Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Munhu Anopesana naKristu Anofumurwa

Munhu Anopesana naKristu Anofumurwa

Munhu Anopesana naKristu Anofumurwa

WAIZOZVIDZIVIRIRA sei kudai waiziva kuti kune denda rinouraya riri kupararira kwaunogara? Zvichida waizosimbisa urongwa hwako hwomuviri hunodzivirira zvirwere worega kuva pedyo nevanhu vane chirwere chacho. Tinofanira kuitawo saizvozvo mune zvokunamata. Magwaro anotiudza kuti munhu anopesana naKristu “atova munyika.” (1 Johani 4:3) Kana tisingadi kubatwa “nechirwere” chacho, tinofanira kuziva vaya “vanacho” torega kuva pedyo navo. Zvinofadza kuti Bhaibheri rinotipa mashoko akawanda ane chokuita nenyaya iyi.

Mupfungwa yakazara, mashoko okuti anopesana naKristu anoreva vose vanoshora kana kuti vanoreva nhema kuti ndivo Kristu kana kuti vamiririri vake. Jesu pachake akati: “Asiri kurutivi rwangu anopesana neni [kana kuti ndiye munhu anopesana naKristu], uye asingaunganidzi pamwe chete neni anoparadzira.”—Ruka 11:23.

Chokwadi, Johani akanyora nezvomunhu anopesana naKristu makore anopfuura 60 Jesu afa uye amutsirwa kudenga. Saka, mabasa omunhu anopesana naKristu anofanira kunzwisiswa nenzira yaanovhiringidza nayo vateveri vakavimbika vaJesu vari pasi pano.—Mateu 25:40, 45.

Munhu Anopesana naKristu Anopesana Nevateveri vaKristu

Jesu akanyevera vateveri vake kuti nyika yose zvayo yaizovavenga. Akati: “Vanhu vachakuendesai kuti munotambudzwa uye vachakuurayai, uye muchavengwa nemarudzi ose nokuda kwezita rangu. Vaprofita venhema vazhinji vachamuka votsausa vanhu vazhinji.”—Mateu 24:9, 11.

Nokuti vadzidzi vaJesu vanotambudzwa “nokuda kwezita [raJesu],” zviri pachena kuti vanotambudza vacho vanhu vanopesana naKristu. “Vaprofita venhema,” vamwe vavo vaitombova vaKristu, varimowo muboka iri. (2 Johani 7) “Vanhu vanopesana naKristu vazhinji” ava, akanyora kudaro Johani, “vakabva kwatiri, asi vakanga vasiri vamwe vedu; nokuti kudai vakanga vari vamwe vedu, vangadai vakaramba vari pamwe chete nesu.”—1 Johani 2:18, 19.

Mashoko aJesu neaJohani ose anoratidza pachena kuti munhu anopesana naKristu haasi mumwe chete asi kuti anoumbwa nevanhu vakawanda vanopesana naKristu. Uyezve, nokuti ivo vaprofita venhema, chimwe chinangwa chavo chikuru ndechokunyengera vachishandisa chitendero. Ndezvipi zvimwe zvavanoshandisa?

Vanoparadzira Dzidziso Dzenhema Dzechitendero

Muapostora Pauro akanyevera mumwe wake waaishanda naye Timoti kuti angwarire dzidziso dzevakaramba kutenda, sedziya dzaHimeniyo naFiretusi, vaiva ‘neshoko raizopararira seronda rinonyenga.’ Pauro akatizve: “Varume ivava vakatsauka pachokwadi, vachiti kumuka kwakatoitika; uye vari kuparadza kutenda kwevamwe.” (2 Timoti 2:16-18) Zviri pachena kuti Himeniyo naFiretusi vakadzidzisa kuti kumuka kwaiva kwokufananidzira uye kuti vaKristu vakanga vatomutswa mune zvokunamata. Ichokwadi kuti kuva mudzidzi chaiyeiye waJesu kunoita kuti munhu ave mupenyu mukuona kwaMwari, sezvakajekeswa naPauro pachake. (VaEfeso 2:1-5) Kunyange zvakadaro, dzidziso yaHimeniyo naFiretusi yaizvidza chipikirwa chaJesu chokuti vakafa vachamutswa chaizvoizvo kana Umambo hwaMwari hwava kutonga.—Johani 5:28, 29.

