzedu dzechiKristu mune dzimwe nyika dzakaita zvose zvadzaigona kuti tiwane mabhuku eBhaibheri. Makore gumi kana kupfuura Berlin Wall isati yaputswa muna 1989, dzaitidhindira mabhuku maduku-duku. Vamwe vaiisa motokari dzavo, mari yavo, uye rusununguko rwavo pangozi kuitira kuti vaendese zvinhu zvokunamata muEast Germany. Rimwe zuva mumwe murume nomudzimai wake vatainge takamirira havana kuuya. Mapurisa aiva aona mabhuku uye akatora motokari yavo. Pasinei nengozi, hatina kumbofunga zvokurega basa kuti tive noupenyu huri nyore.”

Manfred, munun’una wangu akatitengesa muna 1950, anotsanangura zvakamubatsira kuva akatendekazve ndokuramba akasimba anoti: “Pashure pokunge ndambosungwa kwemwedzi mishomanana, ndakatamira kuWest Germany ndokubva ndasiya chokwadi cheBhaibheri. Ndakadzokera kuEast Germany muna 1954 ndokubva ndaroora gore rakatevera racho. Nokukurumidza mudzimai wangu akagamuchira chokwadi cheBhaibheri, uye muna 1957 akabhabhatidzwa. Nokufamba kwenguva, hana yangu yakatanga kundinetsa, uye nokubatsirwa nomudzimai wangu, ndakadzorerwa muungano.”

“Hama dzaindiziva ndisati ndasiya chokwadi dzakandigamuchira norudo, sokunge kuti paiva pasina chakamboitika. Zvaifadza kukwaziswa nokunyemwerera uye kumbundirwa. Ndinofara kwazvo kuyananiswa naJehovha uye nehama dzangu.”

Kurwa Mune Zvokunamata Kunoenderera Mberi

Munhu wose mumhuri yedu aifanira kurwira kutenda zvakasimba. Munun’una wangu Peter anoti: “Nhasi, sezvisina kumboitika, takakomberedzwa nezvinhu zvinotsausa uye zvinokwezva zvakawanda. Basa redu parainge rakarambidzwa, taigutsikana nezvinhu zvataiva nazvo. Somuenzaniso, hapana nomumwe wedu aida kuva kune rimwe boka rechidzidzo nemhaka yezvikonzero zvake, uye hapana ainyunyuta kuti misangano yaiva kure kana kuti yainonoka kutanga. Tose taifara kusangana pamwe chete, kunyange vamwe vedu taifanira kumira kusvikira 11:00 manheru nokuda kwejana redu rokubva panzvimbo yemisangano.”

Muna 1959, Amai vakasarudza kutamira kuWest Germany naSabine, aiva ava nemakore 16. Nemhaka yokuti vaida kushanda kunodiwa vaparidzi voUmambo, vakatumirwa nehofisi yebazi kuEllwangen, Baden-Württemberg. Kushingaira kwaAmai pasinei noutano hwavo hwakanga husina kunaka kwakakurudzira Sabine kuti atange kupayona ava nemakore 18. Sabine paakaroorwa, Amai—pazera remakore 58—vakadzidzira kutyaira motokari kuitira kuti vawedzere basa ravo rokuparidzira. Vaikoshesa basa iri kusvikira parufu rwavo muna 1974.

Kana ndiri ini, mushure mokupedza anenge makore matanhatu kechipiri ndiri mujeri, ndakaendeswa kuWest Germany muna 1965, mhuri yangu isingazivi. Zvisinei, nokufamba kwenguva, mudzimai wangu Anni uye mwanasikana wedu Ruth vakauya kuzogara neni. Ndakakumbira hofisi yebazi kana taigona kunoshanda kwaidiwa vamwe vaparidzi, saka vakatikumbira kuti tiende kuNördlingen, Bavaria. Ndiko kwakakurira Ruth uye hanzvadzi yake Johannes. Anni akatanga kupayona. Muenzaniso wake wakanaka wakaita kuti Ruth atange kupayona pashure chaipo pokupedza chikoro. Vana vedu vari vaviri vakaroorana nemapiyona. Zvino vava nemhuri dzavo uye takakomborerwa nevazukuru vatanhatu.

Muna 1987, ndakawana mukana wokukurumidza kurega basa ndokubatana naAnni muushumiri hwoupiyona. Papera makore matatu ndakakokwa kuti ndizobatsira pabasa rokuwedzera hofisi yebazi muSelters. Pashure peizvi, takabatsira kuvaka Imba Yemagungano yeZvapupu zvaJehovha yokutanga mune yaimbonzi East Germany, muGlauchau, uko takanoshanda sevatarisiri. Nemhaka youtano, takadzokera kuti tive nomwanasikana wedu muUngano yeNördlingen, matiri kushanda semapiyona.

Chinhu chinonyanya kundifadza ndechokuti, vanun’una vangu nehanzvadzi uye vakawanda vemhuri yedu vari kuramba vachishumira Mwari wedu anoshamisa, Jehovha. Mumakore ose aya, takadzidza kuti kana tikaramba takasimba mune zvokunamata, tinogona kuona chokwadi chemashoko ePisarema 126:3 anoti: “Jehovha akaita chinhu chikuru pane zvaakatiitira. Tava kufara.”

[Mufananidzo uri papeji 13]

Pazuva romuchato wedu muna, 1957

[Mufananidzo uri papeji 13]

Nomudzimai wangu muna 1948: (Pamberi, kuruboshwe zvichienda kurudyi) Manfred, Berta, Sabine, Hannelore, Peter; (kumashure, kuruboshwe zvichienda kurudyi) ini naJochen

[Mifananidzo iri papeji 15]

Bhuku duku raishandiswa basa redu parainge rarambidzwa, muchina waishandiswa ne“Stasi” kutapa manzwi

[Kwazvakatorwa]

Forschungs- und Gedenkstätte NORMANNENSTRASSE

[Mufananidzo uri papeji 16]

Nevanun’una vangu: (kumberi, kuruboshwe zvichienda kurudyi) Hannelore naSabine; (kumashure, kuruboshwe zvichienda kurudyi) ini, Jochen, Peter, naManfred