Pfungwa dzokuti rumuko nderwokufananidzira dzakazosimudzirwa neboka revanhu vainzi vaGnostic. Zvavaidavira kuti zivo (gnoʹsis muchiGiriki) inogona kuwanwa nenzira yokushandisa masimba omudzimu asinganzwisisiki, vaGnostic vakabatanidza chiKristu chevakaramba kutenda nezivo yechiGiriki nechitendero choKumabvazuva chinodavira mumasimba omudzimu asinganzwisisiki. Somuenzaniso, vaiti zvinhu zvose zvine muviri zvakaipa ndokusaka Jesu asina kuuya munyama asi aingoita sokunge aiva nomuviri wenyama—chitendero chinonzi Docetism. Sezvataona, izvi ndizvo chaizvo zvakanga zvanyeverwa nomuapostora Johani.—1 Johani 4:2, 3; 2 Johani 7.

Dzimwe nhema dzakarukwa mazana emakore akatevera ndedzedzidziso inoti kuna Vanamwari Vatatu vatsvene, inoti Jesu ndiMwari Wemasimbaose uye Mwanakomana waMwari. Mubhuku rake rinonzi The Church of the First Three Centuries, Dr. Alvan Lamson anoti dzidziso yokuti kuna Vanamwari Vatatu “haina kumbotangira muMagwaro evaJudha uye evaKristu zvachose; yakatanga uye yakazopinzwa muchiKristu Navanababa Vaidavira Dzidziso dzaPlato.” “Vanababa Vaidavira Dzidziso dzaPlato” vaiva vanaani? Vaiva vafundisi vakaramba kutenda vainakidzwa nedzidziso dzomuzivi wechihedheni wechiGiriki ainzi Plato.

Kutanga kuvapo kwedzidziso yokuti kuna Vanamwari Vatatu ndiko kwaiva musimboti wevanhu vanopesana naKristu, nokuti dzidziso iyi inosiya Mwari asingazivikanwi uye hairatidzi zvakanaka ukama hwaanahwo noMwanakomana wake. (Johani 14:28; 15:10; VaKorose 1:15) Chimbozvifungawo, munhu ‘angaswedera sei pedyo naMwari’ sezvinokurudzirwa neMagwaro, kana Mwari asinganzwisisiki?—Jakobho 4:8.

Zvinotoita kuti zvinyanye kuvhiringidza ndezvokuti, vashanduri vakawanda veBhaibheri vakabvisa zita raMwari rokuti Jehovha mushanduro dzavo, kunyange zvazvo richiwanika kanopfuura ka7 000 mumagwaro okutanga! Zviri pachena kuti kuedza kuti Wemasimbaose asazivikanwe asi kumuita asina zita kusaremekedza kukuru Musiki wedu neShoko rake rakafuridzirwa. (Zvakazarurwa 22:18, 19) Uyezve, kutsiva zita raMwari nemazita okuremekedza seokuti Ishe uye Mwari kukanganisa munyengetero waJesu wokuenzanisira, une chimwe chikamu chemashoko anoti: “Zita renyu ngaritsveneswe.”—Mateu 6:9.

Vanhu Vanopesana naKristu Vanoramba Umambo hwaMwari

Vanhu vanopesana naKristu vava kushingaira kunyanya ‘mumazuva ano okupedzisira,’ nguva yatiri kurarama iye zvino. (2 Timoti 3:1) Chinhu chikuru chinonyanya kuitwa nevanyengeri ava vemazuva ano ndechokutsausa vanhu panyaya ine chokuita nebasa raJesu saMambo woUmambo hwaMwari, hurumende yokudenga ichakurumidza kutonga nyika yose.—Dhanieri 7:13, 14; Zvakazarurwa 11:15.

Somuenzaniso, vamwe vatungamiriri vezvitendero vanoparidza vachiti Umambo hwaMwari huri mumwoyo mevanhu, pfungwa isiri muMagwaro zvachose. (Dhanieri 2:44) Vamwe vanoti Kristu anoshanda nehurumende dzevanhu nemasangano avo. Asi, Jesu akati: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.” (Johani 18:36) Chokwadi, Satani, kwete Kristu, ndiye “mutongi wenyika” uye “mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino.” (Johani 14:30; 2 VaKorinde 4:4) Ndokusaka Jesu achakurumidza kubvisa hurumende dzose dzevanhu ova Mutongi mukuru wenyika ino. (Pisarema 2:2, 6-9; Zvakazarurwa 19:11-21) Vanhu vanenge vachinyengeterera kuti izvi zviitike pavanodzokorora Munyengetero waShe, unoti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika.”—Mateu 6:10.

Nokuti vanotsigira urongwa hwezvematongerwo enyika ino, vatungamiriri vakawanda vezvitendero vakashora, kunyange kutambudza vaya vanozivisa chokwadi nezvoUmambo hwaMwari. Zvinofadza ndezvokuti bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinotaura nezvehure rokufananidzira—“Bhabhironi Guru”—‘rakadhakwa neropa revatsvene uye neropa rezvapupu zvaJesu.’ (Zvakazarurwa 17:4-6) Rinoitawo unzenza mune zvokunamata nokutsigira “madzimambo” enyika, kana kuti vatongi vezvematongerwo enyika, zvinoita kuti rifarirwe. Mukadzi wokufananidzira uyu chaizvoizvo anomiririra zvitendero zvenhema zvenyika. Ndiye chikamu chikuru chinoumba munhu anopesana naKristu.—Zvakazarurwa 18:2, 3; Jakobho 4:4.

Munhu Anopesana naKristu ‘Anofadza Nzeve’

Pane kungoramba chokwadi cheBhaibheri, vakawanda vanozviti vaKristu vakaramba mitemo yeBhaibheri yetsika kuti vatevedzere tsika dzakakurumbira. Shoko raMwari rakafanotaura kuti izvi zvaizoitika, richiti: “Pachava nenguva [vanhu vanoti vanoshumira Mwari] yavasingazoshiviriri kudzidzisa kunopa utano, asi, maererano nezvavanoda, vachazviunganidzira vadzidzisi kuti vafadze nzeve dzavo.” (2 Timoti 4:3) Ava vanodzidzisa nhema dzezvitendero vanonziwo “vaapostora venhema, vashandi vanonyengera, vanozvichinja kuva vaapostora vaKristu.” Bhaibheri rinoenderera mberi richiti: “Kuguma kwavo kuchava maererano nemabasa avo.”—2 VaKorinde 11:13-15.

Mabasa avo anosanganisira ‘mabasa okusazvibata,’ anenge achitoratidza kushinga kuzvidza tsika dzakanaka chaizvo. (2 Petro 2:1-3, 12-14) Hatisi kuona nhamba yevatungamiriri vezvitendero iri kuwedzera uye yevateveri vavo vachitsigira—kana vasingashori—miitiro isiri yechiKristu, yakadai soungochani uye kurara pamwe chete kunoitwa nevanhu vasina kuroorana here? Tapota chimbozvipa nguva yokuenzanisa mafungiro nemararamiro aya anogamuchirwa kwazvo, nezvinotaurwa neBhaibheri pana Revhitiko 18:22; VaRoma 1:26, 27; 1 VaKorinde 6:9, 10; VaHebheru 13:4; naJudha 7.

“Edzai Kutaura Kwakafuridzirwa”

Tichifunga nezvezvatakurukura, tinofanira kuteerera mashoko omuapostora Johani okuti tisarerutsa zvatinotenda. “Musatenda kutaura kwose kwakafuridzirwa,” anonyevera kudaro, “asi edzai kutaura kwakafuridzirwa kuti muone kana kuchibva kuna Mwari, nokuti vaprofita venhema vazhinji vakaoneka munyika.”—1 Johani 4:1.

Chimbofunga nezvomuenzaniso wakanaka wevamwe vanhu vakanga vaine “pfungwa dzakanaka” vaigara muguta reBheriya muzana remakore rokutanga. “Vakagamuchira shoko nepfungwa dzinoda kwazvo, vachinyatsoongorora Magwaro zuva nezuva kana zvinhu izvi [zvakanga zvataurwa naPauro naSirasi] zvakanga zvakadaro.” (Mabasa 17:10, 11) Chokwadi, kunyange zvazvo vaida chaizvo kudzidza, vaBheriya vakava nechokwadi chokuti zvavakanga vanzwa uye vagamuchira zvaibva chaizvoizvo muMagwaro.

Nhasiwo, vaKristu vechokwadi havavhiringidzwi nemafungiro aripo anochinja-chinja akapararira asi vanobatisisa chokwadi cheBhaibheri. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Izvi ndizvo zvandinoramba ndichinyengeterera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchiwanda nezivo yakarurama uye noungwaru hwakazara.”VaFiripi 1:9.

Kana usati waita izvi, vavarira kuwana “zivo yakarurama uye noungwaru hwakazara” nokudzidza zvinodzidziswa neBhaibheri chaizvo. Vaya vanotevedzera vaBheriya havanyengerwi “nemashoko enhema” evanhu vanopesana naKristu. (2 Petro 2:3) Pane kudaro, vanosunungurwa nechokwadi chokunamata chaKristu chaiye nevateveri vake vechokwadi.—Johani 8:32, 36.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 4]

ZVINOTAURA BHAIBHERI NEZVOMUNHU ANOPESANA NAKRISTU

“Vana vaduku, iawa yokupedzisira [zviri pachena kuti kuguma kwenguva yevaapostora], uye, sokunzwa kwamakaita kuti munhu anopesana naKristu ari kuuya, kunyange zvino kwazova nevanhu vanopesana naKristu vazhinji.”—1 Johani 2:18.

“Murevi wenhema ndiani kana asiri uya anoramba kuti Jesu ndiye Kristu? Uyu ndiye munhu anopesana naKristu, uyo anoramba Baba noMwanakomana.”—1 Johani 2:22.

“Kutaura kwose kwakafuridzirwa kusingabvumi Jesu hakubvi kuna Mwari. Uyezve, uku ndiko kutaura kwakafuridzirwa kwomunhu anopesana naKristu kwamakanzwa kuti kwakanga kuchiuya, uye zvino kwatova munyika.”—1 Johani 4:3.

“Vanyengeri vazhinji vakaoneka munyika, vanhu vasingabvumi kuti Jesu Kristu akauya ari munhu wenyama. Uyu ndiye munyengeri uye munhu anopesana naKristu.”—2 Johani 7.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 5]

MUNYENGERI ANOUYA NENZIRA DZAKAWANDA

Mashoko okuti “munhu anopesana naKristu” anoreva vose vanoramba zvinotaura Bhaibheri nezvaJesu Kristu, vose vanoshora Umambo hwake, uye vose vanonetsa vateveri vake. Anorevawo vanhu, masangano, uye marudzi anotaura nenzira yenhema kuti anomiririra Kristu kana kuti anozvipa basa raMesiya nenzira isina kukodzera nokuvimbisa achizvikudza kuti anokwanisa kuita zvinhu zvinongokwaniswa kuitwa naKristu chete—kuunza rugare rwechokwadi nokuchengeteka.

[[Kwazvakatorwa]

Augustine: ©SuperStock/age fotostock

[Mufananidzo uri papeji 7]

SevaBheriya, tinofanira ‘kuongorora Magwaro zuva nezuva’